Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 23:1-39

  • Musatevedzera vanyori nevaFarisi (1-12)

  • Vane nhamo vanyori nevaFarisi (13-36)

  • Jesu anochema Jerusarema (37-39)

23  Jesu akazotaura nevanhu vazhinji uye nevadzidzi vake, achiti:  “Vanyori nevaFarisi vakazvigarisa pachigaro chaMozisi.  Saka zvese zvavanokuudzai, zviitei uye zvichengetei, asi musatevedzera mabasa avo, nekuti vanotaura asi havaiti zvavanotaura.+  Vanosunga mitoro inorema voiisa pamapfudzi evanhu,+ asi ivo havadi kutomboisudurutsa nemunwe wavo.+  Mabasa ese avanoita, vanoita kuti vaonekwe nevanhu,+ nekuti vanokudza tubhokisi tune magwaro twavanosungirira sezvinhu zvinodzivirira*+ uye vanokudza masa* enguo dzavo.+  Vanoda kugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru nepazvigaro zvepamberi* mumasinagogi+  uye kukwaziswa mumisika uye kunzi Rabhi* nevanhu.  Asi imi, musanzi Rabhi, nekuti Mudzidzisi+ wenyu mumwe chete, uye imi mese muri hama.  Zvakare, musati baba kumunhu ari panyika, nekuti Baba venyu vamwe chete,+ vari kudenga. 10  Uyewo musanzi vatungamiriri, nekuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu. 11  Asi mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.+ 12  Munhu wese anozvikwidziridza achaninipiswa,+ uye munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.+ 13  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munovharira vanhu Umambo hwekudenga; nekuti imi hamupindi, uyewo hamubvumiri vaya vari kuda kupinda kuti vapinde.+ 14 * —— 15  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti munofamba nemugungwa uye nepanyika kuti mutendeutse munhu mumwe chete, uye paanotendeuka munomuita munhu akakodzera kupinda muGehena* zvakapetwa kaviri kukupfuurai. 16  “Mune nhamo imi vatungamiriri mapofu,+ vanoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina basa; asi kana munhu akapika negoridhe retemberi, anotofanira kuita zvaanenge apika.’+ 17  Mapenzi nemapofu! Chikuru ndechipi ipapo, goridhe kana kuti temberi yaita kuti goridhe racho rive dzvene? 18  Munotizve, ‘Kana munhu akapika neatari, hazvina basa; asi kana munhu akapika nechipo chiri pairi, anotofanira kuita zvaanenge apika.’ 19  Mapofu! Chikuru ndechipi ipapo, chipo kana kuti atari inoita kuti chipo chacho chive chitsvene? 20  Saka wese anopika neatari anenge achipika nayo nezvinhu zvese zviri pairi; 21  uye wese anopika netemberi anenge achipika nayo naiye ari kugara mairi;+ 22  uye wese anopika nedenga anenge achipika nechigaro cheumambo chaMwari naiye akagara pachiri. 23  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini,*+ asi makasiya nyaya dzinokosha dzeMutemo, dzinoti, kutonga zvakarurama+ nengoni+ nekutendeka. Zvinhu izvi maifanira kuzviita, asi kwete muchizorega kuita zvimwe zvacho.+ 24  Mapofu anotungamirira vamwe,+ anobvisa unyunyu*+ muchinwiwa asi achimedza ngamera!+ 25  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nekuti munosuka kunze kwekapu nendiro,+ asi mukati makazara nemakaro*+ nekusazvibata.+ 26  Iwe muFarisi, bofu, tanga kuchenesa mukati mekapu nemendiro, kuti kunze kwazvo kuvewo kwakachena. 27  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena,+ ayo nechekunze anooneka seakanaka asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa, nekusachena kwemarudzi ese. 28  Nechekunze munooneka semakarurama kuvanhu, asi mukati makazara neunyengeri nekusateerera mutemo.+ 29  “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nekuti munovaka makuva evaprofita uye munoshongedza makuva evakarurama,+ 30  uye munoti, ‘Kudai takanga takararama mumazuva emadzitateguru edu, tingadai tisina kubatana navo pakudeura ropa revaprofita.’ 31  Saka muri kuzvipupurira kuti muri vanakomana vevaya vakaponda vaprofita.+ 32  Kana zvakadaro, chipedzisai zvakatangwa nemadzitateguru enyu. 33  “Nyoka, vana venyoka,+ muchatiza sei mutongo wekukandwa muGehena?*+ 34  Saka ndiri kukutumirai vaprofita+ nevarume vakachenjera nevarayiridzi.+ Vamwe vavo muchavauraya+ uye muchavaroverera pamatanda, uye vamwe vavo muchavarova zvakasimba+ mumasinagogi enyu motevedza maguta ese muchivatambudza,+ 35  kuti mhosva yeropa rese revanhu vakarurama rakadeurwa panyika iuye pamuri, kubvira paropa raAbheri+ akarurama kusvikira kuropa raZekariya mwanakomana waBharakiya, wamakapondera pakati penzvimbo tsvene neatari.+ 36  Chokwadi ndinoti kwamuri, zvinhu zvese izvi zvichauya pachizvarwa chino. 37  “Jerusarema, Jerusarema, mhondi inouraya vaprofita uye inotema nematombo vaya vakatumwa kwairi!+ Ndaida sei kuunganidza vana vako, sekuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi iwe wakanga usingadi.+ 38  Ona! Waramwirwa imba yako.*+ 39  Nekuti ndinoti kwauri, kubvira zvino hauchazombondioni kusvikira wati, ‘Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!’”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vanokudza mafirakiteri avo.”
Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.
Kana kuti “zvakanakisisa.”
Kana kuti “Mudzidzisi.”
Izvi zvaiiswa muzvekudya kuti zvinhuhwirire uye zvinake.
Aka kachipembenene kakaita seumhutu.
Kana kuti “nezvinhu zvakapambwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Imba yako yasiyiwa rava dongo.”