Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 11:1-34

  • “Nditevedzerei” (1)

  • Kuva musoro uye kufukidza musoro (2-16)

  • Kuchengeta Kudya kwaShe kweManheru (17-34)

11  Nditevedzerei sekutevedzera kwandinoita Kristu.+  Ndinokurumbidzai nekuti pamunoita zvinhu zvese munondirangarira uye muri kuramba makabatisisa nzira yekuita nayo zvinhu yandakakudzidzisai.  Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume wese ndiKristu;+ uye musoro wemukadzi murume;+ uye musoro waKristu ndiMwari.+  Murume wese anonyengetera kana kuprofita akapfeka chimwe chinhu mumusoro make anonyadzisa musoro wake;  asi mukadzi wese anonyengetera kana kuprofita+ musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake, nekuti hazvina kumbosiyana nekuti ave nemusoro wakaveurwa.  Nekuti kana mukadzi asingazvifukidzi, anofanira kugerwa; asi kana zvichinyadzisa kuti mukadzi agerwe kana kuti aveurwe, anofanira kuzvifukidza.  Nekuti murume haafaniri kufukidza musoro wake, nekuti iye mufananidzo+ nekukudzwa kwaMwari, asi mukadzi kukudzwa kwemurume.  Nekuti murume haana kubva kumukadzi, asi mukadzi akabva kumurume.+  Uyezve, murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume.+ 10  Ndokusaka mukadzi achifanira kuva nechiratidzo chesimba mumusoro make nekuda kwengirozi.+ 11  Kunze kwaizvozvo, munaShe, mukadzi haangavipo pasina murume uye murume haangavipo pasina mukadzi. 12  Nekuti sekungobvawo kwakaita mukadzi kumurume,+ murume anovapowo achibva nekumukadzi; asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.+ 13  Paoneiwo mega: Zvingaita here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro? 14  Masikirwo akaitwa vanhu haakuratidzei ega here kuti bvudzi refu rinoshoresa murume? 15  Asi kana mukadzi aine bvudzi refu, zvinoita kuti akudzwe. Nekuti anopiwa bvudzi rake panzvimbo pechekufukidzisa musoro. 16  Asi kana paine anoda kuita nharo achitsigira imwe tsika, isu hatina imwe tsika, kunyange ungano dzaMwari hadzinawo. 17  Asi pandiri kukupai mirayiro iyi, handikurumbidzei nekuti kuungana kwenyu kuri kutokukanganisai panzvimbo pekukubatsirai. 18  Nekuti kutanga, ndiri kunzwa kuti pamunoungana muungano, pane mapoka pakati penyu; uye ndingangozvibvuma. 19  Nekuti zvechokwadi pakati penyu pachavawo nemapoka,+ kuitira kuti vaya vanofarirwa naMwari vari pakati penyu vaoneke kuti ndevapi. 20  Pamunoungana panzvimbo imwe, hamusi kuungana kuti mudye Kudya kwaShe Kwemanheru.+ 21  Nekuti pamunodya, mumwe nemumwe ari kutanga adya kudya kwake kwemanheru, zvekuti mumwe anenge aine nzara asi mumwe akadhakwa. 22  Hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana kuti munozvidza ungano yaMwari here muchiita kuti vaya vasina chinhu vanyare? Ndotiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Panyaya iyi handikurumbidzei. 23  Nekuti ndakagamuchira kubva kunaShe zviya zvandakapfuudzawo kwamuri, zvekuti Ishe Jesu pausiku+ hwaakazotengeswa, akatora chingwa, 24  uye pashure pekuonga, akachimedura, akati: “Ichi chinomirira muviri wangu+ uri kupiwa kuitira imi. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+ 25  Akaitawo saizvozvo nekapu,+ pavakanga vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu.+ Rambai muchiita izvi, pese pamunonwira mairi, muchindiyeuka.”+ 26  Nekuti pese pamunodya chingwa ichi nekunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira auya. 27  Saka munhu wese anodya chingwa kana kunwira mukapu yaShe zvisina kukodzera achava nemhosva pamusoro pemuviri neropa raShe. 28  Munhu ngaatange azviongorora aone kana akakodzera,+ kana adaro ndipo chete paanozodya chingwa nekunwira mukapu yacho. 29  Nekuti uya anodya nekunwa asinganzwisisi muviri anozvidyira nekuzvinwira kutongwa. 30  Ndokusaka vakawanda pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vakati wandei vakarara murufu.*+ 31  Asi kudai tainzwisisa zvatiri pachedu, taisazotongwa. 32  Asi patinotongwa, tinorangwa naJehovha,*+ kuti tirege kupiwa mhosva pamwe chete nenyika.+ 33  Saka hama dzangu, pamunoungana kuti mudye kudya uku, miriranai. 34  Kana munhu aine nzara, ngaadyire kumba, kuti pamunoungana murege kuunganira kutongwa.+ Kana dziri dzimwe nyaya dzasara, ndichazodzigadzirisa pandinosvika ikoko.

Mashoko Emuzasi

Zvinoratidza sekuti pari kutaurwa kufa panyaya dzekunamata.