Tsamba Yekutanga yaPetro 4:1-19

  • Raramira kuita kuda kwaMwari, sezvakaitwa naKristu (1-6)

  • “Kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo” (7-11)

  • Kutambudzirwa kuva muKristu (12-19)

4  Sezvo Kristu akatambura panyama,+ imiwo zvishongedzei nemafungiro akaita saiwayo; nekuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi,+  kuti nguva yake yasara yekurarama panyama, arege kuiraramira kuchiva,+ asi kuita kuda kwaMwari.+  Nekuti nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi+ yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka,* muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.+  Vanhu ivavo vanoshaya kuti sei musingarambi muchiita navo zvinhu izvozvo zvakaipa, saka vanotaura zvakaipa nezvenyu.+  Asi vanhu ava vachazvidavirira kune uya akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.+  Izvi ndizvo zvakatoita kuti mashoko akanaka aziviswewo kune vakafa,+ kuti kunyange zvazvo vachitongwa sezvavari panyama maererano nezvinoonekwa nevanhu, vararame vachitungamirirwa nemweya mukuona kwaMwari.  Asi kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo. Saka ivai nepfungwa dzakanaka,+ uye garai makagadzirira kunyengetera.+  Kupfuura zvese, dananai kwazvo,+ nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.+  Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.+ 10  Zvichienderana nekuti mumwe nemumwe wenyu akagamuchira chipo chakaita sei, ngaachishandise pakushumira vamwe semutariri akanaka kwazvo wenyasha dzaMwari dzinoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.+ 11  Kana munhu achitaura, ngaaite izvozvo seari kutaura mashoko anobva kuna Mwari; kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari,+ kuti Mwari akudzwe+ muzvinhu zvese kuburikidza naJesu Kristu. Kukudzwa nesimba ndezvake nariini nariini. Ameni. 12  Vadiwa, musashamiswa nemiedzo yakaita semoto yamuinayo,+ sekunge kuti zviri kuitika kwamuri zvitsva. 13  Asi rambai muchifara+ nepamasvika pakutamburawo sezvakaita Kristu,+ kuti mufarewo uye mupembere nemufaro pakuratidzwa kwekubwinya kwake.+ 14  Kana muchishorwa* nekuda kwezita raKristu, munofara,+ nekuti mweya wekubwinya, iwo mweya waMwari, uri pamuri. 15  Zvisinei, ngaparege kuva nemumwe wenyu anotambura nekuti muurayi kana kuti imbavha kana kuti anoita zvakaipa kana kuti anopindira munyaya dzisinei naye.+ 16  Asi kana munhu akatambura nekuti muKristu, ngaarege kunyara,+ asi ngaarambe achikudza Mwari achidanwa nezita iri. 17  Nekuti yava nguva yakasarudzwa yekuti kutonga kutange neimba yaMwari.+ Zvino kana kukatanga nesu,+ zvichamira sei kune vaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari?+ 18  “Uye kana zvakaoma kuti munhu akarurama apone, chii chichaitika kumunhu asingadi Mwari uye kumutadzi?”+ 19  Saka vaya vari kutambura nemhaka yekuti vari kuita kuda kwaMwari ngavarambe vachizviisa* mumaoko eMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mabasa anoratidza kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
Kana kuti “muchitukwa.”
Kana kuti “vachiisa mweya yavo.”