Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Ruponeso?

Chii Chinonzi Ruponeso?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mashoko ekuti “kuponesa” uye “ruponeso” aimboshandiswa nevanyori veBhaibheri kuti vabudise pfungwa yekununurwa kunoitwa munhu padambudziko kana kuti asaparara. (Eksodho 14:13, 14; Mabasa 27:20) Asi kazhinji kacho mashoko aya anoreva kusunungurwa pachivi. (Mateu 1:​21) Sezvo rufu rwuchikonzerwa nechivi, vanhu vanosunungurwa pachivi vane tariro yokurarama nekusingaperi.​—Johani 3:16, 17. a

Munhu anofanira kuitei kuti aponeswe?

 Kuti uwane ruponeso, unofanira kutenda muna Jesu, woratidza kutenda kwacho nekuteerera zvaanotaura.​—Mabasa 4:10, 12;VaRoma 10:9, 10;VaHebheru 5:9.

 Bhaibheri rinoti unofanira kuva nemabasa, kuti uratidze kuti kutenda kwako kupenyu. (Jakobho 2:24, 26) Asi ruponeso rwedu harubvi pamabasa iwayo. Ruponeso “chipo chaMwari” chinobva ‘pamutsa wake usina kukodzera kuwanwa,’ kana kuti “nyasha” dzake.​—VaEfeso 2:8, 9; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Unogona kurasikirwa neruponeso here?

 Hongu. Kungofanana nemunhu anenge aponeswa kuti asanyura mumvura uyo anogona kuwiramo zvakare kana kuti kujambira mumvura muya, munhu anenge amboponeswa pachivi akasaramba aine kutenda anogona kuzorasikirwa neruponeso. Nokuda kweizvi, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu vakawana ruponeso kuti ‘varwire kwazvo kutenda’ kwavo. (Judha 3) Rinonyeverawo vaya vakaponeswa kuti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.”​—VaFiripi 2:12.

Ndiani Muponesi​—Mwari here kana kuti Jesu?

 Bhaibheri rinotaura nezvaMwari setsime guru reruponeso, zvekuti kakawanda rinotomuti “Muponesi.” (1 Samueri 10:19; Isaya 43:11; Tito 2:10; Judha 25) Uyewo, Mwari akashandisa varume vakasiyana-siyana pakununura vaIsraeri, uye Bhaibheri rinovati “vaponesi.” (Nehemiya 9:27; Vatongi 3:9, 15; 2 Madzimambo 13:5) b Saizvozvowo, sezvo Mwari achitiponesa pachivi achishandisa chibayiro chaJesu Kristu, Bhaibheri rinodana Jesu kuti “Muponesi.”​—Mabasa 5:31; Tito 1:4. c

Munhu wese achaponeswa here?

 Kwete, vamwe vanhu havazoponeswi. (2 VaTesaronika 1:9) Jesu paakabvunzwa kuti, “Vaya vachaponeswa vashoma here?” akapindura kuti: “Shandai nesimba kuti mupinde nesuo rakamanikana, nokuti ndinokuudzai kuti vazhinji vachatsvaka kupinda asi havazokwanisi.”​—Ruka 13:23, 24.

Zvinofungwa nevamwe panyaya yekuponeswa kwevanhu vose

 Zvavanofunga: 1 VaKorinde 15:22 inodzidzisa kuti vanhu vose vachaponeswa painoti “vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.”

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mashoko akapoteredza ndima iyi anotaura nezverumuko. (1 VaKorinde 15:12, 13, 20, 21, 35) Saka mashoko ekuti “vose vachaitwa vapenyu muna Kristu” anongoreva kuti vanhu vose vachamutswa, vanowana chikomborero ichocho kuburikidza naJesu Kristu.​—Johani 11:25.

 Zvavanofunga: Tito 2:11 inodzidzisa kuti munhu wose achaponeswa painoti Mwari ‘anovigira vanhu vose kuponeswa.’​—Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vose” muvhesi iyi rinogona kurevawo “marudzi ose kana kuti akasiyana-siyana.” d Saka zvinonyatsorehwa naTito 2:11 ndezvekuti Mwari ari kuita kuti vanhu vemarudzi ose, kusanganisira vanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” vawane mukana wokuponeswa.​—Zvakazarurwa 7:9, 10.

 Zvavanofunga: 2 Petro 3:9 inodzidzisa kuti munhu wose achapona painoti, Mwari “hapana waanoda kuti aparadzwe.”

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari anoda kuti vanhu vaponeswe, asi haavamanikidzi kubvuma nzira yake yeruponeso. ‘Zuva rake rekutonga’ richabatanidzawo ‘kuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.’​—2 Petro 3:7.

a Bhaibheri rinotaura nezvemunhu seanenge ‘atoponeswa’ kunyange zvazvo asati anyatsonunurwa pachivi nerufu.​—VaEfeso 2:5; VaRoma 13:11.

b Pamavhesi aya, dzimwe shanduro dzinoshandisa mashoko ekuti “musununguri,” “mununuri,” “mudzikinuri,” “murwiri,” kana kuti “vanhu” pane kuti “muponesi.” Zvisinei, pamashoko echiHebheru akashandiswa kunyora Bhaibheri, shoko rimwe chete rakashandiswa mune dzimwe ndima dzeBhaibheri richitaura nezvaJehovha Mwari seMuponesi ndiro rakashandiswawo pavanhu ava vaiva vaponesi.​—Pisarema 7:10.

c Zita rekuti Jesu rinobva pazita rechiHebheru rekuti Yehoh·shuʹaʽ, iro rinoreva kuti “Jehovha Ndiye Muponesi.”

d Verenga Vine’s Complete Expository Dictionary of Old and New Testament Words. Shoko iroro rechiGiriki, rinowanikwawo pana Mateu 5:11, Jesu paakati vanhu vaizotaura zvinhu zvakaipa “zvemarudzi ose” kuvateveri vake.