Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?

Chii Chinonzi Mweya Mutsvene?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mweya mutsvene isimba raMwari raanoshandisa kuita mabasa akasiyana-siyana. (Mika 3:8; Ruka 1:35) Mwari anoshandisa simba rake kuita chero basa raanenge achida.​—Pisarema 104:30; 139:7.

 MuBhaibheri shoko rinoshandurwa kuti “mweya” ndiruʹach muchiHebheru uye pneuʹma muchiGiriki. Kakawanda kacho mashoko aya paanoshandiswa anenge achireva simba raMwari raanoshandisa. (Genesisi 1:2) Asi muBhaibheri mashoko aya anogonawo kushandiswa achireva zvinhu zvakaita seizvi:

 Zvese izvi hazvioneki nemaziso enyama asi tinogona kuona mashandiro azvo. Mweya waMwari, “wakafanana nemhepo pakuti hauoneki, haubatiki uye une simba.”​—An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW.  E. Vine.

 Bhaibheri rinotaurawo nezvemweya mutsvene waMwari ’semaoko’ ake kana kuti “minwe” yake. (Pisarema 8:3; 19:1; Ruka 11:20; enzanisa naMateu 12:28.) Sezvo mhizha ichishandisa maoko neminwe pakuita mabasa ayo, Mwari akashandisa simba rake kuti pave nezvinhu zvinotevera:

Mweya mutsvene hausi munhu

 Pane mashoko anoshandiswa neBhaibheri kuratidza kuti mweya mutsvene hausi munhu. Dzimwe nguva simba raMwari rinogona kunzi “maoko” ake, “minwe” yake kana kuti ‘kufema’ kwaanoita. (Eksodho 15:8, 10) Maoko emhizha haagoni kushanda basa akazvimirira ega asina kubatana nemuviri, saizvozvowo simba raMwari rinongoita zvinenge zvichidiwa naMwari. (Ruka 11:13) Bhaibheri rinofananidza simba raMwari nemvura uye rinotaura nezvaro parinotaura nezvekutenda uye zivo. Zvese izvi zvinoratidza kuti mweya mutsvene hausi munhu.​—Isaya 44:3; Mabasa 6:5; 2 VaKorinde 6:6.

 Bhaibheri rinotiudza kuti zita raMwari ndiJehovha uye reMwanakomana wake ndiJesu Kristu, asi hapana parinotiudza nezvezita remweya mutsvene. (Isaya 42:8; Ruka 1:31) Mumwe muKristu ainzi Stefani paakaratidzwa zvinhu zviri kudenga, akaona vanhu vaviri kwete vatatu. Bhaibheri rinoti: “Iye, azere nemweya mutsvene, akaramba akatarisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nekwaJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.” (Mabasa 7:55) Mweya mutsvene ndiwo wakaita kuti Stefani aone zvinhu zvaiva kudenga.

Nhema dzinotaurwa nezvemweya mutsvene

 Zvavanotaura: Pana 1 Johani 5:7, 8 muBhaibheri reKing James panoratidza kuti “Mweya Mutsvene,” munhu uye unoumba Utatu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Pana 1 Johani 5:7, 8 muBhaibheri reKing James pane mashoko anoti “Baba, Shoko, uye Mweya Mutsvene: uye vatatu ava munhu mumwe chete. Uye kune vatatu vanopupurira panyika.” Asi vatsvakurudzi vakaona kuti mashoko aya haana kunyorwa nemuapostora Johani uye haasi emuBhaibheri. Izvi zvinoenderana nezvakanyorwa naProfessor Bruce M. Metzger kuti: “Mashoko aya akaita zvekuwedzererwa muTestamende Itsva, uye haafaniri kunge arimo.”​—A Textual Commentary on the Greek New Testament.

 Zvavanotaura: Bhaibheri rinotaura nezvemweya mutsvene semunhu uye izvi zvinoratidza kuti iwo munhu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi : Dzimwe nguva Magwaro anotaura nezvemweya mutsvene semunhu. Semuenzaniso Jesu akataura nezvemweya mutsvene ‘semubatsiri’ aizopa uchapupu, aizotungamirira, aizotaura, aizonzwa, aizozivisa, aizorumbidza uye aizogamuchira. (Johani 16:7-15) Asi izvi hazvirevi kuti mweya mutsvene munhu. Bhaibheri rinotaurawo nezveuchenjeri, rufu uye chivi semunhu. (Zvirevo 1:20; VaRoma 5:17, 21) Semuenzaniso uchenjeri hunonzi hune “mabasa” uye hune “vana,” uye chivi chinonzi chinonyengedza, chinouraya uye chinokonzera ruchiva.​—Mateu 11:19; Ruka 7:35; VaRoma 7:8, 11.

 Zvavanotaura: Kubhabhatidzwa muzita remweya mutsvene kunoratidza kuti iwo munhu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “zita” kureva simba kana chiremera. (Dheuteronomi 18:5, 19-22; Esteri 8:10) Izvi zvakafanana nekutaura kwekuti “wasungwa nemutemo,” nepo zvisingarevi kuti mutemo wacho munhu. Saka munhu paanobhabhatidzwa “muzita ” remweya mutsvene zvinoreva kuti ari kubvuma simba rine mweya mutsvene uye basa raunoita pakuzadzisa zvinangwa zvaMwari.​—Mateu 28:19.

 Zvavanotaura: Vaapostora uye vamwe vadzidzi vaJesu vaitenda kuti mweya mutsvene munhu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri uye mabhuku anotaura zvakaitika kare haatauri zvakadaro. Encyclopædia Britannica inoti: “Tsanangudzo yekuti mweya mutsvene munhu wemweya akasiyana nevamwe . . . yakatangwa pamusangano weCouncil of Constantinople muna ad 381.” Izvi zvakaitika pava nemakore anodarika 250 muapostora wekupedzisira afa.