Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 20

“Ndakatenda”

“Ndakatenda”

1. Rondedzera kushungurudzika kwaMarita uye zvakakukonzera.

MARITA akanga achiri kuona guva rehanzvadzi yake mupfungwa dzake, bako rainge rakavharwa nedombo. Aishungurudzika zvikuru. Zvaimuremera kubvuma kuti hanzvadzi yake yaaida Razaro yanga isisiko. Mumazuva mana kubva zvakafa hanzvadzi yake, Marita ainge akabatikana zvikuru nokuchema uye vanhu vaingoramba vachiuya kuzobata maoko.

2, 3. (a) Kuona Jesu kungangodaro kwakaita kuti Marita anzwe sei? (b) Mashoko anokosha aMarita akaratidzei nezvake?

2 Iye zvino pamberi paMarita pakanga pakamira shamwari yaRazaro yepamwoyo. Kuona Jesu kungangodaro kwakaita kuti Marita awedzere kushungurudzika, nokuti ndiye munhu oga panyika pose aigona kunge akaita kuti hanzvadzi yake isafa. Kunyange zvakadaro, Marita akanyaradzwa nokuva naJesu kuno kunze kwekataundi keBhetani kaiva pachikomo. Panguva shomanana yaaiva naJesu, Marita akanyaradzwa uye akakurudzirwa nemutsa netsitsi zvaiva naJesu. Jesu akamubvunza mibvunzo yakamubatsira kusimbisa kutenda kwake uye zvaaidavira nezverumuko. Kukurukurirana kwacho kwakaita kuti Marita ataure mamwe emashoko anokosha kupfuura ose aakambotaura, achiti: “Ndakatenda kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari, Uya anouya munyika.”—Joh. 11:27.

3 Sezvinoratidzwa nemashoko iwayo, Marita ainge ari mukadzi aiva nekutenda kunoshamisa. Pazvishoma zvinotaurwa neBhaibheri nezvake, tinowana zvidzidzo zvinokosha zvinogona kutibatsira kusimbisa kutenda kwedu. Kuti tione kuti sei zvakadaro, ngationgororei nyaya yokutanga inotaura nezvaMarita muBhaibheri.

‘Kuzvidya Mwoyo Uye Kushushikana’

4. Ndivanaani vaiva vemumhuri maMarita, uye mhuri yacho yaiva neukama hwakaita sei naJesu?

4 Mwedzi yakati kuti zvarondedzerwa pamusoro zvisati zvaitika, Razaro akanga achiri mupenyu uye akagwinya. Jesu Kristu, mueni anonyarikana kupfuura vose vakanga vambovashanyira, akanga ari kuuya kumba kwavo kuBhetani. Razaro, Marita naMariya vainge vari vana vemumhuri imwe chete vakanga vabva zera avo sezviri pachena vaigara pamba pamwe chete. Vamwe vatsvakurudzi vanopa pfungwa yekuti Marita angangodaro aiva mukuru pavatatu vacho, sezvo achiita sekuti ndiye aimira-mira kutarisira vaeni uye dzimwe nguva ndiye anotanga kutaurwa nezvake. (Joh. 11:5) Hapana mazivire atingazviita kuti pautatu hwavo pane akanga akamboroora kana kuroorwa here. Chero zvazvingava, vakava shamwari dzepedyo dzaJesu. Paaiita ushumiri hwake ari kuJudhiya, uko kwaaipikiswa uye kwaaivengwa zvikuru, Jesu aigara kumba kwavanaMarita. Hapana mubvunzo kuti ainakidzwa chaizvo nokugara pamba ipapo paiva nerunyararo uye paaitsigirwa.

5, 6. (a) Nei Marita ainge akanyanya kubatikana pakushanya kwaJesu? (b) Mariya akaitei Jesu paakashanya kumba kwavo?

5 Marita aiva nezvakawanda zvokuita kuti pamba pagare pachitarisika zvakanaka uye pakugamuchira vaeni. Ainge ari mukadzi aibishaira chaizvo uye aigara akabatikana. Ndizvo zvaakaitawo pakushanya kwakaita Jesu. Akabva atanga kugadzirira mueni wake ainyarikana zvokudya zvemhando yepamusoro zvakawanda uye, zvichida, zvevamwe vaifamba naJesu. Kare ikako, kugamuchira vaeni kwaikosha zvikuru. Mueni paaisvika pamba aitsvodwa, obviswa hwashu, tsoka dzake dzogezwa uye musoro wake wozorwa mafuta anonhuhwirira. (Verenga Ruka 7:44-47.) Aifanirawo kupiwa pokurara uye zvokudya zvakanaka.

6 Marita naMariya vainge vakabatikana zvikuru vachigadzirira kushanya kwaJesu. Mariya, uyo dzimwe nguva pauviri hwavo anoonekwa seaiva nehanya zvikuru uye aifungisisa, zvechokwadi akambotanga achibatsira mukoma wake. Asi pashure pokunge Jesu asvika, zvinhu zvakachinja. Jesu akaona kushanya uku senguva yokuti adzidzise uye ndozvaakabva aita! Kusiyana nezvaiitwa nevatungamiriri vechitendero vepanguva yacho, Jesu airemekedza vanhukadzi uye akabva atotanga kuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari, dingindira roushumiri hwake. Mariya, afarira mukana uyu, akagara patsoka dzaJesu ndokunyatsoteerera.

7, 8. Nei Marita akanetseka mumwoyo make, uye akazobudisa sei kuti ainetseka?

7 Tinogona kungofungidzira kunetseka kwaiita Marita mumwoyo make. Nemhaka yezvokudya zvose zvaaifanira kugadzira uye mabasa ose aaifanira kuitira vaeni vake, Marita akatowedzera kuzvidya mwoyo uye kushushikana. Marita akatsamwa here, kutura befu zvinonzwika kana kuti kufinyamisa kumeso paaiona munun’una wake akangoti go asingamubatsiri? Zvaisazoshamisa kana akaita kudaro. Aisagona kuita basa rose iri ari oga!

8 Marita haana kuzogona kuzvidzora. Akadimburira Jesu achiti: “Ishe, hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndiri ndoga kuti ndiite zvinhu izvi? Naizvozvo, muudzei kuti andibatsire.” (Ruka 10:40) Aya aiva mashoko ane simba. Akabva akumbira Jesu kuti atsiure Mariya, amuudze kuti adzoke kuzoita basa.

9, 10. (a) Jesu akapindura sei Marita? (b) Tinoziva sei kuti Jesu ainge asiri kutsiura Marita pamusana pokushanda zvakanyanya kuoma pakugadzira zvokudya zvakanaka?

9 Mhinduro yaJesu ingadaro yakashamisa Marita, sezvayave ichingoitawo vaverengi veBhaibheri vakawanda. Akataura zvinyoronyoro achiti: “Marita, Marita, unozvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji. Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete. Kana ari Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.” (Ruka 10:41, 42) Jesu airevei? Aireva here kuti Marita ainyanya kuda zvinhu zvenyama kupfuura Mwari? Akamutsiura pamusana pokushanda zvakanyanya kuoma here pakugadzira zvokudya zvakanaka?

Kunyange zvazvo ‘aizvidya mwoyo achishushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji,’ Marita akabvuma kutsiurwa achizvininipisa

10 Aiwa. Jesu akanyatsoona kuti vavariro dzaMarita dzainge dzakanaka uye dzichiratidza rudo. Uyezve, Jesu haana kumbofunga kuti kunyange kuratidzwa mutsa mukuru kwainge kwakaipa. Akanga atomboenda ku“mutambo mukuru wokumugamuchira” waakaitirwa naMateu nguva yakanga yapfuura. (Ruka 5:29) Nyaya yakanga isiri pane zvokudya zvaMarita; panzvimbo pezvo, yakanga iri pane zvaaikoshesa. Pfungwa dzaMarita dzainge dzakanyura pane zvokudya zvake zvemaoresa zvokuti akatadza kuona zvinhu zvainyanya kukosha. Zvii zvacho zvaikosha?

Jesu akaonga mutsa waMarita, uye aiziva kuti vavariro dzake dzainge dzakanaka uye dzichiratidza rudo

11, 12. Jesu akatsiura sei Marita zvinyoronyoro?

11 Jesu, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waJehovha Mwari, ainge ari kumba kwavanaMarita kuti adzidzise chokwadi. Hapana chaizokosha kupfuura izvi, kunyange zvokudya zvake zvinonaka uye kuzvigadzira kwaaiita. Hapana mubvunzo kuti Jesu akarwadziwa kuti Marita akanga ari kurasikirwa nemukana waikosha wokudzamisa kutenda kwake, asi akamurega achisarudza zvaaida. * Zvisinei, yakanga yava imwe nyaya kuti Marita akumbire Jesu kumanikidza Mariya kuti naiyewo arasikirwe nemukana wokudzidza kubva kuna Jesu.

12 Saka Jesu akatsiura Marita zvinyoronyoro, achidzokorora zita rake nenzira yaiita kuti asanyanya kunetseka, ndokumuvimbisa kuti aisafanira hake ‘kuzvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji.’ Zvokudya zvisiri zvemaoresa zverudzi rumwe chete kana maviri zvaizova zvakakwana, kunyanya panguva iyi yavaiva nezvokudya zvakawanda zvokunamata. Saka Jesu aisazombotorera Mariya “mugove wakanaka” waakanga asarudza, wokudzidziswa naye!

13. Tingadzidzei kubva pane zvakaudzwa Marita naJesu?

13 Tinogona kudzidza zvakawanda kubva panyaya iyi. Hatimbofaniri kurega chero chinhu chipi zvacho chichinyanya kukosha kupfuura ‘zvinodiwa zvedu zvomudzimu.’ (Mat. 5:3) Kunyange hedu tichifanira kutevedzera rupo uye kubishaira kwaMarita, hatimbodi kufa ‘takazvidya mwoyo uye kushushikana’ nezvinhu zvisinganyanyi kukosha pakugamuchira vaeni zvokuti tinorasikirwa nezvinhu zvinonyanya kukosha. Hatingowadzani nevatinonamata navo kuti tipe kana kupiwa zvokudya zvemaoresa chete, asi zvikurukuru kuti tikurudzirane uye kuti tipanane zvipo zvemudzimu. (Verenga VaRoma 1:11, 12.) Kunyange zvokudya zvisiri zvemaoresa zvingaita kuti nguva yakadaro ikurudzire.

Hanzvadzi Inodiwa Inofa—Uye Inomutswa

14. Nei tingava nechokwadi chokuti Marita akasiya muenzaniso wakanaka pakubvuma kururamiswa?

14 Marita akabvuma here kutsiurwa naJesu zvinyoronyoro ndokudzidza pazviri? Hatifaniri kuita zvokufungidzira. Paanotanga kutaura nyaya inobaya mwoyo yehanzvadzi yaMarita, muapostora Johani anotiyeuchidza kuti: “Zvino Jesu aida Marita nomunun’una wake naRazaro.” (Joh. 11:5) Pakanga papera mwedzi yakati kuti kubva pakushanya kwakaita Jesu kuBhetani kwarondedzerwa kumusoro. Zviri pachena kuti Marita haana kuramba akagumbuka; akanga asiri kuchengetera Jesu mafi pamusana pezano raakamupa nerudo. Akabvuma kutsiurwa kwacho. Panyaya iyi zvekare, akatisiyira muenzaniso wakanaka zvikuru wokutenda, nokuti ndiani wedu asingadi kumboruramiswa dzimwe nguva?

15, 16. (a) Marita akaita sei hanzvadzi yake payakarwara? (b) Nei zvaitarisirwa naMarita naMariya zvakapinda musango?

15 Hanzvadzi yake payakarwara, zvechokwadi Marita akabatikana nokuitarisira. Akaita zvose zvaaigona kuti hanzvadzi yake isaramba ichirwadziwa uye kuibatsira kuti inaye. Kunyange zvakadaro, urwere hwaRazaro hwakaramba huchisimbirira. Nguva yose yaairwara, hanzvadzi dzake dzaigara dziinaye dzichimupepa. Kangani Marita paaitarira chiso chehanzvadzi yake achiona maziso ava mumakomba, achiyeuka nezvemakore akawanda avaiva pamwe chete uye pavaimbofara vose uye kusuwa vose?

16 Pavakaona sokunge kuti Razaro akanga ava kufa, Marita naMariya vakatumira shoko kuna Jesu. Akanga achiparidzira ari kunzvimbo yaida mazuva maviri okufamba kuti munhu asvikeko. Vakangotumira shoko rokuti: “Ishe, onai! uya wamunoda kwazvo ari kurwara.” (Joh. 11:1, 3) Vaiziva kuti Jesu aida hanzvadzi yavo uye vaiva nokutenda kuti aizoita chero zvaaigona kuti abatsire shamwari yake. Vaitarisira kuti Jesu aizosvika zvisati zvanyanya kuipa here? Kana zviri izvo zvavaifunga, zvavaitarisira zvakapinda musango. Razaro akafa.

17. Chii chakaita kuti Marita avhiringidzike, uye akaita sei paakanzwa kuti Jesu ainge ava kusvika mutaundi racho?

17 Marita naMariya vakachema hanzvadzi yavo, vakaronga kumuviga uye vakagamuchira vanhu vazhinji vaiuya vachibva muBhetani nemisha yakapoteredza. Kunyange zvakadaro, hapana kana chavakanzwa nezvaJesu. Marita angangodaro akawedzera kuvhiringidzika sezvo nguva yaifamba. Razaro ava nemazuva mana afa, Marita ndopaakazonzwa kuti Jesu akanga ava kusvika mutaundi racho. Semunhu aigara achimhanya-mhanya, kunyange panguva iyi yaaishungurudzika, Marita akasimuka uye asingaudzi Mariya, akakurumidza kunochingura Jesu.—Verenga Johani 11:18-20.

18, 19. Marita akataura nezvetariro yei, uye nei kutenda kwake kwaishamisa?

18 Marita paakangoona Tenzi wake, akabva angoudza Jesu zvainge zvichishungurudza iye naMariya kwemazuva achiti: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Marita akanga achine kutenda netariro kuti Jesu aigona kuita chimwe chinhu. Akawedzera kuti: “Asi ndinoziva kuti kunyange iye zvino zvinhu zvizhinji zvamunokumbira Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akabva ataura chimwe chinhu kuti asimbise tariro yake achiti: “Hanzvadzi yako ichamuka.”—Joh. 11:21-23.

19 Marita akafunga kuti Jesu aitaura nezvekumutswa kwomunguva yemberi, achibva apindura kuti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Joh. 11:24) Kutenda kwake mudzidziso iyoyo kwaishamisa. Vamwe vatungamiriri vechitendero chechiJudha, vainzi vaSadhusi, vairamba kuti kwaizova nerumuko, kunyange zvazvo yaiva dzidziso yakajeka iri muMagwaro akafuridzirwa. (Dhan. 12:13; Mako 12:18) Zvisinei, Marita aiziva kuti Jesu aidzidzisa nezvetariro yerumuko uye akanga atombomutsa vamwe, kunyange zvazvo pane vakamutswa vacho painge pasina akanga afa kwenguva refu saRazaro. Haana kuziva kuti chii chaizoitika.

20. Tsanangura zvinorehwa nemashoko aJesu asingakanganwiki ari pana Johani 11:25-27 uye zvinorehwa nemhinduro yaMarita.

20 Jesu akabva ataura mashoko asingakanganwiki okuti: “Ndini kumuka noupenyu.” Zvechokwadi Jehovha Mwari akapa Mwanakomana wake simba rokuti munguva yemberi azomutsa vanhu vakafa munyika yose. Jesu akabvunza Marita kuti: “Unotenda izvi here?” Marita akabva apindura nemashoko ataurwa kwatangira chitsauko chino. Aitenda kuti Jesu ndiye Kristu kana kuti Mesiya, kuti aiva Mwanakomana waJehovha Mwari, uye kuti ndiye akanga afanotaurwa nevaprofita kuti aizouya panyika.—Joh. 5:28, 29; verenga Johani 11:25-27.

21, 22. (a) Jesu akabudisa sei manzwiro ake kune vaya vanochema? (b) Rondedzera kumutswa kwaRazaro.

21 Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vanokoshesa kutenda kwakaita sekwaiva naMarita here? Zviitiko zvakazotevera zvinopindura mubvunzo uyu zvakajeka. Akamhanya kunotora munun’una wake. Pashure pacho, Marita akaona kuti Jesu akanga ari kurwadziwa zvikuru sezvaaitaura naMariya nevamwe vakawanda vaaichema navo. Marita akaona maziso aJesu achiyangarara misodzi sezvaainyatsoratidza kushungurudzika zvikuru kwaaiita nemarwadzo anokonzerwa nerufu. Akanzwa Jesu achirayira kuti dombo raiva paguva rehanzvadzi yake ribviswe.—Joh. 11:28-39.

22 Sezvo pakanga papera mazuva mana, Marita uyo aiona zvinhu sezvazviri akaramba achiti mutumbi wacho wakanga wava kunhuwa. Jesu akamuyeuchidza kuti: “Handina kukuudza here kuti kudai waizotenda waizoona kubwinya kwaMwari?” Akatenda uye akaona kubwinya kwaJehovha Mwari. Pakarepo Mwari akabva apa Mwanakomana wake simba rokumutsa Razaro! Funga nezvenguva dzinofanira kunge dzisina kuzombobvira dzakanganwika naMarita kusvikira paakafa: Kurayira kwakaita Jesu kuti, “Razaro, buda!”; karuzha kaiitika muguva mainge makavigwa Razaro sezvaakasimuka ndokunanaira akananga kumuromo webako racho achakapomberwa nemachira akashandiswa pakugadzirira mutumbi wacho; kurayira kwakaita Jesu kuti ‘asunungurwe uye aregwe achienda’; uye zvechokwadi, kumhanya kwakaita Marita naMariya vachimbundira hanzvadzi yavo vasingachabatiki nekufara. (Verenga Johani 11:40-44.) Kushungurudzika kwaiva mumwoyo maMarita kwakabva kwapera!

Kutenda kwaMarita muna Jesu kwakakomborerwa iye naMariya pavakaona hanzvadzi yavo yamutswa

23. Jehovha naJesu vanoda kukuitirei, uye chii chaunofanira kuita?

23 Nhoroondo iyi inoratidza kuti kumutswa kwevakafa haisingori nyaya yokuda kufadzana; idzidziso yeBhaibheri inokurudzira uye nhoroondo yacho yakaonekwa kuti yakanyatsoitika. (Job. 14:14, 15) Jehovha neMwanakomana wake vanoda kupa mubayiro vaya vane kutenda, sezvavakaitira Marita, Mariya naRazaro. Vane mibayiro yakadaro yavakakuchengeterawo kana ukavaka kutenda kwakasimba.

“Marita Akanga Achivashumira”

24. Nhoroondo yeBhaibheri inotipa mashoko api okupedzisira nezvaMarita?

24 Nhoroondo yeBhaibheri inotaurazve nezvaMarita kokupedzisira. Kwaiva kutanga kwevhiki rokupedzisira reupenyu hwaJesu panyika. Achinyatsoziva matambudziko aaizotarisana nawo, Jesu akasarudzazve kuenda kumba kwavanaMarita kuBhetani. Kubva ikoko aizofamba makiromita matatu kuenda kuJerusarema. Vari muBhetani, Jesu naRazaro vakanga vachidya kumba kwaSimoni wemaperembudzi, uye ndipo panopedzisira kutaurwa nezvaMarita achinzi: “Marita akanga achivashumira.”—Joh. 12:2.

25. Nei ungano mazuva ano dzakakomborerwa kuva nevakadzi vakaita saMarita?

25 Marita akagara ari mukadzi anobishaira! Patinotanga kunzwa nezvake muBhaibheri anenge achishanda; patinozopedzisira anenge achiri kushanda, achiita zvose zvaanogona kuti atarisire zvinodiwa zvevaya vaanenge ainavo. Ungano dzevateveri vaKristu mazuva ano dzakakomborerwa kuva nevakadzi vakaita saMarita—vakashinga uye vane rupo, vanogara vachiratidza kutenda kwavo muna Jehovha nokumushandira nesimba uye kubatsira vamwe. Marita akaramba achiita izvozvo here? Zvinoita sokudaro. Kana zvakadaro, akaita nokuchenjera nokuti pane matambudziko aaizofanira kutarisana nawo.

26. Kutenda kwaMarita kwakamubatsira kuti aitei?

26 Mazuva mashomanana aizotevera, Marita aizofanira kutsungirira rufu runotyisa rwaTenzi wake waaida, Jesu. Uyezve, mhondi dzakauraya Jesu dzainge dzakatsunga kuurayawo Razaro, sezvo kumutswa kwaakaitwa kwakasimbisa kutenda kwevakawanda zvikuru. (Verenga Johani 12:9-11.) Uye chokwadi chiripo ndechokuti rufu rwakazoparadzanisa Marita nemunun’una wake nehanzvadzi yake. Hatizivi kuti izvozvo zvakaitika sei uye rini, asi tinogona kuva nechokwadi cheizvi: Kutenda kwaMarita kwakamubatsira kuti atsungirire kusvikira pakupedzisira. Ndokusaka mazuva ano vaKristu vachifanira kutevedzera kutenda kwaMarita.

^ ndima 11 KuvaJudha vemuzana remakore rekutanga, vakadzi vaisanyanya kubatanidzwa mune zvedzidzo. Zvinoita sokuti vainyanya kudzidziswa mabasa epamba. Nokudaro, Marita angangodaro aiona sezvisingatomboiti kuti mukadzi agare patsoka dzenyanzvi yokudzidzisa kuti adzidze.