Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’

‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’

1, 2. Rondedzera rwendo rwaMariya, uye tsanangura chakaita kuti rwendo rwacho rwusava nyore kwaari.

MARIYA aitamburira kuchinja magariro ake pamusoro pedhongi. Ainge ava nenguva yakareba akatasva dhongi racho. Josefa aifamba zvishoma nezvishoma ari nechepamberi achitungamirira dhongi racho mumugwagwa unoenda kuBhetrehema. Pano neapo Mariya ainzwa mwana achitamba mudumbu make.

2 Mariya akanga ava pedyo nokubatsirwa; Bhaibheri rinorondedzera nezvake kuti panguva iyi “akanga akurirwa.” (Ruka 2:5) Vaviri ava zvavaifamba vachipfuura minda, zvichida vamwe varimi vaimbomira kurima kana kudyara votarisa vachishamisika kuti nei mukadzi akanga akurirwa zvakadaro aifamba rwendo. Chii chakanga chaita kuti Mariya aende kure nemusha wake waiva muNazareta?

3. Mariya akanga agamuchira ropafadzo yei, uye chii chatichadzidza nezvake?

3 Zvose izvi zvakanga zvatanga mwedzi yakanga yapfuura mukadzi wechiduku uyu wechiJudha paakagamuchira ropafadzo yainge yakasiyana nedzimwe munhoroondo yose yevanhu. Aizobereka mwana aizova Mesiya, Mwanakomana waMwari! (Ruka 1:35) Nguva yokusununguka payakanga yaswedera pedyo, pane zvakamuka zvakaita kuti rwendo urwu ruitwe. Murwendo rwacho, Mariya akatarisana nezvinhu zvinoverengeka zvakaedza kutenda kwake. Ngationei kuti zvii zvakamubatsira kuti arambe aine kutenda kwakasimba.

Kuenda kuBhetrehema

4, 5. (a) Josefa naMariya vaienderei kuBhetrehema? (b) Murayiro waKesari wakaita kuti pave nokuzadzika kweuprofita hupi?

4 Josefa naMariya vakanga vasiri ivo chete vaiva parwendo. Kesari Agasto akanga achangobva kurayira kuti munyika yose vanhu vanyoreswe, uye vanhu vaifanira kuenda kumaguta avakaberekerwa kuti vanonyoreswa. Josefa akaita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Josefa akabvawo kuGarireya, muguta reNazareta, akaenda kuJudhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetrehema, nokuti aiva weimba uye wemhuri yaDhavhidhi.”—Ruka 2:1-4.

5 Izvi hazvina kungoitika nemasanga kuti Kesari ape murayiro panguva iyi. Uprofita hwakanga hwanyorwa makore anenge 700 ainge apfuura hwakanga hwafanotaura kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema. Zvakaitikawo kuti kwaiva nerimwe guta rainzi Bhetrehema raingova makiromita 11 chete kubva kuNazareta. Zvisinei, uprofita hwacho hwakanyatsotaura kuti Mesiya aizoberekerwa mu“Bhetrehema Efrata.” (Verenga Mika 5:2.) Kuti vasvike kuguta iroro vachibva kuNazareta, vafambi vaifamba makiromita 130 nemumakomo vachipfuura nemuSamariya. Ndiko kuBhetrehema kwaifanira kuendwa naJosefa, nokuti ndiwo waiva musha wemadzitateguru emhuri yaMambo Dhavhidhi—mhuri yaibva Josefa nemwenga wake.

6, 7. (a) Nei rwendo rwekuenda kuBhetrehema rungangodaro rwakaita kuti Mariya aomerwe? (b) Kuva mudzimai waJosefa kwakaita kuti pave nemusiyano upi pazvisarudzo zvaMariya? (Onawo mashoko omuzasi.)

6 Mariya aizotsigira Josefa pachisarudzo chake chekuenda kunonyoreswa here? Rwendo rwacho rwaizomuomera. Kunenge kuti kwaiva kutanga kwaOctober, saka mvura yaigona kunaya zvisina simba mwaka wechirimo zvawakanga wava kupera. Uyewo, Bhetrehema rakanga riri pakakwirira nemamita anopfuura 760 kubva pamusoro pemvura yegungwa—mukwidza chaiwo, mugumo wairwadza werwendo rwavo rwemazuva anoverengeka. Zvichida rwendo rwacho rwaizotora mazuva akati wandei, nokuti Mariya zvaainge akazvitakura angangodaro aida kuzorora kakawanda. Kunyanya panguva yaainge ava pedyo nokusununguka, mukadzi wechiduku aizoda kuva pedyo nokumba, kwaaiva nemhuri neshamwari vaizenge vakagadzirira kumubatsira paainge otanga kurwadziwa nepamuviri. Hapana mubvunzo kuti zvaida kushinga kuti afambe rwendo urwu.

Rwendo rwekuenda kuBhetrehema rwainge rwusiri nyore

7 Kunyange zvakadaro, Ruka anonyora kuti Josefa akaenda “kuti vanyorwe, iye naMariya.” Anotiwo Mariya “akanga aroorana [naJosefa] sezvavakanga vavimbisana.” (Ruka 2:4, 5) Kuva mudzimai waJosefa kwakaita kuti pave nemusiyano pazvisarudzo zvaMariya. Aiona murume wake semusoro wemhuri, achiita basa raakanga apiwa naMwari semubatsiri wake achitsigira murume wake pazvisarudzo zvaaiita. * Mariya aida chaizvo kuteerera murume wake, uye nokuita izvozvo akaratidza kutenda.

8. (a) Chiizve chingave chakaita kuti Mariya ade kuenda kuBhetrehema naJosefa? (b) Muenzaniso waMariya unokurudzira vanhu vakatendeka munzira ipi?

8 Chiizve chingave chakaita kuti Mariya ateerere? Aiziva here nezveuprofita hwokuti Mesiya aizoberekerwa kuBhetrehema? Bhaibheri haritauri. Asi hatingagoni kuti akanga asingazivi nokuti zviri pachena kuti izvozvo zvaizivikanwawo nevapristi vakuru nevanyori uye kunyange nevanhuwo zvavo. (Mat. 2:1-7; Joh. 7:40-42) Mariya ainyatsoziva Magwaro. (Ruka 1:46-55) Chero zvazvingava, kana kuri kuti Mariya akasarudza kufamba rwendo urwu kuti ateerere murume wake, kana kuti murayiro wenyika, kana uprofita hwaJehovha pachake—kana kuti zvose—akagadza muenzaniso wakanaka kwazvo. Jehovha anokoshesa zvikuru varume nevakadzi vanozvininipisa uye vanoteerera. Muenzaniso waMariya unonyanya kutikurudzira sezvo mazuva ano vanhu vakawanda vasingafungi kuti vanofanira kuzviisa pasi.

Kuberekwa kwaKristu

9, 10. (a) Mariya naJosefa vangangodaro vakafunga nezvei pavakanga vava kusvika kuBhetrehema? (b) Josefa naMariya vakagara kupi uye nemhaka yei?

9 Mariya anofanira kunge akatura befu paakatanga kuona Bhetrehema. Sezvavaikwira makomo, vachipfuura minda yemiorivhi—pakati pezvirimwa zvaipedzisira kukohwewa—Mariya naJosefa vangangodaro vaifunga nezvenhoroondo yeguta iri. Rakanga rakanyanya kuita duku kuti riverengwe pakati pemaguta aJudha, sokutaura kwakanga kwaita muprofita Mika; kunyange zvakadaro ndiko kwakaberekerwa Bhoazi, Naomi, uye pave paya Dhavhidhi. Pakanga patopfuura makore chiuru zvose izvi zvaitika.

10 Mariya naJosefa vakawana muguta racho muine vanhu vakawandisa. Vamwe vakanga vavatangira kusvika vachida kuzonyoresawo, saka pakanga pasisina nzvimbo yokuti vagare muimba yevaeni. * Vakanga vasina zvimwe zvokuita kunze kwokupedza usiku hwacho vari mudanga rezvipfuwo. Tinogona kungofungidzira kunetseka kwakaita Josefa paakaona mudzimai wake achirwadziwa zvikuru zvaakanga asati amboita, uye marwadzo acho akabva awedzera. Iyi yakanga isiri nzvimbo yakakodzera asi ndimo maakatangira kunzwa marwadzo ekusununguka.

11. (a) Nei vakadzi vari mumativi mana enyika vachigona kunzwisisa manzwiro aiita Mariya? (b) Jesu aiva “dangwe” munzira dzipi?

11 Vakadzi vari mumativi mana enyika vanogona kunzwisisa manzwiro aiita Mariya. Anenge makore 4 000 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga afanotaura kuti vakadzi vose vaizorwadziwa pakubereka nemhaka yechivi chavakagara nhaka. (Gen. 3:16) Hapana uchapupu hunoratidza kuti Mariya haana kurwadziwa. Ruka haarondedzeri nezvekurwadziwa kwaMariya, asi anongoti: “Akasununguka mwanakomana wake, dangwe.” (Ruka 2:7) “Dangwe” rake rakanga raberekwa—wokutanga pavana vakawanda vaMariya, vanosvika vanomwe kana kupfuura. (Mako 6:3) Asi uyu aizosiyana nevamwe vana. Akanga asingori dangwe raMariya chete asiwo kuna Jehovha akanga ari “dangwe rezvisikwa zvose,” Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga!—VaK. 1:15.

12. Mariya akaradzika mwana pai, uye zvakanyatsoitika zvakasiyana sei nemitambo yekuberekwa kwaJesu, mifananidzo yakadhirowewa, uye zvatinoona?

12 Panguva ino nhoroondo yacho inowedzera mashoko anozivikanwa okuti: “Akamuputira nemachira, akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo.” (Ruka 2:7) Mitambo yekuberekwa kwaJesu, mifananidzo yakadhirowewa, uye zvatinoona munzvimbo dzakasiyana-siyana zvinowedzeredza chiitiko ichi. Asi funga zvakanyatsoitika. Mariya akaisa mwana wacho muchidyiro. Yeuka kuti mhuri yacho yakanga ichigara mudanga, nzvimbo isingatarisirwi kuva nemhepo yakanaka kana utsanana. Chaizvoizvo, mubereki upi aizoda kuti mwana wake aberekerwe mudanga kana paiva nedzimwewo nzvimbo? Vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vawane zvakanakisisa. Saka Mariya naJosefa vaizoda chaizvo kuita kuti Mwanakomana waMwari ave nezvakanakisisa!

13. (a) Mariya naJosefa vakanyatsoshandisa sei zvavaiva nazvo? (b) Nhasi vabereki vakachenjera vangatevedzera sei Josefa naMariya?

13 Zvisinei, havana kuisa pfungwa dzavo pane zvavakanga vasina; chavakangoita kunyatsoshandisa zvavaiva nazvo. Somuenzaniso, ona kuti Mariya pachake akatarisira mucheche wacho, achimuputira zvakanaka-naka nemachira, achibva anyatsomuradzika muchidyiro kuti arare, achiva nechokwadi chokuti aizenge achidziyirwa uye akachengeteka. Kunyange zvazvo zvinhu zvainge zvisina kumumirira zvakanaka, Mariya akaita zvose zvaaigona kuti atarisire mwana wacho. Iye naJosefa vaizivawo kuti kudzidzisa mwana uyu kuti ade Jehovha kwaizova chinhu chinokosha kupfuura zvose zvavaigona kumuitira. (Verenga Dheuteronomio 6:6-8.) Nhasi, vabereki vakachenjera ndizvo zvavanoitawo sezvavanorera vana vavo munyika isingakoshesi kushumira Mwari.

Vafudzi Vakakurudzira Mariya naJosefa

14, 15. (a) Nei vafudzi vaida chaizvo kuona mwana wacho? (b) Vafudzi vakaitei pashure pekunge vaona Jesu mudanga?

14 Ruzha rwakaerekana rwavhiringidza runyararo rwaivapo. Vafudzi vakamhanyira mudanga, vachida kuona mhuri yacho uye zvikurukuru kuona mwana wacho. Varume ava vaiita sevachabata denga, zviso zvavo zvichiratidza mufaro. Vakanga vauya vachibva kumakomo kwavakanga vachigara nezvipfuwo zvavo. * Vakaudza vabereki vacho vakanga vashamisika nezvechinhu chinoshamisa chakanga chichangobva kuitika kwavari. Vari mugomo pakati peusiku, ngirozi yakangoerekana yazviratidza kwavari. Kubwinya kwaJehovha kwakanga kwan’aima munzvimbo iyoyo, uye ngirozi yacho yakavaudza kuti Kristu, kana kuti Mesiya, akanga achangoberekwa muBhetrehema. Vaizowana mwana wacho akarara muchidyiro, akaputirwa nemachira. Zvadaro, chimwe chinhu chinotonyanya kushamisa chakaitika—ngirozi dzakawanda dzakaonekwa, dzichirumbidza Mwari!—Ruka 2:8-14.

15 Saka zvaisashamisa kuti varume ava vaizvininipisa vakaita chipitipiti kupinda muBhetrehema! Vanofanira kunge vakafara chaizvo kuona mucheche achangobva kuberekwa akarara muchidyiro sematsananguriro ainge aita ngirozi. Havana kunyarara nemashoko aya akanaka. “Vakazivisa mashoko avakanga vaudzwa . . . Vose vakazvinzwa vakashamisika pamusoro pezvinhu zvavakaudzwa nevafudzi.” (Ruka 2:17, 18) Zviri pachena kuti mazuva iwayo, vapristi vakuru nevanyori vaitarisira vafudzi pasi. Asi Jehovha aikoshesa varume ava vaizvininipisa uye vainge vakatendeka. Zvisinei, kushanya uku kwakaita kuti Mariya aite sei?

Zviri pachena kuti Jehovha aikoshesa vafudzi vaizvininipisa uye vainge vakatendeka

16. Mariya akaratidza sei kuti aifunga zvakadzama, uye ndechipi chaiva chikonzero chinokosha chakaita kuti arambe aine kutenda kwakasimba?

16 Zvechokwadi Mariya akanga aneta nemarwadzo ekubereka, asi akanyatsoteerera mashoko ose. Uye akaita zvakawanda: “Mariya akatanga kuchengeta mashoko aya ose, achiafungisisa mumwoyo make.” (Ruka 2:19) Mukadzi uyu wechiduku aifunga zvakadzama. Aiziva kuti mashoko aya engirozi aikosha chaizvo. Mwari wake, Jehovha, aida kuti azive uye anzwisise kuti mwanakomana wake aiva ani uye kukosha kwaaiita. Saka akaita zvinopfuura kuteerera. Akachengeta mashoko iwayo mumwoyo make kuitira kuti azoramba achiafungisisa kwemwedzi nemakore zvaizotevera. Ichi ndicho chikonzero chinokosha nei Mariya aizoramba aine kutenda kwakasimba muupenyu hwake hwose.—Verenga VaHebheru 11:1.

Mariya akanyatsoteerera vafudzi vacho uye akachengeta mashoko avo mumwoyo make

17. Tingatevedzera sei muenzaniso waMariya panyaya yechokwadi chinobva kuna Mwari?

17 Uchatevedzera muenzaniso waMariya here? Jehovha akazadza mapeji eShoko rake nechokwadi chinokosha zvikuru. Zvisinei, hatina zvakawanda zvatinobatsirwa nechokwadi ichocho kunze kwokunge tatanga tafungisisa nezvacho. Tinoita izvozvo nokuverenga Bhaibheri nguva dzose, kwete kuriverenga sebhukuwo zvaro asi seShoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Tim. 3:16) Zvadaro, kufanana naMariya, tinofanira kuchengeta mashoko aMwari mumwoyo medu, toafungisisa. Kana tikafungisisa zvatinoverenga muBhaibheri, tichifunga nezvemashandisiro atingaita zano raJehovha zvizere, kutenda kwedu kuchakura.

Mamwe Mashoko Aaifanira Kuchengeta

18. (a) Mariya naJosefa vakateerera sei Mutemo waMosesi mumazuva ekutanga-tanga aJesu? (b) Chibayiro chakapiwa naJosefa naMariya patemberi chakaratidzei nezvemamiriro avo panyaya dzemari?

18 Sezvairayirwa noMutemo waMosesi, Mariya naJosefa vakadzingisa mwana wavo pazuva rake rechisere, uye vakamutumidza kuti Jesu sezvakanga zvarayirwa. (Ruka 1:31) Zvadaro, pazuva rechi40, vakabva naye kuBhetrehema vakaenda kutemberi yaiva muJerusarema, daro rinenge makiromita 10, uye vakapa zvibayiro zvokuchenesa zvaibvumirwa noMutemo kuti varombo vape, zvaiti magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri. Kana vainyara kuti vaisakwanisa kupa zvibayiro zvakadai segondohwe negukutiwa zvaipiwa nevamwe vabereki, manzwiro akadaro vakamboati tsve parutivi. Chero zvazvingava, vakakurudzirwa chaizvo pavaiva ikoko.—Ruka 2:21-24.

19. (a) Simiyoni akapa sei Mariya mamwezve mashoko okuti achengete mumwoyo make? (b) Ana akaita sei paakaona Jesu?

19 Murume akanga akwegura ainzi Simiyoni akauya kwavari akaudza Mariya mamwezve mashoko aaifanira kuchengeta mumwoyo make. Akanga avimbiswa kuti asati afa aizoona Mesiya uye mudzimu mutsvene waJehovha wakamuratidza kuti Jesu iyeye muduku ndiye aiva Muponesi akanga afanotaurwa. Simiyoni akanyeverawo Mariya nezvokurwadziwa kwaaizofanira kutsungirira rimwe zuva. Akamuudza kuti aizonzwa seakanga abayiwa nebakatwa refu. (Ruka 2:25-35) Kunyange mashoko iwayo aityisa angave akazobatsira Mariya kutsungirira nguva iyoyo yakaoma payakasvika, papera makore 33. Pashure paSimiyoni, muprofitakadzi ainzi Ana akaona Jesu muduku ndokutanga kutaura nezvake kumunhu wose aikoshesa tariro yokununurwa kweJerusarema.—Verenga Ruka 2:36-38.

Mariya naJosefa vakakurudzirwa chaizvo patemberi yaJehovha yaiva muJerusarema

20. Kuenda naJesu kutemberi yaiva muJerusarema kwakaratidza sei kuti kwaiva chisarudzo chakanaka?

20 Chokwadi Josefa naMariya vakaita chisarudzo chakanaka pakuenda nemwana wavo kutemberi yaJehovha yaiva muJerusarema! Nokudaro vakaita kuti mwana wavo atange upenyu hwokuramba achienda kutemberi yaJehovha. Vari ikoko, vakapa Jehovha zvakanakisisa zvavo maererano nezvavaigona uye vakawana mirayiridzo nemashoko anokurudzira. Zvechokwadi Mariya akabva patemberi musi iwoyo kutenda kwake kwasimbiswa, uye mumwoyo make mazara chokwadi chaMwari chokuti afunge nezvacho uye audzewo vamwe.

21. Tingaita sei kuti tive nechokwadi chokuti kutenda kwedu kucharamba kuchisimba sezvakaita kwaMariya?

21 Zvinofadza kuona vabereki vachitevedzera muenzaniso iwoyo nhasi. Vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vanoramba vachienda nevana vavo kumisangano yechiKristu. Vabereki vakadaro vanopa zvavanokwanisa, vachitaura mashoko anokurudzira vavanonamata navo. Uye pavanobva pamisangano yechiKristu iyi vanenge vasimbiswa, vachifara uye vaine zvinhu zvakanaka zvakawanda zvokuudza vamwe. Zvinofadza chaizvo kuungana pamwe chete navo! Kana tikadaro, tichaona kuti kutenda kwedu kucharamba kuchisimba sekwaMariya.

^ ndima 7 Cherechedza musiyano uripo pakati pemashoko aya nokurondedzerwa kunoitwa rwendo rwaakamboita: ‘Mariya akasimuka akaenda’ kunoshanyira Erizabheti. (Ruka 1:39) Panguva iyoyo, semukadzi akanga avimbiswa kuroorwa asi asati achata, Mariya angave akaenda asina kutanga abvunza Josefa. Pashure pekunge varoorana, rwendo rwavakafamba pamwe chete rwunonzi rwakaitwa naJosefa, kwete naMariya.

^ ndima 10 Yaiva tsika mazuva acho kuti mataundi ave neimba imwe chete yevaeni yokuti vanhu vaishanya uye vaipfuura vawane pekugara.

^ ndima 14 Kuti vafudzi ava panguva iyoyo vaigara kunze kwemisha nezvipfuwo zvavo kunotsigira zvinoratidzwa nenguva dzezviitiko zviri muBhaibheri kuti: Kristu haana kuberekwa muna December nguva yekuti zvipfuwo zvaigara mumatanga aiva pedyo nemisha, asi pane imwewo nguva pakutanga kwaOctober.