Mapisarema 36:1-12

  • Kukosha kwerudo rwaMwari rusingachinji

    • Akaipa haatyi Mwari (1)

    • Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu (9)

    • “Chiedza chenyu chinoita kuti tione chiedza” (9)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, mushumiri waJehovha. 36  Kudarika kunotaura nemunhu akaipa nechemukatikati memwoyo wake;Kutya Mwari hakusi pamberi pake.+   Nekuti anonyanya kuzvirumbidza achizvinyengeraZvekuti haatombooni zvaanotadza kana kuzvivenga.+   Mashoko emuromo wake anorwadza uye anonyengera;Haaratidzi njere pakuita zvakanaka.   Anoronga mazano ekuita zvakaipa kunyange ari pamubhedha wake. Ari munzira isina kunaka;Haarambi zvakaipa.   Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runosvika kumatenga,+Kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.   Kururama kwenyu kwakaita semakomo makuru;*+Mitongo yenyu yakaita semvura zhinji yakadzika.+ Haiwa Jehovha, munochengetedza* vanhu uye mhuka.+   Rudo rwenyu rusingachinji runokosha kwazvo, haiwa Mwari.+ Mumumvuri wemapapiro enyu, vanakomana vevanhu vanopotera.+   Vanonwa zvinhu zvakawanda* zvemumba menyu kusvikira vaguta,+Uye munoita kuti vanwe murukova rwezvinhu zvenyu zvinofadza.+   Kwamuri ndiko kunobva upenyu;*+Chiedza chenyu chinoita kuti tione chiedza.+ 10  Rambai muchiratidza vaya vanokuzivai rudo rwenyu rusingachinji,+Uye muchiratidza kururama kwenyu vaya vakarurama mumwoyo.+ 11  Musaita kuti tsoka yevanozvikudza inditsikeKana kuti ruoko rwevakaipa rundidzinge. 12  Ikoko ndiko kwakawira vanoita zvakaipa;Vakawisirwa pasi, uye havakwanisi kumuka.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “semakomo aMwari.”
Kana kuti “munoponesa.”
ChiHeb., “zvakakora.”
Kana kuti “kune tsime reupenyu.”