Enda pane zvauri kuda

Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinowanzotaura nezvaJesu richiti “Mwanakomana waMwari.” (Johani 1:49) Mashoko ekuti “Mwanakomana waMwari” anoratidza kuti Mwari ndiye Musiki, anopa zvisikwa zvese upenyu, kusanganisira Jesu. (Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11) Bhaibheri haridzidzisi kuti Mwari akabereka Jesu semaberekero anoita vanhu.

 Bhaibheri rinotaurawo nezvengirozi richiti “vanakomana vaMwari.” (Jobho 1:6) Uye rinotiwo Adhamu, aiva “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Asi sezvo Jesu ari iye akatanga kusikwa naMwari, Bhaibheri rinomuti Mwanakomana waMwari wedangwe.

 Jesu akambogara kudenga asati azvarwa panyika here?

 Ehe. Jesu paaiva achiri kudenga asati auya panyika aiva chisikwa chemweya. Jesu pachake akati: “Ndakabva kudenga.”—Johani 6:38; 8:23.

 Mwari akasika Jesu asati ambosika zvimwe zvinhu zvese. Richitaura nezvaJesu, Bhaibheri rinoti:

 Jesu akazadzisa uprofita hunotaura nezvemunhu anonzi “mavambo ake ndeekare kare, ndewemazuva ekare kare.”—Mika 5:2; Mateu 2:4-6.

 Jesu aiitei asati auya panyika?

 Aiva nechinzvimbo chakakwirira kudenga. Jesu akataura nezvazvo paainyengetera paakati: “Baba, ndikudzei . . . nekukudzwa kwandaiva nako parutivi rwenyu nyika isati yavapo.”—Johani 17:5.

 Akabatsira Baba vake kusika zvinhu zvese. Jesu akashanda naMwari ari “mhizha.” (Zvirevo 8:30) Richitaura nezvaJesu, Bhaibheri rinoti: “pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika.”—VaKorose 1:16.

 Mwari akashanda naJesu kusika zvimwe zvisikwa zvese. Zvisikwa izvi zvinosanganisira ngirozi, uye nyika. (Zvakazarurwa 5:11) Tinogona kufananidza kushanda kwaiita Jesu naMwari nekushanda kunoita munhu anodhirowa mapurani nemunhu anovaka. Munhu anodhirowa purani anoratidza zvinenge zvakaita chivako; bhiridha anobva aita kuti zvadhirowewa zvacho zvive chinhu chaicho.

 Akashanda seShoko. Richitaura nezveupenyu hwakararamwa naJesu asati auya panyika, Bhaibheri rinoti Jesu ‘iShoko.’ (Johani 1:1) Izvi zvinoreva kuti Mwari aishandisa Mwanakomana wake kuti ape ngirozi mashoko nekudziudza zvekuita.

 Jesu anofanira kunge akashandawo seMutauriri waMwari achiudza vanhu zvaainge atumwa naMwari. Zvinoratidza sekuti Mwari akashandisa Jesu seShoko kupa Adhamu naEvha mirayiro mumunda weEdheni. (Genesisi 2:16, 17) Jesu anogona kunge aiva iye ngirozi yakatungamirira vaIsraeri murenje uye inzwi ravaifanira kuteerera.—Eksodho 23:20-23. a

a Mwari haana kungoshandisa Jesu pakuudza vanhu zvekuita. Akashandisawo dzimwe ngirozi kuudza vaIsraeri mitemo yake.—Mabasa 7:53; VaGaratiya 3:19; VaHebheru 2:2, 3.