Jobho 1:1-22

  • Kuperera kwaJobho uye upfumi hwake (1-5)

  • Satani anotaura kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (6-12)

  • Jobho anorasikirwa neupfumi hwake nevana vake (13-19)

  • Jobho haapi Mwari mhosva (20-22)

1  Kwaiva nemumwe murume ainzi Jobho*+ munyika yeUzi. Aiva murume akarurama uye asina chaanopomerwa;*+ aitya Mwari uye aisiyana nezvakaipa.+  Akabereka vanakomana vanomwe nevanasikana vatatu.  Zvipfuwo zvake zvaisvika makwai 7 000, ngamera 3 000, mombe 1 000,* nemadhongi* 500, uye aiva nevaranda vakawanda chaizvo, zvekuti akava munhu akakurumbira pakati pevanhu vese vekuMabvazuva.  Mumwe nemumwe wevanakomana vake aiva nezuva raaiita mabiko pamba pake.* Vaikoka hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nekunwa navo.  Kana mazuva emabiko acho apera, Jobho aitumira shoko kuti vauye, kuti avatsvenese. Aibva afumomuka, opa zvibayiro zvinopiswa+ achiitira mumwe nemumwe wavo. Nekuti Jobho aiti: “Pamwe vanakomana vangu vakatadza, vakatuka Mwari mumwoyo mavo.” Izvi ndizvo zvaigara zvichiitwa naJobho.+  Zuva rakazoti rasvika pakapinda vanakomana vaMwari* wechokwadi+ kuti vamire pamberi paJehovha,+ uye Satani+ akapindawo pakati pavo.+  Jehovha akabva ati kuna Satani: “Uri kubva kupi?” Satani akapindura Jehovha achiti: “Kunopota-pota nenyika nekufamba-famba pairi.”+  Uye Jehovha akati kuna Satani: “Waona mushumiri* wangu Jobho here? Hakuna akafanana naye panyika. Murume akarurama uye asina chaanopomerwa,*+ anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa.”  Satani akabva apindura Jehovha achiti: “Jobho anotya Mwari pasina here?+ 10  Handiti makamupoteredza neruzhowa*+ pamwe chete nemba yake nezvinhu zvese zvaainazvo? Makakomborera basa remaoko ake,+ uye zvipfuwo zvake zvakaita fararira panyika. 11  Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu murove zvinhu zvese zvaainazvo, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.” 12  Jehovha akabva ati kuna Satani: “Ona! Zvinhu zvese zvaainazvo zviri mumaoko ako. Asi usatambanudzira ruoko rwako paari iye pachake!” Saka Satani akabva pamberi paJehovha.+ 13  Mumwe musi zvakaitika kuti vanakomana vake nevanasikana vake pavakanga vachidya uye vachinwa waini vari mumba memukoma wavo mukuru,+ 14  nhume yakasvika kuna Jobho ikati: “Mombe dzanga dzichirima, madhongi achifura pedyo nadzo. 15  VaSebhiya vabva vasvika vakarwisa, vakazvitora, vakauraya vashandi nebakatwa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.” 16  Achiri kutaura kudaro, mumwe akabva asvika achiti: “Moto waMwari* wabva kudenga, ukapisa makwai nevashandi, ukazviparadza! Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.” 17  Achiri kutaura kudaro, mumwe akabva asvika achiti: “VaKadheya+ varonga zvikwata zvitatu, vakapamba ngamera, vakauraya vashandi nebakatwa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.” 18  Achiri kutaura kudaro, mumwezve akabva asvika achiti: “Vanakomana venyu nevanasikana venyu vanga vachidya uye vachinwa waini vari mumba memukoma wavo mukuru. 19  Kwangoerekana kwauya mhepo ine simba ichibva kurenje, ikarova makona mana emba yacho, ikatsitsirira vana vacho, vakafa. Ndini ndega ndapona ndauya kuzokuudzai.” 20  Achinzwa izvi Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akagera musoro wake; akabva awira pasi, akakotama 21  ndokuti: “Ndakabuda mudumbu raamai vangu ndisina kupfeka,Uye ndichadzokera ndisina kupfeka.+ Jehovha akapa,+ uye Jehovha atora. Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.” 22  Pazvinhu zvese izvi, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.*

Mashoko Emuzasi

Zvingava zvichireva kuti “Anopikiswa; Anoshorwa.”
Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”
ChiHeb., “zvipani 500 zvemombe.”
ChiHeb., “nemadhongi makadzi.”
Kana kuti “aiita mabiko pamba pake kana jana rake rasvika.”
Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.
ChiHeb., “Waisa mwoyo wako pamushumiri.”
Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”
Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Mheni.”
Kana kuti “kutaura zvakaipa nezvaMwari.”