Bhuku raZvakazarurwa 5:1-14

  • Gwaro rine zvisimbiso zvinomwe (1-5)

  • Gwayana rinotora gwaro (6-8)

  • Gwayana rakakodzera kuvhura zvisimbiso (9-14)

5  Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rweuya akanga agere pachigaro cheumambo+ muine gwaro* rakanyorwa kumativi ese,* rainge rakanamwa zvakasimba nezvisimbiso* zvinomwe.  Ndakaona ngirozi yakasimba ichishevedzera kuti: “Ndiani akakodzera kuvhura gwaro iri uye kubvisa zvisimbiso zvaro?”  Asi kudenga nepanyika nepasi penyika pakashayikwa aikwanisa kuvhura gwaro racho kana kuona kuti rakanyorwei.  Ndakachema kwazvo nekuti pakashayikwa akakodzera kuvhura gwaro racho uye kuona kuti rakanyorwei.  Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”  Ndakaona gwayana raiita kunge rakanga rambourayiwa,+ rimire pedyo nechigaro* cheumambo nepakati pezvisikwa zvina uye pakati pevakuru+ vacho; gwayana+ racho raiva nenyanga nomwe nemaziso manomwe uye maziso acho anomiririra mweya minomwe yaMwari+ yakatumwa munyika yese.  Rakabva raenda rikanotora gwaro racho muruoko rwerudyi rwaiye akanga agere pachigaro cheumambo.+  Parakatora gwaro racho, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru 24+ vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nemumwe aine rudimbwa nendiro dzegoridhe dzakanga dzizere nerusenzi. (Rusenzi yacho inomiririra minyengetero yevatsvene.)+  Vanoimba rwiyo rutsva,+ vachiti: “Makakodzera kutora gwaro nekubvisa zvisimbiso zvaro, nekuti makaurayiwa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu+ vemadzinza ese nemitauro nemarudzi,+ 10  uye makaita kuti vave umambo+ nevapristi kuna Mwari wedu.+ Ivo vachatonga semadzimambo+ pamusoro penyika.” 11  Ndakabva ndaona ngirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro cheumambo pamwe chete nezvisikwa zvipenyu nevakuru uye ndakanzwa manzwi adzo; ngirozi dzacho dzakanga dziri makumi ezviuru akapetwa kane makumi ezviuru nezviuru zvezviuru,+ 12  uye dzaishevedzera dzichiti: “Gwayana iro rakaurayiwa,+ rakakodzera kuva nemasimba nepfuma neuchenjeri nesimba nekukudzwa nekubwinya nekurumbidzwa.”+ 13  Ndakanzwa zvisikwa zvese zviri kudenga nepanyika nepasi penyika+ nemugungwa, zvese zvazvo, zvichiti: “Kurumbidzwa nekukudzwa+ nekubwinya nesimba ngazvive kuna iye agere pachigaro cheumambo+ nekuGwayana+ nariini nariini.”+ 14  Zvisikwa zvipenyu zvina zvaiti: “Ameni!” uye vakuru vakawira pasi, vakanamata Mwari.

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “mukati nekunze.”
Kana kuti “pakati pechigaro.”