Enda pane zvauri kuda

Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?

Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Johani Mubhabhatidzi aiva muprofita waMwari. (Ruka 1:76) Akaberekwa munenge muna 2 B.C.E. uye akazourayiwa munenge muna 32 C.E. Mwari akamupa basa rekugadzirira Mesiya, kana kuti Kristu nzira. Johani akaita izvi nekuparidzira vaJudha shoko raMwari kuti vadzorere mwoyo yavo kuna Mwari.—Mako 1:1-4; Ruka 1:13, 16, 17.

 Mashoko aiparidzwa naJohani aizobatsira vanhu kuti vazive kuti Jesu wekuNazareta ndiye aiva Mesiya akavimbiswa. (Mateu 11:10) Johani akakurudzira vanhu kuti vapfidze zvivi zvavo uye vabhabhatidzwe kuratidza kuti vakanga vapfidza. (Ruka 3:3-6) Johani anonzi Mubhabhatidzi nemhaka yekuti akabhabhatidza vanhu vakawanda. Asi munhu anokosha kupfuura vese vaakabhabhatidza ndiJesu. aMako 1:9.

Zviri munyaya ino

 Chii chinoita kuti Johani Mubhabhatidzi asiyane nevamwe vanhu vese?

 Magwaro akagara ataura basa raaizoita: Kuparidza kwaiita Johani, kwakazadzisa uprofita hunotaura nezvenhume yaJehovha. (Maraki 3:1; Mateu 3:1-3) Ndiye akaita kuti “Jehovha ave nevanhu vakagadzirira” kureva kuti, akavhura nzira yaiita kuti vaJudha vagamuchire mashoko aJehovha Mwari aitaurwa nemumiririri wake, Jesu Kristu.—Ruka 1:17.

 Zvakaitwa naJohani: Jesu akataura kuti pavanhu vese vakararama “hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwekudenga mukuru kwaari.” (Mateu 11:11) Hapana mushumiri waMwari akararama Johani asati avapo anogona kunzi mukuru kwaari, nemhaka yekuti Johani aiva muprofita uyewo ari “nhume” yakafanoziviswa. Zvakataurwa naJesu zvinoratidzawo kuti Johani haasi kuzova muUmambo hwekudenga. b Muprofita uyu akatendeka akafa Jesu asati azarurira vanhu nzira yekuti vararame kudenga. (VaHebheru 10:19, 20) Asi Johani ane tariro yekurarama pano panyika muParadhiso nekusingaperi achitongwa neUmambo hwaMwari.—Pisarema 37:29; Ruka 23:43.

 Ndivanaani vaiva vabereki vaJohani Mubhabhatidzi?

 Baba vaJohani vainzi Zekariya uye amai vake vainzi Erizabheti. Zekariya aiva mupristi wechiJudha. Kuberekwa kwakaitwa Johani chaitova chishamiso, nekuti amai vake vaishaya mbereko, kana kuti vaisakwanisa kuva nemwana. Uyewo, Erizabheti naZekariya “vakanga vachembera.”—Ruka 1:5-7, 13.

 Ndiani akaita kuti Johani Mubhabhatidzi aurayiwe?

 Mambo Herodhi Andipasi akaita kuti Johani adimburwe musoro nekuti ndizvo zvaidiwa nemudzimai wake, Herodhiyasi. Herodhiyasi aivenga Johani nekuti Johani akanga audza Herodhi, uyo aizviti aiva muJudha, kuti mutemo wevaJudha waisabvumira kuti vave murume nemudzimai.—Mateu 14:1-12; Mako 6:16-19.

 Johani naJesu vaikwikwidzana here?

 Bhaibheri haritauri kuti Johani naJesu vaikwikwidzana. (Johani 3:25-30) Johani akatotaura kuti basa rake raisava rekukwikwidzana naMesiya, asi kuti raiva rekumugadzirira nzira. Johani akati: ‘Ndakauya kuzobhabhatidza nemvura . . . kuti iye aratidzwe pachena kuna Israeri.’ Akabva azoti: “Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Johani 1:26-34) Saka Johani aifara paainzwa nezvekubudirira kwaiita Jesu muushumiri.

a Jesu “haana kuita chivi.” (1 Petro 2:21, 22) Saka haana kubhabhatidzwa senzira yekuratidza kuti akanga apfidza, asi kubhabhatidzwa kwake kwairatidza kuti akanga agadzirira kuita kuda kwaMwari, uko kwaisanganisira kupa upenyu hwake nekuda kwedu.—VaHebheru 10:7-10.

b Ona nyaya yakanzi, “Ndivanaani Vanoenda Kudenga?