Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

A7-A

Upenyu hwaJesu Panyika—Kusvika Panotanga Ushumiri hwaJesu

Zviitiko Zvemumabhuku Mana eEvhangeri Zvakarongwa Semaitikiro Azvakaita

Mashoko anotevera anoenderana nemamepu ari parutivi pacho anoratidza nzendo dzaJesu dzaaifamba achiparidza. Tuzviratidzo turi pamamepu acho haturatidzi nzira chaidzo dzaakashandisa asi tunoratidza mafambiro aaiita. Chiratidzo ichi chakanzi “c.” chinoreva kuti zviri kutaurwa ipapo zvinofungidzirwa kuti zvakaitika panenge panguva iyoyo.

Kusvika Panotanga Ushumiri hwaJesu

NGUVA

NZVIMBO

ZVAKAITIKA

MATEU

MAKO

RUKA

JOHANI

3 B.C.E.

Jerusarema, temberi

Ngirozi Gabrieri inoudza Zekariya nezvekuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi

   

1:5-25

 

c. 2 B.C.E.

Nazareta; Judhiya

Ngirozi Gabrieri inoudza Mariya nezvekuberekwa kwaJesu; Mariya anoshanyira hama yake Erizabheti

   

1:26-56

 

2 B.C.E.

Nharaunda yeJudhiya ine makomo

Johani Mubhabhatidzi anoberekwa uye anopiwa zita; Zekariya anoprofita; Johani achava murenje

   

1:57-80

 

2 B.C.E., c. Oct. 1

Bhetrehema

Jesu anoberekwa; “Shoko rakava nyama”

1:1-25

 

2:1-7

1:14

Pedyo neBhetrehema; Bhetrehema

Ngirozi inozivisa vafudzi mashoko akanaka; ngirozi dzinorumbidza Mwari; vafudzi vanoshanyira mucheche

   

2:8-20

 

Bhetrehema; Jerusarema

Jesu anochecheudzwa (pazuva rechi8); anoendwa naye kutemberi nevabereki vake (pashure pemazuva 40)

   

2:21-38

 

1 B.C.E. kana kuti 1 C.E.

Jerusarema; Bhetrehema; Ijipiti; Nazareta

Vazivi venyeredzi vanoshanya; mhuri inotizira kuIjipiti; Herodhi anouraya vana vakomana; mhuri inodzoka kubva kuIjipiti yonogara kuNazareta

2:1-23

 

2:39, 40

 

12 C.E., Paseka

Jerusarema

Jesu ane makore 12 anobvunza mibvunzo vadzidzisi patemberi

   

2:41-50

 
 

Nazareta

Anodzokera kuNazareta; anoramba achizviisa pasi pevabereki; anodzidza kuveza; Mariya anova nevamwe vanakomana 4 nevanasikana (Mt 13:55, 56; Mk 6:3)

   

2:51, 52

 

29, mwaka wemasutso

Renje, Rwizi rwaJodhani

Johani Mubhabhatidzi anotanga ushumiri hwake

3:1-12

1:1-8

3:1-18

1:6-8