Zvirevo 8:1-36

  • Uchenjeri hunotaura semunhu (1-36)

    • ‘Ndini kutanga kwenzira dzaMwari’ (22)

    • ‘Ndaiva padivi paMwari ndiri mhizha’ (30)

    • ‘Ndaifarira vanakomana vevanhu’ (31)

8  Uchenjeri hahusi kushevedzera here? Ungwaru hahusi kusimudza inzwi rahwo here?+   Hunomira panzvimbo dzakakwirira+ pedyo nemugwagwa,Pamharadzano dzenzira.   Pedyo nemagedhi anopinda muguta,Pamasuo anopindwa nawo,Hunoramba huchishevedzera zvine simba huchiti:+   “Ndiri kudanidzira kwamuri, imi vanhu;Ndinoshevedzera kuvanhu vese.*   Imi vasina ruzivo, dzidzai kuva neungwaru;+Imi mapenzi, ivai nemwoyo unonzwisisa.*   Teererai, nekuti zvandinotaura zvinokosha,Muromo wangu unotaura zvakarurama;   Nekuti muromo wangu unotaura chokwadi zvinyoronyoro,Uye miromo yangu inosema zvakaipa.   Zvese zvinotaurwa nemuromo wangu zvakarurama. Hapana chakamonyana kana kuti chisina kururama.   Zvese zvakati twasu kumunhu ane ungwaruUye zvakarurama kune vaya vakawana ruzivo. 10  Gamuchirai kurayira kwangu panzvimbo pesirivha,Uye ruzivo panzvimbo pegoridhe rakanakisisa,+ 11  Nekuti uchenjeri huri nani kupfuura matombo ekorari;*Zvimwe zvinhu zvese zvinofadza hazvingaenzaniswi nahwo. 12  Ini uchenjeri, ndinogara pamwe chete neungwaru;Ndakawana ruzivo uye simba rekukwanisa kunyatsofunga.+ 13  Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+ Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+ 14  Ndine mazano akanaka uye uchenjeri hunobatsira;+Kunzwisisa+ uye simba+ ndezvangu. 15  Achishandisa ini, madzimambo anoramba achitonga,Uye makurukota anorayira zvakarurama.+ 16  Achishandisa ini, machinda anoramba achitonga,Uye vakuru vakuru vanotonga zvakarurama. 17  Ndinoda vaya vanondida,Uye vaya vanonditsvaga vachandiwana.+ 18  Ndine pfuma nekubwinya,Upfumi hunogara kwenguva refu uye kururama. 19  Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura goridhe, kunyange kutopfuura goridhe rakanatswa,Uye zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura sirivha yakanakisisa.+ 20  Ndinofamba mugwara rekururama,Pakati penzira dzekutonga zvakarurama; 21  Ndinopa vaya vanondida nhaka yakakura,Uye ndinozadza matura avo. 22  Jehovha akandisika kuti ndive kutanga kwenzira yake,+Wekutangatanga pamabasa ake ekare kare.+ 23  Ini ndakagadzwa kare kare,+Pakutanga, nyika isati yatombovapo.+ 24  Ini ndakaberekwa mvura yakadzika isati yavapo,+Kusina zvitubu zvinofashukira nemvura. 25  Ini ndakaberekwa makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,Zvikomo zvisati zvavapo, 26  Asati agadzira nyika nemasango ayoKana mavhinga ekutanga evhu renyika. 27  Paakagadzira denga,+ ndaivapo;Paakaisa denderedzwa pamusoro pemvura,+ 28  Paakasimbisa makore ekudenga,Paakaita kuti pave nezvitubu zvemvura yakadzika, 29  Paakaisa murau pagungwaKuti mvura yaro irege kudarika murayiro wake,+Paakamisa nheyo* dzenyika, 30  Ndaiva padivi pake ndiri mhizha.+ Ndini waaida kwazvo+ zuva rega rega;Ndaigara ndichifara pamberi pake;+ 31  Ndaifarira nyika yake yaakasika kuti igarwe,Uye ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.* 32  Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;Chokwadi vanofara vaya vanochengeta nzira dzangu. 33  Teererai kurayirwa,+ muve vakachenjera,Uye musakusiya. 34  Anofara munhu anonditeereraAchikurumidza kuuya* pamasuo angu zuva rega rega,Achimirira ari pedyo nemasuo angu; 35  Nekuti anondiwana achawana upenyu,+Uye achanzwirwa nyasha naJehovha. 36  Asi anondipira gotsi ari kuzvikuvadza,*Uye vaya vanondivenga, vanoda rufu.”+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kuvanakomana vevanhu.”
ChiHeb., “nzwisisai mwoyo.”
Kana kuti “Paakapa murayiro nezvenheyo.”
Kana kuti “vanhu.”
Kana kuti “Achiramba akamuka ari.”
Kana kuti “kukuvadza mweya wake.”