Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 23

Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi

Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi

1. Ndeipi ingangodaro yaiva nguva yakaipisisa muupenyu hwaPetro?

PETRO aisazombofa akakanganwa nguva iyoyo yakaoma pavakasanganidzana maziso. Akaona kutarisa kwaJesu kuchiratidza kusafara kana kuti kugumbuka here? Hatingadaro hedu; nyaya yakafuridzirwa inongoti “Ishe akatendeuka, akatarira Petro.” (Ruka 22:61) Asi nokungotariswa kamwe chete ikoko kwaakaitwa, Petro akaona kukura kwechikanganiso chaakanga aita. Akaona kuti akanga achangobva kuita chaizvo zvakanga zvafanotaurwa naJesu, chinhu chaakanga atsidza kuti aisazombofa akaita—akanga aramba Tenzi wake waaida. Yakanga iri nguva isingafadzi kuna Petro, zvichida nguva yakaipisisa muzuva rakaipisisa muupenyu hwake.

2. Petro aifanira kudzidza chidzidzo chipi, uye tingabatsirwa sei nenyaya yake?

2 Zvisinei, hazvirevi kuti akanga asisina tariro. Petro zvaaiva nokutenda kukuru, akanga achine mukana wokugadzirisa kukanganisa kwake uye wokudzidza chimwe chezvidzidzo zvikuru kubva kuna Jesu. Chaiva nechokuita nokukanganwira. Mumwe nomumwe wedu anofanira kudzidza chidzidzo ichocho, saka ngatikurukurei kuti Petro akadzidza sei chidzidzo ichi.

Murume Aiva Nezvakawanda Zvokudzidza

3, 4. (a) Petro akabvunza Jesu kutii, uye Petro angangodaro aifungei? (b) Jesu akaratidza sei kuti Petro akanga akanganiswa mafungiro nezvaifungwa nevakawanda vepanguva iyoyo?

3 Mwedzi inenge mitanhatu izvi zvisati zvaitika, Petro ari mutaundi rokumusha kwake kuKapenaume, akaenda kuna Jesu ndokubvunza kuti: “Ishe, hama yangu inganditadzira kangani ini ndichiikanganwira? Kusvikira kukanomwe here?” Petro angangodaro akafunga kuti airatidza kuva nemutsa. Vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vaidzidzisa kuti munhu aifanira kukanganwira katatu chete! Jesu akapindura kuti: “Kwete, Kusvikira kukanomwe, asi, Kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe.”—Mat. 18:21, 22.

4 Jesu aipa pfungwa yokuti Petro apote achiverenga kutadzirwa kwaaiitwa here? Kwete; asi nokuwedzera kwaakaita nhamba yaPetro kubva pa7 kusvika ku77, aireva kuti rudo harutibvumiri kuti tive nepatinogumira pakukanganwira. (1 VaK. 13:4, 5) Jesu akaratidza kuti Petro akanga akanganiswa mafungiro nevanhu vakawanda vepanguva iyoyo vaiva nemwoyo yakaoma vaisakanganwira, vaiita sevainyora kukanganisa kwevamwe mubhuku rezvikwereti. Zvisinei, vaya vanoda kutevedzera Mwari vanofanira kuva nechido chokuramba vachikanganwira vamwe.—Verenga 1 Johani 1:7-9.

5. Ndirini patingaona kukosha kwokukanganwira?

5 Petro haana kupikisana naJesu. Asi chidzidzo chaJesu chakanyatsomubaya mwoyo here? Dzimwe nguva tinozoona kukosha kwokukanganwira patinenge tichinyatsoda kukanganwirwa. Saka ngatikurukurei zvakaitika kusvikira pakazofa Jesu. Panguva iyoyo yakanga yakaoma, Petro ane zvakawanda zvaakaita zvaaifanira kukanganwirwa naTenzi wake.

Jesu Akamukanganwira Kakawanda

6. Petro akaita sei Jesu zvaaiedza kudzidzisa vaapostora pamusoro pekuzvininipisa, asi Jesu akaita sei naye?

6 Aiva manheru aikosha—usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwaJesu pasi pano. Jesu akanga achine zvakawanda zvokudzidzisa vaapostora vake—somuenzaniso, pamusoro pekuzvininipisa. Jesu akavaratidza muenzaniso nokugeza tsoka dzavo nokuzvininipisa, basa raiwanzopiwa mushandi akaderera pane vose. Pakutanga, Petro akabvunza Jesu kana aizogeza tsoka dzake. Zvadaro akaramba kugezwa tsoka. Akabva ati Jesu asangogeza tsoka dzake chete asiwo maoko ake nemusoro! Jesu haana kugumbuka asi akamutsanangurira zvakanaka-naka zvairehwa nezvaaiita uye kukosha kwazvo.—Joh. 13:1-17.

7, 8. (a) Petro akaedzazve mwoyo murefu waJesu munzira dzipi? (b) Jesu akaramba sei achiratidza mutsa uye kukanganwira?

7 Pasina nguva pashure peizvi, Petro akaedzazve mwoyo murefu waJesu. Iye nevamwe vaapostora vakatanga kuitisana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Kunyange zvakadaro, Jesu akavaruramisa nomutsa uye akatovarumbidza pamusana pezvakanaka zvavakanga vaita; vakanga varatidza kuramba vakatendeka kuna Tenzi wavo. Zvisinei, akafanotaura kuti vose vaizomutiza. Petro akapindura kuti aizoramba aina Jesu kunyange pakutarisana nerufu. Jesu akaprofita kuti, kusiyana naizvozvo, Petro aizoramba Tenzi wake katatu usiku ihwohwo chaihwo jongwe risati rarira kaviri. Zvadaro, Petro haana kungopikisa Jesu chete, asi akatozvirova dundundu achiti aizoramba akatendeka kupfuura vamwe vaapostora vose!—Mat. 26:31-35; Mako 14:27-31; Ruka 22:24-28; Joh. 13:36-38.

8 Jesu akanga ava pedyo nokugumbukira Petro here? Kutaura zvazviri, panguva yose iyi yakanga yakaoma, Jesu akaramba achitsvaka zvakanaka muvaapostora vake vakanga vasina kukwana. Aiziva kuti Petro aizomuodza mwoyo, asi akati: “Ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32) Nokudaro, Jesu akaratidza kuti aiva nechivimbo chokuti Petro aizopfidza pazvikanganiso zvake oramba achishumira Mwari nokutendeka. Uku ndiko kunonzi kuratidza mutsa uye kukanganwira!

9, 10. (a) Petro aifanira kururamiswa sei mumunda weGetsemane? (b) Zvikanganiso zvaPetro zvingatiyeuchidza nezvechii?

9 Pave paya mumunda weGetsemane, Petro aifanira kururamiswa kanopfuura kamwe chete. Jesu akamuudza, pamwe chete naJakobho naJohani, kuti varambe vakarinda paainyengetera. Jesu akanga achishushikana chaizvo mupfungwa uye aida kutsigirwa, asi Petro nevamwe vake vairamba vachirara. Jesu akanzwisisa kuti nei vaiita saizvozvo ndokuvakanganwira, uye ndokusaka akati: “Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mako 14:32-41.

10 Pasina nguva, mhomho yevanhu yakasvika iine mazhenje emoto, mapakatwa netsvimbo. Iyi yakanga yava nguva yokuita zvinhu nokungwarira uye nokuchenjera. Asi Petro akabva angovhomora bakatwa rake ndokurivheyesa rakananga musoro waMakosi, muranda wemupristi mukuru, richidimbura nzeve yake. Akadzikama Jesu akaruramisa Petro, akaporesa ronda racho, ndokutsanangura nheyo yokusaita chisimba iyo ichiri kutungamirira vateveri vake nanhasi. (Mat. 26:47-55; Ruka 22:47-51; Joh. 18:10, 11) Petro akanga atokanganisira Tenzi wake kakawanda achingokanganwirwa. Zvikanganiso zvake zvingatiyeuchidza kuti tose tinotadza kazhinji. (Verenga Jakobho 3:2.) Ndiani wedu asingadi kukanganwirwa naMwari zuva rega rega? Usiku ihwohwo Petro aizoita zvikanganiso zvakatonyanya kukura.

Chikanganiso chaPetro Chikuru Pane Zvose

11, 12. (a) Petro akaratidza sei ushingi pashure pekusungwa kwaJesu? (b) Zvakaitwa naPetro zvakanga zvakasiyana sei nezvaakanga ataura kuti aizoita?

11 Jesu akataura nemhomho iya kuti kana vaitsvaka iye, vaifanira kurega vaapostora vake vachienda. Petro akangotarisa asina zvaaigona kuita mhomho yacho payaisunga Jesu. Petro akabva ati rutsoka ndibereke, sezvakangoita vamwe vaapostora.

12 Petro naJohani vakazomira kutiza, zvimwe pedyo neimba yeaimbova Mupristi Mukuru Anasi, uko kwakatanga kuendeswa Jesu kuti abvunzurudzwe. Jesu paaibviswa ikoko, Petro naJohani vakatevera asi ‘vari kure zvishoma.’ (Mat. 26:58; Joh. 18:12, 13) Petro akanga asiri gwara. Zvechokwadi zvaitoda ushingi kuti vatevere. Mhomho yacho yaiva nezvombo, uye Petro akanga atombokuvadza mumwe wavo. Kunyange zvakadaro, pano hationi rudo rwakavimbika urwo Petro pachake ainge ati aizoratidza—kuda kufa naTenzi wake kana zvaizoda kuti adaro.—Mako 14:31.

13. Ndeipi nzira chete yokutevera nayo Kristu zvakarurama?

13 Kufanana naPetro, vakawanda nhasi vanotsvaka kutevera Kristu ‘vari kure zvishoma’—zvokuti hapana mumwe munhu anovacherechedza. Asi sezvakazonyorwa naPetro pachake, nzira chete yokutevera nayo Kristu zvakarurama ndeyokuramba tiri pedyo naye sezvatingagona, tichitevedzera muenzaniso wake muzvinhu zvose, pasinei nemigumisiro yacho.—Verenga 1 Petro 2:21.

14. Petro aiitei panguva yousiku paitongwa Jesu?

14 Petro akatevera Jesu kusvika paimba yakakura zvikuru yaiva muJerusarema. Paiva pamba paKayafasi, mupristi mukuru akanga akapfuma uye aine simba. Dzimba dzakadaro dzaiwanzovakwa dzakapoteredza chivanze, gedhi riri kumberi. Petro akasvika pagedhi asi akarambidzwa kupinda. Johani, uyo aiziva mupristi mukuru uye akanga atopinda, akauya akataura nomuchengeti wesuo kuti abvumire Petro kupinda. Zvinoita sokuti Petro haana kuramba ari pedyo naJohani; uyewo haana kuedza kupinda mumba kuti amire padivi paTenzi wake. Akagara muchivanze, umo vamwe varanda nevashandi vaidziya moto waibvira chaizvo panguva yousiku iyoyo yaitonhora, vachiona zvapupu zvenhema zvichiuya, mumwe pashure pemumwe, kuti zvipomere Jesu.—Mako 14:54-57; Joh. 18:15, 16, 18.

15, 16. Tsanangura kuti uprofita hwaJesu hwokuti aizorambwa katatu hwakazadzika sei.

15 Musikana akabvumira Petro kupinda pagedhi akanga ava kukwanisa kunyatsomuona pamusana pechiedza chemoto. Akabva amuziva. Akataura achimupomera kuti: “Newewo wakanga uina Jesu wokuGarireya!” Zvaainge akarivara, Petro akaramba kuti aiziva Jesu—kana kuti kunyange kunzwisisa kuti musikana wacho aitaura nezvei. Akaenda kunomira pedyo nekamba kepagedhi, achiedza kuita kuti asazivikanwa, asi mumwe musikana akamuziva akataura zvakafanana achiti: “Murume uyu akanga aina Jesu wokuNazareta.” Petro akapika, achiti: “Munhu wacho handimuzivi!” (Mat. 26:69-72; Mako 14:66-68) Zvimwe paiva pashure pokuramba uku kwechipiri Petro paakanzwa jongwe richirira, asi ainge akanyanya kuvhiringidzika zvokutadza kuyeuka uprofita hwakanga huchangobva kutaurwa naJesu maawa mashomanana ainge apfuura.

16 Papera kanguva kakati, Petro akanga achiri kungoedza kuti asazivikanwa. Asi boka revanhu rakanga rakamira muchivanze rakaswedera pedyo naye. Mumwe wavo akanga ari hama yaMakosi, muranda akanga akuvadzwa naPetro. Akati kuna Petro: “Handina kukuona mumunda uinaye here?” Petro akaona kuti aitofanira kuvaita kuti vabvume kuti vakanga vasina kururama. Saka akatopika, zviri pachena achiti aifanira kutukwa kana akanga achireva nhema. Ikoko kwaiva kuramba kechitatu kwaPetro. Achingopedza kutaura izvozvo jongwe rakabva rarira—kechipiri ako Petro akanzwa usiku ihwohwo.—Joh. 18:26, 27; Mako 14:71, 72.

“Ishe akatendeuka, akatarira Petro”

17, 18. (a) Petro akaita sei paakaziva kuti akanga atadzira Tenzi wake zvikuru? (b) Petro angangodaro akanetseka nei?

17 Jesu akanga achangobuda achienda pavharanda rakanga rakatarisana nechivanze. Panguva iyoyo ndipo paakasanganidzana maziso naPetro sezvarondedzerwa patangira chitsauko chino. Panguva iyoyo Petro akaziva kuti akanga atadzira Tenzi wake zvikuru. Petro akabva muchivanze, achirwadziwa chaizvo nokunzwa aine mhosva. Akapinda mumigwagwa yeguta, achivhenekerwa nemwedzi wejena guru wakanga uchinyura. Maziso ake akayangarara misodzi. Akabva akatanga kusvimha misodzi kwazvo.—Mako 14:72; Ruka 22:61, 62.

18 Munhu paanoona kuti aita chikanganiso chakakura, zviri nyore chaizvo kuti afunge kuti chivi chake chakanyanya kuipa zvokuti hazviiti kuti akanganwirwe. Petro angangodaro akafunga kuti Jesu aisazokanganwira chivi chake chakakura. Petro aigona kukanganwirwa here?

Zvakanga Zvisingachaiti Here Kuti Petro Akanganwirwe?

19. Petro anofanira kunge akanzwa sei nechikanganiso chake, asi tinoziva sei kuti haana kukanda mapfumo pasi?

19 Zvakaoma kufungidzira kurwadziwa kwaPetro paainge ava mangwanani uye paaiona zvaiitika kuna Jesu. Anofanira kunge akazvipa mhosva pakazofa Jesu musi iwoyo pashure pokutambudzwa kwemaawa akati kuti! Petro anofanira kunge ainetseka pose paaingofunga nezvokuwedzera kwaakanga aita marwadzo aTenzi wake pazuva rokupedzisira roupenyu Hwake semunhu. Kunyange hazvo akanga akasuruvara zvikuru, Petro haana kukanda mapfumo pasi. Tinoziva izvi nokuti nyaya yacho inoratidza kuti pasina nguva akanga avazve nevamwe vadzidzi. (Ruka 24:33) Hapana mubvunzo kuti vaapostora vacho vose vakazvidemba nezvavakanga vaita usiku ihwohwo hwainge hwakaoma, uye vakanyaradzana.

20. Tingadzidzei pane chimwe chezvisarudzo zvinoratidza kuchenjera zvikuru chakaitwa naPetro?

20 Pano tinoona Petro achiita chimwe chezvisarudzo zvinoratidza kuchenjera zvikuru. Kana mushumiri waMwari akawa, nyaya haisi pakuti chivi chake chakakura sei asi pakutsunga kwaanoita kuti asimukezve ogadzirisa zvinhu. (Verenga Zvirevo 24:16.) Petro akaratidza kutenda kwechokwadi nokuwadzana nehama dzake pasinei nokuti ainge akasuruvara zvikuru. Kana munhu achitambura nokusuruvara kana kuzvidemba, anganzwa achida kuzviparadzanisa nevamwe, asi izvozvo zvine ngozi. (Zvir. 18:1) Kunenge kuri kuchenjera kuti tigare pedyo nevatinonamata navo towanazve simba ratinoda rokuramba tichishumira Mwari.—VaH. 10:24, 25.

21. Nemhaka yokuti ainge aine vamwe vadzidzi, Petro akanzwa mashoko okutii?

21 Nemhaka yokuti ainge aine vamwe vadzidzi, Petro akanzwa nezvemashoko aishamisa chaizvo okuti mutumbi waJesu wakanga usisimo muguva. Petro naJohani vakamhanya kuguva rakanga ravigwa Jesu uye musuo waro wainge wakaiswa chisimbiso. Johani zvimwe nokuti akanga achiri muduku ndiye akatanga kusvika. Achiwana musuo weguva racho wakavhurika, akazeza. Petro akasvika achingoti pindikiti kunyange zvazvo aifemereka. Makanga musina munhu!—Joh. 20:3-9.

22. Chii chakaita kuti kusuruvara uye kusava nechokwadi kwose kwaiva mumwoyo maPetro kunyangarike?

22 Petro akatenda here kuti Jesu akanga amutswa? Akambotanga aramba, kunyange zvazvo vakadzi vakatendeka vakavaudza kuti ngirozi dzakanga dzazviratidza kwavari kuti dzizivise kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa. (Ruka 23:55–24:11) Asi pakazopera zuva iroro, kusuruvara uye kusava nechokwadi kwose kwaiva mumwoyo maPetro kwainge kwanyangarika. Jesu akanga ava mupenyu, iye zvino ava chisikwa chomudzimu chine simba! Akazviratidza kuvaapostora vake vose. Kunyange zvakadaro, pane chimwe chinhu chaakatanga aita pasiri paruzhinji. Zuva iroro vaapostora vakati: “Chokwadi Ishe amutswa uye azviratidza kuna Simoni!” (Ruka 24:34) Muapostora Pauro akazonyorawo nezvezuva iroro raikosha iro Jesu “akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.” (1 VaK. 15:5) Kefasi uye Simoni ndemamwe mazita aPetro. Jesu akazviratidza kwaari musi iwoyo—zviri pachena kuti Petro paakanga ari oga.

Petro akakanganisira Tenzi wake kakawanda achingokanganwirwa, asi ndiani wedu asingadi kukanganwirwa zuva nezuva?

23. Nei mazuva ano vaKristu vanenge vaita chivi vachifanira kuyeuka muenzaniso waPetro?

23 Bhaibheri haridonongodzi zvakaitika pakusanganazve ikoko kunobaya mwoyo. Zvakaitika zvacho zvinongozivikanwa naJesu naPetro. Tinogona kungofungidzira kufara kwakaita Petro achiona Ishe wake waaida avazve mupenyu uye kuva nomukana wokuratidza kusuruvara kwake uye kupfidza. Hapana chimwe chaaida kunze kwokukanganwirwa. Ndiani angaramba kuti Jesu akamukanganwira nemwoyo wose? Mazuva ano vaKristu vanenge vaita chivi vanofanira kuyeuka muenzaniso waPetro. Hatimbofaniri kufunga kuti hazviiti kuti Mwari atikanganwire. Jesu anoratidza zvakakwana zvakaita Baba vake, avo ‘vachakanganwira zvikuru.’—Isa. 55:7.

Humwe Uchapupu Hwokukanganwirwa

24, 25. (a) Rondedzera usiku hwaPetro achibata hove muGungwa reGarireya. (b) Chishamiso chakaitwa naJesu mangwanani akazotevera chakaita kuti Petro aitei?

24 Jesu akaudza vaapostora vake kuti vaende kuGarireya kwavaizonoonana naye zvekare. Pavakasvika, Petro akafunga zvokuenda kunobata hove muGungwa reGarireya. Vamwe vevadzidzi vakaendawo naye. Petro akanga avazve kugungwa kwaakanga ambopedzera nguva refu youpenyu hwake ari. Kurira kwaiita chikepe, kurovera kwaiita mafungu zvinyoronyoro pachikepe, uye kubata mambure mumaoko ake zvose zvakanga zvichiita sezvakajairika uye zvichimunyaradza. Varume vacho havana kubata kana hove imwe chete usiku hwose ihwohwo.—Mat. 26:32; Joh. 21:1-3.

Petro akasvetuka kubva muchikepe ndokushambira akananga kumhenderekedzo

25 Zvisinei, kwava kunoedza, mumwe munhu akashevedzera ari kumhenderekedzo ndokukurudzira vabati vehove kuti vakande mambure avo kune rimwe divi rechikepe. Vakaita zvavakaudzwa uye vakabata hove dzakawanda chaizvo dzaisvika 153! Petro akaziva kuti munhu wacho akanga ari ani. Akasvetuka kubva muchikepe ndokushambira akananga kumhenderekedzo. Pamhenderekedzo, Jesu akapa shamwari dzake dzakatendeka hove dzakagochwa pamazimbe. Akanyanya kutaura naPetro.—Joh. 21:4-14.

26, 27. (a) Jesu akapa Petro mukana wei katatu? (b) Jesu akapa uchapupu hupi hwokuti akanga akanganwira Petro nemwoyo wose?

26 Jesu akabvunza Petro kana aida Ishe wake “kupfuura idzi”—zviri pachena kuti achinongedzera hove dzakawanda dzavakanga vabata. Mumwoyo maPetro, kuda kwaaiita bhizimisi rokubata hove kwaizokwikwidzana nokuda kwaaiita Jesu here? Sezvo Petro akanga amboramba Tenzi wake katatu, iye zvino Jesu akamupa mukana wokuti apupurire kumuda kwaaiita katatu pamberi peshamwari dzake. Petro paaiita izvozvo, Jesu aimuudza nzira yokuratidza nayo rudo irworwo: nokuisa zvinhu zvitsvene pamberi pezvimwe zvinhu zvose, kudyisa, kusimbisa uye kufudza boka raKristu, vateveri vake vakatendeka.—Ruka 22:32; Joh. 21:15-17.

27 Saka Jesu akaratidza kuti Petro akanga achiri kukosha kwaari uye kuna Baba vake. Petro aizoita basa raikosha zvikuru muungano achitungamirirwa naKristu. Ihwohwo uchapupu hune simba hwokukanganwira kwaJesu nemwoyo wose! Zvechokwadi Petro akafara kuti Jesu akanga amukanganwira uye akadzidza kubva pachikanganiso chake.

28. Petro akazoita sei zvinoenderana nezita rake?

28 Kwemakore akawanda Petro akaita basa raakapiwa akatendeka. Akasimbisa hama dzake, sezvakanga zvarayirwa naJesu usiku hwokupedzisira asati afa. Petro akaratidza mutsa uye mwoyo murefu pakufudza uye kudyisa vateveri vaKristu. Murume ainzi Simoni akazoita zvinoenderana nezita rake raakapiwa naJesu—rokuti Petro kana kuti Dombo—nokuva muenzaniso wakanaka kwazvo wakatsiga, wakasimba, uye wakavimbika muungano. Uchapupu hwakawanda hweizvozvo hunowanikwa mutsamba mbiri dzinoratidza rudo, dzakanyorwa naPetro dzakazova mabhuku anokosha eBhaibheri. Tsamba idzodzo dzinoratidzawo kuti Petro haana kumbofa akanganwa chidzidzo chaakanga awana kuna Jesu chokukanganwira.—Verenga 1 Petro 3:8, 9; 4:8.

29. Tingatevedzera sei kutenda kwaPetro uye ngoni dzaTenzi wake?

29 Dai isu tikadzidzawo chidzidzo ichocho. Zuva nezuva tinokumbira Mwari kuti atikanganwire zvikanganiso zvakawanda zvatinoita here? Tinobva tabvuma kukanganwira kwacho here totenda kuti kune simba rokutichenesa? Uye tinokanganwirawo vamwe here? Kana tikadaro, tichatevedzera kutenda kwaPetro uye ngoni dzaTenzi wake.