Mapisarema 41:1-13
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
41 Anofara munhu wese ane hanya nemunhu akaderera;+Jehovha achamununura pazuva redambudziko.
2 Jehovha achamuchengetedza oita kuti arambe ari mupenyu.
Iye achanzi anofara panyika;+Hamuzombomuisi mumaoko evavengi vake.+
3 Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake;+Mukurwara kwake muchachinja mubhedha wake zvakakwana.
4 Nekuti ndakati: “Jehovha, ndinzwireiwo nyasha.+
Ndiporeseiwo,*+ nekuti ndakakutadzirai.”+
5 Asi vavengi vangu vanotaura zvakaipa nezvangu vachiti:
“Achafa riini, zita rake riparare?”
6 Kana mumwe wavo akauya kuzondiona, mwoyo wake unotaura nhema.
Anotsvaga zvinhu zvakaipa zvekuzotaura;Anobva abuda onozviparadzira kune vamwe vanhu.
7 Vese vaya vanondivenga vanozevezerana;Vari kundirongera zvakaipa vachiti:
8 “Abatwa nechirwere chakaipa;*Iye zvino arara, haachamuki zvakare.”+
9 Kunyange munhu wandaiva nerugare naye, wandaivimba naye,+Aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.*+
10 Asi imi Jehovha, ndinzwireiwo nyasha uye ndisimudzei,Kuti ndivatsive.
11 Ndichaziva kuti munondifarira kana izvi zvaitika:
Kana muvengi wangu akasapemberera achifara kuti andikunda.+
12 Asi ini munonditsigira nekuti ndakaperera kwamuri;+Mucharamba makandiisa pamberi penyu nekusingaperi.+
13 Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzweNariini nariini.+
Ameni, Ameni.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Poresai mweya wangu.”
^ Kana kuti “Chinhu chinotyisa chamubata.”
^ Kana kuti “andipandukira.”