Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 12

Tingava Netariro Yei Panyaya Yevanhu Vakafa?

“Musashamiswa neizvi, nekuti nguva iri kuuya yekuti vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake, vobuda.”

Johani 5:28, 29

“Kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.”

Mabasa 24:15

“Ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu. Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo. Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.”

Zvakazarurwa 20:12, 13