Zvirevo 18:1-24

  • Kuzviparadzanisa nevamwe hakuna kunaka uye kusachenjera (1)

  • Zita raJehovha inhare yakasimba (10)

  • Kudzivirira kwepfuma kunongova kwekufungidzira (11)

  • Zvakanakira kunzwa mativi ese enyaya (17)

  • Shamwari iri pedyo kupfuura mukoma (24)

18  Munhu anozviparadzanisa nevamwe anotsvaga zvakangomunakira chete;Anoramba* uchenjeri hwese hunobatsira.   Benzi harifariri kunzwisisa;Ringasva haro rabudisa zviri mumwoyo maro.+   Panosvika munhu akaipa, kuzvidzwa kunosvikawo,Uye kusakudzwa kunouya pamwe nekunyadziswa.+   Mashoko emuromo wemunhu imvura yakadzika.+ Chitubu cheuchenjeri rukova runotutuma.   Hazvina kunaka kuitira munhu akaipa tsvete,+Kana kurega kutonga zvakarurama munhu akarurama.+   Zvinotaurwa nebenzi zvinokonzera bopoto,+Uye muromo waro unorirovesa.+   Muromo webenzi ndiwo unoriparadza,+Uye miromo yaro musungo waro.*   Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*+Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+   Munhu wese ane unyope pabasa rakeIhama yemunhu anoparadza.+ 10  Zita raJehovha inhare yakasimba.+ Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.*+ 11  Pfuma yemupfumi yakaita seguta rakakomberedzwa nemasvingo;Mupfungwa dzake anoiona yakaita semadziro anomudzivirira.+ 12  Mwoyo wemunhu ane manyawi unoita kuti awe,+Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+ 13  Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese,Upenzi uye kuzvinyadzisa.+ 14  Munhu akashinga mwoyo anogona kutsungirira achirwara,+Asi ndiani angatsungirira kana akaora mwoyo?*+ 15  Mwoyo wemunhu anonzwisisa unowana ruzivo,+Uye nzeve yemunhu akachenjera inotsvaga kuwana ruzivo. 16  Chipo chemunhu chinomuvhurira nzira;+Chinoita kuti apinde mune vanhu vakakurumbira. 17  Munhu anotanga kupira nyaya yake anoita seakarurama,+Kusvikira mumwe wacho auya, omubvunzisisa.*+ 18  Kukanda mijenya kunopedza gakava+Uye kunogadzirisa nyaya pakati pevavengi vane simba.* 19  Hama inenge yatadzirwa yakaoma kutaura nayo kupfuura kurwisa guta rakakomberedzwa nemasvingo,+Uye kukakavadzana kunogona kuparadzanisa vanhu semazariro erusvingo.+ 20  Zvibereko zvemuromo wemunhu ndizvo zvichazadza dumbu rake;+Achaguta nezvinobva mumiromo yake. 21  Rufu neupenyu zviri musimba rerurimi;+Vaya vanoda kurushandisa vachadya zvibereko zvarwo.+ 22  Anowana mudzimai akanaka anenge awana chinhu chakanaka,+Uye achafarirwa naJehovha.+ 23  Murombo anotaura achiteterera,Asi mupfumi anopindura nehasha. 24  Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa,+Asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Anoshora.”
Kana kuti “wemweya waro.”
Kana kuti “sezvinhu zvinomedzwa nemakaro.”
ChiHeb., “okwidziridzwa,” kureva kuti, ova pasingasvikiki.
Kana kuti “mweya wake wakaputsika.”
Kana kuti “omuongorora.”
ChiHeb., “unoparadzanisa vane simba.”