Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 15:1-27

  • Mufananidzo wemuzambiringa wechokwadi (1-10)

  • Murayiro wekuratidza rudo rwakafanana nerwaKristu (11-17)

    • ‘Hapana rudo rukuru kupfuura urwu’ (13)

  • Nyika inovenga vadzidzi vaJesu (18-27)

15  “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi.  Vanobvisa bazi rese riri pandiri risingabereki, uye vanochenesa ese anobereka, kuti abereke zvakawanda.+  Makatochena nekuda kweshoko randakataura kwamuri.+  Rambai muri pamwe neni, uye ini ndicharamba ndiri pamwe nemi. Sezvo bazi risingagoni kubereka riri rega kunze kwekunge raramba riri pamuzambiringa, imiwo hamugoni kubereka kunze kwekunge maramba muri pamwe neni.+  Ndini muzambiringa; imi muri mapazi. Wese anoramba ari pamwe neni uye ini ndiri pamwe naye, anobereka zvakawanda;+ nekuti hapana chamunokwanisa kuita musiri pamwe neni.  Kana munhu asingarambi ari pamwe neni, anokandwa kunze sebazi, ooma. Uye vanhu vanounganidza mapazi iwayo voakanda mumoto, otsva.  Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chero chamunoda uye muchachiitirwa.+  Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye kuti munoratidza kuti muri vadzidzi vangu.+  Sekudiwa kwandakaitwa naBaba,+ ini ndakakudaiwo; rambai muri murudo rwangu. 10  Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sekuchengetawo kwandakaita mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo. 11  “Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti mufaro wangu uve mamuri uye mufaro wenyu uzadziswe.+ 12  Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sekuda kwandakakuitai.+ 13  Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake* achifira shamwari dzake.+ 14  Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.+ 15  Handichakutiizve varanda, nekuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndava kukutii shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu. 16  Hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai, uye ndakakugadzai kuti muende, moramba muchibereka zvibereko uye kuti zvibereko zvenyu zvirambe zviripo, kuti chese chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.+ 17  “Ndinokurayirai zvinhu izvi, kuti mudanane.+ 18  Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.+ 19  Kudai maiva venyika, nyika ingadai ichida vayo. Asi sezvo musiri venyika,+ uye ndakakusarudzai munyika, nyika inokuvengai nechikonzero ichi.+ 20  Rambai muchifunga nezveshoko randakakuudzai rekuti: Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo;+ kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21  Asi vachakuitirai zvese izvi nekuda kwezita rangu, nekuti havazivi akandituma.+ 22  Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura navo, vangadai vasina chivi.+ Asi iye zvino havana chikonzero chavangapa pachivi chavo.+ 23  Wese anondivenga anovengawo Baba vangu.+ 24  Dai ndakanga ndisina kuita mabasa asina kumboitwa nemumwe munhu pakati pavo, vangadai vasina chivi;+ asi zvino vakandiona uye vakandivenga pamwe naBaba vangu. 25  Asi izvi zvakaitika kuti shoko rakanyorwa muMutemo wavo rizadziswe, rekuti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’+ 26  Pachasvika mubatsiri wandichakutumirai kubva kuna Baba, iwo mweya wechokwadi,+ unobva kuna Baba, iwoyo uchandipupurira;+ 27  uye imiwo munofanira kupupura,+ nekuti manga muineni kubvira pandakatanga.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya wake.”