Mapisarema 41:1-13

  • Munyengetero wemunhu ari pamubhedha achirwara

    • Mwari anotsigira varwere (3)

    • Kutengeswa neshamwari yepedyo (9)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 41  Anofara munhu wese ane hanya nemunhu akaderera;+Jehovha achamununura pazuva redambudziko.   Jehovha achamuchengetedza oita kuti arambe ari mupenyu. Iye achanzi anofara panyika;+Hamuzombomuisi mumaoko evavengi vake.+   Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake;+Mukurwara kwake muchachinja mubhedha wake zvakakwana.   Nekuti ndakati: “Jehovha, ndinzwireiwo nyasha.+ Ndiporeseiwo,*+ nekuti ndakakutadzirai.”+   Asi vavengi vangu vanotaura zvakaipa nezvangu vachiti: “Achafa riini, zita rake riparare?”   Kana mumwe wavo akauya kuzondiona, mwoyo wake unotaura nhema. Anotsvaga zvinhu zvakaipa zvekuzotaura;Anobva abuda onozviparadzira kune vamwe vanhu.   Vese vaya vanondivenga vanozevezerana;Vari kundirongera zvakaipa vachiti:   “Abatwa nechirwere chakaipa;*Iye zvino arara, haachamuki zvakare.”+   Kunyange munhu wandaiva nerugare naye, wandaivimba naye,+Aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.*+ 10  Asi imi Jehovha, ndinzwireiwo nyasha uye ndisimudzei,Kuti ndivatsive. 11  Ndichaziva kuti munondifarira kana izvi zvaitika: Kana muvengi wangu akasapemberera achifara kuti andikunda.+ 12  Asi ini munonditsigira nekuti ndakaperera kwamuri;+Mucharamba makandiisa pamberi penyu nekusingaperi.+ 13  Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzweNariini nariini.+ Ameni, Ameni.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Poresai mweya wangu.”
Kana kuti “Chinhu chinotyisa chamubata.”
Kana kuti “andipandukira.”