Mabasa Evaapostora 4:1-37

  • Petro naJohani vanosungwa (1-4)

    • Vatendi vava kusvika varume 5 000 (4)

  • Kutongwa neSanihedrini (5-22)

    • “Hatingaregi kutaura” (20)

  • Munyengetero wekukumbira ushingi (23-31)

  • Vadzidzi vanoshandisa zvinhu pamwe chete (32-37)

4  Vaviri ava vachitaura nevanhu kudaro, vapristi, mukuru mukuru wetemberi, nevaSadhusi+ vakauya kwavari.  Ava vakanga vachirwadziwa nekuti vaapostora vaidzidzisa vanhu uye vaizivisa pachena nezvekumuka kwaJesu kuvakafa.*+  Saka vakavasunga,+ vakavachengeta kusvikira mangwana acho, nekuti akanga atova manheru.  Asi vakawanda vakanga vateerera mashoko acho vakatenda, uye varume vacho vakasvika 5 000.+  Mangwana acho vatongi vavo, vakuru, nevanyori vakaungana muJerusarema,  pamwe naAnasi+ mutungamiriri wevapristi, Kayafasi,+ Johani, Arekizanda, nevamwe vese vaiva neukama nemutungamiriri wevapristi.  Vakamisa Petro naJohani pakati pavo vakatanga kuvabvunza kuti: “Ndiani akakupai simba rekuita izvi uye muri kuzviita muzita raani?”  Petro akabva azadzwa nemweya mutsvene+ ndokuti kwavari: “Vatongi vevanhu nevakuru,  kana tiri kubvunzurudzwa nhasi uno nezvezvakanaka zvatakaitira murume akaremara,+ muchida kuziva kuti murume uyu akaporeswa naani, 10  zivai imi mese nevanhu vese vaIsraeri kuti nezita raJesu Kristu wekuNazareta,+ wamakaroverera padanda+ akamutswa naMwari kuvakafa,+ iyeye ndiye aita kuti murume uyu akamira pano pamberi penyu ave neutano. 11  Iri ndiro ‘dombo rakabatwa serisingakoshi nevavaki razova dombo guru repakona.’*+ 12  Uyezve, hapana mumwe angaponesa vanhu, nekuti hapana rimwe zita+ pasi pedenga rakapiwa vanhu ratinofanira kuponeswa naro.”+ 13  Pavakaona kutaura kwaPetro naJohani vasingatyi, vachiziva kuti vaiva vanhu vasina kudzidza,* vari vanhuwo zvavo,+ vakashamisika. Vakabva vaziva kuti vaimbova naJesu.+ 14  Sezvo vakanga vachitoona murume wacho akanga arapwa akamira navo,+ vakashaya chekuvapindura.+ 15  Saka vakavati vabude muimba yeSanihedrini, uye vakatanga kubvunzana 16  kuti: “Toita sei nevarume ava?+ Nekuti zvechokwadi vaita chiratidzo chinoshamisa, chiri kuonekwa nevagari vese vemuJerusarema,+ chatisingagoni kuramba. 17  Kuti nyaya iyi irege kuramba ichipararira muvanhu, ngativatyisidzirei, tovaudza kuti varege kuramba vachitaura nevanhu vachishandisa zita iri.”+ 18  Saka vakavashevedza vakavaudza kuti vasatombotaura kana kudzidzisa vachishandisa zita raJesu. 19  Asi Petro naJohani vakapindura kuti: “Kana muchifunga kuti zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, zviri kwamuri. 20  Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”+ 21  Saka vakavatyisidzira zvakare, vakavasunungura, nekuti vakashaya mhosva yekuvawanira kuti vavarange uye vaitya vanhu,+ sezvo vanhu vese vakanga vachikudza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. 22  Nekuti murume akanga aitirwa chishamiso ichi chekuporeswa akanga aine makore anopfuura 40. 23  Pavakasunungurwa, vakaenda kune vamwe vavo, vakavaudza zvavakanga vaudzwa nevatungamiriri vevapristi nevakuru. 24  Pavakanzwa izvi vakashevedzera nechinangwa chimwe chete kuna Mwari, vachiti: “Changamire Ishe, ndimi makaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri,+ 25  uye ndimi makashandisa mweya mutsvene kuita kuti muromo watateguru wedu Dhavhidhi,+ mushumiri wenyu uti: ‘Marudzi akaitirei zhowezhowe uye vanhu vakafungireiko zvisina musoro? 26  Madzimambo epanyika akamira akagadzirira uye vatongi vakaungana pamwe chete kuti varwe naJehovha* uye kuti varwe nemuzodziwa wake.’*+ 27  Nekuti chokwadi Herodhi naPondiyo Pirato+ nevanhu vemamwe marudzi nevanhu vaIsraeri vakaungana muguta rino kuti varwe nemushumiri wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza,+ 28  kuti vaite zvakagara zvasarudzwa neruoko rwenyu uye nekuda kwenyu kuti zviitike.+ 29  Saka Jehovha,* inzwai kutyisidzira kwavo, muite kuti varanda venyu varambe vachitaura shoko renyu neushingi, 30  pamunenge muchitambanudza ruoko rwenyu muchiporesa uye panenge pachiitika zviratidzo nezvishamiso+ nezita remushumiri wenyu mutsvene Jesu.”+ 31  Pavakanga vanyengetera nemwoyo wese,* nzvimbo yavakanga vakaungana yakazununguka, vese vakazadzwa nemweya mutsvene+ uye vakanga vachitaura shoko raMwari neushingi.+ 32  Zvakare, vanhu vese vakanga vatenda vakanga vaine mwoyo nemweya* mumwe, uye hapana kana mumwe wavo aiti zvinhu zvaaiva nazvo ndezvake ega, asi kuti zvese zvavaiva nazvo zvaiva zvavo vese.+ 33  Uye vaapostora vakaramba vachipupura nesimba guru pamusoro perumuko rwaIshe Jesu,+ uye nyasha dzaMwari dzakawanda dzaiva pavari vese. 34  Pakati pavo pakanga pasina aishayiwa,+ nekuti vese vaiva neminda kana dzimba vaizvitengesa vouya nemari yavainge vawana, 35  voipa vaapostora.+ Mari yacho yaizogoverwa mumwe nemumwe zvichienderana nezvaainge achishayiwa.+ 36  Saka Josefa, uyo ainzi nevaapostora Bhanabhasi+ (zvinoreva kuti, “Mwanakomana Wekunyaradza”), muRevhi aibva kuSaipurasi, 37  akatengesa munda wake, ndokuuya nemari yacho, akaipa vaapostora.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nezvekumuka kwevakafa vachishandisa muenzaniso waJesu.”
ChiGir., “musoro wekona.”
Kureva, kudzidza kuzvikoro zvavanarabhi; kwete kuti vakanga vasingagoni kuverenga nekunyora.
Kana kuti “naKristu wake.”
Kana kuti “vanyengetera vachiteterera.”