Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raZvirevo

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Chinangwa chezvirevo (1-7)

    • Zvakaipira shamwari dzakaipa (8-19)

    • Uchenjeri hwechokwadi hunoshevedzera kuvanhu vese (20-33)

  • 2

    • Kukosha kweuchenjeri (1-22)

      • Tsvaga uchenjeri sezvaunoita pfuma yakavanzwa (4)

      • Kukwanisa kunyatsofunga kunochengetedza (11)

      • Kusazvibata kunokonzera matambudziko (16-19)

  • 3

    • Iva akachenjera uvimbe naJehovha (1-12)

      • Kudza Jehovha nezvinhu zvinokosha (9)

    • Uchenjeri hunoita kuti pave nemufaro (13-18)

    • Uchenjeri hunochengetedza (19-26)

    • Kubata vamwe zvakanaka (27-35)

      • Itira vamwe zvakanaka pese paunokwanisa (27)

  • 4

    • Kurayira kwababa kweuchenjeri (1-27)

      • Kupfuura zvimwe zvese wana uchenjeri (7)

      • Siyana nenzira dzakaipa (14, 15)

      • Gwara revakarurama rinoramba richijeka (18)

      • “Chengetedza mwoyo wako” (23)

  • 5

    • Kuchenjedzwa pavakadzi nzenza (1-14)

    • Fara nemudzimai wako (15-23)

  • 6

    • Ngwarira kubvumira munhu kutora chikwereti muzita rako (1-5)

    • “Iwe simbe, enda kusvosve” (6-11)

    • Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa (12-15)

    • Zvinhu zvinomwe zvinovengwa naJehovha (16-19)

    • Ngwarira mukadzi akaipa (20-35)

  • 7

    • Chengeta mirayiro yaMwari urarame (1-5)

    • Jaya rakapusa rinonyengerwa (6-27)

      • “Semombe iri kunourayiwa” (22)

  • 8

    • Uchenjeri hunotaura semunhu (1-36)

      • ‘Ndini kutanga kwenzira dzaMwari’ (22)

      • ‘Ndaiva padivi paMwari ndiri mhizha’ (30)

      • ‘Ndaifarira vanakomana vevanhu’ (31)

  • 9

    • Uchenjeri hwechokwadi hunoshevedzera (1-12)

      • “Ndichaita kuti mazuva ako ave mazhinji” (11)

    • Mukadzi benzi anoshevedzera kuvarume (13-18)

      • “Mvura yekuba inotapira” (17)

  • ZVIREVO ZVASOROMONI (10:1–24:34)

    • 10

      • Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake (1)

      • Maoko anoshanda nesimba anounza upfumi (4)

      • Kutaura mashoko akawanda kunokonzera kukanganisa (19)

      • Chikomborero chaJehovha chinopfumisa (22)

      • Kutya Jehovha kunorebesa upenyu (27)

    • 11

      • Vane mwero ndivo vane uchenjeri (2)

      • Munhu akatsauka pakutenda anoparadza vamwe (9)

      • “Kubudirira kana vanopa mazano vakawanda” (14)

      • Munhu anopa vamwe achabudirira (25)

      • Anovimba nepfuma yake achawa (28)

    • 12

      • Munhu anovenga kutsiurwa haafungi (1)

      • “Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa” (18)

      • Kuita kuti pave nerugare kunounza mufaro (20)

      • Miromo inoreva nhema inosemesa Jehovha (22)

      • Kunetseka kunoremedza mwoyo (25)

    • 13

      • Vaya vanotsvaga mazano vakachenjera (10)

      • Zviri kutarisirwa zvikanonoka zvinoita kuti mwoyo unetseke (12)

      • Nhume yakatendeka inoporesa (17)

      • Kufamba nevakachenjera kunoita kuti munhu ave akachenjera (20)

      • Kurayirwa kunoratidza kuti unodiwa (24)

    • 14

      • Mwoyo unoziva zviri kuurwadza (10)

      • Nzira inoita seyakarurama inogona kukonzera rufu (12)

      • Munhu asina njere anongotenda mashoko ese ese (15)

      • Shamwari dzemupfumi dzakawanda (20)

      • Mwoyo wakadzikama unopa upenyu kumuviri (30)

    • 15

      • Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa (1)

      • Maziso aJehovha ari pese pese (3)

      • Munyengetero wemunhu akarurama unofadza Mwari (8)

      • Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunzana (22)

      • Fungisisa usati wapindura (28)

    • 16

      • Jehovha anoongorora vavariro yemunhu (2)

      • Isa mabasa ako kuna Jehovha (3)

      • Zvikero zvakarurama zvinobva kuna Jehovha (11)

      • Kuzvikudza kunotangira kuparara (18)

      • Kuchena musoro ikorona yerunako (31)

    • 17

      • Usatsiva chakanaka nechakaipa (13)

      • Ibva kupopotedzana kusati kwatanga (14)

      • Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese (17)

      • “Mwoyo unofara mushonga wakanaka” (22)

      • Munhu akangwara anodzora mashoko ake (27)

    • 18

      • Kuzviparadzanisa nevamwe hakuna kunaka uye kusachenjera (1)

      • Zita raJehovha inhare yakasimba (10)

      • Kudzivirira kwepfuma kunongova kwekufungidzira (11)

      • Zvakanakira kunzwa mativi ese enyaya (17)

      • Shamwari iri pedyo kupfuura mukoma (24)

    • 19

      • Njere dzinodzora kutsamwa kwemunhu (11)

      • Mukadzi anogara achipopota akaita sedenga rinodonha mvura (13)

      • Mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha (14)

      • Rayira mwana pachiine tariro (18)

      • Zvakanakira kuteerera zano (20)

    • 20

      • Waini inotsvinya (1)

      • Simbe hairimi kana kuchitonhora (4)

      • Pfungwa dzemunhu dzakaita semvura yakadzika (5)

      • Kusamhanyirira kupika (25)

      • Kukudzwa kwemajaya kuri musimba rawo (29)

    • 21

      • Jehovha anotungamirira mwoyo wamambo (1)

      • Kutonga zvakarurama kunopfuura chibayiro (3)

      • Kushanda nesimba kunoita kuti pave nekubudirira (5)

      • Asingateereri vakaderera haazopindurwi (13)

      • Hapana uchenjeri hungarwisana naJehovha (30)

    • 22

      • Zita rakanaka rinopfuura pfuma yakawanda (1)

      • Kutanga kudzidzisa mwana achiri mudiki kunomubatsira kweupenyu hwese (6)

      • Simbe inotya shumba panze (13)

      • Shamhu inobvisa upenzi (15)

      • Mushandi anoziva basa rake anoshumira madzimambo (29)

    • 23

      • Ratidza kuti wakachenjera paunokokwa kuzodya (2)

      • Usamhanyisana nepfuma (4)

      • Pfuma inogona kubhururuka yoenda (5)

      • Usava pakati pevanonwisa (20)

      • Doro rinoruma senyoka (32)

    • 24

      • Usaitira shanje vanhu vakaipa (1)

      • Imba inomiswa neuchenjeri (3)

      • Munhu akarurama angawa asi achasimuka (16)

      • Usatsiva (29)

      • Kurara kunounza nhamo (33, 34)

  • ZVIREVO ZVASOROMONI ZVAKANYORWA NEVARUME VAMAMBO HEZEKIYA (25:1–29:27)

    • 25

      • Kusabudisa nyaya dzakataurwa pachivande (9)

      • Mashoko akanyatsofungwa (11)

      • Kusanyanya kuenda kumba kwemumwe (17)

      • Kututira mazimbe pamusoro wemuvengi (21, 22)

      • Mashoko akanaka akafanana nemvura inotonhorera (25)

    • 26

      • Tsanangudzo yezvakaita simbe (13-16)

      • Usapindira nyaya isinei newe (17)

      • Usatamba nezvinokuvadza vamwe (18, 19)

      • Pasina huni hapana moto (20, 21)

      • Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka (22)

    • 27

      • Kutsiurwa neshamwari kunobatsira (5, 6)

      • Mwanakomana wangu, fadza mwoyo wangu (11)

      • Simbi inorodza imwe simbi (17)

      • Ziva makwai ako (23)

      • Pfuma haigari nekusingaperi (24)

    • 28

      • Munyengetero wemunhu asingateereri unosemesa (9)

      • Munhu anoreurura anonzwirwa tsitsi (13)

      • Anomhanyirira kupfuma haarambi asina mhosva (20)

      • Kutsiurwa kunopfuura kurumbidzwa zvekubata kumeso (23)

      • Munhu anopa vamwe haana chaanoshayiwa (27)

    • 29

      • Mwana asingarangwi anonyadzisa (15)

      • Pasina chiratidzo vanhu havadzoreki (18)

      • Munhu asingatani kutsamwa anomutsa gakava (22)

      • Anozvininipisa anokudzwa (23)

      • Kutya munhu kuzviteyera musungo (25)

  • 30

    • MASHOKO AAGURI (1-33)

      • Musandipa urombo kana upfumi (8)

      • Zvinhu zvisingafi zvakaguta (15, 16)

      • Zvinhu zvisingaoneki pazvapfuura napo (18, 19)

      • Mukadzi anoita upombwe (20)

      • Mhuka dzakasikwa dzakachenjera (24)

  • 31

    • MASHOKO AMAMBO REMUERI (1-31)

      • Ndiani angawana mudzimai anoita zvakanaka? (10)

      • Anoshingaira achishanda nesimba (17)

      • Parurimi rwake pane mashoko emutsa (26)

      • Murume wake nevana vake vanomurumbidza (28)

      • Kuyevedza uye runako zvinopera (30)