Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”

“Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”

1, 2. (a) Rondedzera rwendo rwaRute naNaomi uye kushungurudzika kwavaiita. (b) Rwendo rwaRute rwainge rwakasiyana papi nerwaNaomi?

RUTE aifamba ari padivi paNaomi mumugwagwa waicheka mapani eMoabhi aiva pakakwirira. Vakanga vava vega musango rakaita ziendanakuenda. Fungidzira Rute achiona kuti zuva rakanga rarereka, achibva atarisa vamwene vake achinetseka kana yakanga yava nguva yokuti vatsvake nzvimbo yokurara. Aida Naomi zvikuru uye aizoita zvose zvaaigona kuti amuriritire.

2 Vose vari vaviri vaishungurudzika zvikuru. Naomi akanga ava nemakore ari chirikadzi, asi aichema kufa kwakanga kuchangobva kuita vanakomana vake vaviri, Kiriyoni naMaroni. Rute aishungurudzikawo. Maroni aiva murume wake. Iye naNaomi vaienda kunzvimbo imwe chete, taundi reBhetrehema raiva muIsraeri. Zvisinei, rwendo rwacho rwaireva zvinhu zvakasiyana kumukadzi mumwe nemumwe. Naomi aienda kumusha kwake. Rute aienda kwaasingazivi, achisiya hama dzake, nyika yake netsika dzayo dzose—kusanganisira vanamwari vayo.—Verenga Rute 1:3-6.

3. Imhinduro dzemibvunzo ipi dzichatibatsira kutevedzera kutenda kwaRute?

3 Chii chaizoita kuti mukadzi wechiduku achinje zvikuru kudaro? Rute aizowana sei simba rekurarama upenyu hutsva uye rokuriritira Naomi? Kana tikaziva mhinduro dzacho, tichawana zvakawanda zvokutevedzera pakutenda kwaRute mukadzi muMoabhi. (Onawo bhokisi rakanzi  “Kabasa Kakaitwa Nounyanzvi.”) Ngatitangei nokuona kuti vakadzi vaviri ivavo vakasvika sei pakuva mumugwagwa murefu iwoyo waienda kuBhetrehema.

Mhuri Yakawirwa Nedambudziko Rakakura

4, 5. (a) Mhuri yaNaomi yakatamirei ichienda kuMoabhi? (b) Naomi akatarisana nemiedzo ipi kuMoabhi?

4 Rute akakurira muMoabhi, kanyika kaiva kumabvazuva kweGungwa Rakafa. Nharaunda yacho yaisanganisira zvikurukuru nzvimbo dzakakwirira dzakati sandarara dzaiva nemiti yakatarangana nemakoronga akadzika. “Nyika yeMoabhi” yaiwanzova nzvimbo yekurima yaiibva, kunyange pakwaiva nenzara muIsraeri. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti Rute atange kuzivana naMaroni nemhuri yake.—Rute 1:1.

5 Nzara yaiva muIsraeri yainge yaita kuti murume waNaomi, Erimereki, aone kuti aifanira kutamisa mudzimai wake nevanakomana vake vaviri kubva munyika yavo kuti vanogara kuMoabhi sevatorwa. Kutama kwacho kunofanira kunge kwakaita kuti kutenda kwemumwe nemumwe wemumhuri yacho kuve pamuedzo, nokuti vaIsraeri vaifanira kugara vachinamatira panzvimbo tsvene yainge yasarudzwa naJehovha. (Dheut. 16:16, 17) Naomi akakwanisa kuchengetedza kutenda kwake kuri kupenyu. Kunyange zvakadaro, akashungurudzika zvikuru murume wake paakafa.—Rute 1:2, 3.

6, 7. (a) Sei Naomi angave akanetseka vanakomana vake pavakaroora vakadzi vaMoabhi? (b) Nei mabatiro aiita Naomi varoora vake achirumbidzwa?

6 Naomi anofanirawo kunge akatambura zvakare vanakomana vake pavakaroora vakadzi vaMoabhi. (Rute 1:4) Aiziva kuti tateguru werudzi rwake, Abrahamu, akanga aita zvinhu zvakakura kuti awanire mwanakomana wake Isaka mudzimai, kubva kuvanhu vekwake, vainamata Jehovha. (Gen. 24:3, 4) Pave paya, Mutemo waMosesi wakanyevera vaIsraeri kuti vanakomana nevanasikana vavo vasaroorane nemamwe marudzi, kuitira kuti vanhu vaMwari vasatsauswa vonamata zvidhori.—Dheut. 7:3, 4.

7 Kunyange zvakadaro, Maroni naKiriyoni vakaroora vakadzi vaMoabhi. Kana Naomi akanetseka kana kuora mwoyo, zviri pachena kuti akaratidza varoora vake, Rute naOpa, mutsa nerudo zvechokwadi. Zvichida aitarisira kuti rimwe zuva ivowo vaizosvika pakunamata Jehovha sezvaaiita. Chero zvazvingava, vose Rute naOpa vaida Naomi zvikuru. Ukama hwakanaka ihwohwo hwakavabatsira pavakawirwa nedambudziko rakakura. Vakadzi vacho vechiduku vakava chirikadzi vasati vatombova nevana.—Rute 1:5.

8. Chii chingadaro chakaita kuti Rute ade Jehovha?

8 Chitendero chaRute chakamuita kuti agadzirire dambudziko rakakura zvakadaro here? Chingangodaro chisina. VaMoabhi vainamata vanamwari vakawanda, mukuru pane vose ari Kemoshi. (Num. 21:29) Zvinoita sekuti chitendero chevaMoabhi chaiitawo utsinye nezvinhu zvinotyisa zvaiitwa nevakawanda panguva idzodzo, kusanganisira kupa vana sezvibayiro. Chero zvakadzidzwa naRute kubva kuna Maroni kana Naomi nezvaMwari waIsraeri ane rudo nengoni, Jehovha, zvechokwadi zvakamuita kuti anyatsoona musiyano mukuru. Jehovha aitonga nerudo, kwete zvokutyisidzira. (Verenga Dheuteronomio 6:5.) Zvichitevera kufirwa kwaakaita, Rute angadaro akatowedzera kuva pedyo naNaomi achiteerera nechido mukadzi uyu akanga ati kurei sezvaaitaura nezvaMwari wemasimbaose, Jehovha, uye mabasa ake anoshamisa nekubata kwaaiita vanhu vake nemutsa nerudo.

Nokuchenjera, Rute akaswedera pedyo naNaomi munguva yokushungurudzika neyokurasikirwa

9-11. (a) Naomi, Rute naOpa vakasarudza kuitei? (b) Tingadzidzei pamatambudziko akawira Naomi, Rute naOpa?

9 Kana ari Naomi, aida chaizvo kunzwa zvaiitika kumusha kwake. Rimwe zuva akanzwa, zvimwe nemutengesi aifamba, kuti nzara yaiva muIsraeri yakanga yapera. Jehovha akanga afunga vanhu vake. Bhetrehema rakanga ravazve “Imba Yechingwa” sezvinorehwa nezita racho. Saka Naomi akasarudza kudzokera kumusha.—Rute 1:6.

10 Rute naOpa vaizoitei? (Rute 1:7) Vakanga vava kuwirirana naNaomi zvikuru sezvo vose vakanga vafirwa nevarume. Zvinoita sekuti zvikurukuru Rute ndiye akafarira mutsa waNaomi nekutenda kwake kwakasimba muna Jehovha. Chirikadzi dzacho nhatu dzakapinda munzira kuenda kuJudha pamwe chete.

11 Nyaya yaRute inotiyeuchidza kuti vanhu vakanaka uye vakatendeseka vanowirwa nematambudziko sezvinongoitawo vanhu vakaipa. (Mup. 9:2, 11) Inoratidzawo kuti patinorasikirwa zvinorwadza zvikuru, kuchenjera kutsvaka kunyaradzwa nevamwe—zvikurukuru vaya vanopotera muna Jehovha, Mwari ainamatwa naNaomi.—Zvir. 17:17.

Rudo Rwakavimbika rwaRute

12, 13. Nei Naomi aida kuti Rute naOpa vadzokere kumisha yavo pane kuti vaende naye, uye vakadzi vacho vechiduku vakaitei pakutanga?

12 Chirikadzi nhatu idzi padzakanga dzafamba daro rakati rebei kubva kuMoabhi, Naomi akatanga kunetseka. Akafunga nezvevakadzi vechiduku vaviri vaaiva navo uye rudo rwavakanga vamuratidza iye nevanakomana vake. Akanetseka kuti angadaro ari kuvaremedza. Kana vaizosiya nyika yavo voenda naye, aizovaitirei kuBhetrehema?

13 Naomi akazoti kwavari: “Endai, dzokerai, mumwe nomumwe kuimba yaamai vake. Jehovha ngaakuitirei mutsa worudo, sezvamakaitira ini uye varume vaya vakafa.” Akataurawo zvairatidza tariro yake yekuti Jehovha aizoita kuti varoorwezve uye vave neupenyu hutsva. Nhoroondo yacho inoti: “Akabva avatsvoda, vakatanga kuchema kwazvo, vakasvimha misodzi.” Zviri nyore kunzwisisa nei Rute naOpa vakanzwa vachida kuva pedyo zvikuru nemukadzi uyu aiva nemutsa uye aisangozvifunga iye. Vose vari vaviri vakaramba vachiti: “Aiwa, asi tichadzokera nemi kuvanhu venyu.”—Rute 1:8-10.

14, 15. (a) Opa akadzokera kuchii? (b) Naomi akaedza sei kunyengetedza Rute kuti amusiye?

14 Kunyange zvakadaro, Naomi haana kubvuma kunyengetedzwa zviri nyore saizvozvo. Akavabatsira zvakasimba kuona kuti hapana zvizhinji zvaaigona kuvaitira kuIsraeri, sezvo akanga asina murume anomuriritira, asina vanakomana vangavaroora, uye asina tarisiro yazvo zvose. Akaratidza kuti kusakwanisa kwake kuvariritira kwaiita kuti ave neshungu kwazvo. Kana ari Opa akanzwisisa zvairehwa naNaomi. Aiva nehama kuMoabhi, naamai uye musha wainge wakamumirira. Zvinoita sokuti zvaiva nemusoro kuramba ari kuMoabhi. Saka, achirwadziwa mumwoyo, akatsvoda Naomi achimuoneka ndokubva adzokera.—Rute 1:11-14.

15 Zvakadini naRute? Zvakataurwa naNaomi zvaishandawo kwaari. Zvisinei, tinoverenga kuti: “Asi Rute akavanamatira.” Zvimwe Naomi akanga atangazve kufamba mumugwagwa paakaona kuti Rute aimutevera. Akamurambidza achiti: “Tarira! Mukadzinyina wako chirikadzi adzokera kuvanhu vake navanamwari vake. Dzokera nomukadzinyina wako chirikadzi.” (Rute 1:15) Zvakataurwa naNaomi zvinobudisa pfungwa inokosha kumuverengi. Opa akanga adzokera kwete kuvanhu vake chete asiwo ku“vanamwari vake.” Aigutsikana nekuramba achinamata Kemoshi nevamwe vanamwari venhema. Rute ainzwawo saizvozvo here?

16-18. (a) Rute akaratidza sei rudo rwakavimbika? (b) Tingadzidzei kubva kuna Rute nezverudo rwakavimbika? (Onawo mifananidzo yevakadzi vacho vaviri.)

16 Sezvaakatarisana naNaomi mumugwagwa iwoyo mavaiva vega, Rute aiva nechokwadi mumwoyo make nezvaakanga asarudza. Aida Naomi uye Mwari aishumirwa naNaomi. Saka Rute akataura kuti: “Musanditeterera kuti ndikusiyei, kuti ndirege kuenda nemi; nokuti kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, pamunorara ndipo pandichararawo. Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwawo. Jehovha ngaandiitire saizvozvo awedzere pazviri kana chimwe chinhu kunze kworufu chikatiparadzanisa.”—Rute 1:16, 17.

“Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo”

17 Mashoko aRute anoshamisa zvokuti kunyange ava nemakore 3 000 afa, vanhu vachiri kuziva zvaakataura. Anonyatsoratidza unhu hunokosha, rudo rwakavimbika. Rudo rwaiva naRute rwakanga rwakasimba uye rwakavimbika zvokuti aizoramba aina Naomi kwose kwaaienda. Rufu chete ndirwo rwaigona kuvaparadzanisa. Vanhu vaNaomi vaizovawo vanhu vake, nokuti Rute ainge akagadzirira kusiya zvose zvaaiziva kuMoabhi—kunyange vanamwari vechiMoabhi. Kusiyana naOpa, Rute aigona kutaura nemwoyo wose kuti aida kuti Mwari waNaomi, Jehovha, avewo Mwari wake. *

18 Saka iye zvino vangova vaviri, vakaenderera mberi nerwendo vachifamba nemugwagwa murefu waienda kuBhetrehema. Zvinofungidzirwa kuti rwendo rwacho rwungangodaro rwakavatorera vhiki. Zvisinei, kutaura zvazviri, mumwe nemumwe wavo aiwana nyaradzo kubva kune mumwe pasinei nekushungurudzika kwavo.

19. Unofunga kuti tingatevedzera sei rudo rwakavimbika rwaRute mumhuri yedu, pakati peshamwari dzedu uye muungano?

19 Vanhu vakawanda vari kushungurudzika munyika mazuva ano. Munguva dzatiri kurarama, dzinonzi neBhaibheri “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tinorasikirwa nezvinhu zvakasiyana-siyana uyewo tinoshungurudzika. (2 Tim. 3:1) Nokudaro, unhu hwatinowana muna Rute hwava kukosha kupfuura kare kose. Rudo rwakavimbika, kureva rudo rwunonamatira pachinhu charwunoda rwusingangochisiyi chichienda—rwunopa simba rokuita zvakanaka munyika ino iri kuwedzera kuipa. Tinorwuda muwanano, tinorwuda mumhuri, tinorwuda pakushamwaridzana, tinorwuda muungano yechiKristu. (Verenga 1 Johani 4:7, 8, 20.) Sezvatinokudziridza rudo rwakadaro, tinenge tichitevedzera muenzaniso wakazonaka waRute.

Rute naNaomi muBhetrehema

20-22. (a) Kugara kwakaita Naomi kuMoabhi kwakamusiya aita sei? (b) Naomi akava nemaonero api asiri iwo nezvekutambura kwake? (Onawo Jakobho 1:13.)

20 Kutaura kuti une rudo rwakavimbika kwakasiyana nekurwuratidza nezvaunoita. Rute aiva nemukana wekuratidza rudo rwake rwakavimbika kwete kuna Naomi chete asiwo kuna Mwari waakasarudza kuti ave wake, Jehovha.

21 Vakadzi vacho vaviri vakazosvika kuBhetrehema, musha waiva anenge makiromita 10 kumaodzanyemba kweJerusarema. Zvinoita sekuti Naomi nemhuri yake vaimbova vanhu vakati kurumbirei mutaundi duku iroro, nokuti munhu wose aitaura nezvekudzoka kwaNaomi. Vakadzi veko vaimuti ndee voti, “Ndiye Naomi here uyu?” Zviri pachena kuti kugara kwaakaita kuMoabhi kwakamusiya achinja zvikuru; chiso chake nechitarisiko chake zvairatidza kuti akanga ava nemakore akawanda achishupika uye achishungurudzika.—Rute 1:19.

22 Naomi akaudza hama dzake idzi nevaimbova vavakidzani vake nezvekushungurudzika kwaaiita. Akatofunga kuti zita rake rokuti Naomi, rinoreva kuti “Mufaro Wangu,” raifanira kuchinjwa kuti ashevedzwe kuti Mara, zvinoreva “Kushungurudzwa.” Chokwadi ainzwisa tsitsi! Sezvakamboita Jobho, Naomi aifunga kuti Jehovha Mwari ndiye akanga aita kuti atambure.—Rute 1:20, 21; Job. 2:10; 13:24-26.

23. Rute akatanga kufunga nezvei, uye Mutemo waMosesi waiva neurongwa hupi hwaibatsira varombo? (Onawo mashoko omuzasi.)

23 Vakadzi vaviri ava zvavakatanga kugara muBhetrehema, Rute akatanga kufunga kuti zvii zvaaizoita kuti azviriritire iye naNaomi. Akaziva kuti Mutemo uyo Jehovha akapa vanhu vake vaIsraeri waisanganisira urongwa hwerudo hwaibatsira varombo. Vaibvumirwa kuenda muminda panguva yekukohwa votevera vakohwi, vachiunganidza zvaisaririra uyewo zvaiva kumucheto kweminda. *Revh. 19:9, 10; Dheut. 24:19-21.

24, 25. Rute akaitei paakapinda mumunda waBhoazi, uye basa rekuunganidza zvaisaririra rainge rakaita sei?

24 Yaiva nguva yekukohwa bhari, munenge muna April maererano nekarenda yedu yemazuva ano, uye Rute akaenda kuminda kunoona kuti ndiani aizomubvumira kushanda pasi peurongwa hwevaiunganidza zvaisaririra. Zvakangoitikawo kuti akapinda mumunda waBhoazi, mupfumi aiva neminda ari hama yemushakabvu Erimereki, murume waNaomi. Kunyange zvazvo Mutemo waimupa kodzero yekuunganidza zvaisaririra, haana kungoti dzawira mutswanda; akakumbira jaya raitarisira vakohwi kuti apiwe mvumo yekuunganidza. Rakamubvumira, uye Rute akabva angotanga kuunganidza.—Rute 1:22–2:3, 7.

25 Fungidzira Rute achitevera vakohwi. Sezvavaicheka bhari nemajeko avo edombo, aichonjomara achinhonga zvavaidonhedza kana kuti zvavaisiya, ozvibatanidza kuita zvisote, obva azvitakura achienda kwaaizozvipurira. Raiva basa raitora nguva, rainetesa, uye raiwedzera kuoma zuva zvaraikwira. Asi Rute akaramba achishanda, achingomira chete kuti apukute ziya pahuma yake uye kuti adye zvokudya zvemasikati “mumba”—ingangodaro yaiva chivako chakaitirwa kuti vashandi vawane mumvuri.

Rute aida chaizvo kuita basa rakaoma, rakaderera kuti azviriritire iye naNaomi

26, 27. Bhoazi aiva munhu akaita sei, uye akabata sei Rute?

26 Rute angadaro aisatarisira kuti aizocherechedzwa, asi ndozvakaitika. Bhoazi akamuona ndokubvunza jaya raiva foromani kuti mukadzi wacho aiva ani. Bhoazi, murume aiva nekutenda akakwazisa vashandi vake achiti: “Jehovha ngaave nemi.” Vamwe vevashandi vacho vangangodaro vaiva vashandi vemaricho kana kuti vekune dzimwe nyika. Ivo vakapindurawo zvimwe chetezvo. Uyu murume ainge ati kurei aida Jehovha akafarira Rute semwana wake.—Rute 2:4-7.

27 Achimushevedza kuti “mwanasikana wangu,” Bhoazi akaudza Rute kuti arambe achiuya kumunda wake kuti aunganidze zvinenge zvasaririra uye kuti arambe ari pedyo nevasikana vake kuti pasava nemushandi wechirume anomunetsa. Akava nechokwadi chekuti awana zvokudya zvemasikati. (Verenga Rute 2:8, 9, 14.) Zvisinei, kupfuura zvose, akamurumbidza uye akamukurudzira. Akazviita sei?

28, 29. (a) Rute aiva nomukurumbira wakadini? (b) Ungavanda sei muna Jehovha sezvakaita Rute?

28 Rute paakabvunza Bhoazi kuti akanga aitei kuti anzwirwe nyasha kudaro iye ari wokune imwe nyika, Bhoazi akapindura kuti akanga anzwa zvose zvaakanga aitira vamwene vake Naomi. Naomi anofanira kunge akarumbidza Rute wake pakati pevakadzi vokuBhetrehema, uye shoko racho rakasvika kuna Bhoazi. Bhoazi akazivawo kuti Rute akanga ava kunamata Jehovha, nokuti akati: “Jehovha ngaakupe mubayiro wezvaunoita, uye ngapave nomubayiro wako wakakwana unobva kuna Jehovha Mwari waIsraeri, ane mapapiro awauya kuzotsvaka kupotera pasi pawo.”—Rute 2:12.

29 Mashoko iwayo anofanira kunge akakurudzira Rute zvikuru! Zvechokwadi, akanga asarudza kuvanda pasi pemapapiro aJehovha Mwari, kufanana nenyana reshiri rinenge rakanyatsovhumbamirwa naamai varo. Akatenda Bhoazi pamusana pokutaura naye zvinokurudzira. Uye akaramba achishanda kusvikira manheru.—Rute 2:13, 17.

30, 31. Tingadzidzei kubva pana Rute nezvemashandiro, kuonga uye rudo rwakavimbika?

30 Kutenda kwakaratidzwa naRute muenzaniso wakazonaka kwatiri tose tiri kutambura munguva dzino dzakaoma mune zvoupfumi. Rute akanga asingafungi kuti vamwe vanofanira kumuitira zvinhu nemhaka yokuti aiva chirikadzi, saka aionga zvose zvaaipiwa. Haana kunyara kushanda zvakaoma kwenguva refu kuti ariritire vamwene vake vaaida, kunyange zvazvo raiva basa rakaderera. Achiratidza kuonga, akabvuma uye akashandisa mazano okuchenjera pamusoro pekuti angashanda sei akachengeteka aine vanhu vakanaka. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti haana kumbofa akanganwa kuti Baba vake, Jehovha Mwari, ndivo vaiva nzvimbo yake yechokwadi yokupotera.

31 Kana tikaratidza rudo rwakavimbika sezvakaitwa naRute totevedzera muenzaniso wake wokuzvininipisa, wokushanda nesimba uye wokuonga, tichaona kuti kutenda kwedu kuchavawo muenzaniso unobatsira vamwe. Zvisinei, Jehovha akatarisira sei Rute naNaomi? Tichakurukura nyaya yacho muchitsauko chinotevera.

^ ndima 17 Zvinokosha kuona kuti Rute haana kungoshandisa zita rekuremekedza rekuti “Mwari,” sezvingadai zvaizoitwa nevakawanda vekune dzimwe nyika; akashandisawo zita raMwari chairo, Jehovha. The Interpreter’s Bible rinoti: “Nokudaro munyori anosimbisa kuti munhu uyu wekune imwe nyika muteveri waMwari wechokwadi.”

^ ndima 23 Waiva mutemo unoshamisa, uye kunenge kuti kuMoabhi kwaisava nemutemo wakadaro. Makarekare kuNear East chirikadzi dzaibatwa zvakaipa. Rimwe bhuku rinoti: “Pashure pekunge murume wayo afa, kazhinji chirikadzi yaitotarisira kuriritirwa nevanakomana vayo; kana yainge isina vanakomana, zvimwe yaitofanira kuzvitengesa muuranda, kuita zvechipfambi, kana kufa.”