Bhuku raZvakazarurwa 16:1-21

  • Ndiro nomwe dzekutsamwa kwaMwari (1-21)

    • Dzinodururwa panyika (2), mugungwa (3), munzizi nemuzvitubu (4-7), pazuva (8, 9), pachigaro chechikara (10, 11), muna Yufratesi (12-16), uye mumhepo (17-21)

    • Hondo yaMwari kuAmagedhoni (14, 16)

16  Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva munzvimbo tsvene+ richiti kungirozi nomwe: “Endai munodururira ndiro nomwe dzekutsamwa kwaMwari panyika.”+  Yekutanga yakaenda ikadururira ndiro yayo panyika.+ Vanhu vaiva nechiratidzo chechikara+ uye vainamata mufananidzo wacho+ vakabva vaita maronda anorwadza uye akaipisisa.+  Yechipiri yakadururira ndiro yayo mugungwa.+ Gungwa rakabva rachinja rikaita seropa+ remunhu akafa, uye zvisikwa zvipenyu zvese zvakafa,* chokwadi zvese zvaiva mugungwa.+  Yechitatu yakadururira ndiro yayo munzizi nemuzvitubu zvemvura.+ Uye zvakava ropa.+  Ndakanzwa ngirozi yaiva nesimba pamusoro pemvura ichiti: “Imi, iye aripo uye akanga aripo+ uye akavimbika,+ makarurama, nekuti mapa mitongo iyi,+  nekuti vakadeura ropa revatsvene nerevaprofita,+ uye mavapa ropa kuti vanwe;+ izvozvo ndizvo zvakavakodzera.”+  Uye ndakanzwa atari ichiti: “Ndizvozvo, Jehovha* Mwari Wemasimbaose,+ mitongo yenyu ndeyechokwadi uye yakarurama.”+  Yechina yakadururira ndiro yayo pazuva,+ uye zuva rakabvumirwa kuti ripise vanhu semoto.  Vanhu vakatsva nekupisa kwacho kukuru, asi vakamhura zita raMwari uyo ane simba pamusoro pematambudziko aya, uye havana kupfidza zvivi zvavo kuti vamukudze. 10  Yechishanu yakadururira ndiro yayo pachigaro cheumambo chechikara. Umambo hwacho hwakabva hwaita rima,+ uye mumwe nemumwe akatanga kutsenga-tsenga rurimi rwake nemhaka yekurwadziwa kwavaiita, 11  asi vakamhura Mwari wekudenga nemhaka yekurwadziwa kwavaiita uye nemhaka yemaronda avo, uye havana kupfidza mabasa avo. 12  Yechitanhatu yakadururira ndiro yayo murwizi rukuru rwaYufratesi,+ mvura yarwo ikaoma+ kuti pave nenzira yemadzimambo+ ekumabvazuva. 13  Ndakabva ndaona kutaura kutatu kwakafemerwa, kusina kuchena,* kwakanga kwakafanana nematatya kuchibuda mukanwa medhiragoni+ nemechikara nememuprofita wenhema. 14  Kutaura kwacho kwakafemerwa nemadhimoni uye kunoita zviratidzo.+ Kunoenda kumadzimambo enyika yese kuti kuaunganidzire kuhondo+ yezuva guru raMwari Wemasimbaose.+ 15  “Inzwa! Ndiri kuuya sembavha.+ Anofara uya anoramba akamuka,+ aine nguo dzake dzekunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu voona nyadzi dzake.”+ 16  Uye kutaura kwacho kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni*+ muchiHebheru. 17  Yechinomwe yakadururira ndiro yayo mumhepo. Inzwi guru rakabva rabuda munzvimbo tsvene+ richibva pachigaro cheumambo, richiti: “Zvaitika!” 18  Pakabva pava nemheni nemabhanan’ana nemanzwi nekudengenyeka kwenyika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakatanga kuva nevanhu panyika;+ kudengenyeka kwacho kwaiva nesimba zvikuru uye kwaisvika kure. 19  Guta guru+ rakatsemuka kuita zvikamu zvitatu, uye maguta emarudzi akaparara; uye Mwari akafunga nezveBhabhironi Guru+ kuti aripe kapu yewaini yekutsamwa kwake kukuru.+ 20  Uyewo zvitsuwa zvese zvakatiza, uye makomo akanyangarika.+ 21  Chimvuramabwe chikuru chaiva nemazigodo airema zvekuda kusvika tarenda* chakabva chatanga kurova vanhu chichibva kudenga,+ uye vanhu vakamhura Mwari nemhaka yedambudziko rechimvuramabwe,+ nekuti dambudziko racho rakanga rakakura kwazvo.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “uye mweya mipenyu yese yakafa.”
ChiGir., “mweya mitatu isina kuchena.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti Har Ma·ge·don′, kubva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Gomo reMegidho.”
Tarenda rechiGiriki rainge rakaenzana nemakirogiramu 20,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.