Mika 5:1-15

  • Mutongi achava mukuru munyika yese (1-6)

    • Mutongi wacho achabva kuBhetrehema (2)

  • Vanhu vanenge vasara vachaita sedova uye seshumba (7-9)

  • Nyika yacho ichacheneswa (10-15)

5  “Iye zvino uri kuzvicheka-cheka,Iwe mwanasikana ari kurwiswa;Takombwa nemuvengi.+ Vanorova mutongi weIsraeri padama netsvimbo.+   Uye iwe Bhetrehema Efrata,+Iwe mudiki chaizvo zvekuti haukodzeri kuva pakati pezviuru zvaJudha,*Kwauri kuchabva munhu achava mutongi muIsraeri+ achindimiririra;Mavambo ake ndeekare kare, ndewemazuva ekare kare.   Saka achavaisa mumaoko emuvengiKusvikira mukadzi achasununguka mwana asununguka. Uye dzimwe hama dzake dzese dzichadzoka kuvaIsraeri.   Achasimuka ofudza makwai nesimba raJehovha,+Muzita rine mbiri raJehovha Mwari wake. Vachagara zvakanaka vasina chekutya,+Nekuti ukuru hwake huchazivikanwa kumigumo yenyika.+   Achaita kuti pave nerugare.+ Kana muAsiriya akapinda munyika yedu nechisimba otsika mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimba,+Tichamumutsira vafudzi vanomwe, chokwadi tichamumutsira machinda masere* pakati pevanhu, kuti varwe naye.   Vachafudza nyika yeAsiriya nebakatwa,+Nenyika yaNimrodhi+ munzvimbo dzekupinda nadzo mairi. Pachapinda muAsiriya munyika yedu nechisimba, otsika-tsika nharaunda yedu,Iye achatinunura.+   Vanhu vaJakobho vanenge vasaraVachaita sedova rinobva kuna Jehovha pakati pemarudzi mazhinji,Semvura inonaya zvinhu zvinomera.Vachaita sedova nemvura zvisingatarisiri kuunzwa nemunhuKana kumirira vanakomana vevanhu.   Vanhu vaJakobho vanenge vasaraVachaita seshumba iri pakati pemhuka dzesango vari pakati pemarudzi,Iwo marudzi mazhinji,Seshumba ine simba* pakati pemapoka emakwai,Iyo inopfuura nepaari yoabata akavarairwa yoabvambura-bvamburaPasina anoanunura.   Muchasimudza ruoko rwenyu rwova pamusoro pemhandu dzenyu,Uye vavengi venyu vese vachaparadzwa.” 10  “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Ndichaparadza mabhiza ako ndoparadza ngoro dzako. 11  Ndichaparadza maguta emunyika yakoNdoputsa nzvimbo dzako dzese dzakavakwa zvakasimba. 12  Ndichapedza uroyi hwako,Uye hapana anoita zvemashiripiti achasara mauri.+ 13  Ndichaparadza shongwe dzako nemifananidzo yako yakavezwa,Uye ucharega kupfugamira zvinhu zvawakagadzira.+ 14  Ndichadzura mapango ako anoyera,*+Ndoparadza maguta ako. 15  Ndichatsiva marudzi asina kuteereraNdakatsamwa uye ndakashatirwa.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “pemhuri dzekwaJudha.”
Kana kuti “vatungamiriri vasere.”
Kana kuti “seshumba yava nezenze.”