Ezekieri 18:1-32

  • Mumwe nemumwe anotongerwa mhosva yake (1-32)

    • Mweya unotadza uchafa (4)

    • Mwanakomana haazorangirwi mhosva yababa vake (19, 20)

    • Haafariri rufu rwemunhu akaipa (23)

    • Munhu anosiya zvakaipa achawana upenyu (27, 28)

18  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:  “Munorevei nechirevo ichi chamuri kutaura munyika yeIsraeri muchiti, ‘Vanababa vakadya mazambiringa anovava, asi mazino evanakomana ndiwo ari kuita ugugu’?+  “‘Neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘hamuzorambi muchitaura chirevo ichi muIsraeri.  Inzwai! Mweya yese ndeyangu.* Mweya wababa nemweya wemwanakomana ndeyangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.*  “‘Ngatitii pane munhu akarurama, anoita zvakanaka uye zvakarurama.  Haadyi zvinhu zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo;+ haavimbi nezvidhori zvinosemesa* zveimba yaIsraeri; haaiti upombwe nemudzimai wemunhu*+ kana kurara nemukadzi ari kumwedzi;+  haana waanoitira utsinye,+ asi anodzorera chaakabatiswa newaakakweretesa;+ haabiri munhu,+ asi anopa zvekudya zvake kumunhu ane nzara+ uye anopa nguo kumunhu asina zvekupfeka;+  haabhadharisi mubereko kana kuita zvechimbadzo,+ haaiti zvisina kururama;+ anotonga nyaya iri pakati pevanhu zvakarurama;+  uye anoramba achifamba mumirau yangu achiita maererano nemitongo yangu achiratidza kuti akatendeka. Munhu iyeye akarurama uye acharamba achirarama,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 10  “‘Asi ngatitii ane mwanakomana gororo+ kana mhondi*+ kana anoita chimwe chinhu chakafanana neizvi 11  (kunyange zvazvo baba vacho vasina kuita chimwe chezvinhu izvi), anodya zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo, anoita unzenza nemudzimai wemunhu, 12  anoitira utsinye vanhu vanotambura nevarombo,+ anotora zvinhu neugororo, haadzoreri chibatiso, anovimba nezvidhori zvinosemesa,+ anoita mabasa anosemesa,+ 13  anoita zvechimbadzo uye anobhadharisa mubereko.+ Mwanakomana iyeye haazorambi achirarama. Achaurayiwa nemhaka yezvinhu zvese izvi zvinosemesa zvaakaita. Ndiye anenge azviurayisa. 14  “‘Asi ngatitii pana baba vane mwanakomana anoona zvivi zvese zvinoitwa nababa vake, asi kunyange azviona, haaiti zvinhu izvozvo. 15  Haadyi zvinhu zvakabayirwa kuzvidhori mumakomo; haavimbi nezvidhori zvinosemesa zveimba yaIsraeri; haaiti unzenza nemudzimai wemunhu; 16  haana waanoitira utsinye; haarambi kudzorera chibatiso; haatori chinhu neugororo; anopa zvekudya zvake kumunhu ane nzara uye anopa nguo kumunhu asina zvekupfeka; 17  haadzvinyiriri varombo; haaiti zvechimbadzo kana kubhadharisa mubereko; anoita maererano nemitongo yangu uye anofamba mumirau yangu. Munhu iyeye haazofiri mhosva yababa vake. Acharamba achirarama. 18  Asi nemhaka yekuti baba vake vaibiridzira, vakabira hama yavo, uye vakaita zvakaipa pakati pevanhu vekwavo, vachafira mhosva yavo. 19  “‘Asi muchati: “Nei mwanakomana asingapiwi mhosva yababa vake?” Mwanakomana wacho akaita zvakanaka uye zvakarurama, achichengeta mirau yangu yese achiiteerera, saka acharamba achirarama.+ 20  Mweya unotadza ndiwo uchafa.*+ Mwanakomana haazovi nemhosva yekukanganisa kwababa vake, uye baba havazovi nemhosva yekukanganisa kwemwanakomana wavo. Munhu akarurama achaitirwa zvinoenderana nekururama kwake, uye munhu akaipa achatongerwa mhosva yake.+ 21  “‘Zvino kana munhu akaipa akasiya zvivi zvake zvese, akachengeta mirau yangu, oita zvakanaka uye zvakarurama, acharamba achirarama. Haazofi.+ 22  Haazotongerwi zvakaipa zvaakaita.*+ Acharamba achirarama nekuti akaita zvakarurama.’+ 23  “‘Ko ini ndinombofarira rufu rwemunhu akaipa here?’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Handidi here kuti atendeuke panzira dzake, oramba achirarama?’+ 24  “‘Asi kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama, oita zvakaipa, achiita zvinhu zvese zvinosemesa zvinoitwa nevakaipa, achararama here? Mabasa ese akarurama aakaita haazoyeukwi.+ Achafira kusatendeka kwake nechivi chake.+ 25  “‘Asi muchati: “Nzira yaJehovha haina kururama.”+ Ndapota inzwai, imi imba yaIsraeri! Nzira yangu ndiyo isina kururama here?+ Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kururama here?+ 26  “‘Kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama, oita zvakaipa, ofira izvozvo, anenge afira zvivi zvake. 27  “‘Uye kana munhu akaipa akasiya zvakaipa zvake, otanga kuita zvakanaka uye zvakarurama, achazviponesa.*+ 28  Paanoona kuti akatadza, osiya zvakaipa zvake zvese, acharamba achirarama. Haazofi. 29  “‘Asi imba yaIsraeri ichati: “Nzira yaJehovha haina kururama.” Imi imba yaIsraeri, nzira dzangu ndidzo dzisina kururama here?+ Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kururama here?’ 30  “‘Saka ndichatonga mumwe nemumwe wenyu maererano nenzira dzake,+ imi vanhu veimba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Siyai zvakaipa zvenyu, chokwadi siyai zvachose zvakaipa zvenyu zvese, kuti musava nemhosva. 31  Siyai zvakaipa zvenyu zvese,+ mova nemwoyo mutsva nepfungwa itsva,+ mungadirei kufa,+ imi imba yaIsraeri?’ 32  “‘Handitombofariri kufa kwemunhu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Saka siyai zvakaipa murarame.’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Munhu anotadza ndiye achafa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Upenyu hwese ndehwangu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Kana kuti “wemuvakidzani wake.”
ChiHeb., “anodeura ropa.”
Kana kuti “Munhu anotadza ndiye achafa.”
ChiHeb., “Zvakaipa zvaakaita hazvizoyeukwi.”
Kana kuti “achaponesa mweya wake.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.