Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Akadurura Mwoyo Wake Kuna Mwari Mumunyengetero

Akadurura Mwoyo Wake Kuna Mwari Mumunyengetero

1, 2. (a) Nei Hana akanga asiri kufara paaigadzirira rwendo? (b) Chii chatinogona kudzidza kubva panyaya yaHana?

HANA aiva mubishi kugadzirira rwendo, achiedza kusafunga nezvematambudziko ake. Inofanira kunge yaiva nguva inofadza; Erikana, murume wake aiwanzoita nzendo dzakadai gore negore nemhuri yake yose kunonamata patebhenekeri kuShiro. Jehovha aida kuti nguva dzakadaro dzive dzinofadza. (Verenga Dheuteronomio 16:15.) Uye hapana mubvunzo kuti Hana aifarira mitambo iyoyo kubvira achiri muduku. Asi zvinhu zvainge zvamuchinjira makore akanga achangopfuura.

2 Ainge akakomborerwa kuva nemurume aimuda. Zvisinei, Erikana akanga aine mumwe mudzimai. Ainzi Penina, uye zvinoita sekuti ainge akatsunga kushungurudza Hana. Penina akanga afunga zvaaizoita kuti kunyange zviitiko izvi zvaiitwa gore negore zviite kuti Hana arwadziwe zvikuru. Sei? Chinotonyanya kukosha, kutenda kwaHana muna Jehovha kwakamubatsira sei kuti atsungirire mamiriro ezvinhu aiwanzoita seasingatsungiririki? Kana uchitarisana nematambudziko anokutorera mufaro, nyaya yaHana ingagona kukukurudzira.

“Mwoyo Wako Unonetsekerei?”

3, 4. Hana akatarisana nematambudziko maviri api makuru uye nei rimwe nerimwe raiva muedzo?

3 Bhaibheri rinoratidza matambudziko maviri akakura aiva muupenyu hwaHana. Aiva nezvishoma zvaaigona kuita nerokutanga racho asi hapana kana chaaigona kuita nerechipiri racho. Rokutanga, aiva pabarika nemukadzi aikwikwidzana naye uye aimuvenga. Rechipiri, ainge asina mbereko. Izvozvo zvakaomera mudzimai chero upi zvake anoshuva kubereka vana; asi munguva yaHana uye patsika yechiIsraeri, zvaiita kuti munhu ashungurudzike zvakanyanya. Mhuri imwe neimwe yaitarisira kuti vana vaite kuti zita remhuri rirambe riripo. Kushaya mbereko kwaiita sekutukwa uye kunyadziswa kwakakura.

4 Hana angadai akakwanisa kutsungirira kushaya mbereko kudai pakanga pasina Penina. Barika harina kumbobvira rava chinhu chakanaka. Kukwikwidzana, kukakavadzana uye kurwadziwa mumwoyo zvose zvaiwanzoitika pabarika. Tsika yacho yainge yakasiyana zvikuru neurongwa hwakanga hwaitwa naMwari mumunda weEdheni hwokuti murume ave nemudzimai mumwe chete. (Gen. 2:24) Nokudaro, Bhaibheri rinoratidza zvakaipira barika, uye zvinhu zvinoshungurudza zvaiitika mumhuri yaErikana ndezvimwe zvinoratidza kudaro.

5. Nei Penina aida kuti Hana atambure, uye akamurwadzisa sei?

5 Hana ndiye aiva nyachide waErikana. Maererano nezvinotendwa muchiJudha, Erikana akatanga kuroora Hana ndokuzoroora Penina papera makore. Chero zvazvingava, Penina, uyo aiitira Hana shanje zvikuru, akawana nzira dzakawanda dzekumutambudza nadzo. Penina ainyanya kutarisira Hana pasi nekuti iye aiva nembereko. Penina aiti akabereka mwana, pasina nguva oberekazve mumwe, uye aiwedzera kuzvikudza pose paaibereka mwana. Pane kuti anzwire Hana tsitsi uye kuti amunyaradze pane zvaimuodza mwoyo, Penina aishandisa izvozvo kuti atonyanya kumurwadzisa. Bhaibheri rinoti Penina ainetsa Hana kwazvo “achiitira kuti avhiringidzike.” (1 Sam. 1:6) Penina aiva nechinangwa chaaizviitira. Aida kurwadzisa Hana uye akabudirira.

Hana aishungurudzika zvikuru nekushaya mbereko, asi Penina akaita zvese zvaaigona kuti Hana awedzere kushungurudzika

6, 7. (a) Pasinei nekuedza kwakaita Erikana kunyaradza Hana, nei Hana angangodaro asina kumuudza nyaya yacho yese? (b) Kushaya mbereko kwaHana kwaireva kuti akanga asingafarirwi naJehovha here? Tsanangura. (Ona mashoko omuzasi.)

6 Zvinoita sekuti Penina ainyanya kufarira kurwadzisa Hana panguva yavaienda kunzvimbo tsvene kuShiro gore negore. Penina aiva nevana vakawanda uye Erikana akapa “vanakomana nevanasikana [vaPenina] vose” migove yezvibayiro zvaizopiwa Jehovha. Kunyange zvakadaro, Hana akangopiwa mugove wake chete zvaainge asina mwana. Penina akabva atowedzera kurwadzisa Hana uye kumuyeuchidza nezvokushaya mbereko kwake zvekuti Hana akatanga kusvimha misodzi uye kunyange kusafarira zvokudya. Erikana akazvicherechedza kuti mudiwa wake Hana akanga achinetseka uye asingadyi, saka akaedza kumunyaradza. Erikana akamubvunza kuti: “Hana, unosvimhirei misodzi, unoregererei kudya, mwoyo wako unonetsekerei? Handisi nani kwauri kupfuura vanakomana gumi here?”—1 Sam. 1:4-8.

7 Zvakanakira kuti Erikana akaziva kuti kunetseka kwaHana kwaiva nechokuita nokushaya mbereko. Uye Hana akakoshesa zvechokwadi zvaiitwa naErikana zvairatidza kuti aidiwa. * Asi Erikana haana kutaura nezveutsinye hwaPenina; uyewo nyaya yacho yomuBhaibheri hairatidzi kuti Hana akaudza Erikana nezvazvo. Zvichida Hana akaona kuti kufumura Penina kwaizongoita kuti zvinhu zvitowedzera kumuipira. Chaizvoizvo Erikana ane zvaaizochinja here? Zvaisazoita kuti Penina awedzera kuitira Hana utsinye here, uye vana vake nevashandi vaisazongoitirawo Hana utsinye here? Hana aizongowedzera kunzwa semutorwa mumba make.

Paaibatwa zvisina kunaka kumba, Hana akatsvaka kunyaradzwa naJehovha

8. Paunoitirwa utsinye kana kuti kusaruramisirwa, nei zvichinyaradza kuyeuka kuti Jehovha ndiMwari wokururamisira?

8 Pasinei nekuti Erikana aiziva here nezveutsinye hwese hwaiitwa naPenina kana kuti kwete, Jehovha aiona zvese. Shoko rake rinoratidza zvese zvakaitika, richipa nyevero yakasimba kuna chero ani zvake anofarira kuitira vamwe shanje kana kuti zvinhu zvinovakuvadza. Kune rimwe divi, vanhu vasina mhosva uye vanoda rugare, kufanana naHana, vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti Mwari wokururamisira anogadzirisa zvinhu zvese panguva yake uye nenzira yake. (Verenga Dheuteronomio 32:4.) Zvichida Hana aizivawo izvozvo, nekuti akatsvaka kubatsirwa naJehovha.

“Chiso Chake Hachina Kuzonetsekazve”

9. Chii chatinogona kudzidza kubva pachido chaiva naHana chokuenda kuShiro pasinei nokuziva zvaizoitwa nemukadzinyina wake?

9 Panguva dzemangwanani-ngwanani, chaingova chipatapata mumhuri yacho. Munhu wese aigadzirira rwendo rwacho, kunyange vana. Rwendo rwekuShiro rwaizoita kuti mhuri yacho yainge yakakura ifambe makiromita anodarika 30 ichipfuura nemunyika yeEfremu yaiva nezvikomo. * Netsoka, rwendo rwacho rwaigona kutora zuva rimwe chete kana maviri. Hana aiziva zvaizoitwa nemukadzinyina wake. Zvisinei, Hana haana kusara ari kumba. Nokudaro akasiyira vanamati vaMwari muenzaniso wakanaka zvikuru kusvika mazuva ano. Kunenge kusiri kumbochenjera kusiya zvakaipa zvinoitwa nevamwe zvichititadzisa kunamata Mwari. Kudai taizodaro, taizorasikirwa nemakomborero chaiwo anotisimbisa kuti titsungirire.

10, 11. (a) Nei Hana akakurumidza kunanga kutebhenekeri paakangowana mukana? (b) Hana akadurura sei mwoyo wake kuna Baba vake vokudenga mumunyengetero?

10 Pashure pekunge vaswera vachifamba nemunzira dzemumakomo dzinomonyoroka-monyoroka, mhuri iyi yakakura yakazosvika pedyo neShiro. Shiro yaiva pachikomo chakapoteredzwa nezvikomo zvakati rebei. Sezvavainge vava kusvika, zvichida Hana akafungisisa pamusoro pokuti aizotii mumunyengetero kuna Jehovha. Pavakangosvika, mhuri yacho yakadya iri pamwe chete. Paakangowana mukana, Hana akakurumidza kubva paiva nevamwe ndokunanga kutebhenekeri yaJehovha. Mupristi Mukuru Eri ainge ariko, akagara pedyo negwatidziro. Asi pfungwa dzaHana dzainge dziri pana Mwari wake. Ari pano patebhenekeri, aiva nechivimbo chokuti aizonzwiwa. Kana pasina aizonyatsonzwisisa dambudziko rake, Baba vake vari kudenga vaizorinzwisisa. Akawedzera kushungurudzika nechomumwoyo, ndokutanga kusvimha misodzi.

11 Sezvo muviri wake wose waidedera nokupfikura kwaaiita, Hana akataura naJehovha nechomumwoyo. Miromo yake yaidedera sezvaaifungira mumwoyo mashoko aizonyatsobudisa marwadzo ake. Uye akanyengetera kwenguva refu, achidurura mwoyo wake kuna Baba vake. Zvisinei, akaita zvinopfuura kungokumbira Mwari kuti amuitire zvaaishuva nemwoyo wose zvekuti ave nembereko. Hana aida chaizvo kwete kungowana makomborero kubva kuna Mwari asiwo kumupa zvaaikwanisa. Saka Hana akaita mhiko, achitaura kuti kana aizova nemwana mukomana, aizomupa kuti ashumire Jehovha kweupenyu hwese.—1 Sam. 1:9-11.

12. Sezvinoratidzwa nemuenzaniso waHana, zvii zvatinofanira kuramba tichiyeuka panyaya yekunyengetera?

12 Nokudaro, Hana akasiyira vashumiri vaMwari vose muenzaniso panyaya yekunyengetera. Jehovha anokoka vanhu vake neushamwari kuti vataure naye vakasununguka, vasingazenguriri, vachidurura kwaari zvinovadya mwoyo sezvinoita mwana anovimba nemubereki ane rudo. (Verenga Pisarema 62:8; 1 VaTesaronika 5:17.) Muapostora Petro akafemerwa kuti anyore mashoko aya anonyaradza nezvokunyengetera kuna Jehovha, anoti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.”—1 Pet. 5:7.

13, 14. (a) Eri akamhanyirira sei kutaura zvisiri izvo nezvaHana? (b) Hana akaratidza sei muenzaniso wakanaka zvikuru wokutenda nemapinduriro aakaita Eri?

13 Zvisinei, vanhu havanzwisisi uye havanzwiri tsitsi sezvinoita Jehovha. Sezvo Hana aisvimha misodzi achinyengetera, pane inzwi rakamuvhundutsa. Akanga ari Eri, mupristi mukuru, uyo ainge achimucherechedza. Eri akati: “Ucharamba wakadhakwa kusvikira rini? Pengenuka pawaini yako.” Eri akanga acherechedza miromo yaHana yaidedera, kupfikura kwaaiita uye zvaaiita achiratidza manzwiro ake. Pane kuti abvunze kuti chii chakanga chanetsa, Eri akamhanyirira kutaura kuti Hana ainge adhakwa.—1 Sam. 1:12-14.

14 Hana anofanira kunge akarwadziwa chaizvo nekupomerwa nhema dzakadaro, panguva iyoyo yaaishungurudzika—uye achipomerwa nemunhu aiva nechinzvimbo chairemekedzwa zvikuru! Zvisinei, Hana akaratidza zvakare muenzaniso wakanaka zvikuru wokutenda. Haana kusiya kusakwana kwemumwe munhu kuchivhiringidza kunamata kwaaiita Jehovha. Akapindura Eri neruremekedzo ndokumutsanangurira zvaiitika kwaari. Eri aona kuti akanganisa, akamupindura zvichida nenzwi nyoro achiti: “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako chawamukumbira.”—1 Sam. 1:15-17.

15, 16. (a) Hana akabatsirwa sei nokudurura mwoyo wake kuna Jehovha uye nokumunamata patebhenekeri? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waHana patinotambura nemanzwiro asina kunaka?

15 Hana akabatsirwa sei nokudurura mwoyo wake kuna Jehovha uye nokumunamata ari patebhenekeri yake? Nyaya yacho inoti: “Mukadzi wacho akaenda, akadya, uye chiso chake hachina kuzonetsekazve.” (1 Sam. 1:18) Pandima iyi, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi rinoti: “Uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.” Hana akanzwa azorodzwa. Kutaura zvazviri, Hana akanga aturira kushungurudzika kwake kumunhu akasimba kupfuura iye, Baba vake vokudenga, Jehovha. (Verenga Pisarema 55:22.) Pane dambudziko rinomuremera here? Hapana dambudziko rinombofa rakamuremera!

16 Patinonzwa kuremerwa nokuora mwoyo uye kushungurudzika zvakanyanya, tinofanira kutevedzera muenzaniso waHana totaura takasununguka kune Uyo anonzi neBhaibheri “Munzwi womunyengetero.” (Pis. 65:2) Kana tikaita kudaro nokutenda, nesuwo tingawana kuti kushungurudzika kwedu kunotsiviwa ne“rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”—VaF. 4:6, 7.

“Hakuna Dombo Rakafanana naMwari Wedu”

17, 18. (a) Erikana akaratidza sei kutsigira mhiko yaHana? (b) Penina akanga asisina simba rokuitei kuna Hana?

17 Mangwanani akatevera Hana akadzokera kutebhenekeri aina Erikana. Angangodaro ainge amuudza nezvechikumbiro chake uye nezvemhiko yaainge aita, nokuti Mutemo waMosesi waiti murume ndiye aiva nekodzero yokuita kuti mhiko yainge yaitwa nomudzimai wake asi iye asingabvumirani nayo isashanda. (Num. 30:10-15) Asi murume uyu aiva akatendeka haana kuita kuti mhiko yacho isashanda. Pane kudaro, iye naHana vakanamata Jehovha pamwe chete patebhenekeri vasati vadzokera kumba.

18 Ndepapi chaipo Penina paakaziva kuti akanga asisina simba rokurwadzisa Hana? Nyaya yacho haina zvainotaura, asi mashoko okuti “chiso chake hachina kuzonetsekazve” anoratidza kuti Hana akanga ava kufara uye asingachanetseki kubvira ipapo zvichienda mberi. Chero zvazvingava, pasina nguva Penina akaona kuti utsinye hwaaiita hwakanga husina zvahwaibatsira. Zita rake hapana parinozombotaurwazve muBhaibheri.

19. Hana akawana chikomborero chei, uye akaratidza sei kuti aiziva kwainge kwabva chikomborero chacho?

19 Mwedzi zvayaifamba, rugare rwaHana rwemupfungwa rwakasvika pakuva mufaro usingatauriki. Akanga ava nepamuviri! Paaifara kudaro, Hana haana kumbobvira akanganwa kwainge kwabva chikomborero ichi. Pakaberekwa mukomana wacho, Hana akasarudza zita rekuti Samueri, zvinoreva kuti “Zita raMwari,” uye zviri pachena kuti rinotaura nezvokudana pazita raMwari, sezvakanga zvaitwa naHana. Gore iroro, haana kuenda kuShiro naErikana nemhuri yose. Kwemakore matatu aisara ari pamba nemwana wacho, kusvikira arumurwa. Akabva azvishingisa kuitira zuva raaizoparadzana nemwanakomana wake waaida.

20. Hana naErikana vakazadzisa sei zvavainge vavimbisa Jehovha?

20 Kuparadzana kwacho kunofanira kunge kwaisava nyore. Kutaura zvazviri, Hana aiziva kuti Samueri aizochengetwa zvakanaka kuShiro, zvichida nevamwe vevakadzi vaishanda patebhenekeri. Kunyange zvakadaro, aiva muduku zvikuru, uye hapana amai vangada kuparadzana nemwana wavo. Zvisinei, Hana naErikana vakaunza mukomana wacho, zvisiri zvokumanikidzira asi vachifara. Vakapa zvibayiro paimba yaMwari uye vakapa Samueri kuna Eri, vachimuyeuchidza nezvemhiko yakanga yaitwa naHana patebhenekeri makore ainge apfuura.

Hana akaratidza kuva chikomborero chaicho kumwanakomana wake Samueri

21. Munyengetero waHana kuna Jehovha wakaratidza sei kudzama kwekutenda kwake? (Onawo bhokisi rakanzi “ Minyengetero Miviri Inoshamisa.”)

21 Hana akabva apa munyengetero wakaonekwa naMwari kuti wakakodzera kunyorwa muShoko rake rakafemerwa. Sezvaunoverenga mashoko ake akanyorwa pana 1 Samueri 2:1-10, uchawana kudzama kwekutenda kwake kuchiratidzwa mumutsara mumwe nemumwe. Akarumbidza Jehovha pamusana pekushandisa kwaanoita simba zvinoshamisa, kukwanisa kwake kuninipisa vanozvikudza, kukomborera vakadzvinyirirwa uye kugumisa upenyu kana kuti kunyange kuhuponesa kubva parufu. Akarumbidza Baba vake pamusana peutsvene hwavo, kururamisira kwavo uye kutendeseka kwavo. Ndokusaka Hana aigona kuti: “Hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.” Jehovha anogona kuvimbwa naye zvizere uye haachinji, inzvimbo yokupotera kune vose vari kudzvinyirirwa avo vanoenda kwaari kuti vabatsirwe.

22, 23. (a) Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti Samueri akakura achiziva kuti vabereki vake vaimuda? (b) Jehovha akakomborerazve Hana sei?

22 Zvechokwadi Samueri ainge akaropafadzwa kuva naamai vaitenda zvizere muna Jehovha. Kunyange zvazvo asina kukura ainavo, haana kumbonzwa seakanganwika. Gore negore Hana aidzoka kuShiro, achimuunzira jasi risina maoko rokushandisa patebhenekeri. Musono mumwe nemumwe wairatidza uchapupu hwokuti aida mwana wake uye aiva nehanya naye. (Verenga 1 Samueri 2:19.) Tinogona kufungidzira Hana achipfekedza mukomana wacho jasi idzva, oritwasanudza, omutarisa achifara panguva imwe chete achitaura mashoko emutsa anokurudzira. Samueri ainge akakomborerwa kuva naamai vakadaro, uye akakura akava chikomborero kuvabereki vake uye kuna Israeri wose.

23 Kana ari Hana, akanga asinawo kukanganwika. Jehovha akamukomborera nembereko, uye akaberekera Erikana vamwe vana vashanu. (1 Sam. 2:21) Zvisinei, zvichida chikomborero chakakura kupfuura zvese chaHana hwaiva ukama hwake naBaba vake, Jehovha, uhwo hwakaramba huchiwedzera kusimba nekufamba kwemakore. Dai zvakadaro zvikaitikawo kwauri, sezvaunotevedzera kutenda kwaHana.

^ ndima 7 Kunyange zvazvo nyaya yacho yomuBhaibheri ichiti Jehovha akanga ‘avhara chibereko chaHana,’ hapana uchapupu hwokuti Mwari akanga asingafariri mukadzi uyu aizvininipisa uye akanga akatendeka. (1 Sam. 1:5) Dzimwe nguva Bhaibheri rinoti Mwari ndiye akaita zvinhu izvo iye akangobvumira kuti zviitike kwekanguva.

^ ndima 9 Daro racho rinotorerwa pakuti taundi rekumusha kwaErikana, Rama, rinofanira kunge riri iro rakazozivikanwa seArimatiya mumazuva aJesu.