Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 16

Ungaita Sei Kuti Usagara Uchizvidya Mwoyo?

“Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.”

Pisarema 55:22

“Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire, asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.”

Zvirevo 21:5

“Usatya, nekuti ndinewe. Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.”

Isaya 41:10

“Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo?”

Mateu 6:27

“Saka musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”

Mateu 6:34

“Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”

VaFiripi 1:10

“Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.”

VaFiripi 4:6, 7