Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira

1-3. (a) Esteri ainzwa sei paaiswedera pedyo nechigaro choumambo chomurume wake? (b) Mambo akaita sei pakashanya Esteri?

ESTERI akafamba zvishoma nezvishoma akananga kuchigaro chamambo, hana yake ichidandaura. Fungidzira runyararo runoerekana rwava mukamuri guru ramambo muimba youmambo muShushani, runyararo rwokuti Esteri aigona kunzwa tsoka dzake sezvaaifamba zvinyoronyoro uye kurira kwenguo dzake dzamambokadzi. Haana kuisa pfungwa dzake pakuyevedza kweimba yamambo, mbiru dzakanaka uye sirin’i yemapuranga emisidhari akabva kuRebhanoni. Pfungwa dzaEsteri dzose dzaiva pamurume akanga akagara pachigaro choumambo, uyo aiva noupenyu hwaEsteri mumaoko ake.

2 Mambo akanyatsotarisa Esteri sezvaaiswedera pedyo, ndokumutambanudzira tsvimbo yake yendarama. Kutambanudza tsvimbo kwaiva nyore, asi kwakaponesa Esteri nokuti kwaireva kuti mambo akanga amukanganwira mhosva yaakanga achangobva kupara, yokuuya pamberi pake asina kushevedzwa. Paakasvika pachigaro choumambo, Esteri akatambanudza ruoko ndokubata tsvimbo yacho pamusoro payo achiratidza kuonga.—Est. 5:1, 2.

Esteri akaonga ngoni dzamambo achizvininipisa

3 Mambo Ahashivheroshi airatidza kuti aiva nepfuma yakawanda nesimba guru. Nguo dzaipfekwa nemadzimambo ePezhiya epanguva iyoyo dzinonzi dzaiva nomutengo unoenderana nemazana emamiriyoni emadhora. Asi Esteri aiziva kuti murume wake aimuda. Mambo akati: “Unei, haiwa mambokadzi Esteri, uye unokumbirei? Chipiwe—kusvikira kuhafu youmambo!”—Est. 5:3.

4. Zvinhu zvipi zvakaoma zvaifanira kuzoitwa naEsteri?

4 Esteri akanga atoratidza kutenda kunoshamisa uye ushingi; ainge auya pamberi pamambo kuti adzivirire vanhu vake pazano rakanga rarongwa rokuvatsakatisa vose. Apa akanga abudirira, asi pakanga pachine zvimwe zvakaoma zvikuru zvaaifanira kuzoita. Aifanira kutaura zvaizoita kuti mambo uyu aidada abvume kuti chipangamazano wake waaivimba naye zvikuru aiva munhu akaipa akanga amunyengera kuti aurayise vanhu vaEsteri. Esteri aizonyengetedza sei mambo, uye tingadzidzei kubva pakutenda kwake?

Akaratidza Uchenjeri Pakusarudza “Nguva Yokutaura”

5, 6. (a) Esteri akashandisa sei nheyo iri pana Muparidzi 3:1, 7? (b) Esteri akaratidza sei uchenjeri paakataura nemurume wake?

5 Esteri aifanira kuudza mambo dambudziko rake vanhu vose vaivapo vachinzwa here? Kuita izvozvo kungadai kwakaita kuti mambo anyare uye zvaizoita kuti chipangamazano wake Hamani awane nguva yokuramba zvaaipomerwa naEsteri. Saka Esteri akaitei? Pachine mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Mambo akachenjera Soromoni akafuridzirwa kunyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Mup. 3:1, 7) Tinogona kufungidzira baba vokurera vaEsteri, murume akanga akatendeka Modhekai, vachidzidzisa mwanasikana wavo nheyo idzi dzinokosha sezvaaikura vachimuchengeta. Zvechokwadi Esteri ainzwisisa kukosha kwokunyatsosarudza “nguva yokutaura.”

6 Esteri akati: “Kana zvakanaka kuna mambo, mambo ngaauye naHamani nhasi kumabiko andamuitira.” (Est. 5:4) Mambo akabvuma uye akaita kuti Hamani ashevedzwe. Unoona here uchenjeri hwaEsteri pamatauriro aakaita? Akachengetedza chiremerera chemurume wake uye akaronga kutaura zvaimunetsa panguva nenzvimbo zvakakodzera.—Verenga Zvirevo 10:19.

7, 8. Mabiko aEsteri ekutanga akanga akaita sei, asi akaregererei kubva angotaura nyaya yake kuna mambo?

7 Hapana mubvunzo kuti Esteri akanyatsogadzirira mutambo iwoyo, achiva nechokwadi chokuti abatanidza zvose zvaifarirwa nemurume wake. Pamabiko acho paiva newaini yakanaka, kuitira kufadza vaivapo. (Pis. 104:15) Ahashivheroshi akanakirwa, achibva abvunzazve Esteri kuti chikumbiro chake chaiva chei. Yakanga yava nguva yokuti Esteri ataure here?

8 Esteri haana kufunga kudaro. Asi akakumbira mambo naHamani kuti vauye kune mamwe mabiko echipiri mangwana acho. (Est. 5:7, 8) Akaregererei kubva angotaura ipapo? Yeuka kuti vanhu vaEsteri vose vaizourayiwa nemhaka yokuti Hamani akanga apiwa simba namambo rokupa murayiro wokuuraya vaJudha vose. Esteri aifanira kusarudza nguva yakakodzera yokutaura kuitira kuti vanhu vasaurayiwa. Naizvozvo akamirira, achiita kuti pave nomumwe mukana wokuratidza murume wake kuti aimuremekedza zvakadini.

9. Mwoyo murefu unokosha zvakadini, uye tingatevedzera sei muenzaniso waEsteri panyaya iyi?

9 Mwoyo murefu hauwanzowanikwi muvanhu asi unokosha chaizvo. Kunyange zvazvo ainetseka uye aine shungu dzokutaura zvaiva pamwoyo pake, Esteri akaratidza mwoyo murefu achimirira nguva yakakodzera. Tinogona kudzidza zvakawanda kubva pamuenzaniso wake, nokuti tose zvedu tingadaro takamboona zvinhu zvisina kunaka zvaifanira kugadziriswa. Kana tichida kunyengetedza munhu ane masimba kuti agadzirise dambudziko, tingada kutevedzera Esteri tova nemwoyo murefu. Zvirevo 25:15 inoti: “Mutungamiriri anonyengetedzwa nokushivirira [mwoyo murefu], uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.” Kana tikamirira nguva yakakodzera nemwoyo murefu totaura nounyoro sezvakaitwa naEsteri, tinogona kukurira kunyange kupikiswa kwakaoma sepfupa. Mwari waEsteri, Jehovha, akakomborera mwoyo murefu wake uye uchenjeri hwake here?

Mwoyo Murefu Unoita Kuti Pave Nokururamisira

10, 11. Nei manzwiro aHamani akachinja pashure pemabiko ekutanga, uye mudzimai wake neshamwari vakamuudza kuti aitei?

10 Mwoyo murefu waEsteri wakaita kuti pazoitika zvinhu zvakawanda zvinoshamisa. Hamani akabva pamabiko okutanga aya achiita kunge achabata denga, “achifara uye aine mwoyo unofara” kuti mambo namambokadzi vakanga vamufarira kupfuura vamwe vose. Zvisinei, sezvo Hamani aipfuura nepagedhi repamuzinda wamambo akaona Modhekai, muJudha uya akanga achiri kuramba kumukotamira. Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, zvikonzero zvaModhekai zvaisareva kuti akanga asingaremekedzi Hamani, panzvimbo pezvo, yaiva nyaya yehana yake uye ukama hwake naJehovha Mwari. Asi Hamani “akabva ashatirirwa Modhekai kwazvo.”—Est. 5:9.

11 Hamani paakaudza mudzimai wake neshamwari dzake nezvenyaya iyi, vakamuti agadzire danda rakakura, rakareba mamita anopfuura 22, uye kuti abve akumbira mvumo yamambo kuti aturike Modhekai pariri. Hamani akafarira zano ravo achibva arayira kuti mumwe munhu arigadzire.—Est. 5:12-14.

12. Nei mambo akaita kuti averengerwe zvinyorwa zveNyika, uye zvakaita kuti azive chii?

12 Usiku hwacho mambo hazvina kumufambira zvakanaka. Bhaibheri rinotiudza kuti “hope dzamambo dzakatiza,” saka akarayira kuti averengerwe zvinyorwa zveNyika. Zvakaverengwa zvaisanganisira paitaura nezveurongwa hwekuuraya Ahashivheroshi. Mambo akayeuka nyaya yacho; vaida kumuuraya vacho vakanga vabatwa vakaurayiwa. Zvisinei, ko murume uya akanga afumura nyaya yacho—Modhekai? Mambo akabva abvunza kuti Modhekai akanga apiwa mubayiro wei. Mhinduro yacho yaiva yokutii? Hapana chaakanga amboitirwa.—Verenga Esteri 6:1-3.

13, 14. (a) Zvinhu zvakatanga sei kuipira Hamani? (b) Hamani akaudzwa kutii nemudzimai wake neshamwari dzake?

13 Achinetseka, mambo akabvunza kuti ndeapi machinda akanga aripo kuti amubatsire kugadzirisa chikanganiso ichi. Pavanhu vose, Hamani ndiye akanga ari mumuzinda wamambo, uye zvinoita sokuti akanga afumira nokuti aida chaizvo kuwana mvumo yekuuraya Modhekai. Asi Hamani asati akumbira zvaaida, mambo akamubvunza zvaifanira kuitirwa murume akanga afarirwa namambo. Hamani akafunga kuti mambo aifunga nezvake. Saka Hamani akaronga kuti munhu wacho akudzwe zvemaoresa: Pfekedzai munhu wacho zvipfeko zvoumambo uye mumwe wemachinda amambo anokudzwa ngaamutenderedze muShushani mose akatasva bhiza ramambo pachake, achishevedzera achimurumbidza kuti vanhu vose vanzwe. Fungidzira zvakaita chiso chaHamani paakaziva kuti munhu aifanira kukudzwa ndiModhekai! Uye ndiani akanzi namambo ashevedzere achirumbidza Modhekai? Hamani!—Est. 6:4-10.

14 Hamani akaita zvaakanga asingafari nazvo uye akabva akurumidza kuenda kumba kwake achishungurudzika. Mudzimai wake neshamwari dzake vakati izvi zvaizoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa; aisazobudirira pakurwisana naModhekai muJudha.—Est. 6:12, 13.

15. (a) Mwoyo murefu waEsteri wakabatsirei? (b) Nei kuri kuchenjera kuti ‘timirire’?

15 Nemhaka yokuti Esteri aiva nemwoyo murefu, paaimirira rimwezve zuva kuti ataure chikumbiro chake kuna mambo, Hamani akapiwa nguva yokuronga zvinhu zvaizoita kuti anyadziswe. Uye hakungavi here kuti Jehovha Mwari ndiye akanga aita kuti mambo atadze kurara? (Zvir. 21:1) Ndokusaka Shoko raMwari richitikurudzira kuti ‘timirire’! (Verenga Mika 7:7.) Patinomirira Mwari, tingaona kuti magadzirisiro aanoita matambudziko edu anopfuura nokure chero zvatingave takaronga.

Akataura Neushingi

16, 17. (a) ‘Nguva yokuti Esteri ataure’ yakakwana rini? (b) Esteri akanga akasiyana sei naVhashti, aimbova mudzimai wamambo?

16 Esteri haana kudazve kuita kuti mambo arambe akamirira; pamabiko ake echipiri, aitofanira kumuudza zvose. Asi aizomuudza sei? Zvakazoitika ndezvokuti mambo akamupa mukana, achimubvunzazve chaaikumbira. (Est. 7:2) ‘Nguva yokuti Esteri ataure’ yakanga yakwana.

17 Tingafungidzira Esteri achinyengetera chinyararire kuna Mwari wake asati ataura mashoko aya: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, regai ndipiwe mweya wangu pane zvandinoteterera nevanhu vangu pane zvandinokumbira.” (Est. 7:3) Ona kuti Esteri akaita kuti mambo ave nechokwadi chokuti iye airemekedza zvinhu zvaionekwa sezvakanaka namambo. Esteri akanga akasiyana chaizvo naVhashti, aimbova mudzimai wamambo, uyo akanga anyadzisa murume wake nemaune! (Est. 1:10-12) Uyezve, Esteri haana kutsoropodza ufuza hwamambo hwokuvimba naHamani. Panzvimbo pezvo, akateterera mambo kuti iye adzivirirwe pangozi yaigona kumuuraya.

18. Esteri akazivisa sei dambudziko racho kuna mambo?

18 Zvechokwadi chikumbiro ichocho chakavhundutsa mambo uye chakamubata-bata. Ndiani aizoshinga kuita kuti mambokadzi wake ave pangozi? Esteri akaenderera achiti: “Tatengeswa, ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe. Zvino kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume uye tive hedu vashandikadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi kutambudzika kwacho hakuna kukodzera kana kuchikuvadza mambo.” (Est. 7:4) Ona kuti Esteri akanyatsobudisa dambudziko racho pachena, asi akawedzera kuti aizoramba akanyarara nezvazvo kudai kuri kuti vakanzi vaizongova varanda. Kunyange zvakadaro, uku kuparadzwa kworudzi kwaizoipira mambo zvikuru zvokuti Esteri aisakwanisa kuramba akanyarara.

19. Tingadzidzei kubva kuna Esteri nezvounyanzvi hwokunyengetedza?

19 Muenzaniso waEsteri unotidzidzisa zvakawanda nezvounyanzvi hwokunyengetedza. Kana uchida kuudza mumwe munhu waunoda kana kuti kunyange munhu ane masimba nezvedambudziko rakakura, zvingabatsira chaizvo kana ukava nemwoyo murefu, ukava noruremekedzo uye ukataura zvinhu sezvazviri.—Zvir. 16:21, 23.

20, 21. (a) Esteri akafumura sei Hamani, zvichiita kuti mambo aite sei? (b) Hamani akaita sei paakafumurwa sembwende yaironga mazano?

20 Ahashivheroshi akabvunza kuti: “Ndiani uyu, uye azvishingisa kuita saizvozvo aripiko?” Fungidzira Esteri achinongedza murume wacho achibva ati: “Munhu wacho, mhandu nomuvengi, ndiHamani uyu akaipa.” Aizoita sei nokupomerwa uku? Hamani akatya zvokutya zviya. Fungidzira mambo achifinyamisa kumeso nehasha paakaziva kuti chipangamazano wake waaivimba naye akanga amunyengera kuti asayine mutemo waizoita kuti mudzimai wake waaida aparadzwe! Mambo akakurumidza kubuda achienda mubindu kuti agadzikane.—Est. 7:5-7.

Esteri akashinga kufumura uipi hwaHamani

21 Hamani paakafumurwa sembwende yaironga mazano, akazvipeta achizvininipisa ari patsoka dzamambokadzi. Mambo paakadzoka mumba akaona Hamani ari pasofa raEsteri achimuteterera, akamupomera nehasha kuti akanga achiedza kubata mambokadzi chibharo mumba mamambo. Kupomerwa ikoko kwaizoita kuti Hamani afe chete. Akabudiswa panze chiso chake chakafukidzwa. Rimwe jinda ramambo rakabva rataura richiudza mambo nezvedanda guru iro Hamani akanga aita kuti rigadzirirwe Modhekai. Ahashivheroshi akabva angorayira kuti Hamani aturikwe padanda iroro.—Est. 7:8-10.

22. Muenzaniso waEsteri ungatidzidzisa sei kuti tisambokanda mapfumo pasi, tisamborasa tariro uye tisamborasa kutenda?

22 Munyika ino isina kururamisira, zviri nyore kufungidzira kuti hatizombofi takaona kururamisira kuchiitwa. Wakambofunga saizvozvo here? Esteri haana kumbokanda mapfumo pasi, haana kumborasa tariro uye haana kumborasa kutenda. Nguva yacho payakasvika, akashinga kutaura zvakanga zvakarurama, uye aivimba kuti Jehovha aizoita chero zvaidiwa. Ngatimutevedzereiwo! Jehovha haana kuchinja kubvira muzuva raEsteri. Achiri kukwanisa kubata vakaipa uye vanoronga mazano nemisungo yavo sezvakangoitika kuna Hamani.—Verenga Pisarema 7:11-16.

Akazvipira Achiitira Jehovha Nevanhu Vake

23. (a) Mambo akapa Modhekai naEsteri mubayiro wei? (b) Uprofita hune chokuita naBhenjamini hwakataurwa naJakobho ava kufa hwakazadzika sei? (Ona bhokisi rakanzi “ Uprofita Hwakazadziswa.”)

23 Mambo akazoziva kuti Modhekai aiva ani—akanga asingori chete munhu akamudzivirira kuti asaurayiwa asiwo kuti aiva baba vokurera vaEsteri. Ahashivheroshi akabva apa Modhekai chinzvimbo chaHamani chokuva mukuru wemakurukota. Mambo akapa Esteri imba yaHamani, kusanganisira pfuma yake yakawanda, uye Esteri akabva aita kuti itarisirwe naModhekai.—Est. 8:1, 2.

24, 25. (a) Nei Esteri aisagona kudekara zvake pashure pokunge zano raHamani rafumurwa? (b) Esteri akaisazve upenyu hwake pangozi sei?

24 Sezvo Esteri naModhekai vakanga vasisiri mungozi yokuurayiwa, mambokadzi aigona zvake kudekara here? Aizodaro kudai aingozvifunga iye chete. Panguva iyoyo, murayiro waHamani wokuuraya vaJudha vose wakanga uri kutumirwa munyika yacho yose. Hamani akanga akanda mijenya, kana kuti Puri—kuita zvemidzimu—kuti aone nguva yakakodzera yokuuraya vaJudha. (Est. 9:24-26) Pakanga pachine mwedzi chaiyo kuti musi wacho usvike, asi mazuva aimhanya. Vaigona here kumisa njodzi yacho?

25 Esteri akazvipira kuisa upenyu hwake pangozi, akamirazve pamberi pamambo asina kushevedzwa. Panguva ino akachema nokuda kwevanhu vake, achiteterera murume wake kuti achinje murayiro wakanga wapiwa. Asi mitemo yaiitwa muzita ramambo wePezhiya yaisagona kuchinjwa. (Dhan. 6:12, 15) Saka mambo akapa Esteri naModhekai simba rokunyora mutemo mutsva. Chiziviso chechipiri chakatumirwa, chichipa vaJudha kodzero yokuzvidzivirira. Vatasvi vemabhiza vakamhanya kwose kwose muumambo hwacho, vachiendesera vaJudha mashoko aya akanaka. Vakawanda vakatangazve kuva netariro. (Est. 8:3-16) Tinogona kufungidzira vaJudha vaiva muumambo ihwohwo vachitora zvombo uye vachigadzirira kurwa, zvavangadai vasina kumbokwanisa kuita pasina mutemo mutsva iwoyo. Zvisinei, chinonyanya kukosha ndechokuti “Jehovha wemauto” aizova nevanhu vake here?—1 Sam. 17:45.

Esteri naModhekai vakatumira zviziviso kuvaJudha vaiva muUmambo hwePezhiya

26, 27. (a) Jehovha akaita kuti vanhu vake vanyatsokunda vavengi vavo zvakadini? (b) Uprofita hupi hwakazadzika nokuparadzwa kwevanakomana vaHamani?

26 Zuva rakasarudzwa parakazosvika, vanhu vaMwari vakanga vagadzirira. Kunyange machinda akawanda ePezhiya zvino akanga ava kuvatsigira, sezvo shoko rakanga rapararira rokuti Modhekai muJudha ndiye akanga ava mukuru wemakurukota. Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo. Akava nechokwadi chokuti vavengi vevanhu vake vakundwa zvokuti vaisazokwanisa kukuvadza vanhu vake zvakare. *Est. 9:1-6.

27 Uyezve, Modhekai aisazosununguka kutarisira imba yaHamani vanakomana gumi vemurume iyeye akaipa vachiri vapenyu. Ivo vakaurayiwawo. (Est. 9:7-10) Saka uprofita hweBhaibheri hwakazadzika, nokuti Mwari akanga agara ataura kuti aizoparadza zvachose vaAmareki, avo vakanga varatidza kuti vaiva vavengi vevanhu vake. (Dheut. 25:17-19) Vanakomana vaHamani vangangodaro vaiva vamwe vokupedzisira parudzi irworwo rwakanga rwanzi naMwari rutsakatiswe.

28, 29. (a) Nei Jehovha aida kuti Esteri nevanhu vake vaite zvehondo? (b) Nei muenzaniso waEsteri uri chikomborero kwatiri mazuva ano?

28 Kunyange zvazvo aiva muduku, Esteri aifanira kutakura mitoro inorema, yakadai sokunyorwa kwemitemo ine chokuita nehondo uye kuuraya. Zvainge zvisiri nyore. Asi Jehovha aida kuti vanhu vake vasaparadzwa; rudzi rwaIsraeri rwaizoita kuti pave naMesiya akavimbiswa, aizoita kuti vanhu vose vave netariro! (Gen. 22:18) Nhasi vashumiri vaMwari vanofara kuziva kuti Mesiya, Jesu, paakauya pasi pano, akarambidza vateveri vake kuti varwisane nevamwe vanhu kubva panguva iyoyo zvichienda mberi.—Mat. 26:52.

29 Kunyange zvakadaro, vaKristu vanorwa hondo yezvokunamata; Satani anoda chaizvo kuparadza kutenda kwedu muna Jehovha Mwari. (Verenga 2 VaKorinde 10:3, 4.) Kuva nemuenzaniso wakaita saEsteri chikomborero chaicho! Kufanana naEsteri, ngatiratidzei kutenda kuburikidza nokushandisa uchenjeri nemwoyo murefu pakunyengetedza, nokuva noushingi uye nechido chokudzivirira vanhu vaMwari.

^ ndima 26 Mambo akabvumira vaJudha kuti vave nerimwe zuva kuti vapedzise kukunda vavengi vavo. (Est. 9:12-14) Kunyange nhasi, vaJudha vanopemberera kukunda ikoko gore negore mumwedzi waAdhari unoenderana nenguva iri pakati pokupera kwaFebruary nokutanga kwaMarch. Mutambo wacho unonzi Purimu, wakapiwa zita kubva pamijenya yakakandwa naHamani achida kuparadza vaIsraeri.