Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 6

Bhaibheri Rakagara Ratii nezvaMesiya?

UPROFITA

“Iwe Bhetrehema Efrata, . . . kwauri kuchabva munhu achava mutongi muIsraeri achindimiririra.”

Mika 5:2

KUZADZISWA KWAHWO

“Pashure pekunge Jesu aberekwa muBhetrehema reJudhiya mumazuva aMambo Herodhi, vazivi venyeredzi vekuMabvazuva vakabva vasvika kuJerusarema.”

Mateu 2:1

UPROFITA

“Vanogovana nguo dzangu, uye vanokandira zvipfeko zvangu mijenya.”

Pisarema 22:18

KUZADZISWA KWAHWO

“Varwi pavakanga varoverera Jesu, vakakamura nguo dzake dzekunze kuita migove mina . . . Asi nguo yemukati yakanga isina musono, nekuti yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvikira pasi. Saka vakataurirana kuti: ‘Ngatiregei kuibvarura, tikande mijenya tione kuti ichava yaani.’”

Johani 19:23, 24

UPROFITA

“Anochengetedza mapfupa ake ese; hapana kana rimwe chete rawo rakatyorwa.”

Pisarema 34:20

KUZADZISWA KWAHWO

“Asi pavakasvika pana Jesu, vakaona kuti akanga atofa, saka havana kutyora makumbo ake.”

Johani 19:33

UPROFITA

“Akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.”

Isaya 53:5

KUZADZISWA KWAHWO

“Mumwe murwi akamubaya parutivi pake nepfumo, ropa nemvura zvikabva zvabuda.”

Johani 19:34

UPROFITA

“Vakabva vandibhadhara masirivha 30.”

Zekariya 11:12, 13

KUZADZISWA KWAHWO

“Mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Judhasi Iskariyoti, akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi, akati: ‘Ndikamutengesa kwamuri munondipei?’ Ivo vakati vaizomupa masirivha 30.”

Mateu 26:14, 15; 27:5