Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 2

Ungadzidza Sei nezvaMwari?

“Bhuku iri reMutemo harifaniri kubva pamuromo wako, unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi pasi siku nesikati, kuti unyatsochengeta zvese zvakanyorwa mariri; nekuti kana ukadaro zvinhu zvichakufambira zvakanaka, uye uchava akachenjera pane zvaunoita.”

Joshua 1:8

“Vakaramba vachiverenga bhuku racho nenzwi riri pamusoro, kubva muMutemo waMwari wechokwadi, vachiutsanangura zvakajeka, vachiududzira; saka vakabatsira vanhu kunzwisisa zvaiverengwa zvacho.”

Nehemiya 8:8

“Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa . . . , asi chaanofarira mutemo waJehovha, uye anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi siku nesikati. . . . Uye zvese zvaanoita zvichabudirira.”

Pisarema 1:1-3

“Firipi akamhanya ari parutivi payo, akamunzwa achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya, akati: ‘Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?’ Iye akati: ‘Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?’”

Mabasa 8:30, 31

“Kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, kubvira pakasikwa nyika, vanhu vagara vachikwanisa kuziva simba rake risingagumi uye kuva kwake Mwari, nekuti vanogona kuzvinzwisisa kubva pazvinhu zvakasikwa, zvekuti havangazoti takanga tisingazivi.”

VaRoma 1:20

“Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese.”

1 Timoti 4:15

“Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu.”

VaHebheru 10:24, 25

“Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari uye achahupiwa, nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.”

Jakobho 1:5