Tsamba kuvaGaratiya 3:1-29

  • Kusiyana kwakaita mabasa eMutemo nekutenda (1-14)

    • Vakarurama vachararama nekutenda (11)

  • Abrahamu haana kupiwa vimbiso nekutevedzera Mutemo (15-18)

    • Kristu, mwana waAbrahamu (16)

  • Kutanga kweMutemo uye chinangwa chawo (19-25)

  • Vanakomana vaMwari kuburikidza nekutenda (26-29)

    • Vana vaAbrahamu, vanhu vaKristu (29)

3  Imi vaGaratiya, makapusa! Ndiani akakufurirai zvakadaro,+ imi makanyatsoratidzwa pachena Jesu Kristu akarovererwa padanda?+  Ndine mubvunzo mumwe chete kwamuri: Makagamuchira mweya nekuda kwemabasa emutemo here kana kuti nekuda kwekutenda zvamakanzwa?+  Makapusa zvakadaro here? Mungatanga muchifamba mumweya, mozopedzisa munyama here?+  Matambudziko akawanda amakasangana nawo, makatamburira pasina here? Hamuna kutamburira pasina.  Saka uya anopa mweya uye anoita mabasa esimba+ pakati penyu, anozviita nekuda kwemabasa enyu emutemo here kana kuti nekuda kwekutenda kwenyu zvamakanzwa?  Sezvo Abrahamu “akatenda muna Jehovha,* akanzi akarurama.”+  Munonyatsoziva kuti vaya vanorarama nekutenda ndivo vanakomana vaAbrahamu.+  Magwaro paakaona kuti Mwari aizoti vanhu vemamwe marudzi vakarurama nekuda kwekutenda, akazivisa mashoko akanaka kuna Abrahamu, ekuti: “Marudzi ese achakomborerwa nekwauri.”+  Saka vaya vanorarama nekutenda vari kukomborerwa pamwe chete naAbrahamu, aiva nekutenda.+ 10  Vese vanovimba nemabasa emutemo vakatukwa, nekuti zvakanyorwa kuti: “Munhu wese asingarambi achitevedzera zvinhu zvese zvakanyorwa mubhuku iri reMutemo, akatukwa.”+ 11  Uyewo zviri pachena kuti hapana anonzi naMwari akarurama pachishandiswa mutemo,+ nekuti “munhu akarurama achararama nekutenda.”+ 12  Mutemo haubvi pakutenda. Asi kuti “unoita kuti munhu anouchengeta ararame.”+ 13  Kristu akatitenga,+ achitisunungura+ pakutuka kweMutemo nekuva iye akatukwa panzvimbo pedu, nekuti zvakanyorwa kuti: “Munhu wese anoturikwa padanda akatukwa.”+ 14  Izvi zvakaitirwa kuti chikomborero chaAbrahamu chiuye kumarudzi kuburikidza naKristu Jesu,+ kuti nekutenda kwedu, tigamuchire mweya wakavimbiswa.+ 15  Hama, ndinotaura ndichishandisa mufananidzo unozivikanwa nevanhu: Kana sungano yangosimbiswa, kunyange nemunhu, hapana anogona kuita kuti isashande kana kuwedzera zvimwe pairi. 16  Vimbiso idzi dzakataurirwa Abrahamu uye mwana* wake.+ Vimbiso dzacho hadziti, “kuvana* vako,” sekunge kuti vakawanda. Asi dzinoti, “kumwana* wako,” kureva kuti mumwe chete, iye Kristu.+ 17  Uyezve ndinoti: Mutemo, uyo wakazovapo papfuura makore 430,+ haudzimi sungano yakaitwa naMwari, uchigumisa vimbiso yacho. 18  Nekuti kana nhaka ichiwanika nemutemo, inenge isisawaniki nevimbiso; asi Mwari akaipa Abrahamu nevimbiso.+ 19  Saka nei Mutemo wakavapo? Wakawedzerwa kuti zvitadzo zviiswe pachena,+ kusvikira mwana* asvika,+ uyo akanga aitirwa vimbiso yacho; uye wakapiwa nekungirozi+ pachishandiswa ruoko rwemurevereri.+ 20  Kana pachingova nemunhu mumwe chete hapana murevereri, asi Mwari anongova mumwe chete. 21  Saka Mutemo unopesana nevimbiso dzaMwari here? Kwete, handizvo! Nekuti kudai kwakanga kwapiwa mutemo waikwanisa kupa upenyu, kururama kungadai kwakavapo nemutemo. 22  Asi Rugwaro rwakaisa zvinhu zvese muusungwa hwechivi, kuti vimbiso inobva pakutenda muna Jesu Kristu ipiwe vaya vanotenda. 23  Asi kutenda kusati kwasvika, takanga tichichengetedzwa tiri pasi pemutemo, tichiiswa muusungwa, tichitarisira kutenda kwakanga kwava kuzoratidzwa.+ 24  Saka Mutemo wakava muperekedzi* wedu anotungamirira kuna Kristu,+ kuti tinzi takarurama nekutenda.+ 25  Asi sezvo kutenda kwakasvika,+ hatisisiri pasi pemuperekedzi.*+ 26  Ndingatoti mese muri vanakomana vaMwari+ nekutenda kwenyu muna Kristu Jesu.+ 27  Nekuti imi mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.+ 28  Hapana muJudha kana muGiriki,+ hapana muranda kana munhu akasununguka,+ hapana munhurume kana munhukadzi,+ nekuti imi mese muri pamwe chete muna Kristu Jesu.+ 29  Uyewo kana muri vanhu vaKristu, muri vana* vaAbrahamu zvechokwadi,+ vagari venhaka+ kana tichitaura nezvevimbiso.+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “mbeu.”
ChiGir., “mbeu.”
ChiGir., “mbeu.”
ChiGir., “mbeu.”
Kana kuti “muchengetedzi.”
Kana kuti “pemuchengetedzi.”
ChiGir., “mbeu.”