Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raVatongi

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Kukunda kwaJudha naSimiyoni (1-20)

    • VaJebhusi vanoramba vari muJerusarema (21)

    • Josefa anotora Bheteri (22-26)

    • Vamwe vaKenani havana kudzingwa (27-36)

  • 2

    • Nyevero inobva kungirozi yaJehovha (1-5)

    • Kufa kwaJoshua (6-10)

    • VaIsraeri vanopiwa vatongi kuti vavaponese (11-23)

  • 3

    • Jehovha anoedza vaIsraeri (1-6)

    • Otinieri, mutongi wekutanga (7-11)

    • Mutongi Ehudhi anouraya Mambo Egroni akanga akafuta (12-30)

    • Mutongi Shamgari (31)

  • 4

    • Mambo Jabhini wevaKenani anodzvinyirira vaIsraeri (1-3)

    • Muprofitakadzi Dhibhora neMutongi Bheraki (4-16)

    • Jaeri anouraya Sisera mukuru weuto (17-24)

  • 5

    • Rwiyo rwekukunda rwaDhibhora naBheraki (1-31)

      • Nyeredzi dzinorwisa Sisera (20)

      • Rukova rwaKishoni runofashamira (21)

      • Vaya vanoda Jehovha vakaita sezuva (31)

  • 6

    • VaMidhiyani vanodzvinyirira vaIsraeri (1-10)

    • Ngirozi inoudza Mutongi Gidhiyoni kuti achatsigirwa (11-24)

    • Gidhiyoni anoputsa atari yaBhaari (25-32)

    • Mweya waMwari unouya pana Gidhiyoni (33-35)

    • Chiratidzo chejira remvere dzemakwai (36-40)

  • 7

    • Gidhiyoni nevarume vake 300 (1-8)

    • Uto raGidhiyoni rinokunda vaMidhiyani (9-25)

      • “Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!” (20)

      • Vanhu vanovhiringidzika mumusasa wevaMidhiyani (21, 22)

  • 8

    • VaEfremu vanopopotera Gidhiyoni (1-3)

    • Madzimambo eMidhiyani anoteverwa ourayiwa (4-21)

    • Gidhiyoni anoramba kuva mambo (22-27)

    • Pfupiso yeupenyu hwaGidhiyoni (28-35)

  • 9

    • Abhimereki anova mambo muShekemu (1-6)

    • Chirevo chaJotamu (7-21)

    • Kutonga kweutsinye kwaAbhimereki (22-33)

    • Abhimereki anouraya vanhu vemuShekemu (34-49)

    • Mumwe mukadzi anokuvadza Abhimereki; Abhimereki anofa (50-57)

  • 10

    • Mutongi Tora naMutongi Jairi (1-5)

    • Israeri anopanduka, opfidza (6-16)

    • VaAmoni vanodzika musasa kuti varwe nevaIsraeri (17, 18)

  • 11

    • Mutongi Jefta anodzingwa, asi anozoitwa mutungamiriri (1-11)

    • Jefta anoedza kutaurirana nevaAmoni (12-28)

    • Mhiko yaJefta nemwanasikana wake (29-40)

      • Mwanasikana wake anorarama asina kuroorwa (38-40)

  • 12

    • Kusanzwisisana nevaEfremu (1-7)

      • Kuudzwa kuti vati Shibhoreti (6)

    • Vatongi vanoti Ibzani, Eroni, naAbdhoni (8-15)

  • 13

    • Ngirozi inouya kuna Manoa nemudzimai wake (1-23)

    • Kuberekwa kwaSamsoni (24, 25)

  • 14

    • Mutongi Samsoni anotsvaga mukadzi wechiFiristiya (1-4)

    • Mweya waJehovha unoita kuti Samsoni akwanise kuuraya shumba (5-9)

    • Chirahwe chaSamsoni pamuchato (10-19)

    • Mudzimai waSamsoni anopiwa mumwe murume (20)

  • 15

    • Samsoni anotsiva vaFiristiya (1-20)

  • 16

    • Samsoni anoenda kuGaza (1-3)

    • Samsoni naDherira (4-22)

    • Kutsiva kwaSamsoni nekufa kwake (23-31)

  • 17

    • Zvidhori zvaMika nemupristi wake (1-13)

  • 18

    • VaDhani vanotsvaga nyika yekugara (1-31)

      • Zvidhori zvaMika zvinotorwa pamwe nemupristi wake (14-20)

      • Raishi inotorwa yotumidzwa kuti Dhani (27-29)

      • Kunamata chidhori muDhani (30, 31)

  • 19

    • Mhosva yevaBhenjamini yekubata chibharo muguta reGibhiya (1-30)

  • 20

    • Kurwa nevaBhenjamini (1-48)

  • 21

    • Dzinza revaBhenjamini rinochengetedzwa (1-25)