Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raJeremiya

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Jeremiya anogadzwa kuva muprofita (1-10)

    • Chiratidzo chemuti wemuarumondi (11, 12)

    • Chiratidzo chehari yekubikira (13-16)

    • Jeremiya anosimbiswa kuti aite basa rake (17-19)

  • 2

    • Israeri anosiya Jehovha achitevera vamwe vanamwari (1-37)

      • Israeri akaita semuzambiringa wemusango (21)

      • Nguo dzake dzine ropa (34)

  • 3

    • Kutsauka kukuru kwevaIsraeri (1-5)

    • VaIsraeri nevaJudha vane mhosva yeupombwe (6-11)

    • Kukumbirwa kuti vasiye zvakaipa (12-25)

  • 4

    • Kusiya zvakaipa kunounza makomborero (1-4)

    • Dambudziko richabva kuchamhembe (5-18)

    • Jeremiya anorwadziwa nedambudziko riri kuuya (19-31)

  • 5

    • Vanhu vanoramba kutsiurwa naJehovha (1-13)

    • Kuparadzwa asi vasingapedzwi vese (14-19)

    • Jehovha anoita kuti vanhu vazvidavirire (20-31)

  • 6

    • Jerusarema rava kuda kukombwa (1-9)

    • Jehovha anotsamwira Jerusarema (10-21)

      • Vanoti “Kune runyararo!” iko kusina runyararo (14)

    • Kurwiswa zvine utsinye nevanobva kuchamhembe (22-26)

    • Jeremiya anoitwa munhu anoedza simbi (27-30)

  • 7

    • Kuvimba netemberi yaJehovha vachizvinyengera (1-11)

    • Temberi ichaita sezvakaitwa Shiro (12-15)

    • Kunamata kwenhema kunoshorwa (16-34)

      • Kunamata “Mambokadzi Wedenga” (18)

      • Kubayira vana muHinomu (31)

  • 8

    • Vanhu vanotevera nzira yeveruzhinji (1-7)

    • Hapana uchenjeri pasina shoko raJehovha (8-17)

    • Jeremiya anoshungurudzika nekuparara kweJudha (18-22)

      • “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here?” (22)

  • 9

    • Kunetseka kwaJeremiya (1-3a)

    • Jehovha anoita kuti vaJudha vazvidavirire (3b-16)

    • Kuchema Judha (17-22)

    • Kuzvirumbidza pamusoro paJehovha (23-26)

  • 10

    • Vanamwari vemarudzi vanoenzaniswa naMwari mupenyu (1-16)

    • Kuparadzwa uye kutapwa zvava pedyo (17, 18)

    • Jeremiya anoshungurudzika (19-22)

    • Muprofita wacho anonyengetera (23-25)

      • Munhu haagoni kururamisa nhanho dzake (23)

  • 11

    • Judha anoputsa sungano yaakaita naMwari (1-17)

      • Vanamwari vakawanda semaguta (13)

    • Jeremiya anofananidzwa negwayana riri kuendeswa kunourayiwa (18-20)

    • Jeremiya anopikiswa nevarume vemuguta rake (21-23)

  • 12

    • Kunyunyuta kwaJeremiya (1-4)

    • Mhinduro yaJehovha (5-17)

  • 13

    • Bhandi rejira rakanga raora (1-11)

    • Zvirongo zvewaini zvichaputswa (12-14)

    • VaJudha vasingabatsiriki vachatapwa (15-27)

      • “MuKushi angachinja ganda rake here?” (23)

  • 14

    • Kusanaya kwemvura, nzara, uye bakatwa (1-12)

    • Vaprofita venhema vanofumurwa (13-18)

    • Jeremiya anobvuma kuti vanhu vakatadza (19-22)

  • 15

    • Jehovha haazochinji mutongo wake (1-9)

    • Kunyunyuta kwaJeremiya (10)

    • Mhinduro yaJehovha (11-14)

    • Munyengetero waJeremiya (15-18)

      • Kufarira kudya shoko raMwari (16)

    • Jeremiya anosimbiswa naJehovha (19-21)

  • 16

    • Jeremiya haafaniri kuroora, kuchema, kana kuenda kumabiko (1-9)

    • Kurangwa uye kudzoswa kunyika yavo (10-21)

  • 17

    • Chivi chaJudha chakadzika midzi (1-4)

    • Kuvimba naJehovha kunounza makomborero (5-8)

    • Mwoyo unonyengera (9-11)

    • Jehovha ndiye tariro yaIsraeri (12, 13)

    • Munyengetero waJeremiya (14-18)

    • Kuchengeta zuva reSabata riri dzvene (19-27)

  • 18

    • Ivhu riri mumaoko emuumbi (1-12)

    • Jehovha anofuratira vaIsraeri (13-17)

    • Jeremiya anorukirwa zano; chikumbiro chake (18-23)

  • 19

    • Jeremiya anoudzwa kuti aputse chirongo (1-15)

      • Kubayira vana kuna Bhaari (5)

  • 20

    • Pashuri anorova Jeremiya (1-6)

    • Jeremiya anotadza kuramba akanyarara (7-13)

      • Shoko raMwari rakaita semoto unobvira (9)

      • Jehovha akaita semurwi anotyisa (11)

    • Kunyunyuta kwaJeremiya (14-18)

  • 21

    • Jehovha anoramba kunzwa chikumbiro chaZedhekiya (1-7)

    • Vanhu vanofanira kusarudza upenyu kana kuti rufu (8-14)

  • 22

    • Mashoko emutongo kumadzimambo akaipa (1-30)

      • Mutongo waSharumu (10-12)

      • Mutongo waJehoyakimu (13-23)

      • Mutongo waKoniya (24-30)

  • 23

    • Vafudzi vakanaka nevakaipa (1-4)

    • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (5-8)

    • Vaprofita venhema vanoshorwa (9-32)

    • “Mutoro” waJehovha (33-40)

  • 24

    • Maonde akanaka neakaora (1-10)

  • 25

    • Jehovha anoita gakava nemarudzi (1-38)

      • Marudzi achava pasi peBhabhironi kwemakore 70 (11)

      • Kapu yewaini yekutsamwa kwaMwari (15)

      • Dambudziko rinobva kune rumwe rudzi richienda kune rumwe rudzi (32)

      • Vaya vachaurayiwa naJehovha (33)

  • 26

    • Vanhu vanoti vanoda kuuraya Jeremiya (1-15)

    • Jeremiya anorega kuurayiwa (16-19)

      • Mashoko akaprofitwa naMika (18)

    • Muprofita Urija (20-24)

  • 27

    • Joko reBhabhironi (1-11)

    • Zedhekiya anoudzwa kuti azviise pasi peBhabhironi (12-22)

  • 28

    • Jeremiya nemuprofita wenhema Hananiya (1-17)

  • 29

    • Tsamba yaJeremiya kunhapwa dzaiva kuBhabhironi (1-23)

      • VaIsraeri vachadzoka papera makore 70 (10)

    • Shoko kuna Shemaya (24-32)

  • 30

    • Vimbiso yekudzoswa uye yekuporeswa (1-24)

  • 31

    • VaIsraeri vakasara vachagarazve munyika yavo (1-30)

      • Rakeri anochema vana vake (15)

    • Sungano itsva (31-40)

  • 32

    • Jeremiya anotenga munda (1-15)

    • Munyengetero waJeremiya (16-25)

    • Mhinduro yaJehovha (26-44)

  • 33

    • Vimbiso yekudzoswa (1-13)

    • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (14-16)

    • Sungano naDhavhidhi uye nevapristi (17-26)

      • Sungano ine chekuita nemasikati neusiku (20)

  • 34

    • Mashoko emutongo kuna Zedhekiya (1-7)

    • Sungano yekusunungura varanda inoputswa (8-22)

  • 35

    • VaRekabhi vanoratidza muenzaniso wakanaka wekuteerera (1-19)

  • 36

    • Jeremiya anotaura mashoko achinyorwa mugwaro (1-7)

    • Bharuki anoverenga gwaro zvinonzwika (8-19)

    • Jehoyakimu anopisa gwaro racho (20-26)

    • Mashoko acho anonyorwazve (27-32)

  • 37

    • VaKadheya vanombodzokera kwenguva pfupi (1-10)

    • Jeremiya anosungwa (11-16)

    • Zedhekiya anosangana naJeremiya (17-21)

      • Jeremiya anopiwa chingwa (21)

  • 38

    • Jeremiya anokandwa mumugodhi (1-6)

    • Ebhedhi-mereki anonunura Jeremiya (7-13)

    • Jeremiya anoudza Zedhekiya kuti azviise kuvanhu veBhabhironi (14-28)

  • 39

    • Jerusarema rinoparadzwa (1-10)

      • Zedhekiya anotiza, obatwa (4-7)

    • Jeremiya anochengetwa (11-14)

    • Ebhedhi-mereki achaponeswa (15-18)

  • 40

    • Nebhuzaradhani anosunungura Jeremiya (1-6)

    • Gedhariya anogadzwa kuti atungamirire nyika (7-12)

    • Zano rekuuraya Gedhariya (13-16)

  • 41

    • Gedhariya anourayiwa naIshmaeri (1-10)

    • Ishmaeri anotiza Johanani (11-18)

  • 42

    • Vanhu vanokumbira Jeremiya kuti anyengetere, kuti vazive zvekuita (1-6)

    • Jehovha anopindura kuti: “Musaenda kuIjipiti” (7-22)

  • 43

    • Vanhu vanoramba kuteerera voenda kuIjipiti (1-7)

    • Shoko raJehovha kuna Jeremiya paaiva muIjipiti (8-13)

  • 44

    • Kuziviswa kwedambudziko richawira vaJudha kuIjipiti (1-14)

    • Vanhu vanoramba kuteerera Mwari (15-30)

      • “Mambokadzi Wedenga” anonamatwa (17-19)

  • 45

    • Shoko raJehovha kuna Bharuki (1-5)

  • 46

    • Uprofita pamusoro peIjipiti (1-26)

      • Ijipiti ichakundwa naNebhukadhinezari (13, 26)

    • Zvinhu zvichaitirwa Israeri (27, 28)

  • 47

    • Uprofita pamusoro pevaFiristiya (1-7)

  • 48

    • Uprofita pamusoro peMoabhi (1-47)

  • 49

    • Uprofita pamusoro peAmoni (1-6)

    • Uprofita pamusoro peEdhomu (7-22)

      • Hapazovi nerudzi rwevaEdhomu (17, 18)

    • Uprofita pamusoro peDhamasiko (23-27)

    • Uprofita pamusoro peKedhari neHazori (28-33)

    • Uprofita pamusoro peEramu (34-39)

  • 50

    • Uprofita pamusoro peBhabhironi (1-46)

      • Tizai muBhabhironi (8)

      • VaIsraeri vachadzoswa (17-19)

      • Mvura yeBhabhironi ichapwa (38)

      • Bhabhironi harizogarwi (39, 40)

  • 51

    • Uprofita pamusoro peBhabhironi (1-64)

      • Bhabhironi richangoerekana rakundwa nevaMedhiya (8-12)

      • Bhuku rinokandwa muna Yufratesi (59-64)

  • 52

    • Zedhekiya anopandukira Bhabhironi (1-3)

    • Nebhukadhinezari anokomba Jerusarema (4-11)

    • Kuparadzwa kweguta netemberi (12-23)

    • Vanhu vanoendeswa kuBhabhironi (24-30)

    • Jehoyakini anobudiswa mujeri (31-34)