Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake

Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake

1, 2. (a) Ndezvipi zvaizochinja kuna Josefa nemhuri yake? (b) Josefa aifanira kuudza mudzimai wake mashoko api asina kunaka?

JOSEFA anokanda chimwe chitsapo padhongi. Fungidzira achitarisa kuno nekoko muBhetrehema zvakwainge kuine rima uye achibhabhadzira dhongi racho nechepadumbu. Anofanira kunge aifunga nezverwendo rurefu rwokuenda kuIjipiti. Sezvo ikoko kwaizova nevatorwa, mutauro mutsva, uye tsika dzavasingazivi, mhuri yake yaizojairana sei nezvose izvi?

2 Zvaisava nyore kuti audze mudzimai wake Mariya mashoko asina kunaka, asi Josefa akazvishingisa kuti amuudze. Akamuudza nezvekurota kwaakanga aita ngirozi ichimuudza mashoko aya akabva kuna Mwari: Mambo Herodhi akanga achida kuuraya mwanakomana wavo! Vaitofanira kubva vangotiza ipapo. (Verenga Mateu 2:13, 14.) Mariya akanetseka chaizvo. Ndiani aizodawo kuuraya mwana wake asina kana mhosva? Josefa naMariya havana kuzvinzwisisa. Asi vaivimba naJehovha, saka vakagadzirira kuenda kuIjipiti.

3. Rondedzera kusimuka kwakaita Josefa nemhuri yake vachibva muBhetrehema. (Onawo mufananidzo.)

3 Vasingazivi zvainge zvarongwa naHerodhi, vanhu vemuBhetrehema vakanga vakarara zvavo Josefa, Mariya naJesu vachibuda muguta racho huri usiku. Vachifamba vakananga kumaodzanyemba, denga richitanga kuchena kumabvazuva, Josefa angangodaro akanetseka kuti mberi kwaiva nei. Muvezi aiva murombo aizokwanisa sei kudzivirira mhuri yake pana Herodhi naSatani? Aizokwanisa here kugara achiriritira mhuri yake? Aizokwanisa here kuramba achiita basa iri rakaoma raakanga apiwa naJehovha Mwari rokurera mwana uyu ainge akasiyana nevamwe? Josefa akatarisana nematambudziko akaoma chaizvo. Sezvatinokurukura kuti akakwanisa sei kuita basa rake nokutendeka, tichaona kuti nei vanababa vemazuva ano, nesu tose, tichifanira kutevedzera kutenda kwaJosefa.

Josefa Akadzivirira Mhuri Yake

4, 5. (a) Upenyu hwaJosefa hwakachinja sei zvachose? (b) Ngirozi yakakurudzira sei Josefa kuti abvume basa rairema?

4 Mwedzi yakanga yapfuura, paakanga ari mutaundi rokumusha kwake reNazareta, Josefa akaona kuti upenyu hwake hwakachinja zvachose mushure mokunge avimbisana kuroorana nemwanasikana waHeri. Josefa aiziva Mariya semhandara yakatendeka isina chainopomerwa. Asi akabva aziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri! Akafunga zvokumuramba pachivande kuitira kuti asamunyadzisa. * Zvisinei, ngirozi yakataura naye achirota, ichitsanangura kuti mudzimu mutsvene waJehovha ndiwo wakanga waita kuti Mariya ave nepamuviri. Ngirozi yacho yakamuudzawo kuti mwanakomana waaizobereka ‘aizoponesa vanhu vake pazvivi zvavo.’ Ngirozi yacho yakaudzawo Josefa kuti: “Usatya kuenda nomudzimai wako Mariya kumba.”—Mat. 1:18-21.

5 Josefa, murume ainge akarurama uye aiteerera, akaita izvozvo chaizvo. Akabvuma kuita basa rairema zvikuru rokurera nokuriritira mwana akanga asiri wake asi aikosha kwazvo kuna Mwari. Pave paya, achiteerera murayiro wamambo, Josefa akaenda nomudzimai wake aiva nepamuviri kuBhetrehema kunonyoresa. Ikoko ndiko kwakaberekerwa mwana wacho.

6-8. (a) Zviitiko zvipi zvakaita kuti upenyu hwaJosefa nemhuri yake huchinje zvekare? (b) Uchapupu hupi hunoratidza kuti Satani ndiye akatuma nyeredzi yacho? (Onawo mashoko omuzasi.)

6 Josefa haana kuzodzokera nemhuri yake kuNazareta. Pane kudaro, vakagara muBhetrehema, anenge makiromita 10 kubva kuJerusarema. Vaiva varombo, asi Josefa akaita zvose zvaaigona kuti ariritire Mariya naJesu uye vagare vakachengeteka. Pasina nguva vakatanga kugara mumusha wakanga usingashamisiri. Upenyu hwavo hwakaerekana hwachinja zvekare, Jesu paakanga asisiri mucheche asi ava ndumurwa, zvichida ati pfuurei gore.

7 Boka revarume rakasvika, vazivi venyeredzi vokuMabvazuva, vangangodaro vaibva kure kuBhabhironi. Vakanga vatevera nyeredzi kusvika pamba paJosefa naMariya uye vaitsvaka mwana akanga achizova mambo wevaJudha. Varume vacho vaiva noruremekedzo chaizvo.

8 Kunyange vaizviziva kana kuti kwete, vazivi venyeredzi ava vakanga vaisa upenyu hwaJesu pamutanhiko. Nyeredzi yavainge vaona haina kutanga kuvaendesa kuBhetrehema asi kuJerusarema. * Vari ikoko vakaudza Mambo Herodhi ainge akaipa kuti vaitsvaka mwana aizova mambo wevaJudha. Zvavakataura zvakaita kuti Herodhi ashatirwe kwazvo.

9-11. (a) Masimba akakura kupfuura Herodhi kana Satani aishanda munzira dzipi? (b) Rwendo rwokuenda kuIjipiti rwainge rwakasiyana sei nezvinorondedzerwa nengano dzeapokirifa?

9 Zvisinei, zvinofadza kuti paishanda masimba akakura kupfuura Herodhi kana Satani. Sei? Vaeni vacho pavakasvika pamba paigara Jesu vakamuona aina amai vake, vakabudisa zvipo, vasingakumbiri kubhadharwa. Zvinofanira kunge zvakashamisa Josefa naMariya chaizvo kungoerekana vava nezvinhu zvinokosha zvaiti “ndarama nezvinonhuhwirira zvichena nemura.” Vazivi venyeredzi vaida kudzokera voudza Mambo Herodhi kwavakanga vaona mwana wacho. Zvisinei, Jehovha akapindira. Achishandisa chiroto, akarayira vazivi venyeredzi kuti vadzokere kumba neimwe nzira.—Verenga Mateu 2:1-12.

10 Vazivi venyeredzi vachangoenda, Josefa akanyeverwa nengirozi yaJehovha kuti: “Simuka, tora mwana muduku naamai vake utizire kuIjipiti, ugare ikoko kusvikira ndakuudza kuti udzoke; nokuti Herodhi ava kuda kutsvaka mwana muduku kuti amuparadze.” (Mat. 2:13) Saka, sezvataona pakutanga kwechitsauko chino, Josefa akabva angoita zvaakanga audzwa. Akakoshesa upenyu hwemwana wake kupfuura zvose achibva aenda kuIjipiti nemhuri yake. Sezvo vazivi venyeredzi ivavo vechihedheni vakanga vaunza zvipo zvinodhura, Josefa ainge ava nezvinhu zvaizobatsira mhuri yacho parwendo rwacho uye pavaizogara muIjipiti.

Josefa akaita zvose zvaaigona kuti adzivirire mwana wake

11 Pave paya ngano dzeapokirifa dzakaita kuti rwendo rwokuenda kuIjipiti rwuite serwainakidza, dzichitaura kuti Jesu akaita chishamiso chokuita kuti rwendo rwacho rwuite rupfupi, akaita kuti makororo ashaye simba uye akatoita kuti miti yemichindwe ikotame kuti amai vake vatanhe michero yacho. * Chokwadi ndechokuti vaifamba rwendo rurefu uye rwunonetesa vachienda kwavasingazivi.

Josefa akasiya zvinhu zvainge zvakamunakira achiitira mhuri yake

12. Vabereki vari kurera vana munyika ino ine ngozi zvikuru vangadzidzei kuna Josefa?

12 Vabereki vanogona kudzidza zvakawanda kuna Josefa. Akabva angosiya basa rake nezvinhu zvainge zvakamunakira kuitira kuti adzivirire mhuri yake pangozi. Zviri pachena kuti aiona mhuri yake sechipo chinokosha chaibva kuna Jehovha. Mazuva ano vabereki vanorera vana vavo munyika ine ngozi zvikuru, nyika izere nezvinhu zvingaisa vechiduku pangozi, zvingavakanganisa kana kuti zvingatovaurayisa. Zvinoyemurika chaizvo kana vanaamai navanababa vakatevedzera Josefa voita zvose zvavanogona kuti vadzivirire vana vavo kuti vasakanganiswe nezvinhu zvakadaro!

Josefa Akariritira Mhuri Yake

13, 14. Josefa naMariya vakazoguma sei vava kurera mhuri yavo vari kuNazareta?

13 Zvinoita sokuti mhuri yacho haina kugara kuIjipiti kwenguva yakareba nokuti pasina nguva ngirozi yakaudza Josefa kuti Herodhi akanga afa. Josefa akadzokera nemhuri yake kumusha kwake. Humwe uprofita hwekare hwakanga hwafanotaura kuti Jehovha aizoshevedza Mwanakomana wake kuti “abude muIjipiti.” (Mat. 2:15) Josefa akabatsira pakuzadzisa uprofita ihwohwo, asi panguva ino aizoenda kupi nemhuri yake?

14 Josefa aiva munhu akangwarira. Zvaiva nemusoro kuti atye Akerausi uyo akatsiva Herodhi pachigaro nokuti aivawo neutsinye uye ari mhondi. Mwari akatungamirira Josefa kuti akwidze kuchamhembe nemhuri yake, kure neJerusarema nemazano aro ose anokuvadza, achidzokera kumusha kwake kuNazareta muGarireya. Josefa naMariya vakazorera mhuri yavo ikoko.—Verenga Mateu 2:19-23.

15, 16. Basa raJosefa rakanga rakaita sei, uye angangodaro aishandisa maturusi api?

15 Vairarama upenyu husina twakawanda-wanda, asi husiri nyore. Bhaibheri rinotaura nezvaJosefa somuvezi, richishandisa shoko rinosanganisira nzira dzakawanda dzokushanda nemapuranga, dzakadai sekutema matanda, kuakweva uye kuaomesa kuti azoshandiswa pakuvaka dzimba, kugadzira zvikepe, mabhiriji maduku, ngoro, mavhiri, majoko nezvinhu zvakasiyana-siyana zvokushandisa pakurima. (Mat. 13:55) Raiva basa remaoko rakaoma. Muvezi wemunguva inotaurwa muBhaibheri aiwanzoshandira pedyo nemusuo weimba yake kana kuti muimba yaiva padivi peimba yake.

16 Josefa aishandisa maturusi akasiyana-siyana, mamwe aangangodaro akasiyirwa nababa vake. Angangodaro aishandisa sikweya, tambo yokuyeresa, choko, demo, saha, mbezo, sando yesimbi neyemuti, chezero, chibooreso chaaishandisa nokutenderedza uta, marudzi akasiyana-siyana eguruu uye zvichida zvipikiri, kunyange zvazvo zvaidhura chaizvo.

17, 18. (a) Jesu akadzidzei kubva kuna baba vake vekurera? (b) Nei Josefa aitofanira kuwedzera kushanda nesimba pabasa rake?

17 Fungidzira Jesu ari kakomana achiona baba vake vokurera vachishanda. Paaiti ndee achiona zvose zvaiitwa naJosefa, hapana mubvunzo kuti aiyemura simba raiva mumapendekete aJosefa uye mhasuru dzaiva mumaoko ake, unyanzvi hwemaoko ake uye njere dzaaiva nadzo. Zvichida Josefa akatanga kudzidzisa mwanakomana wake achiri muduku kuita mabasa ari nyore akadai sekukwesha mapuranga kuti atsvedzerere achishandisa ganda rehove rakaomeswa. Angangodaro akadzidzisa Jesu kusiyana kwemarudzi emiti yaaishandisa yakadai semitsamvi, mioak kana miorivhi.

Josefa akadzidzisa mwanakomana wake kuti ave muvezi

18 Jesu akadzidzawo kuti, maoko iwayo akasimba aitema miti, kutsemura matanda uye kubatanidza majoini, aivawo maoko aipuruzira nekunyaradza iye, amai vake nevanun’una nehanzvadzi dzake. Mhuri yaJosefa naMariya yakaramba ichikura zvokuti vakaguma vava nevamwe vana vanenge vatanhatu. (Mat. 13:55, 56) Josefa aitofanira kuwedzera kushanda nesimba kuti avariritire vose.

Josefa ainzwisisa kuti kutarisira mhuri yake pane zvokunamata kwainyanya kukosha

19. Josefa akatarisira sei zvaidiwa nemhuri yake pane zvokunamata?

19 Zvisinei, Josefa ainzwisisa kuti kutarisira mhuri yake pane zvokunamata kwainyanya kukosha. Saka aitora nguva yakawanda achidzidzisa vana vake nezvaJehovha Mwari nemitemo Yake. Josefa naMariya vaigara vachienda nevana vavo kusinagogi, kwaiverengwa Mutemo zvinonzwika uye kwawaitsanangurwa. Zvichida Jesu aiva nemibvunzo yakawanda pashure pacho uye Josefa aiita zvose zvaaigona kuti apindure mibvunzo iyo Jesu angangodaro aiva nayo pamusoro paJehovha nemitemo yake. Josefa aiendawo nemhuri yake kumitambo yezvokunamata kuJerusarema. Kuti aende kuPaseka yaiitwa gore negore, Josefa angangodaro aida mavhiki maviri kuti aite rwendo rwemakiromita 120, achengete mutambo wacho, uye adzoke kumba.

Josefa aigara achienda nemhuri yake kunonamata kutemberi yaiva muJerusarema

20. Misoro yemhuri yechiKristu ingatevedzera sei muenzaniso wakaratidzwa naJosefa?

20 Mazuva ano misoro yemhuri yechiKristu inoitawo zvakafanana. Vanozvipira vachiitira vana vavo, vachinyanya kukoshesa kuvadzidzisa zvinhu zvokunamata kupfuura zvinhu zvose, kusanganisira zvinhu zvokurarama nazvo. Vanoita zvose zvavanogona kuti vaitise kunamata kwemhuri pamba uye kuti vaende nevana vavo kumisangano yechiKristu nekumagungano. SaJosefa, vanoziva kuti hapana chimwe chinhu chiri nani chavangagona kuitira vana vavo chinopfuura kuvadzidzisa nezvaJehovha.

“Tichitambudzika Mupfungwa”

21. Panguva yePaseka mhuri yaJosefa yaiita sei, uye Josefa naMariya vakaziva rini kuti Jesu akanga asipo?

21 Jesu paakanga ava nemakore 12, Josefa akaenda nemhuri yake kuJerusarema sezvaaigara achiita. Yaiva nguva yePaseka saka mhuri dzakakura dzaifamba pamwe chete dzakaita midungwe yakareba dzichipfuura nemumasango akasvibirira. Vava kusvika pakakwirira paiva nemiti mishoma pedyo neJerusarema, vakawanda vaitanga kuimba nziyo dzokukwira dzaizivikanwa zvikuru. (Pis. 120-134) Guta racho ringangodaro raiva nemazana ezviuru zvevanhu. Paseka yapera, mhuri dzakawanda dzakatanga kudzokera kumba. Pamwe nemhaka yokuti Josefa naMariya vaiva nezvakawanda zvokuita, vangadaro vakafunga kuti Jesu aifamba nevamwe zvichida hama dzavo. Vapedza zuva rose vachifamba ndipo pavakazokatyamara kuona kuti Jesu akanga asipo!—Ruka 2:41-44.

22, 23. Josefa naMariya vakaitei pavakaona kuti Jesu ainge asipo, uye Mariya akatii pavakazomuwana?

22 Vakaita chipatapata vachidzokera kuJerusarema vachimutsvaka pose pose. Fungidzira vachiona guta racho risisina vanhu sezvavaikwidza nokudzika nemigwagwa yaro vachishevedza Jesu. Mukomana wacho angadaro aiva kupi? Pakazosvika zuva rechitatu rokutsvaka, Josefa akatanga kunetseka here kuti akanga akundikana zvikuru kutarisira chipo chinokosha chakabva kuna Jehovha? Pakupedzisira, vakazoenda kutemberi. Vakatanga kumutsvaka ikoko kusvikira vasvika mune rimwe kamuri hombe mainge makaungana varume vazhinji vakadzidza, vainyatsoziva Mutemo uye Jesu ainge agere pakati pavo. Fungidzira mafariro akaita Josefa naMariya!—Ruka 2:45, 46.

23 Jesu akanga achiteerera varume vakadzidza achivabvunza mibvunzo nechido. Varume vacho vakashamiswa nokunzwisisa kwemwana wacho uye nemhinduro dzake. Zvisinei, Mariya naJosefa vakakangwa mate mukanwa. Pane zvakanyorwa muBhaibheri, Josefa haana zvaanotaura. Asi Mariya akataura manzwiro chaiwo avaiita vose achiti: “Mwana, watiitirei zvakadai? Tarira ini nababa vako tanga tichikutsvaka tichitambudzika mupfungwa.”—Ruka 2:47, 48.

24. Bhaibheri rinorondedzera sei chaizvoizvo zvazvakaita kuva mubereki?

24 Saka nemashoko mashoma, Shoko raMwari rinorondedzera zvazvakaita chaizvo kuva mubereki. Kunogona kutemesa musoro, kunyange mwana wacho ari munhu akakwana! Kurera vana munyika ino ine ngozi kunogona kukonzera ‘kutambudzika mupfungwa,’ asi vabereki vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti Bhaibheri rinobvuma kuti vanosangana nematambudziko.

25, 26. Jesu akapindura sei vabereki vake, uye Josefa angangodaro akanzwa sei nezvemashoko emwanakomana wake?

25 Jesu akanga agara munzvimbo imwe chete yaiva panyika yaiita kuti anzwe ari pedyo chaizvo naBaba vake vokudenga, Jehovha, achidzidza zvinhu zvakawanda sezvaaigona. Akapindura vabereki vake neruremekedzo achiti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”—Ruka 2:49.

26 Josefa anofanira kunge akafunga mashoko iwayo kakawanda. Anofanira kunge akamuita kuti anzwe manyukunyuku nokuti akanga ashanda nesimba kuti adzidzise mwana wake wokurera kuti anzwe saizvozvo pamusoro paJehovha Mwari. Saka panguva iyoyo, Jesu achiri kakomana akanga ava kunyatsoziva zvakaita baba vane rudo, zvikurukuru nemhaka yeukama hwake naJosefa.

27. Sababa, une ropafadzo ipi, uye nei uchifanira kuyeuka muenzaniso waJosefa?

27 Kana uri baba, unoziva here ropafadzo yauinayo yokubatsira vana vako kuti vanzwisise kuti baba vane rudo uye vanodzivirira vakaita sei? Saizvozvowo, kana uine vana vokurera, yeuka muenzaniso waJosefa woona mwana mumwe nemumwe seanokosha usingatarisiri kuti aite zvakafanana nevamwe. Batsira vana ivavo kuti vaswedere pedyo naBaba vavo vokudenga, Jehovha Mwari.—Verenga VaEfeso 6:4.

Josefa Akaramba Achiita Basa Rake Akatendeka

28, 29. (a) Mashoko ari pana Ruka 2:51, 52 anoratidzei nezvaJosefa? (b) Josefa akabatsira sei mwanakomana wake kuti afambire mberi pakuchenjera?

28 Bhaibheri rinongotaura zvishomanana nezveupenyu hwaJosefa, asi zvinokosha kuti tinyatsozviongorora. Tinoverenga kuti Jesu “akaramba achizviisa pasi pavo”—vabereki vake. Tinoonawo kuti “Jesu akaramba achifambira mberi pakuchenjera nokukura mumuviri uye achidiwa naMwari nevanhu.” (Verenga Ruka 2:51, 52.) Mashoko iwayo anoratidzei nezvaJosefa? Zvinhu zvakati kuti. Tinoona kuti Josefa akaramba achitungamirira mhuri yake, nokuti mwanakomana wake ainge akakwana airemekedza chiremera chababa vake uye akaramba achizviisa pasi pacho.

29 Tinodzidzawo kuti Jesu akaramba achikura pakuchenjera. Zviri pachena kuti Josefa akabatsira Jesu kuti afambire mberi pakuchenjera. Mumazuva iwayo, paiva nechirevo chekare chairemekedzwa nevaJudha. Chinogona kuwanikwa uye kuverengwa mazuva ano. Chirevo chacho chinoti vanhu vepamusorosoro ndivo chete vanogona kuva vakachenjera, asi vanhu vakaita sevavezi, varimi uye mhizha “havakwanisi kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye havagoni kupa mutongo; uyewo havafaniri kuwanikwa panotaurwa nyaya dzinoda kududzirwa.” Jesu akazoratidza kuti chirevo ichocho ndechenhema. Achiri mukomana, zviri pachena kuti aigara achinzwa baba vake vokurera, kunyange zvazvo vaiva muvezi aiva murombo, vachinyatsomudzidzisa kuti zvakarurama uye zvakaipa ndezvipi mukuona kwaJehovha! Hapana mubvunzo kuti izvi zvakaitika kakawanda.

30. Josefa akasiyira sei misoro yemhuri muenzaniso mazuva ano?

30 Tinogona kuonawo uchapupu hunoratidza kuti Josefa ane zvaakaita pakukura kwaJesu mumuviri. Semukomana ainyatsoriritirwa, Jesu akakura kuva murume akasimba uye ane utano. Josefa akadzidzisawo mwanakomana wake kuti ave nyanzvi pabasa rake raaiita. Jesu aisangozivikanwa semwana wemuvezi chete asiwo so“muvezi.” (Mako 6:3) Saka kudzidzisa kwaJosefa kwakabudirira. Nokuchenjera misoro yemhuri inotevedzera Josefa, ichiriritira vana vayo kuti vave neutano uye vafare ichiva nechokwadi chokuti vanozogona kuzviriritirawo.

31. (a) Uchapupu hunoratidzei nezvenguva yakafa Josefa? (Batanidza  nebhokisi.) (b) Josefa akatisiyira muenzaniso upi wokuti titevedzere?

31 Patinosvika panguva inotaurwa nezvekubhabhatidzwa kwaJesu ava nemakore anenge 30, tinoona kuti Bhaibheri harina zvarinozotaura nezvaJosefa. Uchapupu hunoratidza kuti Jesu akazotanga ushumiri hwake Mariya atova chirikadzi. (Ona bhokisi rinoti  “Josefa Akafa Rini?”) Asi Josefa akasiya muenzaniso wakanaka wababa vakadzivirira mhuri yavo, vakairiritira uye vakaramba vachiita basa ravo vakatendeka kusvikira pamugumo. Chero baba vapi zvavo, chero musoro wemhuri kana kuti chero muKristu upi zvake anofanira kutevedzera kutenda kwaJosefa.

^ ndima 4 Mumazuva iwayo kuvimbisana kuroorana kwaionekwa zvakada kufanana nokuroorana.

^ ndima 8 Nyeredzi iyi yakanga isiri nyeredzi chaiyo; uyewo yakanga isina kutumwa naMwari. Zviri pachena kuti Satani akashandisa chinhu ichocho chaiita senyeredzi sechikamu cheurongwa hwake hwakaipa hwokuparadza Jesu.

^ ndima 11 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti chishamiso chaJesu chekutanga, “kutanga kwezviratidzo zvake,” chakaitika pashure pekunge abhabhatidzwa.—Joh. 2:1-11.