Genesisi 17:1-27

  • Abrahamu achava baba vemarudzi akawanda (1-8)

    • Abramu anotumidzwa kuti Abrahamu (5)

  • Sungano yekuchecheudzwa (9-14)

  • Sarai anotumidzwa kuti Sara (15-17)

  • Vimbiso yekuberekwa kwaIsaka (18-27)

17  Abramu paakanga ava nemakore 99, Jehovha akazviratidza kuna Abramu, akati kwaari: “Ndini Mwari Wemasimbaose. Famba pamberi pangu uve asina mhosva.*  Ndichaita sungano yangu newe,+ uye ndichaita kuti vana vako vawande kwazvo.”+  Abramu akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, uye Mwari akaramba achitaura naye, achiti:  “Ndakaita sungano newe,+ uye uchava baba vemarudzi mazhinji.+  Hauchazonzizve Abramu;* uchanzi Abrahamu,* nekuti ndichaita kuti uve baba vemarudzi mazhinji.  Ndichaita kuti ubereke kwazvo, uye ndichaita kuti uve marudzi, uye madzimambo achabuda mauri.+  “Ndichachengeta sungano yangu yandakaita newe+ uye nemwana* wako anokutevera kwezvizvarwa nezvizvarwa, kuti ive sungano isingagumi, kuti ndive Mwari kwauri nekumwana* wako anokutevera.  Ndichapa iwe nemwana* wako anokutevera nyika yawaigara semutorwa,+ iyo nyika yese yeKenani, kuti ive nhaka yavo nekusingagumi, uye ndichava Mwari wavo.”+  Mwari akatizve kuna Abrahamu: “Kana uri iwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nevana* vako vachakutevera kwezvizvarwa nezvizvarwa. 10  Iyi ndiyo sungano yangu nemi, yauchachengeta iwe nevana* vako vachakutevera: Vanhurume vese vari pakati penyu vanofanira kuchecheudzwa.+ 11  Munofanira kuchecheudza zvikanda zvenyu zvepamberi, uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemi.+ 12  Muzvizvarwa zvenyu zvese, vanakomana vese vari pakati penyu vava nemazuva 8 vaberekwa vanofanira kuchecheudzwa,+ munhu wese anoberekerwa mumba mako uye munhu wese asiri mwana wako uye akatengwa nemari kumutorwa. 13  Varume vese vanoberekerwa mumba mako nevarume vese vaunotenga nemari yako, vanofanira kuchecheudzwa,+ uye sungano yangu iri panyama yenyu inofanira kuva sungano inogara iripo. 14  Kana pakava nemunhurume asingachecheudzwi chikanda chake chepamberi, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* Atyora sungano yangu.” 15  Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Sarai*+ mudzimai wako, usamushevedza kuti Sarai, nekuti Sara* ndiro richava zita rake. 16  Ndichamukomborera, uyewo ndichaita kuti akuberekere mwanakomana;+ ndichamukomborera uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva kwaari.” 17  Abrahamu akabva apfugama, akadzikisa musoro wake akatanga kuseka uye kuti nechemumwoyo:+ “Munhu ane makore 100 angabereka mwana here, uye Sara, mukadzi ane makore 90, angabereka here?”+ 18  Saka Abrahamu akati kuna Mwari wechokwadi: “Dai mukakomborera Ishmaeri!”+ 19  Mwari akabva ati: “Chokwadi Sara mudzimai wako achakuberekera mwanakomana, uye umutumidze kuti Isaka.*+ Ndichaita kuti sungano yangu naye nevana* vake vachamutevera ive sungano isingagumi.+ 20  Asi panyaya yaIshmaeri, ndakunzwa. Ndichamukomborera, ndoita kuti abereke, uye ndichaita kuti awande kwazvo. Achabereka machinda 12, uye ndichamuita kuti ave rudzi rukuru.+ 21  Asi ndichaita sungano yangu naIsaka,+ wauchaberekerwa naSara panguva ino gore rinouya.”+ 22  Mwari paakapedza kutaura naAbrahamu, akabva aenda. 23  Abrahamu akabva atora Ishmaeri mwanakomana wake, nevarume vese vakaberekerwa mumba make, nevarume vese vaakatenga nemari, vanhurume vese pavarume veimba yaAbrahamu, akachecheudza zvikanda zvavo zvepamberi pazuva iroro chairo, sezvaakanga audzwa naMwari.+ 24  Abrahamu akanga ava nemakore 99 paakachecheudzwa chikanda chake chepamberi.+ 25  Uye Ishmaeri mwanakomana wake akanga ava nemakore 13 paakachecheudzwa chikanda chake chepamberi.+ 26  Pazuva iroro chairo, Abrahamu akachecheudzwa pamwe chete nemwanakomana wake Ishmaeri. 27  Varume vese veimba yake, munhu wese akaberekerwa mumba make uye munhu wese akatengwa nemari kumutorwa, vakachecheudzwawo pamwe chete naye.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “asina chaanopomerwa.”
Kureva kuti “Baba Vanokwidziridzwa.”
Kureva kuti “Baba Vevanhu Vazhinji.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
Zvingava zvichireva kuti “Kunetsana.”
Kureva kuti “Mwanasikana Wamambo.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva kuti “Kuseka.”