Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raJoshua

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Jehovha anosimbisa Joshua (1-9)

      • Verenga Mutemo nenzwi riri pasi pasi (8)

    • Kugadzirira kuyambuka Jodhani (10-18)

  • 2

    • Joshua anotuma vasori vaviri kuJeriko (1-3)

    • Rakabhi anohwandisa vasori (4-7)

    • Vimbiso kuna Rakabhi (8-21a)

      • Chiratidzo chetambo tsvuku (18)

    • Vasori vanodzokera kuna Joshua (21b-24)

  • 3

    • VaIsraeri vanoyambuka Jodhani (1-17)

  • 4

    • Matombo aizoshanda sechiyeuchidzo (1-24)

  • 5

    • Kuchecheudza vanhu paGirigari (1-9)

    • Kuchengetwa kwePaseka; kuguma kwemana (10-12)

    • Mukuru weuto raJehovha (13-15)

  • 6

    • Rusvingo rweJeriko runoondomoka (1-21)

    • Rakabhi nehama dzake vanosiyiwa vari vapenyu (22-27)

  • 7

    • VaIsraeri vanokundwa kuAi (1-5)

    • Munyengetero waJoshua (6-9)

    • Chivi chinoita kuti vaIsraeri vakundwe (10-15)

    • Akani anobatwa uye anotemwa nematombo (16-26)

  • 8

    • Joshua anoisa vanhu kuti vahwandire guta reAi (1-13)

    • Guta reAi rinokundwa (14-29)

    • Mutemo unoverengwa paGomo reEbhari (30-35)

  • 9

    • VaGibhiyoni vanoshandisa njere, votsvaga rugare (1-15)

    • VaGibhiyoni vanoonekwa kuti vakanyepa (16-21)

    • VaGibhiyoni vanopiwa basa rekuchera mvura nekutema huni (22-27)

  • 10

    • VaIsraeri vanorwira vaGibhiyoni (1-7)

    • Jehovha anorwira vaIsraeri (8-15)

      • Chimvuramabwe chinorova vavengi vari kutiza (11)

      • Zuva rinoramba rakamira (12-14)

    • Madzimambo mashanu anourayiwa (16-28)

    • Maguta ekumaodzanyemba anotorwa (29-43)

  • 11

    • Maguta ekuchamhembe anotorwa (1-15)

    • Pfupiso yekukunda kwaJoshua (16-23)

  • 12

    • Madzimambo akakundwa kumabvazuva kwaJodhani (1-6)

    • Madzimambo akakundwa kumavirira kwaJodhani (7-24)

  • 13

    • Nyika yakanga isati yakundwa (1-7)

    • Kugovewa kwenyika iri kumabvazuva kwaJodhani (8-14)

    • Nhaka yaRubheni (15-23)

    • Nhaka yaGadhi (24-28)

    • Nhaka yaManase kumabvazuva (29-32)

    • Jehovha ndiye nhaka yevaRevhi (33)

  • 14

    • Kugovewa kwenyika kumadokero kwaJodhani (1-5)

    • Karebhi anopiwa Hebroni (6-15)

  • 15

    • Nhaka yaJudha (1-12)

    • Mwanasikana waKarebhi anowana munda (13-19)

    • Maguta aJudha (20-63)

  • 16

    • Nhaka yevanhu vekwaJosefa (1-4)

    • Nhaka yaEfremu (5-10)

  • 17

    • Nhaka yaManase kumadokero (1-13)

    • Imwe nyika yakapiwa vanhu vekwaJosefa (14-18)

  • 18

    • Nyika yakanga yasara inogovewa paShiro (1-10)

    • Nhaka yaBhenjamini (11-28)

  • 19

    • Nhaka yaSimiyoni (1-9)

    • Nhaka yaZebhuroni (10-16)

    • Nhaka yaIsakari (17-23)

    • Nhaka yaAsheri (24-31)

    • Nhaka yaNaftari (32-39)

    • Nhaka yaDhani (40-48)

    • Nhaka yaJoshua (49-51)

  • 20

    • Maguta ekupotera (1-9)

  • 21

    • Maguta evaRevhi (1-42)

      • Evazukuru vaAroni (9-19)

      • EvaKohati vese vakanga vasara (20-26)

      • EvaGeshoni (27-33)

      • EvaMerari (34-40)

    • Zvakavimbiswa naJehovha zvinozadziswa (43-45)

  • 22

    • Madzinza ekumabvazuva anodzokera kunhaka yawo (1-8)

    • Atari inovakwa paJodhani (9-12)

    • Chinangwa cheAtari chinotsanangurwa (13-29)

    • Kusanzwisisana kunogadziriswa (30-34)

  • 23

    • Mashoko aJoshua ekuonekana nevatungamiriri veIsraeri (1-16)

      • Hapana mashoko aJehovha akakundikana (14)

  • 24

    • Joshua anotsanangura nhoroondo yevaIsraeri (1-13)

    • Vanhu vanokurudzirwa kushumira Jehovha (14-24)

      • “Asi ini neimba yangu, tichashumira Jehovha” (15)

    • Sungano yaJoshua nevaIsraeri (25-28)

    • Kufa kwaJoshua nekuvigwa kwake (29-31)

    • Mapfupa aJosefa anovigwa muShekemu (32)

    • Kufa kwaEriyezari nekuvigwa kwake (33)