Eksodho 6:1-30

  • Vanovimbiswazve kuti vachanunurwa (1-13)

    • Zita raJehovha rakanga risinganyatsozivikanwi (2, 3)

  • Dzinza raMozisi naAroni (14-27)

  • Mozisi anofanira kumirazve pamberi paFarao (28-30)

6  Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Rega uone zvandichaitira Farao.+ Ruoko rune simba ruchamumanikidza kuti avarege vachienda, uye ruoko rune simba ruchamumanikidza kuti avadzinge munyika yake.”+  Mwari akabva ati kuna Mozisi: “Ndini Jehovha.  Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu, Isaka, naJakobho saMwari Wemasimbaose,+ asi handina kuita kuti vandizive+ nezita rangu rekuti Jehovha.+  Ndakaitawo sungano navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavaigara vari vatorwa.+  Ini pachangu ndanzwa kugomera kwevaIsraeri, vari kuitwa varanda nevaIjipiti, uye ndayeuka sungano yangu.+  “Saka udza vaIsraeri kuti: ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubvisai pamabasa anorema evaIjipiti ndokununurai pauranda,+ uye ndichakusunungurai neruoko rwakatambanudzwa* uye nekuvapa mitongo mikuru.+  Uye ndichakutorai kuti muve vanhu vangu, ndova Mwari wenyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu ari kukubvisai pamabasa anorema evaIjipiti.  Uye ndichakupinzai munyika yandakapika* kuti ndichapa Abrahamu, Isaka, naJakobho; uye ndichakupai kuti ive yenyu.+ Ndini Jehovha.’”+  Mozisi akazosvitsa mashoko aya kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nekuti vakanga vakaora mwoyo uye varwadziwa neuranda.+ 10  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 11  “Pinda muna Farao, mambo weIjipiti, umuudze kuti anofanira kurega vaIsraeri vachibuda munyika yake.” 12  Asi Mozisi akapindura Jehovha achiti: “Onai! VaIsraeri havana kunditeerera;+ Farao angazonditeerera sei, ini ndisingagoni kunyatsotaura?”*+ 13  Asi Jehovha akaudzazve Mozisi naAroni zvavaifanira kuudza vaIsraeri uye Farao mambo weIjipiti, kuti vabudise vaIsraeri munyika yeIjipiti. 14  Ava ndivo vakuru veimba yemadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsraeri,+ vaiva Hanoki, Paru, Hezroni, naKami.+ Idzi ndidzo mhuri dzaRubheni. 15  Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari, naShauri, mwanakomana wemukadzi wechiKenani.+ Idzi ndidzo mhuri dzaSimiyoni. 16  Aya ndiwo mazita evanakomana vaRevhi,+ maererano nemadzinza emhuri dzavo: Geshoni, Kohati, naMerari.+ Revhi akararama makore 137. 17  Vanakomana vaGeshoni vaiva Ribhini naShimei, maererano nemhuri dzavo.+ 18  Vanakomana vaKohati vaiva Amramu, Izihari, Hebroni, naUzieri.+ Kohati akararama makore 133. 19  Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi, maererano nemadzinza emhuri dzavo.+ 20  Amramu akatora Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake kuti ave mudzimai wake.+ Akamuberekera Aroni naMozisi.+ Amramu akararama makore 137. 21  Vanakomana vaIzihari vaiva Kora,+ Nefegi, naZikri. 22  Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani,+ naSitri. 23  Aroni akatora Erishebha, mwanasikana waAminadhabhi, hanzvadzi yaNashoni,+ kuti ave mudzimai wake. Akamuberekera Nadhabhi, Abhihu, Eriyezari, naItamari.+ 24  Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana, naAbhiyasafi.+ Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaKora.+ 25  Eriyezari,+ mwanakomana waAroni akatora mumwe wevanasikana vaPutieri kuti ave mudzimai wake. Akamuberekera Finiyasi.+ Ava ndivo vakuru vedzimba dzemadzibaba evaRevhi, maererano nemhuri dzavo.+ 26  Ava ndivo Aroni naMozisi vakanzi naJehovha: “Budisai vaIsraeri munyika yeIjipiti, vari mumapoka akarongwa.”*+ 27  Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vaIsraeri muIjipiti. Ndivo vacho Mozisi naAroni.+ 28  Zuva iroro Jehovha paakataura naMozisi ari munyika yeIjipiti, 29  Jehovha akaudza Mozisi kuti: “Ndini Jehovha. Udza Farao, mambo weIjipiti, zvese zvandiri kukutaurira.” 30  Mozisi akabva ati pamberi paJehovha: “Onai! Handigoni kunyatsotaura,* saka Farao angazonditeerera sei?”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rune simba.”
ChiHeb., “yandakasimudza ruoko rwangu.”
ChiHeb., “ndiine miromo isina kuchecheudzwa.”
ChiHeb., “maererano nemauto avo.”
ChiHeb., “Ndine miromo isina kuchecheudzwa.”