Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 8:12-59

  • Baba vanopupurira Jesu (12-30)

    • Jesu, “chiedza chenyika” (12)

  • Vana vaAbrahamu (31-41)

    • “Chokwadi chichakusunungurai” (32)

  • Vana vaDhiyabhorosi (42-47)

  • Jesu naAbrahamu (48-59)

8  12  Jesu akabva ataurazve navo, achiti: “Ndini chiedza chenyika.+ Wese anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza+ cheupenyu.” 13  Saka vaFarisi vakati kwaari: “Unozvipupurira; uchapupu hwako hahusi hwechokwadi.” 14  Jesu akavapindura achiti: “Kunyange kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu ndehwechokwadi, nekuti ndinoziva kwandakabva nekwandiri kuenda.+ Asi imi hamuzivi kwandakabva nekwandiri kuenda. 15  Munotonga maererano nenyama;*+ ini handina kana munhu wandinotonga. 16  Asi kunyange ndikatonga, mutongo wangu ndewechokwadi, nekuti handisi ndega, asi Baba vakandituma vaneni.+ 17  Uyewo muMutemo wenyu makanyorwa kuti: ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.’+ 18  Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.”+ 19  Ivo vakabva vati kwaari: “Baba vako vari kupi?” Jesu akapindura kuti: “Hamundizivi uye hamuziviwo Baba vangu.+ Kudai maindiziva, mungadai muchizivawo Baba vangu.”+ 20  Akataura mashoko aya ari munzvimbo yaiiswa pfuma+ achidzidzisa mutemberi. Asi hapana akamubata, nekuti nguva yake yakanga isati yakwana.+ 21  Saka akatizve kwavari: “Ndiri kuenda, uye muchanditsvaga, asi imi muchafira muchivi chenyu.+ Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda.”+ 22  VaJudha vakabva vatanga kuti: “Asi ari kuda kuzviuraya? Nekuti ari kuti, ‘Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda.’” 23  Iye akabva ati kwavari: “Imi muri vepasi; ini ndiri wekumusoro.+ Imi muri vepanyika pano; ini handisi wepanyika pano. 24  Ndokusaka ndati kwamuri: Muchafira muzvivi zvenyu. Nekuti kana musingatendi kuti ndini wacho, muchafira muzvivi zvenyu.” 25  Saka vakatanga kuti kwaari: “Ndiwe ani?” Jesu akavapindura kuti: “Ndiri kumbotaurirei nemi? 26  Ndine zvinhu zvakawanda zvekutaura nezvenyu uye zvekupa mutongo pamusoro pazvo. Chokwadi ndechekuti uya akandituma ndewechokwadi, uye ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari.”+ 27  Havana kunzwisisa kuti akanga achitaura navo nezvaBaba. 28  Jesu akabva ati: “Pamunenge masimudza Mwanakomana wemunhu+ ndipo pamuchaziva kuti ndini wacho,+ uye kuti handiiti chinhu chandinozvitangira ndega;+ asi ndinotaura zvinhu izvi sekudzidziswa kwandakaitwa naBaba. 29  Uye uya akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndega, nekuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”+ 30  Paaitaura zvinhu izvi, vakawanda vakatenda maari. 31  Jesu akabva ati kuvaJudha vakanga vatenda maari: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, 32  uye muchaziva chokwadi,+ uye chokwadi chichakusunungurai.”+ 33  Ivo vakamupindura kuti: “Tiri vana vaAbrahamu uye hatina kumbobvira tava varanda vemunhu. Saka sei uchiti, ‘Muchasunungurwa’?” 34  Jesu akavapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anoita chivi muranda wechivi.+ 35  Zvakare, muranda haarambi ari pamba patenzi wake nekusingaperi; mwanakomana anoramba aripo nekusingaperi. 36  Saka kana Mwanakomana akakusunungurai, munenge masunungurwa zvechokwadi. 37  Ndinoziva kuti muri vana vaAbrahamu. Asi muri kutsvaga kundiuraya, nekuti shoko rangu haripindi mamuri. 38  Ndinotaura zvinhu zvandakaona pandaiva naBaba vangu,+ asi imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” 39  Ivo vakamupindura kuti: “Baba vedu ndiAbrahamu.” Jesu akati kwavari: “Kudai muri vana vaAbrahamu,+ mungadai muchiita mabasa aAbrahamu. 40  Asi zvino muri kutsvaga kundiuraya, ini munhu akakuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari.+ Abrahamu haana kumbodaro. 41  Muri kuita mabasa ababa venyu.” Ivo vakati kwaari: “Hatisi vana veupombwe;* tina Baba vamwe chete, iye Mwari.” 42  Jesu akati kwavari: “Dai Mwari ari Baba venyu, maindida,+ nekuti ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano. Handina kuzvisarudzira ndega kuuya, asi ndiye akandituma.+ 43  Nei musiri kunzwisisa zvandiri kutaura? Nekuti hamugoni kuteerera shoko rangu. 44  Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvido zvababa venyu.+ Iye akanga ari muurayi paakatanga,*+ uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nekuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nezvaari, nekuti iye murevi wenhema nababa venhema.+ 45  Asi ini hamunditendi, nekuti ndinokutaurirai chokwadi. 46  Ndiani wenyu angaratidza pachena kuti ndine chivi? Kana ndichitaura chokwadi, nei musinganditendi? 47  Uya anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari.+ Chinoita kuti musateerera, ndechekuti hamubvi kuna Mwari.”+ 48  VaJudha vakamupindura vachiti: “Hatina kutaura chokwadi here patataura kuti, ‘Uri muSamariya+ uye une dhimoni’?”+ 49  Jesu akapindura kuti: “Handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu, uye imi munondizvidza. 50  Asi handisi kuzvitsvagira kukudzwa;+ ariko anoda kuti ndikudzwe uye ndiye anotonga. 51  Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.”+ 52  VaJudha vakati kwaari: “Iye zvino tava kunyatsoziva kuti une dhimoni. Abrahamu akafa, uye vaprofita vakafawo, asi iwe unoti, ‘Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazomboraviri rufu.’ 53  Uri mukuru here kuna baba vedu Abrahamu vakafa? Vaprofita vakafawo. Unoda kuzviita ani?” 54  Jesu akapindura achiti: “Kana ndikazvipa rukudzo, rukudzo rwangu harubatsiri. Baba vangu ndivo vanondikudza,+ ivo vamunoti ndiye Mwari wenyu. 55  Asi hamusati mavaziva,+ asi ini ndinovaziva.+ Kudai ndati handivazivi ndinenge ndangofanana nemi, ndava murevi wenhema. Asi ini ndinovaziva uye ndiri kuchengeta shoko ravo. 56  Abrahamu baba venyu vakafara chaizvo vachitarisira kuona zuva rangu, uye vakariona, vakafara.”+ 57  VaJudha vakabva vati kwaari: “Iwe hausati wasvitsa makore 50, saka uri kuti wakaona Abrahamu chirudzii?” 58  Jesu akati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Abrahamu asati avako, ini ndakanga ndavako.”+ 59  Saka vakanhonga matombo vachida kumutema, asi Jesu akahwanda, akabuda mutemberi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nezvinofungwa nevanhu.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kubvira pakutanga.”