Mabasa Evaapostora 7:1-60

  • Stefani anotaura pamberi peSanihedrini (1-53)

    • Makore emadzitateguru (2-16)

    • Utungamiriri hwaMozisi; vaIsraeri vanonamata zvidhori (17-43)

    • Mwari haagari mutemberi dzakagadzirwa nevanhu (44-50)

  • Stefani anotemwa nematombo (54-60)

7  Asi mupristi mukuru akati: “Ichokwadi here ichi?”  Stefani akapindura kuti: “Varume, hama, navanababa, teererai. Mwari wekubwinya akazviratidza kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati ava kugara kuHarani,+  uye akati kwaari: ‘Buda munyika yako usiye hama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’+  Akabva abuda munyika yevaKadheya, akanogara kuHarani. Baba vake pavakafa,+ Mwari akaita kuti abve ikoko auye kuzogara munyika ino yamava kugara.+  Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange panokwana tsoka yake; asi akavimbisa kuzomupa kuti ive yake, pamwe nevana* vake vaizomutevera,+ kunyange zvazvo akanga asati ava nemwana.  Zvakare, Mwari akamuudza kuti vana* vake vachava vatorwa munyika isiri yavo uye kuti vanhu vemo vachavaita varanda vovatambudza* kwemakore 400.+  ‘Uye ndichatonga nyika iyoyo ichavaita varanda,’+ Mwari akadaro, ‘uye pashure pacho vachabuda, vondiitira basa dzvene munzvimbo ino.’+  “Akamupawo sungano yekuchecheudzwa,+ uye akabereka Isaka,+ akamuchecheudza pazuva rechi8,+ Isaka akabereka* Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru edu 12.  Uye madzitateguru edu akava negodo naJosefa,+ akamutengesera kuIjipiti.+ Asi Mwari akanga ainaye,+ 10  uye akamununura mumatambudziko ake ese, akamuita kuti anzwirwe nyasha uye aratidze uchenjeri pamberi paFarao mambo weIjipiti. Uye akamugadza kuti atungamirire Ijipiti neimba yake yese.+ 11  Asi muIjipiti yese nemuKenani yese makava nenzara, pakava nedambudziko guru chairo, uye madzitateguru edu akashaya chekudya.+ 12  Asi Jakobho akanzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezvekudya, akatuma madzitateguru edu kekutanga.+ 13  Pavakaenda kechipiri, Josefa akaita kuti vakoma vake vamuzive, uye Farao akabva aziva mhuri yaJosefa.+ 14  Saka Josefa akavatuma kunoshevedza baba vake Jakobho nehama dzake dzese,+ vese vari 75.+ 15  Saka Jakobho akadzika kuIjipiti,+ akazofira ikoko,+ uye madzitateguru edu akafirawo ikoko.+ 16  Vakaendwa navo kuShekemu, vakanovigwa muguva rakanga rakatengwa naAbrahamu nemari yesirivha kuvanakomana vaHamori kuShekemu.+ 17  “Kuzoti nguva yaswedera yekuti zvakanga zvaziviswa Abrahamu naMwari zvizadziswe, vanhu vakawedzera, vakawanda muIjipiti, 18  kusvikira muIjipiti mava nemumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa.+ 19  Uyu akanyengera dzinza redu, akabata vanababa vedu zvisina kunaka achivamanikidza kuti varase vana vavo vacheche kuti varege kusiyiwa vari vapenyu.+ 20  Iyi ndiyo nguva yakaberekwa Mozisi, uyo akazvarwa akanaka, kunyange mukuona kwaMwari. Uye akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake.+ 21  Asi paakasiyiwa,+ mwanasikana waFarao akamunhonga, akamurera semwanakomana wake.+ 22  Saka Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwese hwevaIjipiti. Mashoko ake nemabasa ake zvaiva nesimba.+ 23  “Paakazosvitsa makore 40, akafunga kushanyira* hama dzake, vanakomana vaIsraeri.+ 24  Paakaona mumwe wavo achibatwa zvisina kunaka, akamurwira, akatsiva muIjipiti wacho nekumuuraya. 25  Aifunga kuti hama dzake dzaizonzwisisa kuti Mwari akanga ari kudzipa ruponeso achishandisa ruoko rwake, asi idzo hadzina kuzvinzwisisa. 26  Zuva rakatevera akauya kwavari akavawana vachirwa, akaedza kuvayananisa, achiti: ‘Varume, muri hama nehama. Muri kurwirei?’ 27  Asi uya airwisa muvakidzani wake akamusundidzira, achiti: ‘Ndiani akakugadza kuti uve mutungamiriri uye mutongi wedu? 28  Asi uri kuda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nezuro?’ 29  Paakanzwa izvi, Mozisi akatiza, akanogara semutorwa munyika yeMidhiyani, kwaakabereka vanakomana vaviri.+ 30  “Papera makore 40, ngirozi yakazviratidza kwaari murenje reGomo reSinai iri murimi mugwenzi reminzwa raibvira.+ 31  Mozisi paakazviona zvakamushamisa. Asi paaiswedera pedyo kuti anyatsoona, inzwi raJehovha* rakanzwika richiti: 32  ‘Ndini Mwari wemadzitateguru ako, Mwari waAbrahamu newaIsaka newaJakobho.’+ Mozisi akatanga kudedera uye haana kuzova neushingi hwekuramba achiongorora. 33  Jehovha* akati kwaari: ‘Bvisa shangu dzako, nekuti nzvimbo yaumire itsvene. 34  Ndaona zvechokwadi kuti vanhu vangu vari kudzvinyirirwa muIjipiti, uye ndanzwa kugomera kwavo,+ saka ndauya kuzovanunura. Iye zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ 35  Mozisi uya wavakaramba, vachiti: ‘Ndiani akakugadza kuti uve mutungamiriri uye mutongi wedu?’+ ndiye wacho akatumwa naMwari+ semutungamiriri uye mununuri achishandisa ngirozi yakazviratidza kwaari iri mugwenzi reminzwa. 36  Murume uyu akavatungamirira vachibuda,+ achiita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti+ nepaGungwa Dzvuku+ nemurenje kwemakore 40.+ 37  “Uyu ndiye Mozisi akati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Mwari achakumutsirai muprofita anobva pakati pehama dzenyu akafanana neni.’+ 38  Uyu ndiye akanga ari pakati peungano murenje nengirozi+ iya yakataura naye+ paGomo reSinai nemadzitateguru edu, uye akagamuchira mashoko matsvene mapenyu kuti atipe.+ 39  Madzitateguru edu akaramba kumuteerera, asi vakamusundira parutivi,+ vakadzokera kuIjipiti mumwoyo mavo,+ 40  vachiti kuna Aroni: ‘Tigadzirire vanamwari kuti vatitungamirire. Nekuti hatizivi kuti chii chakaitika kuna Mozisi uyu, wekutibudisa munyika yeIjipiti.’+ 41  Saka vakagadzira mhuru mumazuva iwayo, vakaunza chibayiro kuchidhori chacho, vakatanga kufarira mabasa emaoko avo.+ 42  Saka Mwari akavafuratira, akavasiya vachiitira uto rekudenga basa dzvene,+ sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku reVaprofita, kuti: ‘Nhai imi imba yaIsraeri, pamaiva murenje kwemakore 40, ndini here wamaipa zvibayiro nemipiro? 43  Maizvipira kutende raMoroki,+ nekunyeredzi yamwari anonzi Refani, zvifananidzo zvamakagadzira zvamaitakura kuti muzvinamate. Saka ndichakudzingirai kure, kumberi kweBhabhironi.’+ 44  “Madzitateguru edu aiva netende reuchapupu murenje, sekurayira kwaakaita* paaitaura naMozisi kuti arigadzire achitevedzera zvaakanga aratidzwa.+ 45  Madzitateguru edu akarigamuchira, akariunza naJoshua munyika yaiva yemamwe marudzi+ akadzingwa naMwari pamberi pemadzitateguru edu.+ Rakaramba riri muno kusvikira mazuva aDhavhidhi. 46  Iye akanzwirwa nyasha naMwari, akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yekugara.+ 47  Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.+ 48  Kunyange zvakadaro, Wekumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa nemaoko,+ sezvakataurwa nemuprofita kuti: 49  ‘Denga ndiro chigaro changu cheumambo,+ uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.+ Mungandivakira imba yakaita sei? anodaro Jehovha.* Kana kuti nzvimbo yangu yekuzororera iri kupi? 50  Harusi ruoko rwangu here rwakagadzira zvinhu zvese izvi?’+ 51  “Imi vanhu vakaoma musoro vane mwoyo nenzeve zvisina kuchecheudzwa, munogara muchipikisana nemweya mutsvene; munoita sezvaingoitwa nemadzitateguru enyu.+ 52  Ndeupi muprofita asina kutambudzwa nemadzitateguru enyu?+ Vakatouraya vaya vakazivisa nezvekuuya kweuya akarurama,+ uyo wamazova vatengesi vake nemhondi dzake,+ 53  imi vakagamuchira Mutemo pachishandiswa ngirozi+ mukasauchengeta.” 54  Pavakanzwa izvi vakashatirwa chaizvo, vakatanga kumurumanisira mazino. 55  Asi iye, azere nemweya mutsvene, akaramba akatarisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nekwaJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ 56  akati: “Onai! Ndiri kuona denga rakavhurika uye Mwanakomana wemunhu+ amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.”+ 57  Ivo vakabva vashevedzera nemanzwi ari pamusoro vakavhara nzeve dzavo, vakakurumidza kumumomotera vese. 58  Vakamukanda kunze kweguta, ndokutanga kumutema nematombo.+ Zvapupu zvacho+ zvakaisa nguo dzazvo dzekunze patsoka dzejaya rainzi Sauro.+ 59  Pavaitema Stefani nematombo iye akakumbira achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu reupenyu.”* 60  Akapfugama, akashevedzera zvakasimba kuti: “Jehovha,* musavatongera chivi ichi.”+ Paakataura izvi, akabva arara murufu.

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “mbeu.”
ChiGir., “mbeu.”
Kana kuti “vovabata zvisina kunaka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akachecheudzawo.”
Kana kuti “kunoongorora.”
Kureva, Mwari.
Kana kuti “mweya wangu.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.