Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

“Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”

“Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”

1, 2. Zvinhu zvakanga zvakamira sei Samueri paakataura nevanhu veIsraeri, uye nei aifanira kuvaita kuti vapfidze?

SAMUERI akatarisa zviso zvevanhu vekwake. Rudzi rwacho rwakanga rwaungana mutaundi reGirigari, rwashevedzwa nomurume uyu akatendeka akanga ashumira somuprofita uye somutongi kwemakumi emakore. Maiva muna May kana kuti June maererano nekarenda yemazuva ano uye mwaka usiri wemvura wakanga wafamba. Gorosi remuminda yomunharaunda yacho rakanga raoma rava kuda kukohwewa. Boka racho rakanga rakati zii. Samueri aizogona sei kusvika mwoyo yavo?

2 Vanhu vacho vakanga vasinganzwisisi kuti zvinhu zvakanga zvakavaipira zvakadini. Vakaramba vachiomerera pakuti vaida mambo aiva munhu kuti avatonge. Havana kunzwisisa kuti vakanga varatidza kusaremekedza zvikuru Mwari wavo, Jehovha, uye muprofita wake. Chaizvoizvo, vakanga vachiramba kuti Jehovha ave Mambo wavo! Samueri aizogona sei kuvaita kuti vapfidze?

Uduku hwaSamueri hunogona kutidzidzisa zvakawanda nezvokuva nokutenda muna Jehovha pasinei nezvakaipa zvinoitwa nevamwe

3, 4. (a) Nei Samueri akataura nezvouduku hwake? (b) Nei muenzaniso waSamueri wokutenda uchitibatsira mazuva ano?

3 Samueri akataura. Akaudza boka racho kuti: “Ini ndakwegura, ndachena musoro.” Bvudzi rake rakanga rachena rakawedzera uremu kumashoko ake. Akabva ati: “Ini ndakafamba pamberi penyu kubvira ndichiri muduku kusvikira nhasi.” (1 Sam. 11:14, 15; 12:2) Kunyange zvazvo Samueri akanga akwegura, akanga asina kukanganwa uduku hwake. Akanga achiri kunyatsoyeuka mazuva iwayo. Zvisarudzo zvaakanga aita kare ikako, semukomana akanga achikura, zvakanga zvaita kuti ararame upenyu hwokutenda uye hwokuzvipira kuna Mwari wake, Jehovha.

4 Samueri aifanira kuva nokutenda oramba ainako, kunyange zvazvo nguva zhinji ainge aine vanhu vakanga vasina kutenda uye vasina kuvimbika. Mazuva ano, zvakaoma kuva nokutenda zvatinorarama munyika isina kutenda uye ine uori. (Verenga Ruka 18:8.) Ngationei kuti tingadzidzei pamuenzaniso waSamueri, tichitangira pauduku hwake.

‘Kushumira Pamberi paJehovha, Somukomana’

5, 6. Makurire akaita Samueri akanga akasiyana sei neevamwe vana, asi nei vabereki vake vaiva nechokwadi chokuti aizochengetwa?

5 Makurire akaita Samueri akanga akasiyana neevamwe vana. Achangobva kurumurwa, zvimwe aine makore matatu kana kuti anoti pfuurei, akatanga kushumira kweupenyu hwose patebhenekeri tsvene yaJehovha kuShiro, makiromita anodarika 30 kubva kumba kwavo kuRama. Vabereki vake, Erikana naHana, vakapa Jehovha mwanakomana wavo kuti aite basa rinokosha, vachiita kuti ave muNaziri kweupenyu hwake hwose. * Izvi zvinoreva here kuti Samueri akanga araswa, asingachadiwi nevabereki vake?

6 Kwete! Vaiziva kuti mwanakomana wavo aizochengetwa kuShiro. Hapana mubvunzo kuti Mupristi Mukuru Eri ndiye aitarisira zvaiitika, uye Samueri aishanda pamwe chete naye. Kwaivawo nevakadzi vakati kuti vaiita mabasa akasiyana-siyana patebhenekeri, uye zviri pachena kuti vaishanda nenzira yakarongwa.—Eks. 38:8; Vat. 11:34-40.

7, 8. (a) Gore negore, vabereki vaSamueri vaimukurudzira sei norudo? (b) Mazuva ano vabereki vanogona kudzidzei kubva kuvabereki vaSamueri?

7 Uyezve, Hana naErikana havana kumbokanganwa mwanakomana wavo wedangwe wavaida chaizvo, uyo wavakabereka semhinduro yomunyengetero. Hana akanga akumbira Mwari mwanakomana, achivimbisa kupa Mwari mukomana wacho kuti amuitire basa dzvene kweupenyu hwose. Pavaishanya gore negore, Hana aivigira Samueri jasi duku idzva risina maoko raaimugadzirira kuti ashandise pabasa rake repatebhenekeri. Zvechokwadi mukomana wacho aifarira zvikuru kushanya ikoko. Hapana mubvunzo kuti aifarira chaizvo kukurudzirwa uye kurayirwa norudo kwaaiitwa nevabereki vake sezvavaimudzidzisa kuti yaiva ropafadzo yakazokura kushumira Jehovha panzvimbo iyoyo yakasiyana nedzimwe.

8 Mazuva ano vabereki vanogona kudzidza zvakawanda kubva kuna Hana naErikana. Kazhinji vabereki vanowanzofunga nezvokupa vana vavo zvinhu zvokurarama nazvo asi vachifuratira zvinhu zvine chokuita nokunamata. Asi vabereki vaSamueri vaiisa zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga, uye izvozvo zvakabatsira zvikuru mwanakomana wavo kuti asvike paakazova akura.—Verenga Zvirevo 22:6.

9, 10. (a) Rondedzera zvainge zvakaita tebhenekeri uye manzwiro aiita Samueri muduku nezvenzvimbo tsvene iyoyo. (Onawo mashoko omuzasi.) (b) Mabasa aiitwa naSamueri angangodaro aisanganisirei, uye unofunga kuti vechiduku mazuva ano vangatevedzera sei muenzaniso wake?

9 Tinogona kufungidzira mukomana wacho achikura uye achifamba-famba muzvikomo zvakapoteredza Shiro. Zvaaitarira pasi achiona taundi racho uye mupata waiva nechemuzasi kune rimwe divi, mwoyo wake ungangodaro wakazara nomufaro uye nokudada paaiona tebhenekeri yaJehovha. Tebhenekeri iyoyo yaiva nzvimbo tsvene zvechokwadi. * Yainge yavakwa makore anoda kusvika 400 akanga apfuura pasi pokutungamirira kwaMosesi, uye ndiyo yaiva muzinda wokunamata kwakachena kwaiitwa Jehovha munyika yose.

10 Samueri muduku akasvika pakuda tebhenekeri. Munhoroondo yaakazonyora pave paya, tinoverenga kuti: “Samueri akanga achishumira pamberi paJehovha, somukomana, akasunga efodhi yomucheka werineni.” (1 Sam. 2:18) Zviri pachena kuti jasi iroro risina maoko rairatidza kuti Samueri aibatsira vapristi patebhenekeri. Kunyange zvazvo Samueri akanga asiri weboka revapristi, aiva nemabasa aaiita aisanganisira kuvhura masuo echivanze chetebhenekeri mangwanani uye kushumira mukweguru Eri. Kunyange zvazvo aifarira ropafadzo dzepatebhenekeri, nokufamba kwenguva mwoyo wake wainge usina mhosva wakatanga kunetseka. Paimba yaJehovha paiva nechimwe chinhu chainge chisina kutombomira zvakanaka.

Kuramba Akachena Pasinei Nouori Hwevaaigara Navo

11, 12. (a) Hofini naFiniyasi vakaratidza kukanganisa kupi kwakakura? (b) Hofini naFiniyasi vakaita uori uye zvakaipa zvorudzii patebhenekeri? (Onawo mashoko omuzasi.)

11 Achiri muduku, Samueri akaona uipi chaihwo neuori chaihwo. Eri aiva nevanakomana vaviri vainzi Hofini naFiniyasi. Nhoroondo yaSamueri inoti: “Vanakomana vaEri vakanga vari varume pasina; havana kuva nehanya naJehovha.” (1 Sam. 2:12) Pfungwa mbiri dziri mundima ino dzinopindirana. Hofini naFiniyasi “vakanga vari varume pasina”—kureva kuti “vanakomana vasingabatsiri”—nokuti vakanga vasingaremekedzi Jehovha. Vakanyatsofuratira mitemo yake yakarurama uye zvaanoda. Zvimwe zvivi zvose zvavakazoita zvakatangira pakusaremekedza ikoko.

12 Mutemo waMwari waitaura zvakajeka nezvemabasa evapristi uye mapiro avaifanira kuita zvibayiro patebhenekeri yake. Paiva nezvikonzero zvakanaka nei Mutemo wacho waitaura zvakajeka kudaro. Zvibayiro izvozvo zvaimiririra urongwa hwaMwari hwokukanganwira zvivi kuitira kuti vanhu vave vakachena mumaziso ake, vova vakakodzera kukomborerwa uye kutungamirirwa naye. Asi Hofini naFiniyasi vakaita kuti vamwe vapristi vasaremekedza zvinopiwa zvacho. *

13, 14. (a) Nei pasina mubvunzo kuti vanhu vakanga vakatendeka vaikanganiswa nezvinhu zvakaipa zvaiitwa patebhenekeri? (b) Eri akakundikana sei kuita zvaaifanira kuita, sababa uye somupristi mukuru?

13 Fungidzira Samueri muduku achitarisa, achishamisika, sezvo anoona zvakaipa zvaiitika asi zvisingagadziriswi. Vanhu vangani vaakaona—kusanganisira varombo, vakaderera, vanodzvinyirirwa—vachisvika patebhenekeri tsvene iyoyo vachitarisira kunyaradzwa mune zvokunamata uye kusimbiswa, asi vachizongobvapo vaodzwa mwoyo, varwadziswa kana kuti vanyadziswa? Uye akanzwa sei paakaziva kuti Hofini naFiniyasi vakanga vasingateereriwo mitemo yaJehovha panyaya younzenza, sezvo vairara nevamwe vakadzi vaishanda patebhenekeri ipapo? (1 Sam. 2:22) Zvichida Samueri aitarisira nechivimbo kuti Eri ane zvaaizoita nezvazvo.

Samueri anofanira kunge ainetseka zvikuru paaiona zvakaipa zvaiitwa nevanakomana vaEri

14 Eri aiva nesimba rokugadzirisa dambudziko racho rairamba richikura. Zvaaiva mupristi mukuru, raiva basa rake kuona zvaiitika patebhenekeri. Sababa, aiva nomusengwa wokutsiura vanakomana vake. Uyewo, zvavaiita zvaitokuvadza ivo pachavo uye vamwe vose vaiva munyika yacho. Zvisinei, Eri akakundikana kuita zvaaifanira kuita sababa uye somupristi mukuru. Aingotsiura vanakomana vake zvakaneta-neta. (Verenga 1 Samueri 2:23-25.) Asi vanakomana vake vaitoda kutsiurwa zvakasimba. Vaiita zvivi zvaikodzera rufu!

15. Jehovha akatumira mashoko api akasimba kuna Eri, uye mhuri yaEri yakaita sei nenyevero yacho?

15 Zvinhu zvakasvika pakuipa zvikuru zvokuti Jehovha akatuma “munhu waMwari,” muprofita asina kutaurwa nezita, kuna Eri aine mashoko akasimba okutonga. Jehovha akaudza Eri kuti: ‘Unoramba uchikudza vanakomana vako kundipfuura.’ Nokudaro, Mwari akafanotaura kuti vanakomana vaEri vakaipa vaizofa pazuva rimwe chete uye kuti mhuri yaEri yaizotambura zvikuru, kunyange kutorasikirwa neropafadzo yayo yokuva muboka revapristi. Nyevero iyi yakasimba ine zvayakachinja here mumhuri iyoyo? Nhoroondo yacho inoratidza kuti Eri nevanakomana vake havana kuchinja.—1 Sam. 2:27–3:1.

16. (a) Tinoverenga mashoko okutii nezvekufambira mberi kwaSamueri muduku? (b) Unoona mashoko iwayo achinyevenutsa mwoyo here? Tsanangura.

16 Uori hwose uhwu hwakaita sei kuna Samueri? Nguva nenguva munhoroondo iyi isingafadzi, tinowana zvimwe zvinhu zvinofadza, mashoko akanaka nezvokukura uye kufambira mberi kwaSamueri. Yeuka kuti pana 1 Samueri 2:18, tinoverenga kuti Samueri akanga “achishumira [akatendeka] pamberi paJehovha, somukomana.” Kunyange panguva iyoyo youduku, Samueri akaita kuti kushumira Mwari kuve chinhu chikuru muupenyu hwake. Mundima 21 yechitsauko ichocho, tinoverenga chimwe chinhu chinotonyevenutsa mwoyo zvikuru: “Mukomana wacho Samueri akaramba achikura Jehovha ainaye.” Sezvaaikura, ukama hwake naBaba vake vokudenga hwakawedzera kusimba. Ukama hwepedyo zvakadaro naJehovha ndihwo hunodzivirira zvechokwadi pauori chero hupi zvahwo.

17, 18. (a) VaKristu vechiduku vangatevedzera sei muenzaniso waSamueri pavanotarisana nouori? (b) Chii chinoratidza kuti Samueri akasarudza nzira yakarurama?

17 Zvaizodai zvakava nyore kuna Samueri kufunga kuti kana mupristi mukuru nevanakomana vake vaigona kukurirwa nomuedzo wokuita chivi, iye aigonawo kuita chero zvaaida. Asi uori hunoitwa nevamwe, kusanganisira vaya vanotungamirira, hahumbofi hwakava chikonzero chokuti tiite chivi. Mazuva ano, vaKristu vechiduku vakawanda vanotevedzera muenzaniso waSamueri voramba ‘vachikura Jehovha ainavo’—kunyange kana vamwe vakavapoteredza vakakundikana kuratidza muenzaniso wakanaka.

18 Kusarudza kwakaita Samueri kuteerera Jehovha kwakaguma nei? Tinoverenga kuti: “Nguva yose iyi mukomana Samueri akanga achikura uye aidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.” (1 Sam. 2:26) Saka Samueri aidiwa zvikuru nevaya vaiva nemaonero aaikoshesa. Jehovha aida mukomana uyu zvikuru pamusana pokutendeka kwake. Uye Samueri aiziva zvechokwadi kuti Mwari wake aizobvisa uipi hwose hwakanga huchiitwa muShiro, asi zvimwe ainetseka kuti hwaizobviswa rini. Rimwe zuva huri usiku, akazoziva kuti uipi hwevanakomana vaEri hwaizoguma rini.

“Taurai Henyu, Nokuti Mushumiri Wenyu Ari Kuteerera”

19, 20. (a) Rondedzera zvakaitika kuna Samueri patebhenekeri rimwe zuva huri usiku. (b) Samueri akaziva sei kwaibva mashoko acho, uye aibata sei Eri?

19 Kwakanga kwava kuda kuedza asi kuchine rima; rambi guru remutende racho rakanga richiri kubvira. Kuchakati zii, Samueri akanzwa inzwi richishevedza zita rake. Akafunga kuti ndiEri uyo akanga akwegura zvikuru uye asisanyatsooni. Samueri akamuka “akamhanyira” kumukweguru wacho. Unogona here kufungidzira mukomana uyu achimhanya asina shangu kuti anoona kuti Eri aidei? Zvinobaya mwoyo kuona kuti Samueri airemekedza Eri uye aimuratidza mutsa. Pasinei nezvivi zvake zvose, Eri akanga achiri mupristi mukuru waJehovha.—1 Sam. 3:2-5.

20 Samueri akamutsa Eri, achiti: “Ndiri pano, nokuti mandishevedza.” Asi Eri akati akanga asina kumushevedza achibva aita kuti mukomana wacho adzokere kunorara. Izvi zvakaramba zvichingoitika! Pakupedzisira, Eri akazoziva zvakanga zvichiitika. Zvakanga zvisingachanyanyi kuitika kuti Jehovha ave nezvaairatidza vanhu vake kana kuvatumira shoko rouprofita, uye zviri nyore kunzwisisa chikonzero chacho. Asi Eri aiziva kuti Jehovha akanga ava kutaura zvekare—panguva ino kumukomana uyu! Eri akaudza Samueri kuti adzokere kunorara achibva amurayiridza kuti aizopindura sei zvakakodzera. Samueri akateerera. Pasina nguva, akanzwa inzwi richishevedza kuti: “Samueri, Samueri!” Mukomana wacho akapindura achiti: “Taurai henyu, nokuti mushumiri wenyu ari kuteerera.”—1 Sam. 3:1, 5-10.

21. Tingateerera sei Jehovha mazuva ano, uye nei zvichikosha kuti tidaro?

21 Pakupedzisira, Jehovha akazova nemushumiri aiteerera muShiro. Uye kwoupenyu hwake hwose, Samueri akaramba achiteerera Jehovha. Ndizvo zvaunoita here? Hatifaniri hedu kumirira kunzwa inzwi raMwari usiku achitaura nesu. Mazuva ano, zvinoita sokuti tinogara tiine inzwi raMwari. Ririmo muShoko rake rakazara, Bhaibheri. Kana tikaramba tichiteerera Mwari uye kuita zvaanotaura, kutenda kwedu kucharamba kuchikura. Izvozvo ndizvo zvakaitwa naSamueri.

Pasinei nokutya kwaaiita, Samueri akaudza Eri nokutendeka nezvemutongo waJehovha

22, 23. (a) Shoko iro Samueri aitya kutaura pakutanga rakazadzika sei? (b) Mukurumbira waSamueri wakaramba uchikura sei?

22 Usiku ihwohwo muShiro hwaikosha zvikuru muupenyu hwaSamueri, nokuti kubvira ipapo akatanga kuva noukama hunokosha naJehovha, achiva muprofita waMwari uye mutauriri wake. Pakutanga, mukomana wacho aitya kutaurira Eri shoko raJehovha, nokuti raiva shoko rokupedzisira rokuti uprofita hwokutongwa kwemhuri yaEri hwakanga hwava pedyo nokuzadzika. Asi Samueri akataura naEri noushingi—uye Eri akagamuchira mutongo waMwari achizvininipisa. Pasina nguva, zvose zvainge zvataurwa naJehovha zvakazadzika: Israeri akaenda kunorwa nevaFiristiya, Hofini naFiniyasi vakaurayiwa pazuva rimwe chete, uye Eri akabva afa paakangonzwa kuti Areka tsvene yaJehovha yainge yatorwa.—1 Sam. 3:10-18; 4:1-18.

23 Zvisinei, mukurumbira waSamueri semuprofita akatendeka wakangoramba uchikura. Nhoroondo yacho inoti, “Jehovha akava naye,” uye inowedzera kuti Jehovha haana kuita kuti chero chinhu chipi pane zvakaprofitwa naSamueri chikundikane.—Verenga 1 Samueri 3:19.

“Samueri Akashevedzera Kuna Jehovha”

24. Nokufamba kwenguva, vaIsraeri vakaita chisarudzo chipi, uye nei ichocho chaiva chivi chakakura?

24 VaIsraeri vakatevedzera here muenzaniso waSamueri ndokuva vanhu vari pedyo naJehovha uye vakatendeka kwaari? Kwete. Nokufamba kwenguva, vakasarudza kuti vaisada kutongwa nomuprofitawo zvake. Vaida kutongwa namambo aiva munhu sezvainge zvakaita mamwe marudzi. Arayirwa naJehovha, Samueri akaita maererano nezvavaikumbira. Asi aifanira kutaurira vaIsraeri kukura kwainge kwakaita chivi chavo. Vairamba kwete munhuwo zvake, asi Jehovha pachake! Saka akashevedza vanhu vacho kuGirigari.

Samueri akanyengetera nokutenda uye Jehovha akapindura nemvura ine mabhanan’ana

25, 26. Mukweguru Samueri akazobatsira sei vanhu vake kuGirigari kuti vaone kukura kwechivi chavainge vaitira Jehovha?

25 Ngationei zvakazoitika panguva iyoyo yakaoma yaaitaura nevaIsraeri kuGirigari. Ikoko, mukweguru Samueri akayeuchidza vaIsraeri nezvenhoroondo yake yekuramba akaperera. Tinobva taverenga kuti, “Samueri akashevedzera kuna Jehovha.” Akakumbira Jehovha kuti anayise mvura ine mabhanan’ana.—1 Sam. 12:17, 18.

26 Mvura ine mabhanan’ana? Mumwaka usiri wemvura? Chinhu chakadaro chakanga chisati chamboitika! Kana kuri kuti pane vaiita kakuzvidza kana kuti kakusava nechokwadi, izvozvo hazvina kutora nguva refu zvisati zvapera. Denga rakangoerekana rati zvii nemakore. Mhepo yakakanganisa zvikuru gorosi raiva muminda. Mabhanan’ana akatanga kuita ruzha rwaidzivira nzeve. Mvura yakatanga kunaya. Vanhu vakaita sei? “Vanhu . . . vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.” Pakupedzisira, vakaona kukura kwechivi chavainge vaita.—1 Sam. 12:18, 19.

27. Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanotevedzera kutenda kwaSamueri?

27 Mwari wake, Jehovha, ndiye akakwanisa kusvika pamwoyo yevanhu ava vakanga vatsauka, kwete Samueri. Kubva achiri muduku kusvikira akwegura, Samueri akaramba achitenda muna Mwari wake. Uye Jehovha akamukomborera. Nanhasi Jehovha haana kuchinja. Achiri kutsigira vaya vanotevedzera kutenda kwaSamueri.

^ ndima 5 VaNaziri vaiita mhiko yaisanganisira kurega kunwa zvinodhaka uye kusagera bvudzi ravo. Vakawanda vaiita mhiko yakadaro kwenguva pfupi chete, asi vashomanana vakadai saSamsoni, Samueri, naJohani Mubhabhatidzi, vaiva vaNaziri kweupenyu hwose.

^ ndima 9 Tebhenekeri yacho yainge yakareba mamita 13,3 uye yakafara mamita 4,5, zvinoreva kuti yaiva tende guru raiva pafuremu yemapuranga. Zvisinei, yakanga yakagadzirwa nezvinhu zvemhando yepamusorosoro—matehwe emasiri, machira akamendwa zvakanaka, uye mapuranga anodhura akafukidzwa nesirivha nendarama. Tebhenekeri yacho yaiva muchivanze chaiva chakareba mamita 44,5 uye chakafara mamita 22,3, uye chaiva neatari yakanaka kwazvo yokupisira zvibayiro. Zviri pachena kuti pave paya, mamwe makamuri akazovakwa kumativi etebhenekeri kuti vapristi vashandise. Zvinoita sokuti Samueri airara mune rimwe remakamuri akadaro.

^ ndima 12 Nhoroondo yacho inopa mienzaniso miviri yokusaremekedza. Kutanga, Mutemo waitaura zvakajeka kuti inhindi dzipi dzechibayiro dzaifanira kupiwa vapristi kuti vadye. (Dheut. 18:3) Asi patebhenekeri, vapristi vakaipa vakanga vava kuita zvakatosiyana zvikuru. Vaiita kuti vashandi vavo vabaye mugate raibikirwa nyama neziforogo, votora chero nhindi dzakanaka dzavainge vabaya! Uyezve, vanhu pavaiuya nezvibayiro zvavo kuti zvipiswe paatari, vapristi vakaipa vaiita kuti mushandi atyisidzire munhu wacho aipa chinopiwa, vachikumbira nechisimba nyama mbishi kunyange mafuta echibayiro asati apiwa kuna Jehovha.—Revh. 3:3-5; 1 Sam. 2:13-17.