Isaya 42:1-25

  • Mushumiri waMwari uye basa rake (1-9)

    • ‘Jehovha ndiro zita rangu’ (8)

  • Rwiyo rutsva rwekurumbidza Jehovha (10-17)

  • Israeri ibofu uye imatsi (18-25)

42  Onai! Mushumiri wangu+ wandinotsigira! Iye wandakasarudza,+ wandakafarira!*+ Ndaisa mweya wangu maari;+Achatonga marudzi zvakarurama.+   Haazoshevedzeri kana kudanidzira,Uye haazoiti kuti inzwi rake rinzwike mumugwagwa.+   Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora,Uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima.+ Achaunza kururama mukutendeka.+   Chiedza chake hachizoendi chichipera uyewo haazopwanyiwi kusvikira aita kuti panyika pave nekururama;+Uye zvitsuwa zvinoramba zvichimirira mutemo* wake.   Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha,Musiki wedenga, iye Mukuru akaritatamura,+Iye akatambanudza nyika nezvibereko zvayo,+Iye anopa vanhu vari pairi mweya wekufema+Nemweya* kune vaya vanofamba mairi:+   “Ini Jehovha, ndakakushevedza mukururama;Ndakakubata ruoko. Ndichakuchengetedza ndoita kuti uve sungano ndichiitira vanhu,+Uye chiedza chemarudzi,+   Kuti usvinudze maziso akapofumara,+Kuti ubudise musungwa mujeri repasi,Uye ubudise mujeri vaya vagere murima.+   Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu;Hapana wandinopa kukudzwa kwangu,*Uye handipi kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.+   Onai, zvinhu zvekutanga zvaitika;Iye zvino ndava kuzivisa zvinhu zvitsva. Ndinokuudzai nezvazvo zvisati zvatanga kuvapo.”+ 10  Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+Iko kurumbidzwa kwake muri kumigumo yenyika,+Imi munodzika kugungwa nezvese zviri mariri,Imi zvitsuwa nevagari vazvo.+ 11  Renje nemaguta aro ngazvishevedzere,+Misha inogarwa naKedhari.+ Vagari vekune matombo ngavashevedzere nemufaro;Ngavashevedzere vari pamusoro pemakomo. 12  Ngavakudze JehovhaUye ngavazivise kurumbidzwa kwake muzvitsuwa.+ 13  Jehovha achabuda semurume ane simba.+ Achatanga kushingaira semurwi ane simba.+ Achashevedzera, chokwadi achashevedzera zvinotyisa pahondo;Acharatidza kuti ane simba kupfuura vavengi vake.+ 14  “Ndava nenguva refu ndakanyarara. Ndakaramba ndakanyarara ndichizvidzora. Semukadzi ari kusununguka,Ndichagomera, ndichafemera pamusoro uye ndichafemereka, zvese ndichizviita pamwe chete. 15  Ndichaparadza makomo nezvikomo,Ndoomesa zvinomera zvazvo zvese. Ndichaita kuti nzizi dzive zvitsuwa*Ndoomesa madziva emvura ane tsanga zhinji.+ 16  Ndichafambisa mapofu munzira yaasingazivi+Ndoita kuti afambe mumakwara aasingazivi.+ Ndichaita kuti rima riri pamberi pawo rive chiedza+Ndoita kuti nzvimbo isina kuenzana ive nyika yakati sandara.+ Izvi ndizvo zvandichaaitira, uye handizoasiyi.” 17  Vaya vanovimba nemifananidzo yakavezwa,Vaya vanoti kumifananidzo yakavezwa:* “Ndimi vanamwari vedu,”+ Vachadzoswa, uye vachanyadziswa kwazvo. 18  Inzwai, imi matsi;Tarisai muone, imi mapofu.+ 19  Ndiani bofu kunze kwemushumiri wangu,Ndiani matsi yakafanana nenhume yangu yandinotuma? Ndiani ane upofu hunosvika pane hweuya anopiwa mubayiro,Ane upofu hunosvika pane hwemushumiri waJehovha?+ 20  Unoona zvinhu zvizhinji, asi haurambi wakarinda. Unovhura nzeve dzako, asi hauteereri.+ 21  Jehovha akafarira kukudza mutemo* uye kuuita kuti uve mukuru,Achiitira kururama kwake. 22  Asi ivo vakapambwa uye vakatorwa nechisimba;+Vese vakavharirwa mumakomba uye vakavanzwa mumajeri.+ Vakapambwa pasina anovanunura,+Uye vakatorwa nechisimba pasina anoti: “Vadzosei!” 23  Ndiani achanzwa izvi pakati penyu? Ndiani achateerera uye achanzwa kuitira mangwana? 24  Ndiani akaita kuti Jakobho atorwe nechisimbaUye kuti Israeri atorwe nevapambi? Haasi Jehovha here, iye watakatadzira? Vakaramba kufamba munzira dzake,Uye havana kuda kuteerera mutemo* wake?+ 25  Saka akaramba achidururira kutsamwa kwake paari,Kushatirwa kwake, nehasha dzehondo.+ Zvakaparadza zvinhu zvese zvakanga zvakamupoteredza, asi haana kucherechedza.+ Zvakamupisa, asi haana kuva nehanya nazvo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akafarirwa nemweya wangu.”
Kana kuti “murayiro.”
Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Hapana wandinogovana naye kukudzwa kwangu.”
Kana kuti “nyika dzepamhenderekedzo yegungwa.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “murayiro.”
Kana kuti “murayiro.”