Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku Rekutanga raSamueri

Zvitsauko

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Erikana nemadzimai ake (1-8)

    • Hana anonyengetera kuti ave nemwanakomana (9-18)

    • Samueri anoberekwa uye anopiwa kuna Jehovha (19-28)

  • 2

    • Munyengetero waHana (1-11)

    • Zvivi zvevanakomana vaviri vaEri (12-26)

    • Jehovha anotonga imba yaEri (27-36)

  • 3

    • Samueri anoshevedzwa kuti ave muprofita (1-21)

  • 4

    • VaFiristiya vanotora Areka (1-11)

    • Eri nevanakomana vake vanofa (12-22)

  • 5

    • Areka munharaunda yevaFiristiya (1-12)

      • Dhagoni anonyadziswa (1-5)

      • VaFiristiya vanorohwa nedenda (6-12)

  • 6

    • VaFiristiya vanodzorera Areka kuvaIsraeri (1-21)

  • 7

    • Areka muKiriyati-jearimu (1)

    • Samueri anoudza vanhu kuti: ‘Shumirai Jehovha chete’ (2-6)

    • VaIsraeri vanokunda kuMizpa (7-14)

    • Samueri anotonga Israeri (15-17)

  • 8

    • VaIsraeri vanoti vanoda mambo (1-9)

    • Samueri anoyambira vanhu (10-18)

    • Jehovha anobvuma kupa vaIsraeri mambo wavakumbira (19-22)

  • 9

    • Samueri anoonana naSauro (1-27)

  • 10

    • Sauro anozodzwa kuva mambo (1-16)

    • Sauro anomiswa pamberi pevanhu (17-27)

  • 11

    • Sauro anokunda vaAmoni (1-11)

    • Umambo hwaSauro hunosimbiswa (12-15)

  • 12

    • Mashoko aSamueri ekuonekana nevanhu (1-25)

      • ‘Musatevera zvinhu zvisina maturo’ (21)

      • Jehovha haazosiyi vanhu vake (22)

  • 13

    • Sauro anosarudza varwi (1-4)

    • Sauro anoita zvaasina kodzero yekuita (5-9)

    • Samueri anotsiura Sauro (10-14)

    • VaIsraeri vakanga vasina zvombo (15-23)

  • 14

    • Jonatani anorwa paMikmashi (1-14)

    • Vavengi vevaIsraeri vanourayiwa nyore nyore naMwari (15-23)

    • Sauro anoita mhiko asina kufunga (24-46)

      • Vanhu vanodya nyama pamwe chete neropa (32-34)

    • Hondo dzaSauro; mhuri yake (47-52)

  • 15

    • Sauro anorega kuteerera osiya Agagi ari mupenyu (1-9)

    • Samueri anotsiura Sauro (10-23)

      • “Kuteerera kunokunda chibayiro” (22)

    • Sauro anorambwa pakuva mambo (24-29)

    • Samueri anouraya Agagi (30-35)

  • 16

    • Samueri anozodza Dhavhidhi kuti azova mambo (1-13)

      • “Jehovha anoona zviri mumwoyo” (7)

    • Mweya waMwari unobviswa pana Sauro (14-17)

    • Dhavhidhi anotanga kuridzira Sauro rudimbwa (18-23)

  • 17

    • Dhavhidhi anokunda Goriyati (1-58)

      • Goriyati anoshora vaIsraeri (8-10)

      • Dhavhidhi anozvipira kumurwisa (32-37)

      • Dhavhidhi anorwa muzita raJehovha (45-47)

  • 18

    • Ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani (1-4)

    • Kukunda kwaiita Dhavhidhi kunoita kuti Sauro aite godo (5-9)

    • Sauro anoedza kuuraya Dhavhidhi (10-19)

    • Dhavhidhi anoroora Mikari, mwanasikana waSauro (20-30)

  • 19

    • Sauro anoramba achivenga Dhavhidhi (1-13)

    • Dhavhidhi anotiza Sauro (14-24)

  • 20

    • Jonatani anoramba achitsigira Dhavhidhi (1-42)

  • 21

    • Dhavhidhi anodya chingwa chekuratidza kuNobhu (1-9)

    • Dhavhidhi anonyepedzera kupenga kuGati (10-15)

  • 22

    • Dhavhidhi kuAdhuramu neMizpe (1-5)

    • Sauro anoita kuti vapristi vekuNobhu vaurayiwe (6-19)

    • Abhiyatari anotiza (20-23)

  • 23

    • Dhavhidhi anonunura guta reKeira (1-12)

    • Sauro anotevera Dhavhidhi (13-15)

    • Jonatani anosimbisa Dhavhidhi (16-18)

    • Dhavhidhi anopotsa abatwa naSauro (19-29)

  • 24

    • Dhavhidhi anorega kuuraya Sauro (1-22)

      • Dhavhidhi anoremekedza muzodziwa waJehovha (6)

  • 25

    • Kufa kwaSamueri (1)

    • Nabhari anoramba chikumbiro chevarume vaDhavhidhi (2-13)

    • Abhigairi anoratidza uchenjeri (14-35)

      • ‘Homwe yeupenyu yaJehovha’ (29)

    • Nabhari uyo aiva benzi anorohwa naJehovha (36-38)

    • Abhigairi anova mudzimai waDhavhidhi (39-44)

  • 26

    • Dhavhidhi anorega zvakare kuuraya Sauro (1-25)

      • Dhavhidhi anoremekedza muzodziwa waJehovha (11)

  • 27

    • Dhavhidhi anopiwa Zikragi nevaFiristiya (1-12)

  • 28

    • Sauro anoenda kusvikiro rekuEndori (1-25)

  • 29

    • VaFiristiya vanonyumwira Dhavhidhi (1-11)

  • 30

    • VaAmareki vanopamba Zikragi voipisa (1-6)

      • Dhavhidhi anowana simba kuna Mwari (6)

    • Dhavhidhi anokunda vaAmareki (7-31)

      • Dhavhidhi anodzosa vanhu vanga vatapwa (18, 19)

      • Mutemo waDhavhidhi pazvinhu zvinenge zvapambwa (23, 24)

  • 31

    • Kufa kwaSauro nevanakomana vake vatatu (1-13)