Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake

Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake

1, 2. (a) Chii chakaitika kuna Jona nevafambisi vengarava nemhaka yechikanganiso chaJona? (b) Nyaya yaJona ingatibatsira sei?

JONA akashuva kuti dai aikwanisa kuita kuti asanzwa ruzha rwainyangadza. Yakanga isingori chete mhepo yaityisa, yaiita ruzha patambo dzemaseiri engarava; uye akanga asingori chete makomo emafungu, airovera zvine simba mumativi mengarava yacho zvichiita kuti mapuranga ayo ose aite ruzha. Ruzha rwainyanya kutambudza Jona nderwokushevedzera kwaiitwa nevafambisi vengarava, mukuru wengarava nevamwe vake, sezvavairwisa kuti ngarava yacho isanyura. Jona akava nechokwadi chekuti varume ivavo vakanga vava kuzofa uye kuti yaizova mhosva yake!

2 Chii chakanga chaita kuti Jona ave panguva yakaoma kudaro? Akanga aita chikanganiso chakakura chokusateerera Mwari wake, Jehovha. Chii chaakanga aita? Zvinhu zvakanga zvisingachagadzirisiki here? Mhinduro dzacho dzinogona kutidzidzisa zvakawanda. Semuenzaniso, nyaya yaJona inotidzidzisa kuti kunyange vaya vane kutenda kwakasimba vanogona kuita zvikanganiso, asi vanogona kuzvigadzirisa.

Muprofita wokuGarireya

3-5. (a) Vanhu vanowanzoisa pfungwa pachii pavanofunga nezvaJona? (b) Chii chatinoziva nezveupenyu hwaJona? (Onawo mashoko omuzasi.) (c) Nei basa raJona semuprofita rakanga risiri nyore kana kuti risinganakidzi?

3 Vanhu pavanofunga nezvaJona, vanowanzoita sevanonyanyoisa pfungwa paunhu hwake husina kunaka, hwakadai sekusateerera kwaakamboita kana kuti kunyange kumboomesa musoro. Asi Jona akaitawo zvinhu zvakawanda zvakanaka. Yeuka kuti Jona akasarudzwa kuti ashumire semuprofita waJehovha Mwari. Jehovha angadai asina kumusarudza kuti aite basa rinokosha zvakadaro kudai akanga asina kutendeka kana kuti kururama.

Paiva nezvakanaka zvakaitwa naJona zvaipfuura nekure unhu hwake husina kunaka

4 Bhaibheri rinotiudza zvishoma nezveupenyu hwaJona. (Verenga 2 Madzimambo 14:25.) Aibva kuGati-heferi, makiromita mana chete kubva kuNazareta, guta rakazokurira Jesu Kristu makore anenge 800 gare gare. * Jona akashumira semuprofita panguva yaitonga Mambo Jerobhoamu II weumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. Pakanga pava nenguva refu Eriya afa uye Erisha uyo akazomutsiva akanga afa panguva yaitonga baba vaJerobhoamu. Kunyange zvazvo Jehovha akanga ashandisa varume ivavo kutsvaira kunamatwa kwaBhaari, Israeri akanga ari kutsaukazve nemaune. Nyika yacho zvino yakanga ichitevedzera muenzaniso wamambo uyo “akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.” (2 Madz. 14:24) Saka basa raJona raisagona kuva nyore kana kunakidza. Kunyange zvakadaro, akariita akatendeka.

5 Zvisinei, rimwe zuva upenyu hwaJona hwakangoerekana hwachinja zvikuru. Akapiwa basa naJehovha raakaona serakanyanya kuoma. Jehovha akanga achida kuti aitei?

“Simuka, Uende kuNinivhi”

6. Jehovha akapa Jona basa rei, uye nei ringadaro raiita serakaoma zvikuru?

6 Jehovha akaudza Jona kuti: “Simuka, uende kuNinivhi guta guru, urizivise kuti kuipa kwavo kwasvika pamberi pangu.” (Jona 1:2) Zviri nyore kuona kuti nei basa iri ringadaro rakaita serakaoma zvikuru. Ninivhi yaiva makiromita anenge 800 nechokumabvazuva, rwendo rwaizotora unenge mwedzi uchifamba netsoka. Asi pane chinhu chingangodaro chainyanya kuita kuti Jona azvidye mwoyo kupfuura rwendo rwacho rwainge rwakareba uye rwakaoma. KuNinivhi, Jona aifanira kutaura mashoko aJehovha okutonga kuvaAsiriya, avo vaizivikanwa nekuita zvechisimba, kunyange utsinye hwakanyanyisa. Kana Jona akanga aona vanhu vaMwari vasingamuteereri, chii chaaizotarisira kuona pakati pevahedheni ivavo? Mushumiri mumwe chete waJehovha aizobudirira sei muguta rakakura reNinivhi, rakazosvika pakunzi “guta rokuteura ropa”?—Nah. 3:1, 7.

7, 8. (a) Jona ainge akatsunga zvakadini kutiza basa raakanga apiwa naJehovha? (b) Nei tisingafaniri kugumisa kuti Jona akanga ari gwara?

7 Izvozvo zvingangodaro zvakafungwa naJona. Asi hatizivi. Zvatinoziva ndezvokuti akatiza. Jehovha akanga amuti aende kumabvazuva; Jona akaenda kumadokero, uye kure sekwaaikwanisa kuenda nechokumadokero. Akaenda kumhenderekedzo, kuguta rine chiteshi chengarava rainzi Jopa, kwaakawana ngarava yainanga kuTashishi. Dzimwe nyanzvi dzinoti Tashishi yaiva muSpain. Kana zviri izvo, Jona ainge ari kuenda anenge makiromita 3 500 kure neNinivhi. Rwendo rwakadaro nengarava uchienda kune rimwe divi reGungwa Guru rwungangodaro rwaitora rinenge gore rese. Jona ainge akatsunga zvikuru kutiza basa raakanga apiwa naJehovha!—Verenga Jona 1:3.

8 Saka tingati Jona aiva gwara here? Hatifaniri hedu kumhanyirira kutaura kudaro. Sezvatichaona, ane zvimwe zvinhu zvaakaita zvaida kuti ave neushingi hwakakura. Zvisinei, kufanana nesu tese, Jona aiva munhu asina kukwana aiita zvikanganiso zvakawanda. (Pis. 51:5) Ndiani wedu asina kumbobvira atambura nekutya?

9. Dzimwe nguva tinganzwa sei nezvebasa ratinopiwa naJehovha, uye panguva dzakadaro tinofanira kufunga nezvechokwadi chipi?

9 Dzimwe nguva zvingaita sekuti Mwari anotiudza kuti tiite zvatinofunga kuti zvakaoma, kunyange zvatinofunga kuti hazvibviri. Tingatoona sezvakaoma kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, sezvinotarisirwa kuti vaKristu vaite. (Mat. 24:14) Zviri nyore zvikuru kuti tikanganwe chokwadi chinokosha chakataurwa naJesu chekuti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Kana dzimwe nguva tichimbokanganwa chokwadi ichocho, zvichida tinogona kunzwisisa kuomerwa kwainge kwakaita Jona. Zvisinei, kutiza kwakaita Jona kwakaguma nei?

Jehovha Anoranga Muprofita Wake Asingateereri

10, 11. (a) Jona angangodaro aitarisirei ngarava inotakura zvinhu zvayaibva pachiteshi? (b) Ingozi ipi yakawira ngarava nevashandi vacho?

10 Tinogona kungofungidzira Jona ava mungarava iyoyo, zvichida ngarava inotakura zvinhu yekuFenikiya. Akatarira sezvo mukuru wengarava nevamwe vake vaimhanya-mhanya kuitira kuti ngarava isimuke kubva pachiteshi. Mhenderekedzo yegungwa zvayaisara shure kusvikira isingachaoneki, Jona angangodaro aitarisira kuti ainge ava kupukunyuka pangozi yaaitya kwazvo. Asi mamiriro ekunze akangoerekana achinja.

11 Mhepo ine simba yakatanga kuvhuvhuta ichibvongodza gungwa zvaityisa, iine mafungu angatoita kuti ngarava dzemazuva ano dziite setunhu tuduku-duku. Zvakatora nguva yakareba zvakadini kuti ngarava iyoyo yemapuranga iite sechinhu chiduku zvikuru chisina kusimba, ichifukidzwa nemakomo emafungu? Panguva iyoyo, Jona akaziva here zvaakazonyora—kuti “Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa”? Hatizivi. Zvisinei, akaona kuti vafambisi vengarava vakatanga kushevedzera kuna vanamwari vavo vakasiyana-siyana, uye akaziva kuti hapana rubatsiro rwaizobva kwavari. (Revh. 19:4) Nhoroondo yake inoti: “Ngarava yacho yakanga yava kuda kuparadzwa.” (Jona 1:4) Uye Jona aizonyengetera sei kuna Mwari waakanga achitiza?

12. (a) Nei tisingafaniri kumhanyirira kutaura zvisiri izvo nezvaJona nekuti akarara dutu paraipenga? (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Jehovha akaratidza sei pachena chaikonzera dambudziko racho?

12 Achinzwa asina simba rokubatsira, Jona akaenda nechepasi peuriri hwengarava ndokuwana nzvimbo yokurara. Ari ipapo akabva afa zvake nehope. * Mukuru wengarava akaona Jona, akamumutsa, ndokumuudza kuti anyengetere kuna mwari wake, sezvaiitwa nevamwe vose. Vaine chokwadi chekuti dutu iri rainge risiri kungoitika rega, vafambisi vengarava vakakanda mijenya kuti vaone kuti pavanhu vaivamo ndiani angangodaro aikonzera dambudziko ravo. Hapana mubvunzo kuti Jona ainge ava kungodikitira sezvo mijenya yairamba ichipotsa mumwe nemumwe wevaivamo. Pasina nguva, chokwadi chakabuda pachena. Jehovha akaita kuti mijenya ibate Jona uye akaratidza pachena kuti akanga aunza dutu pamusana pokusateerera kwaJona.—Verenga Jona 1:5-7.

13. (a) Jona akaudzei vafambisi vengarava? (b) Jona akakurudzira vafambisi vengarava kuti vaitei, uye nei?

13 Jona akaudza vafambisi vengarava kuti aiva ani uye kuti nei kwakaita mhepo ine mvura. Akanga ari mushumiri waMwari wemasimbaose, Jehovha. Uyu ndiye Mwari waakanga achitiza uye waakanga agumbura, achivaisa vese mungozi iyi yakaipa zvikuru. Varume vacho vakashayiwa neromuromo; Jona akaona kutya kwavaiita. Vakamubvunza zvavaifanira kumuitira kuti vachengetedze ngarava neupenyu hwavo. Akati kudii? Jona anofanira kunge akatya paakazvifunga achinyura mugungwa iroro raiva nemvura inotonhora uye rabvongodzwa. Asi nei aizourayisa zvakadaro vanhu vese ava iye achiziva zvake kuti aigona kuvanunura? Naizvozvo akavakurudzira kuti: “Ndisimudzei mundikande mugungwa, uye gungwa richadzikama nokuda kwenyu; nokuti ndinoziva kuti mhepo huru iyi ine mvura yauya pamuri nokuda kwangu.”—Jona 1:12.

14, 15. (a) Tingatevedzera sei kutenda kwaJona kwakasimba? (b) Vafambisi vengarava vakaita sei pavakaudzwa zvokuita naJona?

14 Tingati here iwayo mashoko egwara? Zvinofanira kunge zvakafadza mwoyo waJehovha kuona ushingi hwaJona uye kuzvibayira kwake panguva iyoyo yainge yakaoma. Pano tinoona kutenda kwaJona kwakasimba. Tinogona kukutevedzera mazuva ano nokutanga kufunga zvakanakira vamwe kupfuura zvakatinakira isu. (Joh. 13:34, 35) Patinoona mumwe munhu anenge achida kubatsirwa, pangava pane zvokurarama nazvo, paanenge achishungurudzika, kana kuti pane zvokunamata, tinozvipira kumubatsira here? Tikadaro tichafadza Jehovha zvikuru!

15 Zvichida vafambisi vengarava vakabatwa-batwawo, nekuti pakutanga vakaramba kuita zvaakataura! Pane kudaro, vakaita zvese zvavaigona kuti vakurire dutu racho voramba vachienda—asi kwaiva kuteya nzou neriva. Mhepo yaiva nemvura yakatoramba ichiwedzera. Pakupedzisira, vakazoona kuti pakanga pasina zvimwe zvokuita. Vachishevedzera kuna Mwari waJona, Jehovha, kuti avanzwire ngoni, vakasimudza murume wacho ndokumukanda mugungwa nepadivi.—Jona 1:13-15.

Vakurudzirwa naJona vafambisi vengarava vakamusimudza ndokumukanda mugungwa

Jona Anonzwirwa Ngoni Uye Anonunurwa

16, 17. Rondedzera zvakaitika kuna Jona paakakandwa kubva mungarava. (Onawo mifananidzo.)

16 Jona akadonhera mumafungu acho aipenga. Zvichida airwisa achiedza kuita kuti asanyura, ndokuona ngarava yacho ichienda nekukurumidza iye ari pakati pemafungu. Asi mafungu acho akamunyudza pasi pemvura. Akanyura pasi pasi, achinzwa sekuti ndopakaperera sarungano.

17 Jona akazorondedzera manzwiro aaiita panguva iyi. Ane zvakawanda zvakauya mupfungwa dzake. Akafunga akasuruvara kuti aisazombofa akaonazve temberi yaJehovha yakanaka yaiva muJerusarema. Ainzwa kuti aidzika pasi pasi pegungwa racho, pedyo nepanotangira makomo, paakamonererwa nemasora emugungwa. Zvaiita sekuti ndiro raizova guva rake.—Verenga Jona 2:2-6.

18, 19. Chii chakaitika kuna Jona ari pasi pasi pegungwa, chisikwa cherudzii chaakasangana nacho, uye ndiani akaita kuti izvi zviitike? (Onawo mashoko omuzasi.)

18 Asi chimbomira! Paiva nechimwe chinhu chaifamba chiri pedyo—chinhu chipenyu, chakakura, uye chakati ndoo. Chakaswedera pedyo naye zvishoma nezvishoma ndokuerekana chamhanya chakananga kwaari. Chakashama muromo wacho wakakura, ndokumumedza!

Jehovha “akaita kuti hove huru imedze Jona”

19 Jona aifanira kunge akafunga kuti pake pakanga pamuperera. Kunyange zvakadaro, Jona akashamiswa nechimwe chinhu chaiitika. Akanga achiri mupenyu! Akanga asina kutsengwa, kana kugayiwa, kana kuti kunyange kutadza kufema. Akanga ari mupenyu, kunyange zvazvo aiva mune raifanira kuva guva rake. Zvishoma nezvishoma, Jona akabatwa nekutya. Hapana mubvunzo kuti akanga ari Mwari wake, Jehovha, akanga “aita kuti hove huru imedze Jona.” *Jona 1:17.

20. Tinogona kudzidzei nezvaJona kubva pamunyengetero wake ari mukati mehove huru?

20 Nguva yakafamba kusvikira patopera maawa. Ari imomo, murima gobvu raakanga asina kumbobvira aona, Jona akawana nguva yokufunga ndokunyengetera kuna Jehovha Mwari. Munyengetero wake wakanyorwa wose muchitsauko chechipiri chaJona, unotidzidzisa zvakawanda. Unoratidza kuti Jona aiziva Magwaro zvikuru, nekuti kakawanda unotaura zviri muMapisarema. Unoratidzawo unhu hunofadza: kuonga. Jona akagumisa achiti: “Asi ini, ndichabayira chibayiro kwamuri nenzwi rokuonga. Ndicharipa zvandakapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”—Jona 2:9.

21. Jona akadzidzei nezveruponeso, uye chidzidzo chipi chinokosha chatingayeuka?

21 Ari imomo, munzvimbo yaakanga asingambofungidziri kuti aizova—“mudumbu rehove”—Jona akadzidza kuti Jehovha anogona kuponesa vashumiri vake chero kwavanenge vari uye chero nguva. Kunyange imomo, Jehovha akawana ndokuponesa mushumiri wake ainetseka. (Jona 1:17) Jehovha chete ndiye aigona kuchengeta munhu ari mupenyu uye asina chinomuwana kwemazuva matatu neusiku hutatu mudumbu rehove huru. Mazuva ano zvakanaka kuti tiyeuke kuti Jehovha ‘ndiMwari ane mhepo yedu yokufema.’ (Dhan. 5:23) Mhepo yese yatinofema uye upenyu hwedu zvinobva kwaari. Tinoonga here? Saka, hatifaniri kuteerera Jehovha here?

22, 23. (a) Pasina nguva refu kuonga kwaJona kwakaedzwa sei? (b) Tingadzidzei kubva pana Jona panyaya yezvikanganiso zvatinoita?

22 Zvakadini naJona? Akadzidza kuratidza kuonga kwake kuna Jehovha here kuburikidza nekuteerera? Hongu. Pashure pemazuva matatu neusiku hutatu, hove yacho yakaendesa Jona pamhenderekedzo chaipo “ikarutsira Jona panyika yakaoma.” (Jona 2:10) Fungidzira—pashure pezvose izvozvo, Jona akanga asingatombofaniri kushambira kuti aende panyika yakaoma! Ichokwadi kuti aifanira kutsvaka kwokuenda achibva pamhenderekedzo iyoyo, chero kwayainge iri. Zvisinei, pasina nguva refu, kuonga kwake kwakaedzwa. Jona 3:1, 2, inoti: “Zvino shoko raJehovha rakauya kuna Jona kechipiri, richiti: ‘Simuka, uende kuNinivhi guta guru, unorizivisa mashoko andichakuudza.’” Jona aizoitei?

23 Jona haana kuzengurira. Tinoverenga kuti: “Jona akabva asimuka, akaenda kuNinivhi maererano neshoko raJehovha.” (Jona 3:3) Hongu, akateerera. Zviri pachena kuti akanga adzidza kubva pazvikanganiso zvake. Panyaya iyiwo tinofanira kutevedzera kutenda kwaJona. Tose tinotadza; tose tinokanganisa. (VaR. 3:23) Asi tinokanda mapfumo pasi here, kana kuti tinodzidza kubva pazvikanganiso zvedu tobva tashumira Mwari tichimuteerera?

24, 25. (a) Jona akazowana chikomborero chipi munguva yaairarama? (b  Zvikomborero zvipi zvakamirira Jona mune ramangwana?

24 Jehovha akakomborera Jona pamusana pekuteerera kwake here? Chokwadi akamukomborera. Zvinoita sekuti chimwe chezvikomborero zvakazowanikwa naJona ndechokuziva kuti vafambisi vaya vengarava vakapukunyuka. Dutu racho rakabva rangodzikama pashure pokuzvipira kwakaita Jona, uye vafambisi vengarava ivavo “vakatanga kutya Jehovha kwazvo” ndokumubayira chibayiro pane kuchibayira kuna vanamwari vavo venhema.—Jona 1:15, 16.

25 Mubayiro wakatoti kurei wakazouya pave paya. Jesu akashandisa nguva yakapedza Jona ari muhove huru seuprofita hwaifananidzira nguva yake ari muguva, kana kuti Sheori. (Verenga Mateu 12:38-40.) Jona achafara zvikuru kuziva nezvechikomborero ichocho paanenge amutswa kuti ararame panyika! (Joh. 5:28, 29) Jehovha anoda kukukomborerawo. Kufanana naJona, uchadzidza kubva pazvikanganiso zvako here woteerera Mwari uye woratidza vamwe rudo?

^ ndima 4 Zvinokosha kuziva kuti Jona aibva mutaundi rokuGarireya nekuti pavaitaura nezvaJesu, vaFarisi vakataura vachitsvinya kuti: “Ongorora uone kuti hapana muprofita achamutswa achibva kuGarireya.” (Joh. 7:52) Vashanduri nevatsvakurudzi vakawanda vanoti vaFarisi vakanga vachingotaurawo zvavo kuti hapana muprofita akanga ambomuka kana kuti aizombomuka munzvimbo yakaderera yeGarireya. Kana zviri izvo zvavaireva, varume ivavo vakanga vachipira makotsi kunhoroondo uyewo kuuprofita.—Isa. 9:1, 2.

^ ndima 12 Septuagint inosimbisa kufa nehope kwainge kwakaita Jona nokuwedzera kuti aiita ngonono. Zvisinei, pane kutaura kuti hope dzaJona chaiva chiratidzo chokushaya hanya, tingayeuka kuti dzimwe nguva vaya vanenge vakaora mwoyo zvakanyanya vangakurirwa nekunzwa kuda kurara. Panguva yaishungurudzika Jesu ari mumunda weGetsemane, Petro, Jakobho, naJohani vainge “vachitsimwaira nokuda kweshungu.”—Ruka 22:45.

^ ndima 19 Parakashandurwa kuiswa muchiGiriki, shoko rinoreva “hove” muchiHebheru rakashandurwa kuti “chisikwa chomugungwa chakakura uye chinotyisa,” kana kuti “hove huru.” Kunyange zvazvo pasina nzira yokunyatsoziva nayo rudzi rwechisikwa chemugungwa chaakasangana nacho, zvakacherechedzwa kuti muMediterranean mune hove dzinonzi shark dzakakura zvokukwanisa kumedza munhu akadaro. Kune shark dzakatokura zvikuru kune dzimwewo nzvimbo; whale shark inogona kureba kusvika pamamita 15 kana kutopfuura!