Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raMapisarema

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Kusiyana kweakarurama neakaipa

      • Mufaro wekuverenga mutemo waMwari (2)

      • Vakarurama vakaita semuti unobereka michero (3)

      • Vakaipa vakaita sehundi inopeperetswa (4)

  • 2

    • Jehovha nemuzodziwa wake

      • Jehovha anoseka marudzi (4)

      • Jehovha anogadza mambo wake (6)

      • Kudzai mwanakomana (12)

  • 3

    • Kuvimba naMwari kunyange upenyu huri mungozi

      • ‘Nei mhandu dzawanda kudai?’ (1)

      • “Ruponeso nderwaJehovha” (8)

  • 4

    • Munyengetero wekuvimba naMwari

      • “Kana mukagumbuka, musatadza” (4)

      • ‘Ndicharara murugare’ (8)

  • 5

    • Jehovha, nzvimbo yekupotera yevakarurama

      • Mwari anovenga zvakaipa (4, 5)

      • “Nditungamirireiwo mukururama kwenyu” (8)

  • 6

    • Kukumbira kunzwirwa nyasha

      • Vakafa havarumbidzi Mwari (5)

      • Mwari anonzwa zvikumbiro zvekunzwirwa nyasha (9)

  • 7

    • Jehovha Mutongi akarurama

      • “Nditongeiwo, Jehovha” (8)

  • 8

    • Kukudzwa kwaMwari uye kuremekedzwa kwemunhu

      • “Zita renyu iguru sei!” (1, 9)

      • ‘Munhu chiiwo zvake?’ (4)

      • Munhu akapfekedzwa korona yekubwinya (5)

  • 9

    • Kuzivisa mabasa aMwari anoshamisa

      • Jehovha, nzvimbo yekupotera (9)

      • Kuziva zita raMwari kuvimba naye (10)

  • 10

    • Jehovha, mubatsiri wemunhu asina mubatsiri

      • Akaipa anozvikudza achiti: “Hakuna Mwari” (4)

      • Asina mubatsiri anotendeukira kuna Jehovha (14)

      • “Jehovha ndiMambo nariini” (16)

  • 11

    • Kupotera muna Jehovha

      • “Jehovha ari mutemberi yake tsvene” (4)

      • Mwari anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga (5)

  • 12

    • Jehovha anosimuka kuti aite chimwe chinhu

      • Zvinotaurwa naMwari zvakachena (6)

  • 13

    • Kumirira kuponeswa naJehovha

      • ‘Nhai Jehovha, kusvikira riini?’ (1, 2)

      • Jehovha anokomborera chaizvo (6)

  • 14

    • Benzi rinorondedzerwa

      • “Jehovha haako” (1)

      • “Hapana ari kuita zvakanaka” (3)

  • 15

    • Ndiani angava muenzi mutende raJehovha?

      • Anotaura chokwadi mumwoyo make (2)

      • Haasvibisi zita remumwe (3)

      • Anochengeta zvaakavimbisa kunyange zvakamuomera (4)

  • 16

    • Jehovha, tsime rezvakanaka

      • “Jehovha ndiye nhaka yangu” (5)

      • ‘Pfungwa dzangu dzinondiruramisa usiku’ (7)

      • ‘Jehovha ari kuruoko rwangu rwerudyi’ (8)

      • “Hamuzondisiyi muGuva” (10)

  • 17

    • Kunyengeterera kudzivirirwa

      • “Makaongorora mwoyo wangu” (3)

      • “Mumumvuri wemapapiro enyu” (8)

  • 18

    • Kurumbidza Mwari nekuda kweruponeso

      • “Jehovha ndiye ibwe rangu” (2)

      • Jehovha, akavimbika kune vakambika (25)

      • Nzira yaMwari yakarurama (30)

      • “Kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru” (35)

  • 19

    • Zvakasikwa naMwari uye mutemo wake zvinomupupurira

      • “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari” (1)

      • Mutemo waMwari wakakwana unodzosa simba (7)

      • “Zvivi zvandisingazivi kuti ndakaita” (12)

  • 20

    • Ruponeso rwamambo akazodzwa naMwari

      • Vamwe vanovimba nengoro, nemabhiza, “asi isu tinodana pazita raJehovha” (7)

  • 21

    • Makomborero anopiwa mambo anovimba naJehovha

      • Mambo anopiwa upenyu hwakareba (4)

      • Vavengi vaMwari vachakundwa (8-12)

  • 22

    • Kubva pakuora mwoyo kuenda pakurumbidza

      • “Mwari wangu, mandisiyirei?” (1)

      • “Vanokanda mijenya pazvipfeko zvangu” (18)

      • Kurumbidza Mwari muungano (22, 25)

      • Nyika yese ichanamata Mwari (27)

  • 23

    • “Jehovha ndiye Mufudzi wangu”

      • “Hapana chandichashayiwa” (1)

      • “Anondizorodza” (3)

      • “Kapu yangu iri kupfachukira” (5)

  • 24

    • Mambo anokudzwa anopinda pamagedhi

      • ‘Nyika ndeyaJehovha’ (1)

  • 25

    • Munyengetero wekukumbira kutungamirirwa uye kuregererwa

      • “Ndidzidzisei makwara enyu” (4)

      • ‘Ushamwari hwepedyo naJehovha’ (14)

      • “Regererai zvivi zvangu zvese” (18)

  • 26

    • Kufamba ndakaperera

      • “Ndiongororei, haiwa Jehovha” (2)

      • Kusashamwaridzana nevakaipa (4, 5)

      • ‘Ndichafamba ndichitenderera atari yaMwari’ (6)

  • 27

    • Jehovha, nhare yeupenyu hwangu

      • Kukoshesa temberi yaMwari (4)

      • Jehovha ane hanya kunyange vabereki vakashaya hanya (10)

      • “Tarisira kuna Jehovha” (14)

  • 28

    • Munyengetero wemunyori weMapisarema unonzwiwa

      • ‘Jehovha, simba rangu nenhoo yangu’ (7)

  • 29

    • Inzwi raJehovha rine simba

      • Namatai makapfeka zvishongo zvitsvene (2)

      • “Inzwi raMwari anokudzwa rinotinhira” (3)

      • Jehovha anosimbisa vanhu vake (11)

  • 30

    • Kuchema kunochinja kuva kupembera

      • Kufarirwa naMwari ndekweupenyu hwese (5)

  • 31

    • Kupotera kuna Jehovha

      • “Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu” (5)

      • “Jehovha, Mwari anoda chokwadi” (5)

      • Mwari akanaka zvikuru (19)

  • 32

    • Vanofara vaya vakaregererwa

      • ‘Ndakareurura chivi changu kwamuri’ (5)

      • Mwari anokupa njere (8)

  • 33

    • Musiki ngaarumbidzwe

      • “Muimbirei rwiyo rutsva” (3)

      • Kusikwa kwezvinhu neshoko raJehovha uye nemweya wake (6)

      • Rudzi rwaJehovha runofara (12)

      • Ziso raJehovha riri pane vanomutya (18)

  • 34

    • Jehovha anonunura vashumiri vake

      • “Ngatikudzei zita rake pamwe chete” (3)

      • Ngirozi yaJehovha inodzivirira (7)

      • “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka” (8)

      • ‘Hapana kana pfupa rake rimwe chete rakatyorwa’ (20)

  • 35

    • Munyengetero wekukumbira kununurwa pavavengi

      • Vavengi vachadzingirwa kure (5)

      • Kurumbidza Mwari pakati pevanhu vazhinji (18)

      • Kuvengwa pasina chikonzero (19)

  • 36

    • Kukosha kwerudo rwaMwari rusingachinji

      • Akaipa haatyi Mwari (1)

      • Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu (9)

      • “Chiedza chenyu chinoita kuti tione chiedza” (9)

  • 37

    • Vaya vanovimba naJehovha vachabudirira

      • Usarwadziwa nemhaka yevakaipa (1)

      • “Wana mufaro mukuru muna Jehovha” (4)

      • “Isa nzira yako pana Jehovha” (5)

      • “Vanyoro vachagara nhaka yenyika” (11)

      • Vakarurama havazoshayi chingwa (25)

      • Vakarurama vachararama nekusingaperi panyika (29)

  • 38

    • Munyengetero wekupfidza zvivi wemunhu ari kutambudzika

      • ‘Kushungurudzika uye kusuruvara zvikuru’ (6)

      • Jehovha anonzwa vaya vanomumirira (15)

      • “Ndaitambudzwa nechivi changu” (18)

  • 39

    • Upfupi hweupenyu

      • Munhu akafanana nemhepowo zvayo inofemwa (5, 11)

      • “Musaita semusiri kuona misodzi yangu” (12)

  • 40

    • Kuonga Mwari asina waakaenzana naye

      • Mabasa aMwari akawanda zvekusatsanangurika (5)

      • Zvibayiro hazvisi izvo zvinonyanya kukosheswa naMwari (6)

      • “Ndinofarira kuita kuda kwenyu” (8)

  • 41

    • Munyengetero wemunhu ari pamubhedha achirwara

      • Mwari anotsigira varwere (3)

      • Kutengeswa neshamwari yepedyo (9)

  • 42

    • Kurumbidza Mwari seMuponesi Mukuru

      • Nyota yekuda kuva naMwari senondo ine nyota yemvura (1, 2)

      • “Nei ndisina kugadzikana mukati mangu” (5, 11)

      • “Mirira Mwari” (5, 11)

  • 43

    • Mwari seMutongi anonunura

      • “Tumai chiedza chenyu nechokwadi” (3)

      • “Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?” (5)

      • “Mirira Mwari” (5)

  • 44

    • Munyengetero wekukumbira kubatsirwa

      • “Ndimi makatiponesa” (7)

      • ‘Semakwai anofanira kuurayiwa’ (22)

      • “Simukai semubatsiri wedu!” (26)

  • 45

    • Muchato wamambo akazodzwa

      • Anotaura mashoko enyasha (2)

      • “Mwari ndiye chigaro chako cheumambo nariini” (6)

      • Mambo anosuwa runako rwemwenga (11)

      • Vanakomana vova semachinda munyika yese (16)

  • 46

    • “Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera”

      • Mabasa aMwari anoshamisa (8)

      • Mwari anogumisa hondo munyika yese (9)

  • 47

    • Mwari ndiye Mambo munyika yese

      • ‘Jehovha anoshamisa’ (2)

      • Imbai muchirumbidza Mwari (6, 7)

  • 48

    • Ziyoni, guta raMambo Mukuru

      • Mufaro wenyika yese (2)

      • Ongororai guta neshongwe dzaro (11-13)

  • 49

    • Kuvimba nepfuma hakuna maturo

      • Hapana munhu anogona kudzikinura mumwe (7, 8)

      • Mwari anodzikinura kubva muGuva (15)

      • Pfuma haigoni kuponesa parufu (16, 17)

  • 50

    • Mwari anotonga pakati pevakavimbika nevakaipa

      • Sungano yaMwari pachishandiswa chibayiro (5)

      • “Mwari pachake ndiye Mutongi” (6)

      • Mhuka dzese ndedzaMwari (10, 11)

      • Mwari anofumura vakaipa (16-21)

  • 51

    • Munyengetero wemunhu ari kupfidza zvivi zvake

      • Aiva nechivi kubva pakunambwa (5)

      • “Ndinatsei chivi changu” (7)

      • “Sikai mwoyo wakachena mandiri” (10)

      • Mwoyo wakapwanyika unofadza Mwari (17)

  • 52

    • Kuvimba nerudo rwaMwari rusingachinji

      • Vanozvirumbidza nezvakaipa vanonyeverwa (1-5)

      • Vanhu vasingadi Mwari vanovimba nepfuma (7)

  • 53

    • Mapenzi anorondedzerwa

      • “Jehovha haako” (1)

      • “Hapana ari kuita zvakanaka” (3)

  • 54

    • Munyengetero wekukumbira kubatsirwa pavavengi

      • “Mwari ndiye mubatsiri wangu” (4)

  • 55

    • Munyengetero kana watengeswa neshamwari

      • Kushorwa neshamwari yepedyo (12-14)

      • “Kanda mutoro wako pana Jehovha” (22)

  • 56

    • Munyengetero kana uchitambudzwa

      • “Ndinovimba naMwari” (4)

      • “Misodzi yangu muhombodo yenyu” (8)

      • “Munhu wenyama angandiitei?” (4, 11)

  • 57

    • Kukumbira kunzwirwa nyasha

      • Kupotera pasi pemapapiro aMwari (1)

      • Vavengi vanowira mumusungo wavo (6)

  • 58

    • Kuna Mwari anotonga nyika

      • Munyengetero wekuti vakaipa varangwe (6-8)

  • 59

    • Mwari, inhoo uye inzvimbo yekupotera

      • “Musanzwira tsitsi vatengesi” (5)

      • “Ndichaimba nezvesimba renyu” (16)

  • 60

    • Mwari anokunda vavengi

      • Kuponeswa nevanhu hakubatsiri (11)

      • “Tichapiwa simba naMwari” (12)

  • 61

    • Mwari, ishongwe yakasimba pavavengi

      • “Ndichava muenzi mutende renyu” (4)

  • 62

    • Ruponeso rwechokwadi runobva kuna Mwari

      • “Ndinomirira Mwari ndakanyarara” (1, 5)

      • ‘Dururai mwoyo yenyu pamberi paMwari’ (8)

      • Vanhu vakaita semhepowo zvayo inofemwa (9)

      • Usavimba nepfuma (10)

  • 63

    • Kusuwa Mwari

      • “Rudo rwenyu rusingachinji runopfuura upenyu” (3)

      • ‘Kugutswa nezvakanakisisa’ (5)

      • Kufungisisa nezvaMwari usiku (6)

      • ‘Ndinonamatira kuna Mwari’ (8)

  • 64

    • Kudzivirirwa pakurwiswa kusingaoneki

      • “Mwari achavapfura” (7)

  • 65

    • Kuchengeta nyika kunoitwa naMwari

      • “Munzwi wemunyengetero” (2)

      • “Anofara munhu wamunosarudza” (4)

      • Zvinhu zvakawanda zvinoratidza kunaka kwaMwari (11)

  • 66

    • Mabasa anoshamisa aMwari

      • “Uyai muone mabasa aMwari” (5)

      • “Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri” (13)

      • Mwari anonzwa munyengetero (18-20)

  • 67

    • Nyika yese ichatya Mwari

      • Nzira yaMwari ichazivikanwa (2)

      • ‘Marudzi ese ngaarumbidze Mwari’ (3, 5)

      • “Mwari achatikomborera” (6, 7)

  • 68

    • ‘Vavengi vaMwari ngavapararire’

      • “Baba venherera” (5)

      • Mwari anopa vakasurukirwa pekugara (6)

      • “Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka” (11)

      • Varume vakazova zvipo (18)

      • ‘Jehovha anotitakurira mutoro wedu zuva nezuva’ (19)

  • 69

    • Munyengetero wekununurwa

      • “Kushingairira imba yenyu kwandipedza” (9)

      • “Ndipindureiwo nekukurumidza” (17)

      • “Vakandipa vhiniga kuti ndinwe” (21)

  • 70

    • Kukumbira kubatsirwa nekukurumidza

      • “Kurumidzai kundibatsira” (5)

  • 71

    • Chivimbo chevakwegura

      • Kuvimba naMwari kubvira paudiki (5)

      • “Kana simba rangu rapera” (9)

      • ‘Mwari akandidzidzisa kubvira ndichiri mudiki’ (17)

  • 72

    • Kutonga kune rugare kwamambo waMwari

      • “Vakarurama vachabudirira” (7)

      • Achatonga kubvira kugungwa kusvika kugungwa (8)

      • Kununurwa pakurwiswa (14)

      • Zvirimwa zvakawanda panyika (16)

      • Zita raMwari rinorumbidzwa nekusingaperi (19)

  • 73

    • Munhu anotya Mwari anopengenuka pamaonero aanoita zvinhu

      • “Tsoka dzangu dzakanga dzava kuda kutsauka” (2)

      • “Ndaiswera ndichitambudzika” (14)

      • “Kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari” (17)

      • Vakaipa vari panotsvedza (18)

      • Kuswedera pedyo naMwari kwakanaka (28)

  • 74

    • Munyengetero wekuti Mwari ayeuke vanhu vake

      • Mabasa aMwari ekuponesa anoyeukwa (12-17)

      • “Yeukai kunyomba kwemuvengi” (18)

  • 75

    • Mwari anotonga zvakarurama

      • Vakaipa vachanwa kapu yaJehovha (8)

  • 76

    • Kukunda kwaMwari vavengi veZiyoni

      • Mwari anoponesa vanyoro (9)

      • Vavengi vanozvikudza vachaninipiswa (12)

  • 77

    • Munyengetero panguva yekutambudzika

      • Kufungisisa mabasa aMwari (11, 12)

      • ‘Ndiani mukuru semi, haiwa Mwari?’ (13)

  • 78

    • Kuchengetwa kwaiitwa vaIsraeri naMwari uye kusava kwavo nekutenda

      • Udzai chizvarwa chinotevera (2-8)

      • “Havana kutenda muna Mwari” (22)

      • “Zviyo zvekudenga” (24)

      • “Vairwadzisa Mutsvene waIsraeri” (41)

      • Kubva kuIjipiti kusvika kuNyika Yakapikirwa (43-55)

      • “Vakaramba vachiedza Mwari” (56)

  • 79

    • Munyengetero pakarwiswa vanhu vaMwari nemarudzi

      • “Tava kuzvidzwa” (4)

      • ‘Tibatsirei nekuda kwezita renyu’ (9)

      • “Tsivai vavakidzani vedu zvakapetwa kanomwe” (12)

  • 80

    • VaIsraeri vanokumbira kuti mufudzi wavo avadzorere pavaimbova

      • “Haiwa Mwari, tidzorerei pataimbova” (3)

      • Israeri semuzambiringa waMwari (8-15)

  • 81

    • Kukurudzirwa kuteerera

      • Musanamata vamwe vanamwari (9)

      • ‘Kudai maingoteerera’ (13)

  • 82

    • Kukurudzirwa kutonga nyaya zvakarurama

      • Mwari “anotonga ari pakati pavanamwari” (1)

      • “Ivai vatongi vevanhu vakaderera” (3)

      • “Muri vanamwari” (6)

  • 83

    • Munyengetero pakutarisana nevavengi

      • “Haiwa Mwari, musanyarara” (1)

      • Vavengi vakaita semasora anobaya anotorwa nechamupupuri (13)

      • Zita raMwari ndiJehovha (18)

  • 84

    • Kusuwa tebhenekeri yaMwari huru

      • MuRevhi anoshuva kuti dai ari shiri (3)

      • “Zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu” (10)

      • “Mwari izuva nenhoo” (11)

  • 85

    • Munyengetero wekukumbira kudzorerwa pavaimbova

      • Mwari achataura nezverugare kuvanhu vakavimbika (8)

      • Rudo rusingachinji uye kutendeka zvichasangana (10)

  • 86

    • Hakuna mwari akaita saJehovha

      • Jehovha akagadzirira kukanganwira (5)

      • Marudzi ese achanamata Jehovha (9)

      • “Ndirayiridzei nezvenzira yenyu” (11)

      • “Batanidzai mwoyo wangu” (11)

  • 87

    • Ziyoni, guta raMwari wechokwadi

      • Vaya vakaberekerwa muZiyoni (4-6)

  • 88

    • Munyengetero wekukumbira kudzivirirwa parufu

      • “Upenyu hwangu hwava pedyo nekupinda muGuva” (3)

      • ‘Mangwanani ega ega ndinonyengetera kwamuri’ (13)

  • 89

    • Kuimba nezverudo rwaJehovha rusingachinji

      • Sungano naDhavhidhi (3)

      • Mwana waDhavhidhi achagara nekusingaperi (4)

      • Akazodzwa anodana Mwari kuti “Baba” (26)

      • Sungano yaDhavhidhi ndeyechokwadi (34-37)

      • Munhu haagoni kupukunyuka Guva (48)

  • 90

    • Mwari wekusingaperi uye munhu anorarama kwenguva diki

      • Makore ane chiuru sezuva razuro (4)

      • Munhu anorarama makore 70 kusvika ku80 (10)

      • “Tidzidzisei kuverenga mazuva edu” (12)

  • 91

    • Kudzivirirwa munzvimbo yaMwari yakavanda

      • Kununurwa pamubati weshiri (3)

      • Kupotera pasi pemapapiro aMwari (4)

      • Kuchengeteka kunyange zviuru zvichiwa (7)

      • Ngirozi dzinorayirwa kuchengetedza (11)

  • 92

    • Jehovha anorumbidzwa nekusingaperi

      • Mabasa ake makuru uye pfungwa dzake dzakadzama (5)

      • ‘Vakarurama vachatumbuka semuti’ (12)

      • Vakwegura vacharamba vachibudirira (14)

  • 93

    • Utongi hwaJehovha hukuru

      • “Jehovha ava Mambo!” (1)

      • “Zviyeuchidzo zvenyu zvakavimbika” (5)

  • 94

    • Munyengetero wekukumbira kuti Mwari atsive

      • ‘Vakaipa vachasvika riini vachipembera?’ (3)

      • Kururamiswa naJah kunoita kuti munhu afare (12)

      • Mwari haazokanganwi vanhu vake (14)

      • ‘Kuronga kuti pave nedambudziko vachishandisa mutemo’ (20)

  • 95

    • Kunamata kwechokwadi kwakabatana nekuteerera

      • “Nhasi kana mukateerera inzwi rake” (7)

      • “Musaomesa mwoyo yenyu” (8)

      • “Havazopindi muzororo rangu” (11)

  • 96

    • “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva”

      • Jehovha, akanyatsokodzera kurumbidzwa (4)

      • Vanamwari vevanhu havana zvavanobatsira (5)

      • Namatai makapfeka zvishongo zvitsvene (9)

  • 97

    • Jehovha anorumbidzwa kupfuura vamwe vanamwari

      • “Jehovha ava Mambo!” (1)

      • Idai Jehovha, vengai zvakaipa (10)

      • Chiedza chevakarurama (11)

  • 98

    • Jehovha, Muponesi uye Mutongi akarurama

      • Ruponeso rwaJehovha runoziviswa (2, 3)

  • 99

    • Jehovha, Mambo mutsvene

      • Anogara pachigaro cheumambo pamusoro pemakerubhi (1)

      • Mwari anoregerera uye anoranga (8)

  • 100

    • Kuonga Musiki

      • “Shumirai Jehovha muchifara” (2)

      • ‘Mwari ndiye akatisika’ (3)

  • 101

    • Mutongi akaperera

      • ‘Handizosiyi munhu anozvikudza akadaro’ (5)

      • “Ndichatarisa vakatendeka” (6)

  • 102

    • Munyengetero wemunhu apererwa ari kudzvinyirirwa

      • “Ndakaita seshiri iri yega” (7)

      • “Mazuva angu ari kuita semumvuri uri kupera” (11)

      • “Jehovha achavakazve Ziyoni” (16)

      • Jehovha aripo nekusingaperi (26, 27)

  • 103

    • “Regai ndirumbidze Jehovha”

      • Mwari anoisa zvivi zvedu kure kure (12)

      • Mwari anonzwira tsitsi sezvinoita baba (13)

      • Mwari anoyeuka kuti tiri guruva (14)

      • Chigaro chaJehovha cheumambo neumambo hwake (19)

      • Ngirozi dzinoita zvinotaurwa naMwari (20)

  • 104

    • Kurumbidza Mwari nekuda kwezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa

      • Nyika icharamba iripo nekusingaperi (5)

      • Waini nechingwa zvekuti vanhu vadye nekunwa (15)

      • “Mabasa enyu akawanda chaizvo!” (24)

      • ‘Kana simba reupenyu rikabviswa, zvinofa’ (29)

  • 105

    • Mabasa aJehovha ekutendeka kuvanhu vake

      • Mwari anoyeuka sungano yake (8-10)

      • “Musabata vazodziwa vangu” (15)

      • Josefa akashandiswa naMwari ari muutapwa (17-22)

      • Zvishamiso zvaMwari muIjipiti (23-36)

      • Israeri anobuda muIjipiti (37-39)

      • Mwari anoyeuka vimbiso yaakaita kuna Abrahamu (42)

  • 106

    • Kusaonga kwevaIsraeri

      • Vakakurumidza kukanganwa mabasa aMwari (13)

      • Kubwinya kwaMwari kwakachinjaniswa nemufananidzo wemombe (19, 20)

      • Vakanga vasingatendi muvimbiso yaMwari (24)

      • Vakatanga kunamata Bhaari (28)

      • Vana vaibayirwa kumadhimoni (37)

  • 107

    • Ongai Mwari nekuda kwemabasa ake anoshamisa

      • Akavatungamirira munzira yakarurama (7)

      • Akagutsa vaiva nenzara nenyota (9)

      • Akavabudisa murima (14)

      • Akatumira shoko rake kuti avaporese (20)

      • Anodzivirira varombo kuti vasadzvinyirirwa (41)

  • 108

    • Munyengetero wekukunda vavengi

      • Kuponeswa nevanhu hakubatsiri (12)

      • “Mwari achaita kuti tiwane simba” (13)

  • 109

    • Munyengetero wemunhu ari kutambudzika

      • “Mumwe munhu ngaatore basa rake” (8)

      • Mwari anomira parutivi pemurombo (31)

  • 110

    • Mambo uye mupristi akaita saMerekizedheki

      • ‘Tonga pakati pevavengi vako’ (2)

      • Vechidiki vanozvipira vakaita semadonhwe edova (3)

  • 111

    • Rumbidzai Jehovha nekuda kwemabasa ake makuru

      • Zita raMwari idzvene uye rinoshamisa (9)

      • Kutya Jehovha ndiwo uchenjeri (10)

  • 112

    • Munhu akarurama anotya Jehovha

      • Munhu anopa nemwoyo wese achabudirira (5)

      • “Munhu akarurama achayeukwa nekusingaperi” (6)

      • Munhu anopa nemwoyo wese anopa varombo (9)

  • 113

    • Mwari ari kumusoro anosimudza vakaderera

      • Zita raJehovha richarumbidzwa nekusingaperi (2)

      • Mwari anokotama (6)

  • 114

    • Israeri anonunurwa kubva muIjipiti

      • Gungwa rakatiza (5)

      • Makomo aisvetuka-svetuka semakondowe (6)

      • Dombo rakaomarara rakachinjwa kuva chitubu chemvura (8)

  • 115

    • Mwari chete ndiye anofanira kupiwa rukudzo

      • Zvidhori zvisina upenyu (4-8)

      • Nyika yakapiwa vanhu (16)

      • “Vakafa havarumbidzi Jah” (17)

  • 116

    • Rwiyo rwekutenda

      • “Ndicharipa Jehovha nechii?” (12)

      • “Ndichatora kapu yeruponeso” (13)

      • “Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha” (14, 18)

      • Rufu rwevanhu vakavimbika inyaya inokosha (15)

  • 117

    • Marudzi ese anokurudzirwa kurumbidza Jehovha

      • Rudo rwaMwari rusingachinji rwakakura (2)

  • 118

    • Kuonga Jehovha nekukunda kwaakaita

      • ‘Ndakadana kuna Jah, uye akapindura’ (5)

      • “Jehovha ari kurutivi rwangu” (6, 7)

      • Dombo rakarambwa richava dombo guru repakona (22)

      • ‘Uya anouya muzita raJehovha’ (26)

  • 119

    • Kuonga Shoko raMwari rinokosha

      • ‘Vechidiki vangaita sei kuti nzira yavo irambe yakachena?’ (9)

      • “Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo” (24)

      • “Shoko renyu ndiro tariro yangu” (74, 81, 114)

      • “Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!” (97)

      • “Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese” (99)

      • “Shoko renyu irambi retsoka dzangu” (105)

      • “Shoko renyu rese ichokwadi” (160)

      • Vanoda mutemo waMwari vane rugare (165)

  • 120

    • Mutorwa ari kushuva rugare

      • ‘Ndinunurei parurimi runonyengera’ (2)

      • “Ndinoda rugare” (7)

  • 121

    • Jehovha anochengetedza vanhu vake

      • “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha” (2)

      • Jehovha haamborari (3, 4)

  • 122

    • Munyengetero werugare rweJerusarema

      • Mufaro wekuenda kuimba yaJehovha (1)

      • Guta rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe (3)

  • 123

    • Kutsvaga kunzwirwa nyasha naJehovha

      • ‘Sevashandi, tinotarisa kuna Jehovha’ (2)

      • ‘Tanzwa nekuzvidzwa’ (3)

  • 124

    • “Kudai Jehovha aisava nesu”

      • Kupukunyuka pachiteyeso chakatyoka (7)

      • ‘Zita raJehovha ndiro rubatsiro rwedu’ (8)

  • 125

    • Jehovha anodzivirira vanhu vake

      • “Sekupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema nemakomo” (2)

      • “Israeri ngaave nerugare” (5)

  • 126

    • Kudzorerwa kweZiyoni kunofadza

      • ‘Jehovha akaita zvinhu zvikuru’ (3)

      • Kuchema kunochinja kuva kupembera (5, 6)

  • 127

    • Kana pasina Mwari, kushandira zvakaoma pasina

      • “Kana Jehovha asingavaki imba” (1)

      • Vana, mubayiro unobva kuna Mwari (3)

  • 128

    • Mufaro unobva pakutya Jehovha

      • Mudzimai akaita semuzambiringa unobereka (3)

      • “Dai ukaona kubudirira kweJerusarema” (5)

  • 129

    • Kurwiswa asi vasingakundwi

      • Vavengi veZiyoni vanonyadziswa (5)

  • 130

    • “Ndinodana kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika”

      • “Kudai maitarisa zvikanganiso” (3)

      • Jehovha anokanganwira zvechokwadi (4)

      • “Ndinomirira Jehovha nemwoyo wese” (6)

  • 131

    • Kugutsikana semwana akarumurwa

      • Kusaita shungu nezvinhu zvikurukuru (1)

  • 132

    • Kusarudzwa kwaDhavhidhi uye kweZiyoni

      • “Musaramba muzodziwa wenyu” (10)

      • Vapristi veZiyoni vanopfekedzwa ruponeso (16)

  • 133

    • Kugarisana pamwe chete

      • Semafuta ari mumusoro maAroni (2)

      • Sedova reHemoni (3)

  • 134

    • Kurumbidza Mwari usiku

      • “Simudzai maoko enyu muutsvene” (2)

  • 135

    • Rumbidzai Jah nekuda kweukuru hwake

      • Zviratidzo nezvishamiso zvekurwisa vaIjipiti (8, 9)

      • “Zita renyu rinogara nekusingaperi” (13)

      • Zvidhori zvisina upenyu (15-18)

  • 136

    • Rudo rwaJehovha rusingachinji runogara nekusingaperi

      • Denga nenyika zvakaitwa neunyanzvi (5, 6)

      • Farao akafira muGungwa Dzvuku (15)

      • Mwari anoyeuka vanhu vakaora mwoyo (23)

      • Zvekudya kuzvinhu zvese zvipenyu (25)

  • 137

    • Pedyo nenzizi dzeBhabhironi

      • Hakuchina nziyo dzeZiyoni dzinoimbwa (3, 4)

      • Bhabhironi richaparadzwa (8)

  • 138

    • Kunyange zvazvo akakwirira, Mwari ane hanya

      • ‘Makapindura munyengetero wangu’ (3)

      • ‘Kunyange ndikafamba nepane njodzi, munondinunura’ (7)

  • 139

    • Mwari anonyatsoziva vashumiri vake

      • Mweya waMwari hautiziki (7)

      • “Ndakaitwa nenzira inoshamisa” (14)

      • ‘Makandiona ndichangotanga kuumbwa’ (16)

      • ‘Nditungamirirei panzira isingagumi’ (24)

  • 140

    • Jehovha, Muponesi ane simba

      • Vanhu vakaipa vakaita senyoka (3)

      • Vanhu vanoda zvemhirizhonga vachafa (11)

  • 141

    • Munyengetero wekukumbira kudzivirirwa

      • “Munyengetero wangu ngauite serusenzi” (2)

      • Kutsiura kwemunhu akarurama kwakaita semafuta (5)

      • Vakaipa vanowira mumambure avo (10)

  • 142

    • Munyengetero wekukumbira kununurwa pavanhu vanotambudza

      • “Hapana kwandingatizira” (4)

      • ‘Ndimi mega wandiinaye’ (5)

  • 143

    • Nyota yekuva naMwari senyika yakaoma

      • “Ndinofungisisa mabasa enyu” (5)

      • “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu” (10)

      • ‘Mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire’ (10)

  • 144

    • Munyengetero wekukunda

      • “Munhu chiiko?” (3)

      • ‘Vavengi ngavaparadzirwe’ (6)

      • Vanofara vanhu vaJehovha (15)

  • 145

    • Kurumbidza Mwari, Mambo mukuru

      • ‘Ndichazivisa ukuru hwaMwari’ (6)

      • “Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese” (9)

      • “Vanhu venyu vakavimbika vachakurumbidzai” (10)

      • Umambo hwaMwari husingagumi (13)

      • Ruoko rwaMwari runogutsa zvipenyu zvese (16)

  • 146

    • Vimba naMwari, kwete nevanhu

      • Munhu paanofa, pfungwa dzake dzinoparara (4)

      • Mwari anosimudza vaya vakakotamiswa (8)

  • 147

    • Kurumbidza mabasa aMwari erudo uye esimba

      • Anoporesa vakaora mwoyo (3)

      • Anoshevedza nyeredzi dzese nemazita (4)

      • Anotuma chando chakachena semvere dzemakwai (16)

  • 148

    • Zvisikwa zvese zvinofanira kurumbidza Jehovha

      • “Murumbidzei, imi ngirozi dzake dzese” (2)

      • ‘Murumbidzei, imi zuva, mwedzi, nenyeredzi’ (3)

      • Vakuru nevadiki vanofanira kurumbidza Mwari (12, 13)

  • 149

    • Rwiyo rwekurumbidza kukunda kwaMwari

      • Mwari anofarira vanhu vake (4)

      • Kukudzwa ndekwevanhu vaMwari vakavimbika (9)

  • 150

    • Chinhu chese chinofema ngachirumbidze Jah

      • Hareruya! (1, 6)