Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Tanga Kushandisa JW Library​—Windows

Tanga Kushandisa JW Library​—Windows

Iyi ndiyo JW Library App. App iyi inobatsira pakuverenga uye pakudzidza Bhaibheri. Kuti uone zviri paApp iyi, unogona kubaya mabhatani ari kumusoro kwescreen. Kuti uvhure maApp Commands, baya bhatani rekurudyi remouse kana kuti tsvaira uchibva kumusoro, nechekuruboshwe kwescreen.

 Home

PaHome panoita kuti ukurumidze kuvhura Bhaibheri uye mabhuku aunonyanya kushandisa. Unogonawo kuona zvinenge zvichangoburwa uye kuverenga rugwaro rwezuva.

 Bible

Pakanzi Bible panoita kuti ugone kuverenga uye kudhaunirodha maBhaibheri akasiyana-siyana. Baya bhuku reBhaibheri, wobva wabaya nhamba yechitsauko kuti utange kuverenga. Paunenge uchiverenga, unogona kuonawo mashoko omuzasi, mareference, uyewo kuti mamwe maBhaibheri anoti kudii.

Kana uchida kuvhura imwe vhesi, baya pakanzi Bible kuti udzoke kune mabhuku eBhaibheri.

 Publications

Pakanzi Publications panobudisa mabhuku, mavhidhiyo nezvimwewo zvekuteerera. Baya bhuku raunoda, wobaya nyaya yacho yauri kuda, wotanga kuverenga. Paunenge uchiverenga, unogonawo kuona mavhesi arimo. Kana ukabaya vhesi mashoko ayo anobva abuda. Kana yabuda, ibaye futi kuti uone chitsauko chacho chose muBhaibheri.

Kana uchida kuvhura rimwe bhuku, baya pakanzi Publications, wozobaya pakanzi By Type kuti udzoke pane mabhuku ese.

 Daily Text

Tarisa nechekumusoro kwescreen, wobaya pakanzi Daily Text kuti uverenge rugwaro rwezuva.

 Online

Nechepasi pescreen, baya pakanzi Online kuti uone mawebsite edu.

 Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda

Ita kuti JW Library yako igare ichiapudhetwa kuti uwane zvinenge zvichangobva kubuda.

Iva neversion inenge yapedzisira kubuda yeWindows. Ona mashoko ari pamalink aya kuti uzive zvimwe:

Kana uchida kuti zvikuitire nyore, unogona kuita on pamaapp updates pafoni kana tablet. Ona zvimwe apa: http://windows.microsoft.com/en-gb/windows-8/automatic-app-updates-help.