Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mabasa Evaapostora

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Kunyorera Tiyofiro (1-5)

    • Kuva zvapupu kusvika kunzvimbo dziri kure dzenyika (6-8)

    • Jesu anokwira kudenga (9-11)

    • Vadzidzi vanoungana vakabatana (12-14)

    • Matiyasi anosarudzwa kuti atsive Judhasi (15-26)

  • 2

    • Kudururwa kwemweya mutsvene paPendekosti (1-13)

    • Kuparidza kwaPetro (14-36)

    • Vanhu vanogamuchira shoko raPetro (37-41)

      • Vanhu 3 000 vanobhabhatidzwa (41)

    • Kuwadzana kwevaKristu (42-47)

  • 3

    • Petro anoporesa mupemhi akaremara (1-10)

    • Petro anoparidza ari paVharanda raSoromoni (11-26)

      • ‘Kudzorerwa kwezvinhu zvese’ (21)

      • Muprofita akaita saMozisi (22)

  • 4

    • Petro naJohani vanosungwa (1-4)

      • Vatendi vava kusvika varume 5 000 (4)

    • Kutongwa neSanihedrini (5-22)

      • “Hatingaregi kutaura” (20)

    • Munyengetero wekukumbira ushingi (23-31)

    • Vadzidzi vanoshandisa zvinhu pamwe chete (32-37)

  • 5

    • Ananiyasi naSafira (1-11)

    • Vaapostora vanoita zviratidzo zvizhinji (12-16)

    • Kuiswa mujeri uye kubudiswa (17-21a)

    • Vanounzwa pamberi peSanihedrini zvakare (21b-32)

      • ‘Kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu’ (29)

    • Yambiro yaGamarieri (33-40)

    • Kuparidza paimba neimba (41, 42)

  • 6

    • Varume vanomwe vanosarudzwa kuti vashumire (1-7)

    • Stefani anopomerwa mhosva yekumhura (8-15)

  • 7

    • Stefani anotaura pamberi peSanihedrini (1-53)

      • Makore emadzitateguru (2-16)

      • Utungamiriri hwaMozisi; vaIsraeri vanonamata zvidhori (17-43)

      • Mwari haagari mutemberi dzakagadzirwa nevanhu (44-50)

    • Stefani anotemwa nematombo (54-60)

  • 8

    • Sauro mutambudzi (1-3)

    • Ushumiri hwaFiripi muSamariya hunova nezvibereko (4-13)

    • Petro naJohani vanotumwa kuSamariya (14-17)

    • Simoni anoedza kutenga mweya mutsvene (18-25)

    • Mukuru mukuru wekuItiopiya (26-40)

  • 9

    • Sauro achienda kuDhamasiko (1-9)

    • Ananiyasi anotumwa kunobatsira Sauro (10-19a)

    • Sauro anoparidza nezvaJesu muDhamasiko (19b-25)

    • Sauro anoshanya kuJerusarema (26-31)

    • Petro anoporesa Eniyasi (32-35)

    • Dhokasi anomutswa (36-43)

  • 10

    • Chiratidzo chakaonekwa naKoniriyasi (1-8)

    • Chiratidzo chakaonekwa naPetro chemhuka dzakacheneswa (9-16)

    • Petro anoshanyira Koniriyasi (17-33)

    • Petro anozivisa mamwe marudzi mashoko akanaka (34-43)

      • “Mwari haasaruri” (34, 35)

    • Mamwe marudzi anogamuchira mweya mutsvene uye anobhabhatidzwa (44-48)

  • 11

    • Petro anorondedzera kuvaapostora zvakaitika (1-18)

    • Bhanabhasi naSauro kuAndiyoki yekuSiriya (19-26)

      • Vadzidzi vanotanga kushevedzwa kuti vaKristu (26)

    • Agabhasi anoprofita nezvenzara (27-30)

  • 12

    • Jakobho anourayiwa; Petro anoiswa mujeri (1-5)

    • Petro anobudiswa mujeri nechishamiso (6-19)

    • Herodhi anorohwa nengirozi (20-25)

  • 13

    • Bhanabhasi naSauro vanotumwa semamishinari (1-3)

    • Ushumiri muSaipurasi (4-12)

    • Mharidzo yaPauro kuAndiyoki yekuPisidhiya (13-41)

    • Kuzadzisa uprofita hwekuparidzira mamwe marudzi (42-52)

  • 14

    • Kuwedzera kwevanhu uye kupikiswa muIkoniyumu (1-7)

    • Vanofungirwa kuti ndivanamwari muRistra (8-18)

    • Pauro anopotsa afa achitemwa nematombo (19, 20)

    • Kusimbisa ungano (21-23)

    • Kudzokera kuAndiyoki yekuSiriya (24-28)

  • 15

    • Nharo muAndiyoki panyaya yekuchecheudzwa (1, 2)

    • Nyaya yacho inoendeswa kuJerusarema (3-5)

    • Vakuru nevaapostora vanoungana pamwe chete (6-21)

    • Tsamba inobva kudare rinotungamirira (22-29)

    • Ungano dzinokurudzirwa netsamba (30-35)

    • Pauro naBhanabhasi vanoparadzana (36-41)

  • 16

    • Pauro anosarudza Timoti (1-5)

    • Pauro anoona murume wekuMakedhoniya muchiratidzo (6-10)

    • Ridhiya anotendeuka muFiripi (11-15)

    • Pauro naSirasi vanoiswa mujeri (16-24)

    • Murindi wejeri neimba yake yese vanobhabhatidzwa (25-34)

    • Pauro anoda kukumbirwa ruregerero nevatongi (35-40)

  • 17

    • Pauro naSirasi muTesaronika (1-9)

    • Pauro naSirasi muBheriya (10-15)

    • Pauro muAtene (16-22a)

    • Mharidzo yaPauro paAreyopago (22b-34)

  • 18

    • Ushumiri hwaPauro muKorinde (1-17)

    • Kudzokera kuAndiyoki yekuSiriya (18-22)

    • Pauro anoenda kuGaratiya neFrijiya (23)

    • Aporo anobatsirwa (24-28)

  • 19

    • Pauro muEfeso; vamwe vanhu vanobhabhatidzwa zvakare (1-7)

    • Kudzidzisa kwaPauro (8-10)

    • Kubudirira pasinei nechidhimoni (11-20)

    • Mhirizhonga muEfeso (21-41)

  • 20

    • Pauro muMakedhoniya uye muGirisi (1-6)

    • Yutiko anomutswa kuTroasi (7-12)

    • Kubva kuTroasi kuenda kuMireto (13-16)

    • Pauro anoita musangano nevakuru vekuEfeso (17-38)

      • Kudzidzisa paimba neimba (20)

      • “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira” (35)

  • 21

    • Munzira achienda kuJerusarema (1-14)

    • Kusvika muJerusarema (15-19)

    • Pauro anoteerera zano revakuru (20-26)

    • Mhirizhonga mutemberi; Pauro anosungwa (27-36)

    • Pauro anobvumirwa kutaura nemhomho yevanhu (37-40)

  • 22

    • Pauro anotaura pamberi pemhomho yevanhu (1-21)

    • Pauro anobatsirwa nekuva kwake chizvarwa cheRoma (22-29)

    • Sanihedrini inoungana (30)

  • 23

    • Pauro anotaura pamberi peSanihedrini (1-10)

    • Pauro anosimbiswa naIshe (11)

    • Kurangana kuuraya Pauro (12-22)

    • Pauro anoendeswa kuKesariya (23-35)

  • 24

    • Mhosva dzinopomerwa Pauro (1-9)

    • Pauro anotaura pamberi paFerikisi (10-21)

    • Nyaya yaPauro inombosendekwa kwemakore maviri (22-27)

  • 25

    • Pauro anotaura nyaya yake pamberi paFesto (1-12)

      • “Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!” (11)

    • Festo anotsvaga mazano kuna Mambo Agripa (13-22)

    • Pauro pamberi paAgripa (23-27)

  • 26

    • Pauro anotaura pamberi paAgripa (1-11)

    • Pauro anorondedzera kutendeuka kwaakaita (12-23)

    • Festo naAgripa vanopindura Pauro (24-32)

  • 27

    • Pauro anoenda kuRoma nengarava (1-12)

    • Dutu rinorova ngarava (13-38)

    • Tsaona yengarava (39-44)

  • 28

    • Kusvika pachitsuwa cheMarita (1-6)

    • Baba vaPabriyo vanoporeswa (7-10)

    • Kupfuurira kuRoma (11-16)

    • Pauro anotaura nevaJudha muRoma (17-29)

    • Pauro anoparidza neushingi kwemakore maviri (30, 31)