Enda pane zvauri kuda

Ndivanaani Vanoenda Kudenga?

Ndivanaani Vanoenda Kudenga?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari anosarudza vaKristu vakatendeka vashoma kuti kana vafa vazomutswa kuti vanorarama kudenga. (1 Petro 1:3, 4) Kana avasarudza, vanofanira kuramba vaine kutenda kwakasimba uye vaine unhu hwakanaka kuitira kuti vasazonzi havachakodzeri kuwana mubayiro wavo wekudenga.​—VaEfeso 5:5; VaFiripi 3:12-14.

Vaya vanoenda kudenga vachanoitei ikoko?

 Vachanoshanda pamwe chete naJesu semadzimambo nevapristi kwemakore 1 000. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Vachaumba “matenga matsva,” kana kuti hurumende yekudenga, iyo ichatonga “nyika itsva” kana kuti vanhu vachange vari panyika. Vanhu ivavo vachanotonga kudenga vachabatsira pakuita kuti panyika pavezve nemamiriro ezvinhu akarurama ayo aidiwa naMwari kubva pakutanga.​—Isaya 65:17; 2 Petro 3:13.

Vangani vachamutswa kuti vararame kudenga?

 Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu 144 000 ndivo vachamutswa kuti vararame kudenga. (Zvakazarurwa 7:4) Muapostora Johani ane zvaakaratidzwa zviri pana Zvakazarurwa 14:1-3. Akaona “Gwayana rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina (144 000).” Pane izvozvi zvaakaratidzwa, “Gwayana” rinomiririra Jesu akamutswa. (Johani 1:29; 1 Petro 1:19) “Gomo reZiyoni” rinomiririra nzvimbo inokudzwa yaJesu nevane 144 000 vaachatonga navo kumatenga.​—Pisarema 2:6; VaHebheru 12:22.

 ‘Vaya vakadanwa uye vakasarudzwa’ kuti vanotonga naJesu muUmambo vanonzi “boka duku.” (Zvakazarurwa 17:14; Ruka 12:32) Izvi zvinoratidza kuti vaizova vashoma chaizvo kana vachienzaniswa nenhamba yemakwai ese aJesu.​—Johani 10:16.

Pfungwa dzisiri dzechokwadi dzinofungwa nevanhu pamusoro pevaya vanoenda kudenga

 Zvavanofunga: Vanhu vese vakanaka vanoenda kudenga.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari anovimbisa kuti vanhu vakawanda vakanaka vachawana upenyu husingaperi panyika.​—Pisarema 37:11, 29, 34.

  •   Jesu akati: “Hapana munhu akakwira kudenga.” (Johani 3:13) Paakadaro aitoratidza kuti vanhu vakanaka vakanga vafa iye asati auya vakadai saAbrahamu, Mosesi, Jobho, naDhavhidhi, havana kuenda kudenga. (Mabasa 2:29, 34) Panzvimbo pezvo, vaiva netariro yekuzomutswa kuti vararame panyika.​—Jobho 14:13-15.

  •   Kumutswa kwevaya vachararama kudenga kunonzi “kumuka kwokutanga.” (Zvakazarurwa 20:6) Izvi zvinoratidza kuti pachava nerumwe rumuko. Rumuko rwacho nderwevaya vachararama panyika.

  •   Bhaibheri rinodzidzisa kuti mukutonga kweUmambo hwaMwari, “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Vimbiso iyi inofanira kunge ichitaura zvichaitika panyika nekuti kudenga hakuna kumbobvira kwava nerufu.

 Zvavanofunga: Munhu mumwe nemumwe anozvisarudzira kuti achawana upenyu kudenga here kana kuti panyika.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari ndiye anosarudza pavaKristu vakatendeka kuti ndevapi vachawana “mubayiro wokudanwa kumusoro,” kureva tariro yekunorarama kudenga. (VaFiripi 3:14) Zvishuwo zvemunhu kana kuti kuda chinzvimbo handizvo zvinoita kuti munhu asarudzwe.​—Mateu 20:20-23.

 Zvavanofunga: Tariro yekurarama upenyu husingaperi pasi pano haikoshi, ndeyevaya vasingakodzeri kunorarama kudenga.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari anodana vaya vachawana upenyu husingaperi pasi pano kuti “vanhu vangu,” “vanhu vandakasarudza,” uye “vakakomborerwa naJehovha.” (Isaya 65:21-​23) Vachava neropafadzo yekuzadzisa chinangwa chaMwari chepakutanga chaakasikira vanhu​—chekurarama upenyu husingaperi muparadhiso vasina chivi.​—Genesisi 1:​28; Pisarema 115:16; Isaya 45:18.

 Zvavanofunga: Nhamba ye144 000 inotaurwa muna Zvakazarurwa ine zvimwewo zvainomiririra saka hatifaniri kuitora sezvairi.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyange zvazvo mamwe manhamba ari mubhuku raZvakazarurwa aine zvaanomiririra, mamwe acho anofanira kungotorwa sezvaari. Semuenzaniso, bhuku racho rinotaura “mazita gumi nemaviri evaapostora gumi nevaviri veGwayana.” (Zvakazarurwa 21:14) Chimbofunga nezveuchapupu hunoratidza kuti nei nhamba ye144 000 ichifanirawo kungotorwa sezvairi.

 Pana Zvakazarurwa 7:4 pakanyorwa “nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso [kana kuti vakatobvumirwa kurarama kudenga], vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina.” Mumavhesi mashomanana anozotevera munotaurwa nezveboka rechipiri richisiyaniswa nerekutanga, richinzi: “boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu.” Vaya vanoumba “boka guru” vanowanawo ruponeso kubva kuna Mwari. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Kudai nhamba ye144 000 yaiva yekufananidzira, ichimiririra boka revanhu vasingaverengeki, kusiyana kwemapoka acho ari maviri kwaisazooneka. a

 Kuwedzera pane izvozvo, vane 144 000 vanorondedzerwa sevanhu “vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga.” (Zvakazarurwa 14:4) Mashoko ekuti “zvibereko zvokutanga” anoreva vashomanene vakasarudzwa kuti vamiririre vamwe. Mashoko acho anonyatsotaura zvakakodzera nezvevaya vachatonga naKristu kudenga vachitonga vanhu vanenge vachigara panyika avo vane nhamba isingazivikanwi.​—Zvakazarurwa 5:10.

a Saizvozvowo, purofesa anonzi Robert L. Thomas akanyora achitaura nezvenhamba ye144 000 iri pana Zvakazarurwa 7:4, achiti: “Inhamba chaiyo kusiyana nenhamba isingaverengeki iri pa7:9. Kana zvikanzi pane zvainomiririra, zvinenge zvava kutoreva kuti mubhuku racho rese hapana nhamba inofanira kungotorwa sezvairi.”​—Kubva mubhuku rinonzi Revelation 1-7: An Exegetical Commentary, peji 474.