Enda pane zvauri kuda

Ichokwadi Here Kuti Machechi Ose Anogamuchirwa naMwari?

Ichokwadi Here Kuti Machechi Ose Anogamuchirwa naMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, hazvisiri izvo. Bhaibheri rinotaura kuti kune mamwe manamatiro asingafadzi Mwari. Zvinhu zviviri zvinoita kuti mamwe manamatiro asagamuchirwa naMwari ndeizvi:

Chokutanga: Kunamata vanamwari venhema

 Bhaibheri rinoti kunamata vanamwari venhema ‘hakuna maturo,’ “zvinhu pasina,” uye ‘zvinhu zvisina zvazvinobatsira.’ (Jeremiya 10:3-5; 16:19, 20) Jehovha a Mwari akarayira vaIsraeri kuti: “Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu.” (Eksodho 20:3, 23; 23:24) VaIsraeri pavatanga kunamata vamwe vanamwari, ‘Jehovha akatsamwa kwazvo.’​—Numeri 25:3; Revhitiko 20:2; Vatongi 2:13, 14.

 Nanhasi Mwari achiri kuvenga tsika yokunamata “vanonzi vanamwari.” (1 VaKorinde 8:5, 6; VaGaratiya 4:8) Anorayira vanhu vose vanoda kumunamata kuti varege kubatana nevanhu vari mumachechi enhema, achiti: “Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise.” (2 VaKorinde 6:14-17) Kana kuri kuti machechi ose anogamuchirwa naMwari, nemhaka yei Mwari akapa murayiro uyu?

Chechipiri: Kunamata Mwari wechokwadi nenzira yaasingabvumiri

 Dzimwe nguva vaIsraeri vaimbonamata Mwari vachisanganisa netsika dzavaiona dzichiitwa pakunamata vanamwari venhema, uye Jehovha haana kubvumira kuti kunamata kwechokwadi kusanganiswe nokwenhema. (Eksodho 32:8; Dheuteronomio 12:2-4) Jesu paaiva panyika akashora vatungamiriri vechitendero vaivapo nemhaka yemanamatiro avaiita Mwari. Nechokunze vaiita sevakazvipira chaizvo kuna Mwari asi vari vanyengeri nokuti vakanga varega “nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni uye kutendeka.”​—Mateu 23:23.

 Mazuva anowo, chitendero chinoshandisa zvinotaurwa muBhaibheri ndicho chinogamuchirwa naMwari. (Johani 4:24; 17:17; 2 Timoti 3:16, 17) Machechi ose anodzidzisa zvinopesana nezviri muBhaibheri anotsausa vanhu pana Mwari. Dzidziso dzakawanda dzinofungidzirwa nevanhu kuti dziri muBhaibheri asi idzo dzakatorwa kuzvitendero zvenhema dzinosanganisira dzokuti Mwari, Jesu neMweya Mutsvene chinhu chimwe chete, mweya haufi uye kuti vanhu vakaipa vachanotsva nokusingaperi. Machechi anodzidzisa izvi ‘anonamata pasina’ nokuti anotevedzera tsika dzezvitendero zvenhema panzvimbo pokuita zvinodiwa naMwari.​—Mako 7:7, 8.

 Mwari anovenga unyengeri hunoitwa mumachechi. (Tito 1:16) Chechi yechokwadi inofanira kubatsira vanhu kuswedera pedyo naMwari nokuita kuti mararamiro avo mazuva ose ange akanaka kwete musi wokuenda kuchechi chete. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.” (Jakobho 1:26, 27; Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) Bhaibheri Dzvene rinoshandisa mashoko okuti “kunamata kunodikanwa” richireva kunamata kwakachena kusina unyengeri.

a Jehovha ndiro zita raMwari wechokwadi anotaurwa nezvake muBhaibheri.