Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

Akaratidza Kungwara

Akaratidza Kungwara

1-3. (a) Imba yaAbhigairi yakanga yava pedyo nokupinda mutsekwende sei? (b) Tichadzidzei nezvemukadzi uyu anoshamisa?

ABHIGAIRI akaona kuti jaya racho rakanga richitya. Rakanga ravhundutswa uye raiva nechikonzero chakanaka chokudaro. Vanhu vakanga vava pedyo nokupinda mutsekwende. Panguva iyoyo chaiyo, varwi vanenge 400 vakanga vari munzira, vakatsunga kuuraya munhu wese wechirume weimba yaNabhari, murume waAbhigairi. Nemhaka yei?

2 Nabhari ndiye akanga akonzera zvose izvozvo. Akanga aita utsinye uye aratidza kusindimara sezvaakanga agara achiita. Zvisinei, panguva ino, akanga atsvinyira munhu asiri iye—mutungamiriri aidiwa weboka remauto rakavimbika rakanyatsodzidziswa basa. Iye zvino, mumwe wevashandi vechiduku vaNabhari, zvichida mufudzi, akauya kuna Abhigairi, aine chivimbo chokuti Abhigairi aizofunga zano rokuponesa imba yaNabhari. Asi mukadzi mumwe chete aizoitei neuto?

Mukadzi mumwe chete aizoitei neuto?

3 Kutanga, ngatidzidzei zvimwe zvinhu nezvemukadzi uyu anoshamisa. Abhigairi aiva ani? Dambudziko iri rakanga ratanga sei? Uye tingadzidzei kubva pamuenzaniso wake wokutenda?

“Akanga Akangwara Uye Aine Chimiro Chakanaka”

4. Nabhari aiva munhu akaita sei?

4 Abhigairi naNabhari vakanga vasingaenderani. Abhigairi aiva mudzimai akanaka kwazvo nepo Nabhari aiva murume akaipa kwazvo. Ichokwadi kuti murume wacho aiva nemari. Saka aizviona somunhu anokosha zvikuru, asi vamwe vaimuona sei? Zvaizova zvakaoma kuwana mumwe munhu anotaurwa muBhaibheri nemashoko okuzvidza kupfuura uyu. Zita rake rinoreva kuti “Benzi,” kana kuti “Munhu asina njere.” Vabereki vake vakamutumidza zita rakadaro here pavakamubereka kana kuti raiva remadunhurirwa raakazopiwa pave paya? Chero zvingave zvakaitika, akararama maererano nezita rake. Nabhari akanga aine “hasha uye akaipa pamabasa ake.” Sezvo aiva munhu aishungurudza vamwe uye ari chidhakwa, zvakaita kuti atyiwe uye asafarirwa nevakawanda.—1 Sam. 25:2, 3, 17, 21, 25.

5, 6. (a) Unhu hupi hwaAbhigairi hwaunofunga kuti hwakanga hwakanaka kwazvo? (b) Chii chingave chakaita kuti Abhigairi aroorwe nemurume pasina?

5 Abhigairi akanga akasiyana zvachose naNabhari. Zita rake rinoreva kuti “Baba Vangu Vazvifadza.” Vanababa vakawanda vanodada nokuva nemwanasikana ari tsvarakadenga, asi vanababa vakachenjera vanonyanya kufara mwana wavo paanova nounhu hwakanaka. Kazhinji, munhu ane chitarisiko chakanaka anokundikana kuona kuti anofanira kuva nounhu hwakadai sekungwara, uchenjeri, ushingi kana kuti kutenda. Asi Abhigairi ainge asina kudaro. Bhaibheri rinomurumbidza pamusana pekungwara kwake uyewo runako rwake.—Verenga 1 Samueri 25:3.

6 Mazuva ano, vamwe vangashamisika kuti sei mukadzi wechiduku akachenjera kudaro akaroorwa nebenzi rakadaro. Yeuka kuti wanano dzakawanda dzemunguva inotaurwa muBhaibheri dzaiita zvokurongwa nevabereki. Kana kusiri kuti ndivo varonga, kubvumirana kwavaiita newanano yacho kwaikosha zvikuru. Vabereki vaAbhigairi vakafarira here wanano iyi, kunyange kutoironga, nemhaka yokuti vakanga vatorwa mwoyo nepfuma yaNabhari uye mukurumbira wake? Urombo ndihwo hungangodaro hwakakonzera kuti vadaro here? Chero chingava chikonzero chacho, mari yaNabhari haina kumuita kuti ave murume akakodzera.

7. (a) Mazuva ano vabereki vanofanira kudzivisa zvinhu zvipi kana vachida kudzidzisa vana vavo kuti vaone wanano zvakakodzera? (b) Abhigairi akanga akatsunga kuitei?

7 Vabereki vakachenjera vanonyatsodzidzisa vana vavo kuti vaone wanano zvakakodzera. Havakurudziri vana vavo kuti vapinde muwanano pamusana pekuda mari uye havavamanikidzi kuti vatange kuita zvokupfimbana vachiri vaduku zvikuru kuti vaite mabasa anotarisirwa muwanano. (1 VaK. 7:36) Zvisinei, zvakanga zvisingachabatsiri kuti Abhigairi afunge zvinhu zvakadaro. Chero chingava chikonzero chacho, akaroorwa naNabhari, uye akanga akatsunga kuita zvakanakisisa sezvaaigona mumamiriro ezvinhu akaoma.

‘Iye Avatuka Kwazvo’

8. Nabhari akanga atsvinyira ani, uye nei ungati uku kwaisava kuchenjera?

8 Nabhari akanga achangobva kuita kuti zvinhu zviomere Abhigairi kupfuura zvaaimboita. Murume waakanga atsvinyira aiva Dhavhidhi. Uyu aiva mushumiri akatendeka waJehovha uyo akanga azodzwa nemuprofita Samueri, zvichiratidza kuti Dhavhidhi akanga asarudzwa naMwari kuti atsive Sauro pakuva mambo. (1 Sam. 16:1, 2, 11-13) Paaitiza Mambo Sauro aiva negodo uye aida kumuuraya, Dhavhidhi aigara musango aine varwi vake vakatendeka 600.

9, 10. (a) Dhavhidhi nevarume vake vakanga vachiparapatika kuti vararame mumamiriro ezvinhu akadini? (b) Nei Nabhari aifanira kuonga zvakanga zvichiitwa naDhavhidhi nevarume vake? (Onawo mashoko omuzasi endima 10.)

9 Nabhari aigara muMaoni, asi aishanda muKameri yaiva pedyo uye zvimwe aiva nomunda imomo. * Mataundi iwayo aiva pakati penzvimbo dzakakwirira dzaiva neuswa hwakawanda dzakanga dzakanakira kupfuwa makwai, uye Nabhari aiva nemakwai 3 000. Zvisinei, nzvimbo yainge yakapoteredza yaiva sango. Nechokumaodzanyemba kwaiva nerenje guru reParani. Nechokumabvazuva, kuti usvike kuGungwa roMunyu waipfuura nomugwenga raiva nemakoronga nemapako. Munzvimbo idzi Dhavhidhi nevarume vake vaiparapatika kuti vararame, vachitoita zvokutsvaka zvokudya uye vachitsungirira matambudziko akawanda. Vaiwanzosangana nevarume vaishanda sevafudzi vemakwai aNabhari uyo akanga akapfuma.

10 Varwi ivavo vaishanda zvakaoma vaibata sei vafudzi vacho? Zvingadai zvakavaitira nyore kuti pano neapo vabe gwai, asi havana kumbodaro. Pane kudaro, vakava sorusvingo runodzivirira kumakwai aNabhari nevashandi vake. (Verenga 1 Samueri 25:15, 16.) Makwai nevafudzi vaisangana nengozi dzakawanda. Zvikara zvakanga zvakawanda, uye muganhu weIsraeri wokumaodzanyemba waiva pedyo zvikuru zvokuti mapoka evapambi vokune dzimwe nyika uye mbavha zvaigara zvakarwisa. *

11, 12. (a) Dhavhidhi akaratidza sei kungwarira uye ruremekedzo mumashoko ake kuna Nabhari? (b) Chii chakanga chakaipa pamapinduriro akaita Nabhari mashoko aDhavhidhi?

11 Rinofanira kunge raiva basa chairo kuti varume vose ivavo vagare vachiwana zvokudya musango. Saka rimwe zuva Dhavhidhi akatuma varume gumi kuna Nabhari kuti vanokumbira rubatsiro. Dhavhidhi akasarudza nguva yacho nokuchenjera. Yaiva nguva inofadza yokuveura makwai, vanhu pavaiwanzova norupo uye vachiita mabiko. Dhavhidhi akasarudzawo mashoko ake nokungwarira, achishandisa mashoko anoratidza ruremekedzo. Akatozviti “mwanakomana wenyu Dhavhidhi,” zvimwe achibvuma noruremekedzo kuti Nabhari aiva mukuru kwaari. Nabhari akapindura sei?—1 Sam. 25:5-8, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

12 Akaviruka nehasha! Jaya rambotaurwa patangira nyaya ino rakarondedzera chiitiko chacho kuna Abhigairi richiti Nabhari ‘avatuka kwazvo.’ Nabhari uyo akanga akaomera akagunun’una zvinonzwika nezvechingwa chake, mvura yake, nenyama yake izvo zvaikosha kwaari. Akatsvinyira Dhavhidhi semunhu asingakoshi uye akamuenzanisa nemuranda akanga atiza. Maonero aNabhari angangodaro aiva akafanana neaSauro, uyo aivenga Dhavhidhi. Varume vacho vari vaviri vaiva nemaonero akasiyana neaJehovha. Mwari aida Dhavhidhi uye aimuona samambo waIsraeri womunguva yemberi kwete somuranda akapanduka.—1 Sam. 25:10, 11, 14.

13. (a) Pakutanga Dhavhidhi akaita sei paakatsvinyirwa naNabhari? (b) Nheyo iri pana Jakobho 1:20 inotidzidzisei pamusoro pezvakaitwa naDhavhidhi?

13 Nhume dzacho padzakadzoka dzichiudza Dhavhidhi zvakanga zvaitika, akagumbuka zvikuru. Akarayira kuti, “Munhu wose ngaasungirire bakatwa rake!” Achizvigadzirira kunorwa, Dhavhidhi akatungamirira 400 vevarume vake kunorwisa. Akapika kuti aizotsvaira munhurume wose weimba yaNabhari. (1 Sam. 25:12, 13, 21, 22) Kutsamwa kwaDhavhidhi kwainzwisisika, asi zvaakanga ava kuda kuita ndizvo zvakanga zvisina kunaka. Bhaibheri rinoti: “Hasha dzomunhu hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari.” (Jak. 1:20) Zvisinei, Abhigairi aizoponesa sei imba yake?

“Kuchenjera Kwako Ngakukomborerwe”

14. (a) Kuti agadzirise chikanganiso chakanga chaitwa naNabhari, Abhigairi akatora danho rokutanga munzira ipi? (b) Tingadzidzei pakusiyana kwakaita Nabhari naAbhigairi? (Onawo mashoko omuzasi.)

14 Munzira yakati, tatoona Abhigairi achitora danho rokutanga pakugadzirisa chikanganiso ichi chakakura. Kusiyana nemurume wake, Nabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera. Kana zviri zvokuudza Nabhari nezvenyaya yacho, mushandi wacho akati nezvake: “Akanyanya kuva munhu pasina kuti titaure naye.” * (1 Sam. 25:17) Zvinosuruvarisa kuti kuzvionera padenga kwaiita Nabhari kwakaita kuti asada kuteerera. Kuzvikudza kwakadaro kwakanyanya kunyange mazuva ano. Asi jaya racho raiziva kuti Abhigairi akanga akasiyana, izvo pasina mubvunzo zvakaita kuti riende kwaari nedambudziko iri.

Kusiyana naNabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera

15, 16. (a) Abhigairi akaratidza sei kuti ainge akaita semudzimai anokwanisa anorondedzerwa mubhuku raZvirevo? (b) Nei zvakaitwa naAbhigairi kwakanga kusiri kupandukira kodzero yemurume wake yekuva musoro?

15 Abhigairi akakurumidza kufunga uye kuita chimwe chinhu. Tinoverenga kuti, “Abhigairi akabva achimbidza.” Kanosvika kana munhoroondo imwe chete iyi tinowana shoko rechiito rokuti, ‘kuchimbidza,’ richishandisirwa mukadzi uyu. Akagadzirira Dhavhidhi nevarume vake chipo chikuru. Chaisanganisira chingwa, waini, makwai, zviyo zvakakangwa, makeke emazambiringa akaomeswa, uye makeke emaonde. Zviri pachena kuti Abhigairi ainyatsoziva zvaaiva nazvo uye ndiye aiva mabatakiyi weimba yake, kungofanana nemudzimai anokwanisa akazorondedzerwa mubhuku raZvirevo. (Zvir. 31:10-31) Akafanotumira zvinhu zvacho nevamwe vevashandi vake achibva azotevera ari oga. Tinoverenga kuti, “Asi, haana zvaakaudza murume wake Nabhari.”—1 Sam. 25:18, 19.

16 Izvi zvinoreva here kuti Abhigairi akanga achipandukira kodzero yemurume wake yekuva musoro? Kwete; yeuka kuti Nabhari akanga aitira zvakaipa mushumiri waJehovha akazodzwa, chiito chaigona kuguma nokufa kwevanhu vakawanda vakanga vasina mhosva vemumba maNabhari. Dai Abhigairi akatadza kuita chimwe chinhu, aizovawo here nemhosva pane zvakanga zvaitwa nemurume wake? Panyaya iyi, aifanira kuzviisa pasi paMwari wake kupfuura kuzviisa pasi pemurume wake.

17, 18. Abhigairi akaita sei achisvika pana Dhavhidhi, akatii, uye chii chakaita kuti mashoko ake ateererwe?

17 Pasina nguva, Abhigairi akasangana naDhavhidhi nevarume vake. Panguva ino akaitazve zvinhu nokuchimbidza, achiburuka padhongi rake ndokuzvininipisa pamberi paDhavhidhi. (1 Sam. 25:20, 23) Akabva adurura zvose zvaiva pamwoyo pake kuna Dhavhidhi, achiteterera zvine simba kuti murume wake neimba yake vanzwirwe ngoni. Chii chakaita kuti mashoko ake ateererwe?

“Ndapota, murandasikana wenyu ngaataure muchinzwa”

18 Akazvipa mhosva yacho ndokukumbira Dhavhidhi kuti amukanganwire iye pachake. Akanyatsobvuma kuti murume wake aiva benzi sezvinoreva zita rake, zvichida achipa pfungwa yokuti zvainge zvisina kukodzera kuti Dhavhidhi azvideredze kusvika pakuranga munhu akadaro. Akaratidza chivimbo chake muna Dhavhidhi somumiririri waJehovha, achibvuma kuti Dhavhidhi akanga ari kurwa “hondo dzaJehovha.” Akaratidzawo kuti aiziva nezvevimbiso yaJehovha pamusoro paDhavhidhi noumambo, nokuti akati: “Jehovha . . . achakurayirai kuti muve mutungamiriri waIsraeri.” Uyezve, akakurudzira Dhavhidhi kuti asaita chero chinhu chaigona kuunza mhosva yeropa paari kana kuti ‘chaizomudzungaidza’—zviri pachena kuti aireva kuva nehana inonetseka. (Verenga 1 Samueri 25:24-31.) Aiva mashoko emutsa, aikurudzira zvikuru!

19. Dhavhidhi akapindura sei mashoko aAbhigairi, uye nei akamurumbidza?

19 Uye Dhavhidhi akaita sei? Akagamuchira zvakanga zvauya naAbhigairi ndokuti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, akutuma nhasi kuti usangane neni! Kuchenjera kwako ngakukomborerwe, uye komborerwa iwe wandidzivisa nhasi kuti ndirege kuva nemhosva yeropa.” Dhavhidhi akamurumbidza pamusana pekuratidza kwake ushingi hwekuchimbidza kusangana naye, uye akabvuma kuti akanga amudzivisa kuti arege kuva nemhosva yeropa. “Enda kumba kwako norugare,” Dhavhidhi akamuudza kudaro, uye achizvininipisa akawedzera kuti: “Ndateerera inzwi rako.”—1 Sam. 25:32-35.

“Heuno Murandasikana Wenyu”

20, 21. (a) Chii chaunoyemura nezvekuda kwaAbhigairi kudzokera kumurume wake? (b) Abhigairi akaratidza sei kushinga uye kungwara pakusarudza nguva yokutaura naNabhari?

20 Pashure pekunge adzokera, Abhigairi anofanira kunge aifunga nezvekusangana ikoko kwavakanga vaita. Anofanirawo kunge akacherechedza kuti Dhavhidhi uyo akanga akatendeka uye aiva nomutsa akanga akasiyana nebenzi rakanga rakamuroora. Asi haana kuramba achingofunga izvozvo. Tinoverenga kuti: “Gare gare Abhigairi akapinda maiva naNabhari.” Chokwadi, akadzokera kumurume wake akatsunga kwazvo kuita zvose zvaaigona semudzimai wake. Aifanira kumuudza nezvechipo chaakanga apa Dhavhidhi nevarume vake. Nabhari aiva nekodzero yekuziva. Aifanirawo kuudza Nabhari nezvetsekwende yaakanga adzivisa, nokuti kudai Nabhari akazonzwa kubva kune vamwe vanhu zvaizoita kuti anyare zvikuru. Asi aisagona kumuudza panguva iyi. Akanga achiita mutambo unenge wamambo uye akadhakwa kwazvo.—1 Sam. 25:36.

Noushingi, Abhigairi akaudza Nabhari zvaakanga aita kuti aponese upenyu hwaNabhari

21 Achiratidzazve ushingi nokungwara, Abhigairi akamirira kusvikira mangwana acho Nabhari paakanga asisina kudhakwa. Nabhari aizenge anyatsopengenuka zvokukwanisa kumunzwisisa, asiwo zvimwe aizoviruka zvakanyanya nehasha. Zvisinei, akaenda kwaari ndokumuudza nyaya yacho yose. Hapana mubvunzo kuti aitarisira kuti Nabhari aizoputika nehasha, zvimwe kutomurova. Panzvimbo pezvo, Nabhari akaramba akagara paaiva, asingapfakanyiki.—1 Sam. 25:37.

22. Chii chakaitika kuna Nabhari, uye tingadzidzei nezvoudzvinyiriri kana kuti kusabata vamwe zvakanaka kwose kunoitika mumhuri?

22 Chii chakanga chaitika kumurume wacho? ‘Mwoyo wake wakava wakafa mukati make, iye akaita sedombo.’ Zvichida akanga aita sitiroko. Zvisinei, papera anenge mazuva gumi, akafa—uye kwaisava kuti akanga arwara. Nhoroondo yacho inotiudza kuti: ‘Jehovha akarova Nabhari, zvokuti akafa.’ (1 Sam. 25:38) Aurayiwa zvakarurama kudaro, dambudziko raiva naAbhigairi kwenguva refu muwanano rakanga rapera. Kunyange zvazvo Jehovha asingapindiri achiuraya nenzira inoshamisa mazuva ano, nhoroondo iyi inotiyeuchidza kuti anoona udzvinyiriri kana kuti kusabata vamwe zvakanaka kwose kunoitika mumhuri. Panguva yake yakakodzera, achagara achiita kuti pave nokururamisira.—Verenga Ruka 8:17.

23. Abhigairi akava nechimwezve chikomborero chipi, uye akaratidza sei kuti tarisiro yake yokuva mudzimai waDhavhidhi haina kumuchinja?

23 Kunze kwekusunungurwa pawanano yakaipa, Abhigairi aizova nechimwe chikomborero. Dhavhidhi paakaziva nezvokufa kwaNabhari, akatuma nhume kuti dzinokumbira Abhigairi kuti ave mudzimai wake. Abhigairi akapindura achiti: “Heuno murandasikana wenyu kuti ave mushandikadzi wokuti ageze tsoka dzevashandi vashe wangu.” Zviri pachena kuti tarisiro yokuva mudzimai waDhavhidhi haina kuita kuti azvikwidziridze; akatobvuma kuva mushandi wevashandi vaDhavhidhi! Tinobva taverengazve nezvokuchimbidza kwake, panguva ino achigadzirira kuenda kuna Dhavhidhi.—1 Sam. 25:39-42.

24. Abhigairi akasangana nematambudziko api muupenyu hwake hutsva, asi murume wake naMwari wake vaimuona sei?

24 Izvi zvakanga zvisingarevi kuti upenyu hwaAbhigairi hwaizova mutserendende; upenyu hwake naDhavhidhi hwaisazova nyore nguva dzose. Dhavhidhi akanga akatoroora Ahinoamu, uye kunyange zvazvo Mwari aibvumira barika, zvechokwadi rainge rakaomera zvikuru vakadzi vakatendeka kare ikako. Uye Dhavhidhi akanga asati ava mambo; paizova nezvipingamupinyi nematambudziko zvaaifanira kukunda asati ava kushumira Jehovha samambo. Asi Abhigairi zvaaibatsira uye zvaaitsigira Dhavhidhi pakurarama kwavakaita vose, achizomuberekera mwanakomana, akaziva kuti akanga ava nomurume aimukoshesa uye aimudzivirira. Pane imwe nguva akatomununura pavapambi! (1 Sam. 30:1-19) Nokudaro Dhavhidhi akatevedzera Jehovha Mwari, uyo anoda uye anokoshesa vakadzi vakadaro vakangwara, vakashinga uye vakatendeka.

^ ndima 9 Iri rakanga risiri Gomo reKameri rinozivikanwa chaizvo raiva kure zvikuru kuchamhembe uko muprofita Eriya akazosangana nevaprofita vaBhaari. (Ona Chitsauko 10.) Kameri iyi yaiva taundi raiva kumucheto kwesango rekumaodzanyemba.

^ ndima 10 Dhavhidhi angangodaro akafunga kuti kudzivirira varidzi venzvimbo yacho nemakwai avo kwaiva kushumira Jehovha Mwari. Mazuva iwayo, chaiva chinangwa chaJehovha kuti vana vaAbrahamu, Isaka, naJakobho vagare munyika iyoyo. Saka kuidzivirira pavanhu vokune dzimwe nyika vaipinda nechisimba uye pamapoka evapambi raiva basa dzvene.

^ ndima 14 Mashoko akashandiswa nemushandi wacho anoreva kuti “mwanakomana wabheriari (asingabatsiri).” Mamwe maBhaibheri anoshandura mutsara uyu anosanganisira tsananguro yaNabhari somurume “asingamboteereri chero ani zvake” uye mhedziso yokuti, “hazvina zvazvinobatsira kutaura naye.”