Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raJobho

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Kuperera kwaJobho uye upfumi hwake (1-5)

    • Satani anotaura kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (6-12)

    • Jobho anorasikirwa neupfumi hwake nevana vake (13-19)

    • Jobho haapi Mwari mhosva (20-22)

  • 2

    • Satani anotaura zvakare kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (1-5)

    • Satani anobvumirwa kurova muviri waJobho (6-8)

    • Mudzimai waJobho: “Tuka Mwari ufe!” (9, 10)

    • Shamwari nhatu dzaJobho dzinosvika (11-13)

  • 3

    • Jobho anodemba kuti dai asina kuberekwa (1-26)

      • Anobvunza kuti nei ari kutambura (20, 21)

  • 4

    • Erifazi anotanga kutaura (1-21)

      • Anoshora kuperera kwaJobho (7, 8)

      • Anotaura mashoko aakaudzwa nemweya (12-17)

      • ‘Mwari haatendi muvashumiri vake’ (18)

  • 5

    • Erifazi anoenderera mberi achitaura (1-27)

      • ‘Mwari anobata vakachenjera mukunyengera kwavo’ (13)

      • ‘Jobho haafaniri kuramba kurangwa naMwari’ (17)

  • 6

    • Jobho anopindura (1-30)

      • Anoratidza kuti haangamboregi kuchema (2-6)

      • Vanyaradzi vake vanyengeri (15-18)

      • “Mashoko echokwadi haarwadzi!” (25)

  • 7

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-21)

      • Upenyu hwakafanana nebasa rekumanikidzwa (1, 2)

      • “Nei mangoti nangananga neni?” (20)

  • 8

    • Bhiridhadhi anotanga kutaura (1-22)

      • Anopa pfungwa yekuti vanakomana vaJobho vakaita chivi (4)

      • ‘Dai wakachena, Mwari aizokudzivirira’ (6)

      • Anopa pfungwa yekuti Jobho haadi Mwari (13)

  • 9

    • Jobho anopindura (1-35)

      • Munhu anofawo zvake haagoni kutongana naMwari (2-4)

      • ‘Mwari anoita zvinhu zvisingagoni kuongororwa’ (10)

      • Munhu haagoni kupikisana naMwari (32)

  • 10

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22)

      • ‘Mwari ari kundirwisirei?’ (2)

      • Kusiyana kwakaita Mwari naJobho munhu wenyama (4-12)

      • ‘Regai ndimbozororawo’ (20)

  • 11

    • Zofari anotanga kutaura (1-20)

      • Anopomera Jobho kuti ari kutaura zvisina musoro (2, 3)

      • Anoudza Jobho kuti asiyane nezvakaipa (14)

  • 12

    • Jobho anopindura (1-25)

      • “Handina kuderera kukupfuurai” (3)

      • “Ndava chiseko” (4)

      • ‘Mwari ndiye ane uchenjeri’ (13)

      • Mwari ari pamusoro pevatongi nemadzimambo (17, 18)

  • 13

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-28)

      • ‘Ndingatoda zvangu kutaura naMwari’ (3)

      • “Muri vanachiremba vasingabatsiri” (4)

      • “Ndinoziva kuti ndakarurama” (18)

      • Anobvunza kuti nei Mwari achimuona semuvengi (24)

  • 14

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-22)

      • Munhu anorarama kwenguva pfupi uye achitambura (1)

      • “Kunyange muti une tariro” (7)

      • “Dai manga mandivanza henyu muGuva!” (13)

      • “Kana munhu akafa, angararamazve here?” (14)

      • Mwari achasuwa basa remaoko ake (15)

  • 15

    • Erifazi anotaura kechipiri (1-35)

      • Anopomera Jobho kuti haatyi Mwari (4)

      • Anoti Jobho anozvikudza (7-9)

      • ‘Mwari haatendi muvatsvene vake’ (15)

      • ‘Munhu anotambura anenge ari munhu akaipa’ (20-24)

  • 16

    • Jobho anopindura (1-22)

      • “Muri vanyaradzi vanotambudza!” (2)

      • Anoti Mwari ari kupfura miseve yake akamunanga (12)

  • 17

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-16)

      • “Ndakakombwa nevanondinyomba” (2)

      • “Akandiita chiseko” (6)

      • “Guva richava imba yangu” (13)

  • 18

    • Bhiridhadhi anotaura kechipiri (1-21)

      • Anotaura nezvemugove wevatadzi (5-20)

      • Anopa pfungwa yekuti Jobho haazivi Mwari (21)

  • 19

    • Jobho anopindura (1-29)

      • Anoramba kutsiurwa neshamwari dzake dzenhema (1-6)

      • Anotaura kuti vanhu vamurasa (13-19)

      • “Mudzikinuri wangu mupenyu” (25)

  • 20

    • Zofari anotaura kechipiri (1-29)

      • Anonzwa seari kutukwa naJobho (2, 3)

      • Anopa pfungwa yekuti Jobho akaipa (5)

      • Anoti Jobho anofarira chivi (12, 13)

  • 21

    • Jobho anopindura (1-34)

      • ‘Nei vakaipa vachibudirira?’ (7-13)

      • Anofumura vanyaradzi vake venhema (27-34)

  • 22

    • Erifazi anotaura kechitatu (1-30)

      • “Munhu ane zvaanobatsira here kuna Mwari?” (2, 3)

      • Anopomera Jobho kuti ane makaro uye anotonga zvisina kururama (6-9)

      • ‘Dzokera kuna Mwari, wodzorerwa pawaiva’ (23)

  • 23

    • Jobho anopindura (1-17)

      • Anoda kutaura nyaya yake pamberi paMwari (1-7)

      • Anotaura kuti ari kushaya Mwari (8, 9)

      • ‘Ndakaramba ndichitevera nzira yake ndisingatsauki’ (11)

  • 24

    • Jobho anoenderera mberi achipindura (1-25)

      • ‘Nei Mwari asingatari nguva?’ (1)

      • Anotaura kuti Mwari anobvumira zvakaipa (12)

      • Vatadzi vanofarira rima (13-17)

  • 25

    • Bhiridhadhi anotaura kechitatu (1-6)

      • ‘Munhu angava sei akarurama pamberi paMwari?’ (4)

      • Anoti kuperera kwemunhu hakuna zvakunobatsira (5, 6)

  • 26

    • Jobho anopindura (1-14)

      • “Inga unogona kubatsira munhu asina simba!” (1-4)

      • ‘Mwari anorembedza nyika pasina chinhu’ (7)

      • ‘Zvinongova mupendero wenzira dzaMwari’ (14)

  • 27

    • Jobho ari kuda kuramba akaperera (1-23)

      • “Handizosiyi kuperera kwangu kuna Mwari” (5)

      • Munhu asingadi Mwari haana tariro (8)

      • ‘Nei muchitaura mashoko asingabatsiri?’ (12)

      • Vakaipa vanopedzisira vasisina chinhu (13-23)

  • 28

    • Jobho anoratidza kusiyana kwakaita pfuma yenyika neuchenjeri (1-28)

      • Zvinoitwa nevanochera migodhi (1-11)

      • Uchenjeri hunokosha kupfuura maparera (18)

      • Kutya Jehovha ndihwo uchenjeri hwechokwadi (28)

  • 29

    • Jobho anoyeuka mazuva aaifara asati asangana nemiedzo (1-25)

      • Airemekedzwa pagedhi reguta (7-10)

      • Mararamiro aaiita achitonga zvakarurama (11-17)

      • Vanhu vese vaiteerera mazano ake (21-23)

  • 30

    • Jobho anotsanangura kuchinja kwaita upenyu hwake (1-31)

      • Anonyombwa nevanhu vasina zvavanobatsira (1-15)

      • Anoona sekuti Mwari haasi kumubatsira (20, 21)

      • “Ganda rangu rasviba” (30)

  • 31

    • Jobho anozvipupurira kuti akarurama (1-40)

      • “Sungano nemaziso angu” (1)

      • Anokumbira kuti Mwari amuise pachikero (6)

      • Haasi mhombwe (9-12)

      • Haasi munhu anoda mari (24, 25)

      • Haanamati zvidhori (26-28)

  • 32

    • Wechidiki Erihu anotangawo kutaura (1-22)

      • Anotsamwira Jobho nevamwe vake (2, 3)

      • Haana kutanga kutaura nekuti aivaremekedza (6, 7)

      • Zera rega harisi iro rinoita kuti munhu achenjere (9)

      • Erihu ane shungu dzekutaura (18-20)

  • 33

    • Erihu anotsiura Jobho nekuti anozviita akarurama (1-33)

      • Rudzikinuro rwakawanikwa (24)

      • Kudzokera pasimba reudiki (25)

  • 34

    • Erihu anopupurira matongero aMwari uye nzira dzake (1-37)

      • Jobho akati Mwari akaramba kumutonga zvakarurama (5)

      • Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa (10)

      • Jobho anotaura zvaasingazivi (35)

  • 35

    • Erihu anotaura kuti Jobho akarasika (1-16)

      • Jobho anoti akarurama kupfuura Mwari (2)

      • Mwari akakwirira zvekuti haakanganiswi nechivi (5, 6)

      • Jobho anofanira kumirira Mwari (14)

  • 36

    • Erihu anorumbidza ukuru hwaMwari husingaenzaniswi (1-33)

      • Vanoteerera vanobudirira; vasingadi Mwari vanorambwa (11-13)

      • ‘Murayiridzi upi akafanana naMwari?’ (22)

      • Jobho anofanira kukudza Mwari (24)

      • “Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva” (26)

      • Mvura uye mheni zviri mumaoko aMwari (27-33)

  • 37

    • Mamiriro ekunze anoratidza ukuru hwaMwari (1-24)

      • Mwari anogona kumisa mabasa evanhu (7)

      • “Fungisisa mabasa aMwari anoshamisa” (14)

      • Vanhu havafi vakanzwisisa Mwari (23)

      • Hapana munhu anofanira kufunga kuti akangwara (24)

  • 38

    • Jehovha anopa chidzidzo chekuratidza kuti munhu mudiki zvakadini (1-41)

      • ‘Waiva kupi pakasikwa nyika?’ (4-6)

      • Vanakomana vaMwari vakashevedzera vachirumbidza (7)

      • Mibvunzo nezvezvinhu zvakasikwa (8-32)

      • “Mitemo yekudenga” (33)

  • 39

    • Masikirwo akaitwa mhuka anoratidza kuti vanhu havazivi (1-30)

      • Mbudzi dzemumakomo nenondo (1-4)

      • Dhongi remusango (5-8)

      • Nzombe yemusango (9-12)

      • Mhou (13-18)

      • Bhiza (19-25)

      • Rukodzi negondo (26-30)

  • 40

    • Mimwe mibvunzo inobva kuna Jehovha (1-24)

      • Jobho anobvuma kuti haana chekutaura (3-5)

      • “Ungati ini handitongi zvakarurama here?” (8)

      • Mwari anorondedzera simba reBhehemoti (15-24)

  • 41

    • Mwari anorondedzera kushamisa kunoita Revhiatani (1-34)

  • 42

    • Jobho anopindura Jehovha (1-6)

    • Shamwari nhatu dzinonzi dzine mhosva (7-9)

    • Jehovha anodzorera Jobho paaiva pakutanga (10-17)

      • Vanakomana nevanasikana vaJobho (13-15)